RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 6/15 pp. 5-6
  • Chengeteko Yapasi Rose—Seiko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeteko Yapasi Rose—Seiko?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chifundo Mukutonga kwaSoromoni
  • Mumwe Munhu Mukuru Zvikuru Kupfuura Soromoni
  • Zvakadiniko Nezvezvinodikanwa Zvedu Zvazvino?
  • Ndiani Anganunura Vaya Vari Kuchemera Kubatsirwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Soromoni Anotonga Nouchenjeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 6/15 pp. 5-6

Chengeteko Yapasi Rose—Seiko?

FUNGIDZIRA kurarama papasi risina ngozi nokushaiwa. Izvozvo ndizvo zvinoreva chengeteko yapasi rose. Chinongovawo zvacho chiroto here?

Aiwa. Rangarira mazuva aMambo wekare Soromoni. Pamusoro pokutonga kwake kwokuchenjera, Bhaibheri rinoti: “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, . . . mazuva ose aSoromoni.”—1 Madzimambo 4:25.

Chifundo Mukutonga kwaSoromoni

Nhauro dzechienzi dzeBhaibheri, dzakafanana neiri pamusoro apa, dzinofuratirwa navatsoropodzi sekatutsiro. Nokudaro, mumwe munhu angabvunza, kuti: ‘Ndinogona sei kuva nechokwadi chokuti kutonga kwaSoromoni hakusati kuchingova zvako ngano?’ Ufakazi husina kunanga hwavacheri vamatongo hunopiwa pashure penyaya ino. Chokwadika, ufakazi hwakanakisisa hwouchokwadi hwokutonga kwaSoromoni ndohwokuti kunoshumwa muShoko risingakanganisi raMwari mupenyu, Jehovha.—Johane 17:17; 1 Petro 1:24, 25.

Chakavanzika chechengeteko yakafarikanywa mukutonga kwaSoromoni chaiva mukushandisa mitemo yakarurama yaJehovha. VaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mwari akanga ati: ‘Kana mukapfuurira kufamba mumirairo yangu nokuchengeta mitemo yangu, zvamazvirokwazvo nyika ichapa zvibereko zvayo. Uye imi zvamazvirokwazvo muchagara muchengeteko munyika yenyu. Uye ndichaisa rugare munyika, uye zvamazvirokwazvo muchavata pasi, pasina munhu anokuvhundutsai.’—Revhitiko 26:3-6.

Nenzira inosuruvarisa, pashure porufu rwaSoromoni vaIsraeri vakarega kuteerera Jehovha; ivo vakatendeukira kukunamata zvidhori nokunamata vatano kune tsvina. Somuuyo, ivo vakarasikirwa nechengeteko yavo, uye nyika yakavhozhokerwa naFarao Shishaki weEgipita. (1 Madzimambo 14:21-26) “Makandirasha, saka ndakakuregaiwo paruoko rwaShishaki,” Jehovha akatsanangura kudaro kugungano ravatongi muJerusarema.—2 Makoronike 12:5.

Mumwe Munhu Mukuru Zvikuru Kupfuura Soromoni

Jesu Kristu akasimbisa zvokwadi yenhau pamusoro paSoromoni uye “mbiri yake yose.” (Mateo 6:29) Asi nezvake amene, Jesu akati: “Tarirai! chimwe chinhu chinopfuura Soromoni chiri pano.” (Mateo 12:42, NW) Akareveiko? Chengeteko yakafarikanywa mukutonga kwaSoromoni yakanga yakaganhurirwa. Mambo iyeyo wohunhu aisagona kusunungura vadzorwi vake muchirwere, chivi, uye rufu. Jesu, zvisinei, akadzidzisa vanhu vanotadza kuti vangagona sei kuwana upenyu hwakakwana muchengeteko isingaperi.—Johane 10:10; 13:34, 35; 17:3.

Hwaro hwokuwana chengeteko yakakwana yakadaro hwakavanzarikwa norufu rwaJesu norumuko. (Johane 3:16; 1 VaKorinte 15:20) Ari kurudyi rwaMwari mudenga, iye achakurumidza kuunza chengeteko yapasi rose kuvose vanozviisa pasi pokutonga kwake. Mambo Dhavhidhi wekare akafuridzirwa kunyora pamusoro paikoku muPisarema redetembedzo rechi Pis 72. Aya mashoko akava nezadziko isina kukwana mukati mokutonga kwomwanakomana waDhavhidhi, nokudaro mashoko aro anorondedzera, “Pamusoro paSoromoni.” Bva, zadziko huru ine chokuita nokutonga kwoUmambo hwaSoromoni Mukuru zvikuru, Jesu Kristu.

