RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 pp. 21-23
  • Dzora Mudzimu Wako!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzora Mudzimu Wako!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ronda Nzira Youchenjeri
  • Iva Nomudzimu Wakanyarara
  • Dzivisa Rudado
  • Ita Nounyoro
  • Kudzorerei Mudzimu Wako?
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ndinogona Sei Kudzora Kutsamwa Kwangu?
    Mukai!—1988
  • Kushatirwa Kwakaipa Here Nguva Dzose?
    Mukai!—1994
  • “Munhu Anobvuma Kutsiurwa Ane Njere”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 pp. 21-23

Dzora Mudzimu Wako!

“VANHU vakatsamwa, vanotsoropodza sezvingabvira vanofa nakashanu vari pasi pe 50 kupfuura vanhu vakadzikama navakavimbika, nyanzvi yezvokurapwa kwendangariro yakawana kudaro.” Yakashuma kudaro The New York Times yaJanuary 17, 1989. Dr. Redford B. Williams, purofesa paDuke University Medical Center muDurham, North Carolina, “akavakira kuwana kwake pafundo dzakawanda.” “Mwoyo inovimba inogara kwenguva refu, iye akadaro, nemhaka yokuti yakadzivirirwa pakuvadziko yetsinga dzokuitira hanya,” yakashuma kudaro Times.

Kutsamwa kunogona kukwidza kufamba kweropa, kuparira zvinetso zvokufema, uye kuva nemimwe miuyo yakashata. Kufufutirwa nehasha kunogona kuvhiringidza mitoo yokufunga, uye muuyo wacho kazhinji kazhinji inhambo yokuora mwoyo kwakakomba. Yakaipawo, miuyo yokutsamwa paugwinyi hwomudzimu hwomunhu. Hakushamisi kuti Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Hungu, kwakanaka kudzora mudzimu wako. Asi cherekedza zvimwe zvikonzero zvokuita saizvozvo.

Ronda Nzira Youchenjeri

Ani naani ane ndangariro yakarurama anoda kuita nokuchenjera. Imwe nzira yokuita nayo ikoku kuratidzira kuzvidzora. Muna ikoku, Zvirevo 29:11, (NW) inoti: “Benzi rinobudisa mudzimu waro wose, asi uyo akachenjera anouchengeta wakanyarara kusvikira kwokupedzisira.”

MuBhaibheri shoko rokuti “mudzimu” rinowanzonongedzera kuchimiro chikuru chinosunda munhu kuronda nzira yakati. “Benzi” rinobudisa mudzimu waro wose, nokuti harina simba pauri. Iye anorega hasha dzake dzichiputika asingarangariri miuyo yacho. Mudzimu uri mukati mebenzi ungatanga kumuparira kuva nechitarisiko chokutsamwa. Ipapo mudzimu wake ungazviratidzira umene mukutaura kwamasimba masimba nomuzviito zviri zvoupenzi.

Zvisinei, munhu akachenjera anochengeta mudzimu wake “wakanyarara kusvikira kwokupedzisira.” Iye anoudzora uye anoyera nokungwarira chingaitika kana akatera kuhasha. Kunyange kana aine chikonzero chakanaka chokutsamwa, iye anoziva kuti kuita chiito kamwe kamwe paanenge ari mumugariro iwoyo wokutsamwa wendangariro kungaparira kuvadziko huru. Nokudaro, iye anoshandisa kuzvidzora uye anozvidzora amene pakuratidzirwa kwokusangwarira, kusingadzorwi kwokutsamwa kwake. Iye anotarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero, zvichida achitaura munyengetero wekurumidziro, wechinyararire. Pakupedzisira, nokuda kwefariro dzakanakisisa dzavose vanobatanidzwa, munhu akachenjera anokwanisa kunyaradza hasha dzake uye kurangarira zvakajeka mutsinhirano naMagwaro nokuda kwaMwari. Uyezve, munhu akachenjera anoziva kuti haafaniri kuchengeta hasha nemhaka yokuti ikoko kungamuomesa ndokupinda munzira yokusachenjera yechiito nokuitwa kwechivi.

Munhu akachenjera anoshandisawo zano romuapostora Pauro, rinoti: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; musape Dhiabhorosi nzvimbo.” (VaEfeso 4:26, 27) Kana ukafanira kutsamwa nenzira yakarurama, usachengeta chimiro chokutsamwa, uchirega zuva richinyura uri mumugariro iwoyo. Neiko? Nemhaka yokuti ipapo waizobvumira Satani Dhiabhorosi nzvimbo yokukushandisa, sezvinobvira achikunyengera kuita chimwe chinhu chakaipa nokuwana kusatendera kwaMwari. (Pisarema 37:8, 9) Panzvimbo pezvo, dzora mudzimu wako uye ita chiito nokukurumidza kugadzikisa zvinetso zvingave zvanyandura hasha dzako.—Mateo 18:15-17.

Iva Nomudzimu Wakanyarara

Chimwe chirevo chinoti: “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye [uno mudzimu, NW] wakagadzikana, munhu wenjere.” (Zvirevo 17:27) Munhu ane zivo yeShoko raMwari ‘anodzora kutaura kwake’ uye haaregi mashoko ake achibuda asingadzorwi, nokukurumidza, zvikurukuru paanovhiringidzwa. Achiziva ukama hwake naJehovha nenzvimbo yake yakafanira musangano raMwari, haasati achizorega kutsamwa kukuru kuchimukurira. Panzvimbo pezvo, “munhu wouchenjeri” anovavarira kuramba akanyarara uye akadzikama mumufungo. Nomudzimu wakadaro, iwewo unogona kudzora migariro ingapinza benzi muchivi.

