RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/1 pp. 10-13
  • Kugonana Noutera Hwangu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugonana Noutera Hwangu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rovedzo’ Yavabereki
  • Muenzaniso Wakaisvonaka Wababa
  • Kufunga Kwakananga Kwaamai
  • Kugonana Nokuora Mwoyo
  • Kugonana Nechinetso Chomwanakomana Wangu
  • Kudikanwa Kwokufunga Zvakananga
  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ndingamuripa Neiko Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuwana Mufaro Pasinei Nourema Hwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/1 pp. 10-13

Kugonana Noutera Hwangu

Yakataurwa naThomas Addison

APO ndakanga ndiri mukomana, shiri isingakuvadzi iri munzira yaindimhanyisira muboterekwa rakafara. Apo hama dzokunyama kana kuti shamwari vaiuya kuzoshanya, ivo vaiwana mwana asingakurukuri akavanda seri kwerokwe raamai vake. Kuita kwangu kwomuzvarirwo kuvashanyi kwakanga kuri kuenda kukamuri rokurara nokukurumidza sezvinobvira. Ndainyarara pamberi pomunhu upi noupi ane chiremera, zvikurukuru vadzidzisi vokuchikoro.

Chiiko chakandigonesa kuchinja? Muduku akadaro anonyara zvinorwadza akava sei anokwanisa kutaura mumakore achangobva kupfuura kuvateereri vezviuru pakokorodzano huru?

‘Rovedzo’ Yavabereki

Vabereki vangu—zvikurukuru Baba, muScotland mutete, akasimba—vakandiwana kuva mwana akaoma kunzwisisa. Zvavakafirwa navabereki pamakore 13 ezera, ivo vakanga vari munhu akanaka airatidzika kuva ane hasha. Ivo vakadzidza kuzvitarisira vamene kuvambira pazera rapakuvamba. Amai, pane rumwe rutivi, vakanga vari mwanasikana womurimi uye vakanga vari munyoro. Rovedzo yangu kubvira paucheche yakanga iri yomutsa neyakasimba, bva isati iri yokunyanyodzivirira.

Pamakore matanhatu ezera, muna 1945, ndakaita mavambo angu muChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari. Hurukuro yangu yokutanga yakavhenekerwa nerambi reparafini muungano duku yeAustralia yemhuri nhatu chete. Pachine nguva mberi zvikuru, Baba vakandibetsera kugadzirira, vachitsanangura betsero dzokutaura pasina gadziriro. Ivo vakasimbisawo kusatongotya izvo vamwe vanhu vanotaura kana kuti kufunga. Vaiti: “Isu vanhu tiri mirwi tose yeguruva. Mimwe mirwi yakati kurei kupfuura mimwe, ndizvo chete.” Mabvi angu akarovana, zvanza zvangu zvakavamba kudikitira, uye pakati pehurukuro yacho, ndakanyarara uye handina kukwanisa kupedza.

Ndinofanira kuva ndaiva naanenge makore gumi okukura apo Baba vakanditora nomunun’una wangu Robert ndokupinda mumugwagwa mukuru wetaundi, pamberi chaipo peimba yebhaisikopo yomunzvimbomo. Ipapo takasimudza magazini eNharireyomurindi naMukai! vadzidzi biyedu vokuchikoro vachiona zvakazara. Magazini akanzwika saanorema somutobvu, uye pane dzimwe nguva aiguma ava shure kwegotsi rangu! Ndaiedza zvikuru kupinda munzvimbo isingaoneki.

Zvisinei, sezvandaitarira muenzaniso woushingi waBaba, ndakakurudzirwa zvikuru kwazvo. Ivo nguva dzose vaitaura kuti kudzokera shure kwakanga kuri kutera kuna Satani nokutya vanhu. Mumwe muedzo wakauya kuchikoro. Hondo yeNyika II yakanga isina kuguma kwenguva refu, uye urudzi muAustralia hwakanga hwuchiri hwakasimba. Hanzvadzi yangu Ellerie neni tairamba takagara mukati mokuungana kwechikoro apo rwiyo rworudzi rwaiimbwa. Ndakakuwana kuva muedzo chaiwoiwo kutanhamara saakasiana, asi zvakare tsigiro yenguva dzose yavabereki vangu nekurudziro zvakandibetsera kusabvumirana pane zvisina kufanira.