Mukuwirirana nePisarema 72:7, 8, chengeteko ichafarikanywa mukutonga kwaKristu ichava zvose zviri zviviri yapasi pose neisingaperi. “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. Uchabata ushe kubva pagungwa, nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.”—Enzanisa naZekaria 9:9, 10.

Vadzorwi vokutonga kwaKristu vachafarikanya rusununguko pakushaiwa, nokuti Pisarema 72:16 rinotipikira, kuti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” Nenzira yomuzvarirwo, kuchavawo norusununguko parusaruro, dzvinyiriro, uye masimba masimba. “Nokuti ucharwira mushaiwi kana achidanidzira; nomurombo usino mubatsiri. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12, 14.

Somunguva yaMambo Soromoni, hwaro hwechengeteko yakadaro yapasi rose huchava kushandiswa kwokuchenjera kuve mitemo yapose pose yaJehovha. Ikoku kuchava mumhinduro kuchikumbiro chouporofita chaDhavhidhi: “Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, . . . Uchatongera varombo vavanhu, uchaponesa vana vavashaiwi, nokupwanya kumanikidzira.”—Pisarema 72:1, 4.

Zvakadiniko Nezvezvinodikanwa Zvedu Zvazvino?

‘Zvose zvakaisvonaka zvikuru,’ mumwe munhu angadaro, ‘asi ndinoda chengeteko yomuviri zvino.’ Chokwadi, maKristu achiri pasi pemigariro isakachengeteka inotambudza rudzi rwomunhu—utsotsi, hosha, ngwavaira dzomusikirwo, ukweguru, uye rufu. Ruzivo rwokuzviwanira kupota pasi rose hwakaratidza, zvisinei, kuti nezivo yeBhaibheri, anokwanisa zviri nani kugonana. (Zvirevo 15:1; 22:3) Uyewo, ane gutsikano yetariro yakasimba. Mudzidzi mutsva weBhaibheri womusabhabhu yakazadzwa noutsotsi yeJohannesburg, South Africa, akatsanangura nzira imwe umo Magwaro akamubetsera namo: “Zvino ndinoziva kuti utsotsi hahusi hwechigarire; hunongova hwechinguvana bedzi.”

Chokwadi, kunotova netariro yaavo vakafa savanyajambwa vamasimba masimba outsotsi. “Ndini rumuko noupenyu,” Jesu akavimbisa kudaro, uye ipapo akawedzera: “Iye anoshandisa kutenda mandiri, kunyange zvazvo akafa, achava mupenyu.”—Johane 11:25, NW.

Kuti ufarikanye kunzwa kwakadaro kwechengeteko, unoda kutenda kwakasimba, uko kunobva mukufunda Shoko raJehovha. Kupfurikidza nokutsaura nguva yokufunda Bhaibheri zuva nezuva, unogona kuwana zadziko yeichi chipikirwa chinoshamisa: “Kana ari anonditeerera, achagara muchengeteko ndokuva asingavhiringidzwi norutyo rwengwavaira.”—Zvirevo 1:33, NW; Zvir. 2:21, 22.

[Bhokisi riri papeji 6]

“Pasi paSoromoni, hunhu hwokunyama hwechiIsraeri hwakafambira mberi zvikuru mumakumi matatu amakore kupfuura izvo hwakanga hwaita mukati mamakore ane mazana maviri akatangira. Tinowana munhambo dzaSoromoni zvisaririra zvezvivako zvihombe, maguta makuru ane masvingo mahombe, kuwedzera wenzvimbo dzokugara dzine mapoka akasanovakwa edzimba dzavapfumi, wedzero huru yakamwe kamwe muunyanzvi hwokugadzira zvinhu nomuchina zvomuumbi wehari nemiitiro yake yokuita. Tinowanawo zvisaririra zvezviumbwa zvinomiririra zvinhu zvakaitwa munzvimbo dziri kure, zviratidzo zvokutengeserana kwamarudzi ose nokushingaira.”—The House of David, rakanyorwa naJerry M. Landay.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe