RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 7/1 pp. 14-15
  • “Iyi Imba Ndeyenyu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Iyi Imba Ndeyenyu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Futunuko Yakakurumidza Kwazvo Here?
  • Zvibairo Nokupa Kworupo
  • Zuva Retsauriro
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 7/1 pp. 14-15

“Iyi Imba Ndeyenyu”

“IYI imba ndeyenyu—takawedzera kwairi.” Aya mashoko akapeta nenzira yakakodzera sei mirangariro yaavo vakanga vachangobva kupedza makore maviri ebasa rakaoma pahofisi yebazu yeAustralia yeWatch Tower Society! Mashoko acho akataurwa kuna Jehovha Mwari, uye iwo akanga ari rutivi rworwiyo rwakaumbwa nokuda kwenhambo chaiyo. Nhamboiko? Kutsaurirwa kwewedzero itsva kumusha weBheteri nefekitari.

Futunuko Yakakurumidza Kwazvo Here?

Nenzira inoshamisa, asingasviki makore manomwe pamberi pezvi, tsauriro yakafanana yakanga yaitika nokuda kwechivako cheBheteri chakanga chichangobva kuvakwa panguva iyeyo paIngleburn, kunze kwokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweSydney, Australia. Neiko imwe futunuko yakadikanwa nokukurumidza kwazvo?

Kutanga, chiverengero cheZvapupu muAustralia chakura kubva pavasingasviki 32 000 muna 1981 kusvikira kuchiverengero chapamusoro chavane 51 152 muna October 1989, uye ikoko kwakada wedzero muvashandi vapaBheteri. Muwedzero, kwakanga kune wedzero inoshamisa muchitsama chamabhuku ayo Australia yakatumira kumamwe mapazu. Panguva ino, Australia inobudisa zvinyorwa mumitauro 37 yakasiana-siana kubatira zvinodikanwa zveFiji, Indonesia, Papua New Guinea, New Caledonia, New Zealand, Solomon Islands, Tahiti, Vanuatu, Niue, Western Samoa, Tonga, Tuvalu, uye Wallis Islands, pamwe chete neAustralia. Nokudaro, mhuri yeBheteri yakura nokukurumidza kusvikira kumitezo 164.

Kuwanira pokugara iyi mhuri inokura, pakuvamba muna 1987 wedzero yehofisi itsva ine nhurikidzwa nhatu yakapedzwa, ichigovera nzvimbo yehofisi yokuwedzera yaidikanwa zvikuru. Tevere, Mutumbi Unodzora wakakutendera kuvakwa kwekudziridzwo yefekitari ine nhurikidzwa nhatu newedzero yokugara ine nhurikidzwa shanu. Muna January 1988 basa rakavamba pawedzero itsva yefekitari, iyo yaizogovera mamwe mamita akaenzana pamativi mana ane 3 600 enzvimbo youriri. Mwedzi mishomanene gare gare, basa rakavamba pawedzero yechivako chokugara, iyo yaizogovera mamwe makamuri okurara 51.

Zvibairo Nokupa Kworupo

Kokero dzakatumirwa kuungano munyika yose dzokudana vazvipiri vaigona kuva rutivi rwe“mhuri yokuvaka” nokuda kwamakore anosvika kumaviri. Mhinduro yakanga ichifadza, uye vazvipiri vomumabasa ose vakapindura nokudisa. Mafomu ekumbiriso akaparadzana anopfuura 700 akagamuchirwa, uye munhambo yokuvaka, hwerengedzo yavazvipiri 270 yakauya uye vakashanda pagadziriro yacho kwenhambo dzinovambira pamavhiki maviri kusvikira kuanodosvika makore maviri.

Chapupu chimwe chaiva nebhizimisi rokuchera munyika yokuchamhembe yeQueensland. Iye akatengesa rutivi rwebhizimisi rake, uye iye nomudzimai wake vakava rutivi rwemhuri inovaka kuvambira pamavambo ayo. Iye akatenga chokucheresa chihombe ndokuita zhinjisa rebasa riri madikanwa rokuchera pasina mutengo kuSosaiti. Apo kuchera kukuru kwakapedzwa, akatengesa muchina wacho uye ipapo akapfuurira kugara kuti ashande mudzimwe nharaunda dzokuvaka. Uyu unongova muenzaniso mumwe chete womudzimu wakaisvonaka, usina udyire wakaratidzwa navose mugadziriro yacho yose.

Zvapupu zvakapa kushandiswa kwamarori anodira kongiri kudira mamita ana makubiti 3 300 ekongiri aidikanwa nokuda kwouriri husere muzvivako zviviri. Zvimwe zvakapa zvinhu zvaidikanwa nokuda kwamatangi emvura ekongiri matatu amarita 22 000, uye Zvapupu zvaishanda pafekitari zvakapa basa razvo kuvaka matangi.

Vakanga vasiri vazvipiri vose vaiva nyanzvi, chokwadi. Zvamazvirokwazvo, majaya akawanda akadzidza unyanzvi hutsva panzvimbo pacho chaipo. Vanoverengeka vakava vavaki nyanzvi sezvo vaibetsera kuisa zvidhina zvine hafu yemirioni zvaidikanwa nokuda kwegadziriro yacho. Vamwe vakadzidza kuisa mataera apamadziro nouriri, uye mumavhiki mashomanene chete, imwe hanzvadzi yakava nyanzvi zvikuru pakuisa mapepa omumadziro.

Zuva Retsauriro

Zuva retsauriro, Chitanhatu, November 25, 1989, rakabuda rakajeka uye richipisa—zuva rakaisvonaka, romukupera kwechirimo. Mwero wechipiri wewedzero itsva yefekitari wakanga wacheneswa kuumba horo huru yepurogiramu yetsauriro. Terevhizheni yakabatanidza mativi ohumwe huriri huviri hwefekitari nouriri hwenzvimbo yokutumira mabhuku, horo yeBheteri, uye kamuri rokudyira reBheteri. Ikoku kwakabvumira kugara mukati kwakanaka nokuda kwavanopfuura 3 000.

Nemhaka yokuti nzvimbo yakanga yakaganhurirwa, avo bedzi vakabhapatidzwa kwaanenge makore 40 vakakokwa kupinda, pamwe chete navashanyi vomunhu oga veBheteri nemhuri dzinovaka. Donhodzo raiwanika mukati mamangwanani, uye bhokisi rezvokudya zvamasikati zvinonaka rakagoverwa pamasikati makuru. Pa 9:00 a.m., musangano wegore negore weWatchtower Society yeAustralia wakaitwa, uye mitezo yose 21 yesangano reAustralia yakapinda. Pashure pokunge udzame hwapamutemo huri madikanwa hwatarisirwa, vamwe vakakokwa kupinda mumusangano, uye vose vakafadzwa nokunzwa hurukuro yakurukurwa naTheodore Jaracz woMutumbi Unodzora.

Pa 1:45 p.m., maminiti 15 enziyo dzoUmambo akasuma purogiramu yetsauriro. Vateereri vakafara kunzwa mishumo, nhau pfupi dzinofadza, zvinoitika, uye tsinhiro dzakaitwa nemitezo mitatu yoMutumbi Unodzora yaivapo. Waivava, Carey Barber naDaniel Sydlik vakanga vachiita shanyo yavo yokutanga munyika iri pasi. Hama Barber akataura pamusoro unoti “Kucheka Ndiko Mugumo Wezera,” apo Hama Sydlik akatarisira musoro unoti “Vanofara Ndivo Vanhu Vana Mwari Ari Jehovha.” Hama Jaracz, uyo akanga achibatira bazu reAustralia somutariri wedzinyika, akakurukura hurukuro yetsauriro.

Rutivi runofadza rwepurogiramu rwakanga rwuri kuimbwa kworwiyo rwemitsetse mina pamberi chaipo pehurukuro yetsauriro. Rwakavakirwa pamashoko aIsaya ari pana Isaya 60:22, musoro worwiyo waiva wokuti “Muduku Anova Chiuru.” Mumashoko acho kuonga kwakataurwa kuna Jehovha kwokuti vazvipiri vanodisa vakawanda vakanga varopafadzwa kuwedzera ku‘imba yake’ murutivi runo rwomunda wenyika yose.

[Mifananidzo iri papeji 15]

Wedzero itsva yemba yokutsikirira yeWatch Tower paIngleburn, N.S.W., Australia

C. Barber

T. Jaracz

D. Sydlik

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe