Vanhu Vaduku Vanobatira Mwari
IWE unokuwana kuri kwechienzi here kuti vanhu vaduku vakaisvonaka vangapa nguva yavo, pasina mubhadharo upi noupi, kuti vauye kusuo rako kuzotaura pamusoro paMwari? Kunoratidzika kuva kunoshamisa here, muzera rokusatenda kunokura, kuti vana vanokumbanira vabereki vavo mukutaura kuvamwe pamusoro pezvipikirwa zvinoshamisa zveBhaibheri zvenguva yemberi inofadza?a
Muzhinjisa dzeungano dzinopfuura 60 000 dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose, uchawana vanhu vaduku vazhinji. Ivo havasati vachienda kusandisikuru yevhiki nevhiki kana kuti kirasi yekatekisimo. Panzvimbo pezvo, ava vanhu vaduku vanobetserwa uye kunyange kutora rutivi mumisangano yeungano. Vaduku vangapa tsinhiro dzakapfava. Vane makore ari pamberi pavechiduku vanotora rutivi muChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari. Vechiduku vazhinji vanopedza mazororo echikoro vachibetsera vavakidzani kudzidza pamusoro paMwari nezvipikirwa zvake zvinoshamisa zvenguva yemberi.
Hapana chinhu chitsva chaizvoizvo pamusoro pomubato wepwere wakadaro. Bhaibheri rinotaura nezvavarume vaduku navakadzi vakatendeka, pamwe chete nepwere navana vaduku, vakagadza mienzaniso yakatanhamara mukubatira Mwari.
Bhuku reBhaibheri raMapisarema rakadeya kutaura “boka ramajaya,” savanozorodza navazhinji sa“madonhwe edova,” mubasa roumwari. Rakadeya kutaurawo nezva“majaya” uye “mhandara” dzinorumbidza zita raMwari. (Pisarema 110:3, NW; Pis 148:12, 13) Sezvingabvira, vamwe vanhu vaduku vakanga vari pakati paavo vaivapo apo mudzimu mutsvene waMwari wakadururirwa pavatendi paPentekosta 33 N.V. Pazuva iroro vanenge 3 000 vakagamuchira Shoko uye vakabhapatidzwa. Muapostora Petro akati ichi chinoitika chinokatyamadza chakanga chiri zadziko youporofita hwaJoere: “Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita uye majaya enyu achaona zviono uye vatana venyu vacharota zviroto.”—Mabasa 2:4-8, 16, 17, 41, NW.
Mimwe mienzaniso yeBhaibheri yavanhu vakabatira Jehovha Mwari muupwere hwavo inobatanidza Samueri, Mambo akarurama Dhavhidhi, vaporofita veBhaibheri vanosanozivikanwa Jeremia naDhanieri, pamwe chete naTimotio akatendeka. Chinyorwa chino chine nyaya nhatu dzinobata neyakati kuti yeiyi mienzaniso yeBhaibheri. Uchaona munyaya dzacho chikonzero nei pwere, pamwe chete navanhu vakura, vachirangarira zvakakomba kubatira Mwari nechikonzero nei vachipedza nguva yakawanda kwazvo vachibetsera vavakidzani vavo kuita zvimwe chetezvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nzvero ya 1985 yakawana kuti 12 muzana bedzi yavaAmerica vakaberekwa chibviro cha 1946 vakataura kuti vaiva no“kutenda kukuru zvikuru” pazera ramakore 16.