RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 p. 23
  • Mufambiro Unoshongedza Dzidziso yaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufambiro Unoshongedza Dzidziso yaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Ungano Ngaivakwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuchengeta Tsinhirano Pakati Pavakuru Navabatiri Vanoshumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 p. 23

Mufambiro Unoshongedza Dzidziso yaMwari

Misi ichangobva kupfuura iyi, vatarisiri veimwe kambani yomuCaracas, Venezuela, vakanyora tsamba kuvakuru navabatiri vanoshumira veungano yapedyo yeZvapupu zvaJehovha. Mairi ivo vakanyora, kuti: “Isu takagamuchira nongedzero dzakanaka zvikuru pamusoro pavanhu vomurudzidziso rwenyu pamusoro pepfungwa yavo yomutoro nokutendeseka. Kuri nokuda kweichi chikonzero kuti zvino tinokusvikai. Nemhaka yokushaiwa kwedu kwazvino vashandi, tiri kuda nokukurumidza vanhu vaviri vokuzadza nzvimbo dzinotevera: mumwe kuva muchairi uye mumwe wacho kuva maneja wemba yedu inochengeterwa zvinhu. Tingaonga zvikuru kwazvo mashoko api naapi imi mungagona kugovera pamusoro pomumwe munhu ari muungano yenyu kana kuti ari pedyo. Hatishuvi chaizvoizvo kupinza basa vashandi vasiri Zvapupu. Tapota, tizivisei kunyange kana kusina munhu anowanika, sezvo tichamirira mhinduro yenyu tisati taita chisarudzo chipi nechipi.”

Pashure pokuwana tsamba pasi pesuo reHoro yoUmambo, mumwe wavakuru veungano akashanyira mwene wekambani iri kukurukurwa. Mwene akanga ava nezvokuita neZvapupu zvaJehovha kwamakore 15 uye akayeuka kusava nezvinetso zvakakomba navashandi vake Zvapupu. Iye akanongedzera kwavari savashandi vanokoshesa zvinhu, vane mutoro, vakatendeseka, uye vanoshingaira. Ipapo akawedzera, kuti: “Ndinoziva kuti hamushiviriri vaiti vezvakaipa, uye munovadzinga. Ikoko kunoratidzira kuti ungano yenyu haidi kuva vakutsirani navakadaro.”

Mufambiro wakadaro unoshongedza dzidziso yaMwari. (Tito 2:10) Muuyo wechishuvo chechokwadi chokusanonamatira kunheyo dzetsika dzinooneswa muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe