Zviono Zvomunyika Yakapikirwa
Joridhani Yaungave Usingazivi
KUDUDZWA kumene kwoRwizi rwaJoridhani kungakuyeuchidza zviono zvakarovedzeka: VaIsraeri pasi paJoshua vachiyambuka gova rarwo pedyo neJeriko; Naamani anoshamba kanomwe mumvura dzarwo kuti aporeswe maperembudzi; vaJudha vazhinji, uye ipapo Jesu, vachiuya kuzobhapatidzwa imomo naJohane.—Joshua 3:5-17; 2 Madzimambo 5:10-14; Mateo 3:3-5, 13.
Sezviri pachena, izvi zvinoitika zvose zvakakurumbira zvakaitika murutivi rurefu norunozivikanwa zvikurusa rwaJoridhani, chikamu chiri kumaodzanyemba kweGungwa reGarirea uye kupfuurira kusvikira kuGungwa Rakafa. Asi vadzidzi vanoshingaira veShoko raMwari vangafuratira imwe nharaunda yaJoridhani—chikamu chokuchamhembe kworwizi nenharaunda yacho yakapoteredza. Cherechedza mapu.a Nharaunda yakaderera iri pakati rutivi rweGreat Rift Valley, kuganhuka kwamatombo kunobva kuSyria kusvika kuAfrica.
Manyuko makuru matatu oRwizi rwaJoridhani ihova dzinobva musinou inonyunguruka paGomo reHermoni refu. Rukova ruri kumabvazuva zvikurusa (peji 17, pamusoro) rinobva mumawere eraimu pedyo nomujinga megomo. Imomu ndimo Kesaria Firipi yaiva; yeuka kuti Jesu akashanyira ikoko nokukurumidza asati ashandurwa chitarisiko pa“gomo refu.” (Mateo 16:13–17:2) Rumwe rukova runobva muchikomo pakanga pakavakirwa guta raDan, umo vaIsraeri voumambo hwokuchamhembe vakamisa mhuru yendarama. (Vatongi 18:27-31; 1 Madzimambo 12:25-30) Rukova rwechitatu runokumbanirana neidzi mbiri kuumba Rwizi rweJoridhani, urwo runowira panopfuura mamita 300 muanenge makiromita 11.
Ipapo mupata unoti sandara muHula Basin, kuchiparira mvura dzaJoridhani kupararira, kuchiparira nharaunda yakafara, ina madhaka. Munguva dzakare yakawanda mvura yaiungana mudziva risina kudzama inozivikanwa seLake Hula (kana kuti Huleh). Asi Lake Hula haisati ichasiripozve nemhaka yokuti munguva dzazvino uno kumusoro kwaJoridhani kwakatwasudzwa, migero yakawedzerwa kubvisa mvura munharaunda ina madhaka, uye panobuda napo nyanza pakadzamiswa. Nokudaro, kana ukatarira pamapu yenharaunda ndokuona, kumusoro kweGungwa reGarirea, nyanza (Hula), uchaziva kuti mepu ndeyenharaunda dzomunguva dzakare, kwete yenzira yauchaiwana nayo nhasi.
Kana ukashanya, kunyanguvezvo, uchawana nzvimbo yezvomusikirwo iyo inogona kukupa pfungwa yokuti nharaunda yacho yaitarisika sei mumazuva eBhaibheri, apo yakanga iri musha kumarudzi chaiwo emiti, zvakadai samasango anopepereka enhokwe netsanga.—Jobho 8:11.
Nharaunda yacho yakanga iri musha kumhatsa inochinja nguva dzose yeshiri. Vanakondo, zvimudo, hukurwizi, njiva, uye dzimwe shiri dzakanga dzakawanda, murutivi nemhaka yokuti madhaka nenyanza zvakaumba nzvimbo yokuzorora yakaisvonaka iri pakati peEurope neAfrica. (Dheuteronomio 14:18; Pisarema 102:6; Jeremia 8:7) Zvimwe zvisikwa zvakafanira kunharaunda yacho zvaizova zvinooneka zvishoma, asi kuvapo kwazvo kwakaita kuti kugura Hula Basin kuve kusingafadzi. Izvozvi sezvingabvira zvakabatanidza shumba, mvuu, bere, uye nguruve yomusango. (Jobho 40:15-24; Jeremia 49:19; 50:44; Habhakuki 1:8) Mukati medzimwe nhambo mararia inoparirwa noumhutu yakanga yakapararira, sezviri pachena imwe yefivhiri dzinodudzwa muBhaibheri.
Nenzira inonzwisisika, vose vari vaviri vafambi vamwe navamwe namapoka makuru avafambi ainzvenga nharaunda iyi ina madhaka. Naizvozvo vaigona kuyambukira kupi Rwizi rwaJoridhani mumupata uri kuchamhembe kweGungwa reGarirea?
Pedyo zvikuru neGungwa reGarirea pakanga pane mabwe ebasalt akabuda; uku kuumbwa kwakafanana nedhamu kwakanga kuri chikonzero nei mvura yaidzoka ndokuumba Lake Hula. Unogona kuona rutivi rwokubuda papeji 16. Sezvo Joridhani achidzika namo kumaodzanyemba kusvikira kuGungwa reGarirea (rinooneka kudaro), anofamba nokukurumidza zvokuti mvura chena inovapo. Nenzira yakajeka, vafambi vekare vangadai vakakuwana kune ngozi kuburuka vachipinda mumanimani wakadzika ndokuyambuka mvura dzinomhanya dzaJoridhani.
Pakati penharaunda ina madhaka yeHula Basin nomumanimani pakanga pane nzvimbo pfupi, yakati sandara apo mvura yaiyerera chinyararire. Pano vafambi vekare vaigona kuyambuka rwizi zvakakotsekana, uye rwakava rutivi rwenzira huru yokufamba nomuNyika Yakapikirwa. Zvino pane bhiriji paiyi nzvimbo, iyo ichiri nzvimbo huru yokuyambuka nayo Joridhani.
Hula Basin nhasi inharaunda yokurima yakaorera; munotova namadziva ehove. Kwose ikoku kunobvira nemhaka yemvura dzakawanda dzinoyerera dzichidzika murutivi urwu rwoRwizi rwaJoridhani.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa nemapu huru nomufananidzo mu 1990 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.
[Mepu iri papeji 17]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Hula
Gungwa reGarirea
[Kwazvakatorwa]
Based on a map copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 17]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
Animal photos: Safari-Zoo of Ramat-Gan, Tel Aviv