Rugare—Ndaapi Ari Mabanza?
PASINEI zvapo nemisoro mikuru yamapepanhau, zvokwadi, sezvo vazhinjisa vedu tinoziva, ndeyokuti rudzi rwomunhu rwuchiri kure norugare chairwoirwo. Kubudiswa kwehondo dzokumwe muAfghanistan hakuna kuunza rugare kunyika iyoyo. Uye kuchine rwisano dzorudzi rwakati muPhilippines, Sudan, Israel, Northern Ireland, Lebanon, uye Sri Lanka, kududza shomanene chete.
Sezvo vanhu kwavo vazhinjisa vachida rugare kupfuura hondo, neiko rugare rusingabatiki kwazvo? Vezvamatongerwo enyika vakaedza munzira dzakawanda mumazana amakore apfuura kuunza rugare, asi nhamburiko dzavo dzakakundikana nguva dzose. Neiko? Ngatirangarirei mienzaniso mishomanene tione.
Rugare Kupfurikidza Norudzidziso Nomutemo
Vamwe vanorangarira Umambo hweRoma sokuedza kunobudirira pakuita rugare. Pasi pahwo, mubatanidzwa womutemo wakagadzwa, udzori hunochinjika, zvikwata zvehondo zvisingakundiki, uye migwagwa yakasanorongwa kwamazana amakore akati zvakachengeta teramo yapakati pamarudzi inozivikanwa sePax Romana (Rugare rweRoma) panharaunda huru dzokuWestern Asia, Africa, uye Europe. Pakupedzisira, kunyanguvezvo, Umambo hweRoma hwakatera kuushati hwomukati nokuvhozhokera kwakabva kunze, uye Rugare rweRoma rwakaparara.
Ikoku kunoenzanisira zvokwadi inosuruvarisa pamusoro pokuedza kwavanhu. Pashure pamavambo ane tariro pakutanga, iko kazhinji kazhinji kunoshata. Mwari amene akati: “Kombamiro yomwoyo womunhu yakashata kuvambira paupwere hwake zvichienda mberi,” uye iyi kombamiro yakashata kazhinji kazhinji inokunda pakupedzisira. (Genesi 8:21, NW) Uyezve, muporofita Jeremia akati: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” (Jeremia 17:9) Vanhu havadeyi kutaurika. Vavariro dzakanaka dzomunhu mumwe dzingashatiswa neshanje kana kuti gwinyiro dzoudyire dzavamwe. Kana kuti mutongi ane nheyo dzakakwirira angava akashata iye amene. Nemhaka yaikoku, vanhu vanombogona sei kuunza rugare?
Muzana ramakore rechitatu P.N.V., nhamburiko yokuita rugare inoshamisa yakashumwa ichibva kunyika yeIndia. Ikoko, mutongi ane simba ainzi Aśoka akaumba umambo hukuru kupfurikidza nehondo nokudeura ropa. Ipapo, mukuwirirana nechinyorwa, iye akatendeudzirwa kunheyo dzechiBuddha. Achiramba hondo, iye akamisa mifananidzo muumambo hwake yakanyorwa kutaura kwokubetsera vadzorwi vake kurarama upenyu huri nani. Uye umambo hwake sezviri pachena hwakanga hune rugare uye hwaibudirira.
Ko nzira yaAśoka ndiyo yokurugare here? Nenzira isingafadzi, aiwa. Apo mambo wacho akafa, rugare rwake rwakafa naye, uye umambo hwake hwakaparara. Ikoku kunoenzanisira kuti kunyange nhamburiko dzomutongi ane vavariro dzakanaka uye anokwanisa pakupedzisira dzinodziviswa nemhaka yokuti anofanira kufa. Munyori woMuparidzi akadudza ichi chinetso paakanyora, kuti: “Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandakatamburira kubata . . . zvandinofanira kuzvisiira munhu unonditevera. Zvino ndiani ungaziva kana iye achava wakachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro uchava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.”—Muparidzi 2:18, 19.
Hungu, kufa kwomunhu imhinganidzo isingakundiki kukuunza rugare rusingagumi. Zano rowezvamapisarema nderokuchenjera zvirokwazvo muna ikoku: “Usavimba navanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asino ruponeso. Mudzimu wake unobuda, iye anodzokera kupasi kwake; muzuva iroro mifungo yake inoparara.”—Pisarema 146:3, 4, NW.
Dzimwe Nhamburiko Parugare
Dzimwe nhamburiko dzavanhu nenzira yakafanana dzinoenzanisira chikonzero nei munhu achikundikana mukuedza kwake kuunza rugare. Somuenzaniso, muzana ramakore rechigumi, rimwe sangano rinonzi Rugare rwaMwari rakatangwa muEurope. Zvarakarongedzerwa kudzivirira zvinhu zvechechi, iro rakakura kuva rudzi rwakati rwechibvumirano chokusadenha iro pakasvika pakati pezana ramakore rechi 12 rakanga rapararira kusvika kuyakawanda yeEurope.
Mumwe murangariro unonzi “dzikamo yesimba.” Ichitevera uyu muitiro, nzanga yamarudzi—zvakadai seEurope—inodzivisa hondo kupfurikidza nokuchengeta kuparadzirwa kwakadzikama kwesimba pakati penyika. Kana rudzi rwakasimba ruchityisidzira rwakaneta, rumwe rudzi rwakasimba runozvibatanidza rumene kwechinguvana norwakaneta kudzivisa aizova mudenhi. Uyu muitiro wakatungamirira ukama hweEurope kuvambira pamugumo peHondo dzaNapoleon kusvikira kukutanga kwehondo yenyika yokutanga muna 1914.
Pashure pehondo iyoyo, Chinzwano chaMarudzi chakatangwa senzvimbo umo marudzi angagona kutaura misiano yawo panzvimbo pokurwa pamusoro payo. Chinzwano chakarega kushanda apo hondo yenyika yechipiri yakatanga, asi pashure pehondo, mudzimu wacho wakamutsidzirwa muChibatanwa chaMarudzi, icho chichiripo.
Zvisinei, nhamburiko idzodzi dzose dzakakundikana kuunza rugare chairwoirwo kana kuti rusingagumi. Apo sangano roRugare raMwari rakanga riripo muEurope, vaEurope vakarwisa maMuslim muHondo dzechiKristu dzine chishava. Uye apo vezvamatongerwe enyika vakanga vachiedza kuchengeta rugare muEurope kupfurikidza nedzikamo yesimba, ivo vakanga vachirwa hondo nokuvaka maumambo munyika dziri kunze kweEurope. Chinzwano chaMarudzi hachina kukwanisa kudzivisa hondo yenyika yechipiri, uye Chibatanwa chaMarudzi hachina kudzivisa kuuraya kunotyisa muKampuchea kana kuti rwisano munzvimbo dzakadai seKorea, Nigeria, Vietnam, uye Zaire.
Hungu, kusvikira zvino nhamburiko dzokuita rugare dzakanakisisa dzavezvamatongerwe enyika dzakakundikana. Vatongi havamboziva zvavo nzira yokuita nayo rugare rusingagumi, zvavanodziviswa nokufa nekundikano dzavanhu dzavo vamene nedzavamwe. Kunyange kudai ikoko kwakanga kusina kudaro, zvisinei, vezvamatongerwe enyika vaisangogona kuunza rugare. Zvokona neiko? Nemhaka yeimwe mhinganidzo isingakundiki zvirokwazvo.
Simba Rakavanda Rinodzivisa Rugare
Bhaibheri rinotaura nezveiyi mhinganidzo parinoti: “Nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Akaipa ndiSatani Dhiabhorosi, chisikwa chomudzimu chinopfuura chohunhu chine simba zvikuru kwazvo kupfuura zvatakaita. Kuvambira pamavambo, Satani ave achibatanidzwa mukupanduka, kureva nhema, uye kuponda. (Genesi 3:1-6; Johane 8:44) Pesvedzero yake ine simba, kunyange zvazvo yakavanzwa, pazvinoitika zvenyika inotsigirwa navamwe vatsinhiri vakafuridzirwa. Pauro akamudana kuti “mwari wetsika ino yezvinhu,” “mutongi wesimba romweya.” (2 VaKorinte 4:4; VaEfeso 2:2, NW) Jesu kanopfuura kamwe akamudana kuti “mutongi wenyika ino.”—Johane 12:31; 14:30; 16:11, NW.
Sezvo nyika iri musimba raSatani, hapana kutongobvira kwokuti vezvamatongerwe enyika vavanhu vachaunza rugare rusingagumi. Ikoko kunoreva here kuti rugare harusati ruchizotongouya? Ko munhu upi noupi anogona kutungamirira rudzi rwomunhu kurugare here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Hazvinei hazvo nokuti mutongi angave akachenjera naane nheyo dzakakwirira sei, pakupedzisira iye anofa uye kazhinji kazhinji vamwe vanokwanisa zvishoma navane nheyo zvishoma vanotsiva
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Mhinganidzo imwe hurusa kurugare ndiSatani Dhiabhorosi
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]
U.S. National Archives photo