Muna ikoku, tinorava, kuti: “Uno mwoyo murefu une njere kwazvo; asi unokurumidza kutsamwa unowedzera upenzi.” (Zvirevo 14:29) Kuva asingashiviriri pakunyandurwa mumirangariro kunogona kutungamirira kuzviito zvoupenzi. Kuri nani zvikuru sei kurangarira chingagona kubva mukutaura kusingadzorwi kana kuti mufambiro! Akasadaro, munhu angaita nenzira yokusashivirira ndokuita chiri chokusachenjera, nokudaro “achiwedzera upenzi.” Naizvozvo, iva “anononoka kutsamwa,” sezvakaita Mwari, uye uchadzivisa zviito zvokusashivirira nezvokusachenjera.—Eksodho 34:6.

Dzivisa Rudado

Nemhaka yorudado, munhu angava asingarangariri vamwe uye kunyange kuva anokurumidza kushatirwa. Naizvozvo tinorava, kuti: “Munhu wakatsamwa unomutsa kukakavara; munhu une hasha une kudarika kuzhinji.” (Zvirevo 29:22) Kana munhu asingadzori mudzimu wake asi “achitsamwa,” iye anga‘nyandura gakava,’ kunyange pakati peshamwari. Uye munhu “une hasha une kudarika kuzhinji.” Hungu, iye ane chokwadi chokuita chivi—chimwe chinhu icho munhu akachenjera nowoumwari angada kudzivisa.

Usatongokanganwa kuti Jehovha haatenderi rudado nokufufutirwa kwokuzvikudza nehasha. (Zvirevo 16:18) Kuri nani zvikuru kutsvaka betsero yaMwari kuti titsungirire muedzo ndokuita nokuzvininipisa panzvimbo pokutera kuhasha dzorudado kana kuti kufufutirwa nehasha.—Zvirevo 29:23.

Ita Nounyoro

Kuzvininipisa kunodikanwa kana ukatukwa nomumwe munhu ane chiremera. Panguva yakadaro, chii chingava chishuvo chako chokutanga? Zvichida kupindura nokutaura nokukurumidza, kutaura kwakaipa. Asi Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru.” (Muparidzi 10:4) Kuchenjera zvikuru sei kupindura nounyoro! Zvamazvirokwazvo, “mhinduro, apo inenge iri nyoro, inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1, NW) Kunoda kuzvidzora kupindura nounyoro, asi iyi nzira yokuchenjera inopedza zvinetso ndokukudziridza ukama huno rugare.

Kana uri nyajambwa wokutuka kusakafanirwa, kunokarirwa kuti munhu ane chiremera achakubvumira kutsanangura zvinhu. Chokwadika, tsananguro ipi neipi inofanira kuitwa nomudzimu munyoro nekariro yokuti murangariro wakaipa nokudaro ungaruramiswa. Munhu ane chiremera angada kudzora mudzimu wake kubvumidza tsananguro yakadaro, uye ikoku kungaratidza kuti iye ane uchenjeri nesimba.

Kana muKristu ari munzvimbo yechiremera kana kuti kwete, anofanira kuyeuka kuti “munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risino rusvingo.” (Zvirevo 25:28) Munhu asiri munyoro uye asingadzori mudzimu wake haatani kudenhwa nemifungo isina kufanira ingagona kumusunda kuita nenzira dzakaipa. Jesu Kristu, uyo akagadza muenzaniso wakakwana, akanga ari “munyoro naanozvininipisa.” (Mateo 11:29) Uyezve, unyoro chibereko chomudzimu mutsvene waMwari, uyo maKristu anofanira kunyengeterera.—Ruka 11:13; VaGaratia 5:22, 23.

Kudzorerei Mudzimu Wako?

Tinoonga mashoko manyoro, asi kazhinji kazhinji hatizivi chakasunda kufufutirwa nehasha. Chokwadi, munhu anonyengera angatobudirira mukuviga hasha dzake nokutsunga kwake kutsiva mumwe munhu nokuda kwechigumbu chaichoicho kana kuti chinofungidzirwa! Nenzira yokunyengera, angave achimirira nguva yakafanira yokutaura chimwe chinhu chinokuvadza pamusoro pomunhu waakatanga kuvenga. Zvirokwazvo, muKristu haafaniri kubvumira mudzimu iwoyo kutanga maari, nokuti muapostora Johane akanyora, kuti: “Iye uyo unovenga hama yake ari murima uye ari kufamba murima, uye haasati achiziva kwaari kuenda, nemhaka yokuti rima rakapofumadza meso ake.” Johane akatiwo: “Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muurai; munoziva kuti hakuna muurai uno upenyu husingaperi hugere maari.”—1 Johane 2:11, NW; 1Jo 3:15.

Kana rudado, unyengeri, kana kuti rimwe vara ripi neripi risati riri roumwari rikavigwa, unyengeri hwakadaro hahuiti Mwari bedzi. Kunyange kutaura kukuru kana kuti kuratidzwa kwokuzviruramisa hakugoni kuvanza kuna Mwari chiri mumwoyo. Zvirevo 16:2 inoti: “Nzira dzose dzomunhu unoti dzakanaka pakuona kwake; asi Jehovha unoyera [midzimu, NW].” Mwari haatongonyengedzwi.

Nokuda kwegarikano yako umene uye nokuda kwezvimwe zvikonzero zvapaMagwaro zvatakurukura, ipapoka, iva akafanana naJesu navamwe vanhu vakachenjera avo vakadzivisa rudado ndokuita nounyoro. Napaunogona napo pose, dzora mudzimu wako!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe