RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/1 pp. 29-31
  • Ucharamba Uchifamba Muzvokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ucharamba Uchifamba Muzvokwadi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tevera Muenzaniso waJesu
  • Tevedzera Muapostora Pauro
  • Mamirioni Anogadzirira Kurarama muParadhiso
  • Tarisira Utano Hwako Hwomudzimu
  • Uri Kutsungirira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Usarega Munhangemutange Youpenyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Pupurira Jehovha Uye Usaneta
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Ndichafamba Muchokwadi Chenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/1 pp. 29-31

Ucharamba Uchifamba Muzvokwadi Here?

“HANDINA chisakiso chikuru zvikuru chokuonga chinopfuura izvi zvinhu, kuti . . . vana vangu vanopfuurira kufamba muzvokwadi.” (3 Johane 4, NW) Akadaro muapostora Johane nechokumugumo woupenyu hwake hurefu. Tsungiriro yakapfuuridzirwa ya‘vana vake,’ avo iye akanga atanga ku“zvokwadi,” yakamuunzira mufaro mukuru. Jehovhawo anofara apo vanamati vake vanoramba vari muzvokwadi. Anofanira kuva anofadzwa sei nhasi kuona sangano guru, rinosvika mumamirioni, richitevera nzira iyoyo yokuchenjera!—Zvirevo 27:11.

Zvisinei, nepo vanhu vaMwari vose zvavo vakabatanidzwa zvakasimba nezvokwadi, mamwe maKristu mamwe namamwe anoderera kana kuti kunyange kurega kunamata kwechokwadi. Ikoku hakusati kuri kusingakarirwi, sezvo chinhu chimwe chetecho chakaitika muzana rokutanga ramakore. (2 Timotio 4:10; VaHebheru 2:1) Kunyanguvezvo, idi rokuti vamwe vanoderera rinosimbisa kudikanwa kwokuti vose vangwarire umudzimu hwavo vamene. Pauro akakurudzira maKristu ose, kuti: “Rambai muchibvumikisa zvamuri mumene.” (2 VaKorinte 13:5, NW) MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza amene mubvunzo, unoti: ‘Ndinogona sei kuva nechokwadi chokuti ndicharamba ndichifamba muzvokwadi?’

Vamwe vakaderera kana kuti kunyange kurega kufamba muzvokwadi nemhaka yokuti vakaodzwa mwoyo—zvichida nezvinetso zvoutano kana kuti rwisano dzohunhu. Vamwe vakaderera nemhaka yokuti vakatsauswa. Ivo vanoda kufarikanya zvimwe zvezvibereko zvetsika ino yezvinhu ichiripo. Tinogona sei kudzivisa kuderera? Kupindura, ngatirangarirei muenzaniso uyo Jesu akatisiira.

Tevera Muenzaniso waJesu

Jesu akatarisana nemigariro yakaoma yakawanda. Iye aifanira kubata nerwisano dzohunhu pakati pavateveri vake, pamwe chete nokutsungirira ruvengo nokunyomba zvavavengi vake. Iye aifanirawo kudzivisa miedzo yenyika ino. Zvamazvirokwazvo, iye akapiwa pfuma noutanhamari pamwero uyo vashomanene vakamboziva. (Mateo 4:8-11; Johane 6:14, 15) Bva, Jesu akapfuurira kufamba muzvokwadi. Chii chakamubetsera kuita ikoku?

Muapostora Pauro anotiudza apo anonyora, kuti: “Ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yakaiswa pamberi pedu, sezvatinotarisisa Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. Akatsungirira danda rokutambudzira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, achizvidza kunyadziswa, uye akagara kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaHebheru 12:1, 2, NW) Nokuda kwaJesu, kurangarira “mufaro wakaiswa pamberi pake,” tuso huru dzakanga dzakamumirira, kwakamubetsera kuramba achifamba muzvokwadi. Uyu “mufaro wakaiswa pamberi pake” wakapfuura zvinoodza mwoyo zvechinguvana kana kuti zvinotsausa zvaaifanira kutarisana nazvo.

Kurangarira tuso kunogona kutibetsera kutsungirira, sezvakangoita Jesu. (Zvakazarurwa 22:12) Kuenzanisira, funga nezvomufambi anofamba munzira yomugomo yakaoma. Iye anoneta uye anoodzwa mwoyo. Nhano imwe neimwe inhamburiko, uye nzira inoratidzika kuva isingagumi. Ipapo iye anosvika pamusoro pegomo uye anoona kure taundi raari kunanga kwariri. Kamwe kamwe kufamba kunoratidzika kuva kwava nyore zvikuru. Chiono chakajeka chomugumo wake chinomubetsera kukanganwa kuneta kwake. MuKristu nenzira yakafanana achakuwana kuri nyore zvikuru kuramba achifamba muzvokwadi kana iye achichengeta mugumo wake zvakajeka mundangariro.

Tevedzera Muapostora Pauro

Mumwe akatsungirira zvakawanda izvo zvingadai zvakamuodza mwoyo akanga ari muapostora Pauro. Iye aifanira kubata nemisiano nerwisano dzohunhu pakati pehama, pamwe chete nokutsungirira chinetso chakakomba choutano, chitambudzo, nhamo dzomuviri, uye zvinetso kunyange chishoro mukati meungano. (1 VaKorinte 1:10; 2 VaKorinte 10:7-12; 11:21-29; 12:7-10) Neiko Pauro asina kuodzwa mwoyo kusvikira papfundo rokurega? Iye anotsanangura, kuti: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Iye haana kuedza kutakura mitoro yake ari oga. Panzvimbo pezvo, Pauro akatarira kuna Jehovha kuti amusimbise.—Pisarema 55:22.