Muenzaniso Wakaisvonaka Wababa

Kurangarira mugariro wekare waBaba nechimiro chendangariro, ivo vakanga vachindishivirira chaizvoizvo zvikuru. Ivo vakavamba kushanda mumigodhi yamarasha muEngland apo vakanga vari mukomana wamakore 13 bedzi. Mumakore avo omukuvamba kwama 20, ivo vakatamira kuAustralia kundotsvaka upenyu huri nani. Asi derero yezvemari yomuma 1930 yakanga yatanga, uye ivo vakagamuchira basa mumigariro inokatyamadza kuti vagovere mhuri yavo.

Baba vakaodzwa mwoyo nemigariro yose zvayo uye namatongerwe enyika zvikurukuru, naizvozvo apo vairava mabhuku eWatch Tower Society nokuratidzira kwawo kwokusatya unyengeri hwamatongerwe enyika, hwezvokutengeserana, uye hworudzidziso, kwakanyandura fariro mavari. Hakuna kupera nguva refu vasati vaita tsauriro yavo yokubatira Jehovha, nokukurumidza pashure pokunge Amai vaita saizvozvo. Pasinei zvapo nokutambura bapu rakatadza kushanda mubako romugodhi uye vasina unyanzvi chaihwo hwebasa, Baba vakatora mhuri yedu kunobatira munzvimbo umo makanga mune kushaiwa kwomudzimu. Kuvimba kwavo naJehovha kwakasiya munembo mukuru pandiri.

Ndinoyeuka, somuenzaniso, kutamira kutaundi duku romugodhi wamarasha uko Zvapupu bedzi zvakanga zviri hanzvadzi mbiri dzakwegura, dzose dziri mbiri dzakanga dzine varume vasingatendi. Imba yakanga yakaoma kuwana, asi pakupedzisira takakwanisa kurenda imba yekare mamaira kunze kwetaundi. Mutoo wedu bedzi wokufamba wakanga uri netsoka kana kuti nebhasikoro. Ipapo, mamwe mangwanani-ngwanani, apo isu vana vatatu takanga tichigara neshamwari, imba yakarokoteka. Vabereki vedu vakanzvenga noupenyu hwavo, asi hakuna chimwe chinhuzve chakachengetwa. Takanga tisina inishuwarenzi uye tisina mari.

Baba vakanga vachirangarira pamusoro paikoku isiri nguva refu pamberi porufu rwavo muna 1982. Ivo vakati: “Unoyeuka here, mwanakomana, kuti pakutanga mugariro wakatarisika sei sounotyisa, asi Jehovha akatitsigira? Chokwadi, pashure pomwoto, hama dzomuPerth dzakatumirwa fanicha, zvokupfeka, uye mari. Nemhaka yorupo rwadzo, takanga tiri nani zvikuru kupfuura pamberi pomwoto!” Pakutanga ndakafunga kuti Baba vaiti fungidzirei apo vaitaura zvakawanda kwazvo nezvebetsero yaJehovha muupenyu hwedu. Zvisinei, zvinoitika zvakawanda zveizvo vaidana kuti betsero youmwari zvakava zvakawanda zvikuru zvokusagona kutsanangura neimwe nzira ipi neipi.

Kufunga Kwakananga Kwaamai

Chimwe chezvinetso zvangu zvikuru nguva dzose chave chiri kufunga kwakaipa. Amai vaiwanzobvunza, kuti: “Neiko iwe nguva dzose uchiona rutivi rwakaipa rwoupenyu?” Muenzaniso wavo vamene wokutarira parutivi rwakanaka wakanga uri kurudziro yokuti ndirambe ndichiita nhamburiko yokufunga zvakananga zvikuru.

Misi ichangobva kupfuura iyi, Amai vakataura nezvechinoitika mutaundi duku rokurima nokukurumidza pashure pokunge tatamirako. Kutaura kwakaitwa nachiremba womunzvimbomo kwakavafadza. Iye akanga arangarira kuti vabereki vedu vakanga vakafuma, achicherechedza zvipfeko zvavo zvakatsvinda nechitarisiko chakasanotsvinda. Zvokwadi yakanga iri yokuti musha wedu wakanga uri bhani hombe, rine mipanda yakaitwa namasaga akashata. Makanga musina magetsi, gasi, kana kuti mvura yomupombi. Rimwe zuva mukono wakaedza kupinda napasuo rapamberi. Unogona kufungidzira kwandakanga ndiri: pasi pomubhedha!

Amai vaitakura mvura yedu vachibva kutsime raiva kure namamita 200, vachishandisa madhiramu maviri ane marita 15 akasungirirwa kujoko raiva pamapfudzi avo. Ivo vaiva nounyanzvi hwokuona rutivi rwunofadza rwezvinonetsa uye, nokusunda kushomanene kwaibva kuna Baba, vairangarira mugariro upi noupi wakaoma sedenho inofanira kukurirwa panzvimbo pesemhinganidzo. Ivo vaionesa kuti kunyange zvazvo takanga tisina zvakawanda mune zvokunyama, taifarikanya zvikomborero zvakawanda zvakananga.

Somuenzaniso, taipedza mazuva akawanda anofadza tichifamba tichienda kundima dziri kure kuzoparidzira, kudzika misasa pasi penyeredzi, kubika bhekoni namazai pamoto panze, uye kuimba nziyo dzoUmambo sezvataifamba. Baba vaigovera nziyo pangositina yavo. Hungu, muidzi nzira takanga takapfuma zvamazvirokwazvo. Mumataundi akati omunyika, tairenda horo duku ndokuzivisa hurukuro dzavose, idzo taiita pamasikati eSvondo.

Pane dzimwe nguva, nemhaka yezvinetso zvoutano zvaiitika zvaitikazve zvaBaba, Amai vaifanira kuita basa rokunyika kuti vawedzere mari yavo. Kwamakore vaichengeta amai vavo vamene nasekuru uye pakupedzisira baba vedu vasati vafa. Vakaita ikoku pasina kunyunyuta. Kunyange zvazvo ndakanga ndichine nhambo dzapanhambo nenhambo dzokuora mwoyo uye kazhinji kazhinji ndaiva nechimiro chakaipa, muenzaniso waAmai nekurudziro nyoro zvakandipa chishuvo chokuramba ndichiedza.

Kugonana Nokuora Mwoyo

Mukupera kwamakore angu owechiduku, utera hwose hwouhwana hwandaifunga kuti hwakanga hwaderera hwakadzokera namatsive. Mibvunzo pamusoro poupenyu yakandikangaidza. Ndakavamba kushamisika, ‘Ko vanhu vamwe navamwe vose vane banza rakaenzana rokuziva ndokubatira Jehovha here?’ Somuenzaniso, zvakadiniko nomwana anoberekerwa muIndia kana kuti muChina? Zvirokwazvo banza rake rokusvika pakuziva Jehovha raizova rakaganhurirwa zvikuru kupfuura iro romwana akarerwa navabereki Zvapupu. Ikoku kwakaratidzika kuva kusina kunaka! Uyewo, mavara anogarwa nhaka nemhoteredzo, izvo mwana asingagoni kudzora, zvinofanira kuita rutivi rukuru. Munzira dzakawanda kwazvo, upenyu hwakaratidzika kuva husina kururama. Ndaiitirana nharo navabereki vangu kwamaawa pamusoro pemibvunzo yakadaro. Ndaizvidyawo mwoyo pamusoro pechitarisiko changu. Kwakanga kune zvinhu zvakawanda izvo ndakanga ndisingadi pamusoro pangu ndimene.

Sezvandairangarira zvinhu izvozvi, kwakaita kuti ndiore mwoyo, pane dzimwe nguva kwamavhiki anoverengeka. Chitarisiko changu chomunhu oga chakatambura. Chiverengero chakati chenguva, ndakarangarira pachivande kuzviuraya. Pakanga pane nguva ndaiwana pfungwa yegutsikano mukuzvinzwira tsitsi. Ndaizviona ndimene somutamburi asinganzwisiswi. Ndakava asingatauri uye pane imwe nhambo, pasina nyevero, ndakava kamwe kamwe nokunzwa kunotyisa. Chinhu chiri chose chakanga chakandipoteredza chakaratidzika kuva chisiri chaichoicho, sokunge ndakanga ndiri kutarira panze napawindo rine tsvina.

Ichi chinoitika chakandikatyamadza ndokuziva kuti kuzvinzwira urombo kune ngozi inobvira. Mumunyengetero kuna Jehovha, ndakasarudza kuita nhamburiko yakasimba yokusatera kukuzvinzwira urombo zvakare. Ndakavamba kunangidzira ngwariro pamifungo yakananga, yapaMagwaro. Kuvambira panguva iyoyo zvichienda mberi, ndakarava neinopfuura ngwariro yenguva dzose nyaya iri yose iri mumagazini eNharireyomurindi naMukai! iyo yaisimbisa mavara ohunhu uye ipapo kuaisa mufaira. Ndaisanocherechedzawo mapfundo aiitwa muHushumiri Hwoumambo pamusoro penzira yokukurukura nayo navamwe.

Nharidzano yangu yokutanga yakanga iri yokuedza kukurukura kwenguva refu seinobvira nomunhu mumwe pamusangano wechiKristu mumwe nomumwe. Pakutanga, kurukurirano imwe neimwe yakadaro yaingogara bedzi inenge miniti imwe. Somuuyo, kakawanda ndaiuya kumba ndichinzwa ndaora mwoyo. Zvisinei, norutsungiriro mano angu okukurukura akavandudzika pashoma napashoma.

Ndakavambawo kuita nzvero yomunhu oga yakawanda pamibvunzo inokangaidza yandaiva nayo. Mukuwedzera, ndakapa ngwariro kuzvokudya zvangu zvokunyama uye ndakawana kuti kupfurikidza nokudya zvinovaka muviri zvokuwedzera, chimiro changu chendangariro nesimba zvakavandudzika. Gare gare ndakaziva kuti zvimwe zvinhu zvinogona kuvamba kuora mwoyo. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva ndaiva anoshingaira kwazvo pamusoro pefariro yakati zvokuti ndaisvika pamanyemwe akakwirira. Ikoku nguva dzose kwaitungamirira kurusuruvaro, kuchiguma nokurasikirwa nesimba uye ipapo kuora mwoyo. Mhinduro yakanga iri kudzidza kuva anofarira nhau nguva dzose asi kwete kunyanyisa kuva namanyemwe. Kunyange kusvikira kuzuva rino, ndinofanira kungwarira.

Nhano inotevera yakanga iri kubata nharidzano iyo vabereki vangu nguva dzose vakanga vaisa pamberi pedu vana, ndiko kuti, ushumiri hwenguva yakazara. Chisarudzo chehanzvadzi yangu chokubatirira kuiyi ropafadzo yokupayona kwamakore anopfuura 35 chinoramba chiri kurudziro yakananga nokuda kwangu.

Kugonana Nechinetso Chomwanakomana Wangu

Pashure pamakore akati sapiona asina kuroora, ndakaroora piona biyangu, Josefa. Iye ave ari mukwaniri akaisvonaka kwandiri munzira iri yose. Pashure penguva yakati, takabereka vana vatatu. Craig, mukurusa wedu, akaberekwa muna 1972 ane kuvadziko yakakomba youropi. Mugariro wake wave uri denho chaiyoiyo, sezvo asingakwanisi kuzviitira amene chinhu chipi nechipi kunze kwokudya zvokudya zvake nechipunu zvisakatsarukana. Chokwadika, tinomuda zvikuru kwazvo, naizvozvo ndakaronda nzira dzose dzokumubetsera kuva akazvimirira zvikuru. Ndakaita mhatsa yezvokumuyamura kufamba. Takabvunza nyanzvi dzakawanda asi takava nebudiriro yakaganhurirwa. Kwakandijekera kuti mimwe migariro muupenyu huno inofanira kugamuchirwa.

Mukati mamakore 12 okutanga oupenyu hwake, Craig airega kudya nokunwa kamwe kamwe. Ikoku kwaiperekedzwa nokusvotwa kusiri kwokuzvidira. Kukuvadzika kwamaneurone kwakafungwa kuva chisakiso. Iye aivamba kucheneruka chaizvoizvo pamberi pameso edu. Munyengetero waitibetsera kugonana, uye mishonga yakarondedzerwa yakabetsera kudzora chinetso chacho. Nomufaro, Craig airatidzika kuva anonaya nokukurumidza, uye atifadza zvakare nenyemwerero yake inofadza nenziyo dzisingagumi.

Josefa akawana kuchinjira kuuyu mugariro unotambudza kuva kwakaoma zvikuru pakutanga. Asi rudo rwake neshiviriro mukutarisira chinodikanwa chiri chose chaCraig pakupedzisira zvakawina. Ikoku kwakareva kuti tave tichikwanisa kupfuurira kutamira kunzvimbo ipi neipi uko kudikanwa kwebetsero yechiKristu kwaiva kukuru zvikuru. Netsigiro yaJosefa nebetsero inoshanda, ndakakwanisa kushanda nguva isina kuzara kwechiverengero chakati chamakore, kuchindibvumira kuita upiona hwebetsero pamwe chete nokutsigira mhuri yedu.

Kudikanwa Kwokufunga Zvakananga

Apo Craig anenge aora mwoyo nemhaka yechirwere chinodzokorora chadzokororazve kana kuti kangaidziko yeganhuriro dzake, tinomusimbisa norumwe rwamagwaro edu anodiwa zvikuru: “Hatisati tiri rudzi runodzokera shure.” (VaHebheru 10:39, NW) Iye anoruziva nomusoro, uye irwo nguva dzose rune muuyo unokurudzira paari.

Chibviro chaapo Craig akanga ari muduku zvikuru, akava nefariro chaiyo yebasa romumunda. Kupfurikidza nokushandisa wheelchair chaiyo, iye anowanzokwanisa kutikumbanira. Iye anofarikanya zvikuru kuuya nesu apo, panguva nenguva, ndinobatira dzimwe ungano mubasa redunhu rokutsiva. Tsinhiro dzake dzakaganhurirwa pafundo yeboka nokutaura kwake nguva dzose pamusoro penhau dzeBhaibheri pachikoro chaicho chaaipinda, zvakava nepesvedzero iyo isu tisina kuganhurirwa tisina kuita. Craig nokudaro akandiyeuchidza kuti pasinei zvapo neganhuriro dzedu, Jehovha anogona kutishandisa kufambisira mberi kuda kwake nedonzo.

Nguva yakati yapfuura ndakava neropafadzo yokuva muraidzi paChikoro Choushumiri hwoUmambo. Pashure pamakore angu ose muushumiri, ndakanga ndichiri anotya chose pakutanga. Asi nokukurumidza, kupfurikidza nokuvimba naJehovha, kutya kwangu kwakaderera, uye zvakare ndakanzwa simba rinotsigira raJehovha.

Ndichirangarira shure pamusoro pamakore 50 oupenyu zvino, ndinopwiswa kuti Jehovha bedzi aigona kurovedza nenzira yorudo mumwe munhu akaita seni, kumuita munhu womudzimu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe