“Kupararira Kworugare Here”?
“KUPARARIRA KWORUGARE.” “Haiwa, Inyika Ine Rugare Zvakadini.” “Rugare Rwuri Kutsvakwa Kwose Kwose.” Iyoyi yakanga iri pakati pemisoro mikuru yamapepanhau iyo yakakatyamadza varavi mukati megore rapfuura kana kuti maviri. Munyika yose, chinjo munhau kubva murusuruvaro noruparadziko kuenda kukuva netariro yakanga ichishamisa. Chiiko chakanga chichiitika?
Nenzira inoshamisa, kasati kari kare chiverengero chakati cherwisano huru chakasvika chose kumugumo kana kuti chakaderera mukukomba mukati memwedzi mishomanene chete. MuAfrica, rugare ‘rwakatanga kamwe kamwe’ muAngola. MuCentral Asia, Soviet Union yakabudisa mauto ayo muAfghanistan. MuCentral America, kurwa kwakaderera pakati pehurumende yeNicaragua navapanduki veContra. MuSoutheast Asia, vaVietnam vakabvuma kubuda muKampuchea. “Kupararira kworugare” kwakatosvika Middle East apo hondo ine chishava yeIran neIraq pakupedzisira yakamira.
Zvichida unotokosha zvikuru wakanga uri mugariro mutsva pakati pamasimba makuru. Pashure pamakore 40 ehondo yokutukana, kwakanga kwakaoma kudavira zviito zvokuyanana, kutaura pamusoro pokufarirana, uye zviito zvakasimba zvakananga kurugare pakati peSoviet Union neUnited States. Uyezve, mukuwirirana neThe Economist, Europe zvino yakaratidzira nhambo inopfuurira refu zvikurusa isina hondo munhau yayo yose yakanyorwa. Zvirokwazvo, rugare rwuri kutaurwa munhau.
Kunorevei? Ko vezvamatongerwe enyika vava kudokupa “rugare rwenguva yedu” here? Makore ane makumi mashanu nerimwe apfuura, aya mashoko akataurwa negurukota guru reBritain Neville Chamberlain. Iwo akabvumikisa kuva anosetsa nenzira ine utsinye apo, nguva pfupi gare gare, hondo yenyika yechipiri yakatanga. Ko iwo zvino achava echokwadi pakupedzisira here?