Manyuko oumwari esimba ayo Pauro aikumbira kuti amubetsere kutsungirira anowanikwawo nhasi. Bhaibheri rinoti: “[Jehovha] vanoziya unovapa simba; unoshaiwa simba unomuwedzera simba rake. Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose; asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isaya 40:29-31) Kana tikatarira kuna Jehovha kuti atipe simba kupfurikidza nefundo yomunhu oga, kupinda misangano, mubato wechiKristu wokushingaira, uye—zvikurukuru—munyengetero, tichakwanisa kutsungirira miedzo nezvinoodza mwoyo zvingamuka panguva nenguva.—Pisarema 1:1-3; VaRoma 10:10; 1 VaTesaronika 5:16, 17; VaHebheru 10:23-25.

Mamirioni Anogadzirira Kurarama muParadhiso

Satani ndiye mwari wetsika ino yezvinhu, umo maKristu ari chaizvoizvo vokumwe chete, vagari vechienzi. (2 VaKorinte 4:4) Nokudaro, hatifaniri kushamiswa kana isu pane dzimwe nguva tichitarisana nezvinoodza mwoyo kana kuti zvinotsausa. Pauro akanyora mubhuku raVaHebheru, kuti: “Isu hatina pano guta rinopfuurira, asi tiri kutsvakisisa richauya.” (VaHebheru 13:14) Tichiyeuka kuti tariro yedu haisi munyika ino yekare asi muiyo ichauya kunotibetserawo kusaderera.

Munzira dzakati, maKristu akafanana navatami vanosiya nyika yavakaberekerwa vachitsvaka upenyu huri nani kune imwe nzvimbo. Kazhinji kazhinji, iyi inhano yakaoma kuita. Inobatanidza kurongedza kana kuti kurasa zvimwe zvezvinhu zvake nokuti sarai zvakanaka kumusha wakarovedzeka, pamwe chete nokushamwari nehama dzokunyama. Kunobatanidzawo kuenda kunyika yechienzi, kugara pakati pavanhu vangasamufarira, uye kudzidza mutauro mutsva nenzira isina kurovedzeka youpenyu. Bva, vazhinji vanoita chinjo yakadaro vachingokarira zvavo kuvandudza mugariro wavo wokunyama munyika ino.

Avo vanotama, sokunge zvakadaro, vachibva mutsika ino yekare yezvinhu ndokuva rutivi rwavanhu vaMwari vanotarisana nedenho dzakafanana. Ivo vanoita gadziridzo dzohunhu kuti vararame mukuwirirana nemipimo yakachena yeShoko raMwari, uye ivo vanodzidza “mutauro wakachena” wezvokwadi. (Zefania 3:9; 1 VaKorinte 6:9-11) Ivo vanoshanda zvakaomawo, kubatira Mambo mukuru woUmambo hwaMwari, Jesu Kristu. Uyezve, muzvinoitika zvakawanda hama dzavo dzokunyama nedzaichimbova shamwari vanovagura, kuitira kuti, chaizvoizvo, vagofanira kuti sarai zvakanaka kwavari.

Asi maKristu ane zvakawanda zvokuwana kupfuura avo vanotama nokuda kwezvikonzero zvemari. Kutanga, ivo vanopinda munzanga inovada neinovatarisira. (Ruka 18:29, 30) Zvinokosha zvikuru, ivo vanopinda muukama hwapedyo naJehovha, Mwari wechisiko chapose pose. Ivo vanowana rugare rwendangariro nechivimbo pamusoro penguva yemberi sezvavanotarira mberi kuzadziko yezvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari. (VaFiripi 4:8, 9) Avo vane nzwisiswo yakafanira yaaya maidi havasati vachizobvumira zvinotsausa kana kuti zvinoodza mwoyo kuvaderedza zvechigarire. Ivo havasati vachizobviswa munzira nhete inotungamirira kuupenyu.—Mateo 7:13, 14; 1 Johane 2:15-17.

Tarisira Utano Hwako Hwomudzimu

Kana tichitarisira utano hwedu hwokunyama pahwaro hwenguva dzose, tine banza riri nani rokudzivisa hosha. Uye kana tikarwara, tinonaya nokukurumidza zvikuru. Nenzira yakafanana, kana tichitarisira utano hwedu hwomudzimu, kuchengeta chiono chakajeka chezvikomborero tinofarikanya zvino neizvo zvakatimirira, uye kana tichidzidza kuvimba nesimba raJehovha panzvimbo peredu timene, tichava vanokwanisa zviri nani kubata zvinetso zvinomuka. Hatigoni kudzivisa chose chose zvinotsausa kana kuti migariro inoodza mwoyo. Asi kana takatarisira zvakafanira utano hwedu hwomudzimu pachine nguva mberi, zvinhu zvakadaro hazvisati zvichizotikurira.

Yeuka, Jehovha anofara apo vanamati vake vanotsungirira. Naizvozvo ngatiunze mufaro kumwoyo wake kupfurikidza nokupfuurira kufamba muzvokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe