Rugare Rwenyika Rwava Pedyo Here?
MUNHAU yose, kwave kusina kushaikwa kwerongedzero dzorugare nokuziviswa kworugare kworumwe rudzi kana rumwe rwacho. Nenzira isingafadzi, kunooneka kuti kwave kune hondo dzakawanda zvakangofanana dzokudzibvisa. Kana toreva nezvezvibvumirano zvorugare neziviso, vanhu vazhinjisa vakadzidza kusanyanyozvidavira.
Mukati mamakore mashomanene apfuura, zvisinei, vacherechedzi vazhinji navakamuranisi venhau vakavamba kurangarira kuti chimwe chinhu chakasiana chiri kuitika. Vakamutsa bviro yokuti, pasinei zvapo nezvinetso zvomunzvimbomo, nguva ino nguva ingave yatangwa nokuda kworugare rwenyika. “Tariro yokupedzwa kune rugare kwokurwisana yasimba zviri nani kupfuura murimwe gore ripi neripi chifo chokuguma kweHondo yeNyika II,” yakadaro Stockholm International Peace Institute. Munyori wenhau akatamhamara akatungamirirwa nezvinoitika zvinokurumidza kufamba muEastern Europe kuzivisa, kuti: “Rugare Pasi pano runoratidzika kuva runobvira zvikuru zvino kupfuura panguva ipi neipi chifo cheHondo yeNyika II.” Kunyange magazini inonzi The Bulletin of the Atomic Scientists yakaratidzira ichi chimiro. Muna 1988 yakadzorera wachi yayo ine mukurumbira yezuva romugumo wenyika kubva pamaminiti matatu pamberi papakati pousiku kuenda kumaminiti matanhatu pamberi papakati pousiku, uye ipapo muna April 1990 shurezve kuenda kumaminiti gumi pamberi papakati pousiku.
Kwose ikoku kwakatanga chivimbo chikuru nomufaro pamberi pamavambo ehondo muMiddle East. Asi kunyange chifo chenguva iyeyo, vamwe vanhu vari kutaura pamusoro poUtsinye Hwakakomba pakati pamarudzi nenhangemutange yokugadzira zvombo pakati pamasimba makuru sezvakaguma. Vamwe vakanga vachirangarira pamusoro pezvokuita nemari yose iyo hurumende dzinokarira kuchengeta kubva mundyiko yehondo yakaderedzwa. Kunobvira here kuti nguva yorugare rusingagumi yasvika chaizvoizvo? Marudzi ari kudzidza zvirokwazvo here ku“pfura minondo yavo vachiiita mapadza namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti”? (Isaya 2:4, NW) Maidi anoratidzei?
Hondo Dzakakanganwika
“Mugumo woutsinye hwakakomba nokusununguka kutsva pakati pokuMabvazuva nokuMadokero zvakaedza vamwe kuti vadavire kuti rugare ndorwamazuva ose,” inodaro The Economist yeLondon. “Hakuna kudaro. Bvisa manyuko mamwe makuru enyanduko, nyika ichine duku dzakawanda.” Ndedzipi dziri nyanduko idzi “duku”, kana kuti rwisano?
Lentz Peace Research Laboratory, sangano renzvero rakazvimirira muUnited States, rinoshuma kuti kuvambira muna September 1990, dzinenge hondo 15 dzakanga dzichirwiwa kupota nyika. Ikoku hakuna kubatanidza kupinda kweIraq muKuwait, sezvo mushumo wacho wakaverenga hondo bedzi umo vanenge vanhu chiuru vakaurawa pagore kusvikira panguva iyoyo. Dzimwe dzehondo idzodzi dzave dzichipfuurira kwamakore 20 kana kuti anopfuura. Pamwe chete dzakatora upenyu 2 900 000, uye vazhinjisa vaivava vave vasiri varwi. Ichi chiverengero hachibatanidzi avo vakaurawa mudzimwe dzehondo dzakadeura ropa zvikurusa dzakanga dzichangobva kumira mugore rapfuura, dzakadai seidzo dziri muUganda, Afghanistan, uye Iran neIraq.
Vanhu vanoda kusvika mamirioni matatu vakaurawa apo nyika yava kufungidzirwa kuva ine rugare! Ikoko makuri kumene ingwavaira. Ngwavaira huru zvikuru, zvisinei, ndeyokuti zhinjisa dzehondo idzodzi dzave dzichipfuurira dzichidokuva dzisingacherechedzwi—uye dzisingachemwi—nenyika yose yasara. Idzo ndidzingadanwa kuti hondo dzakakanganwika, sezvo zhinjisa dzadzo—kupandukira, hondo dzavagari vomunyika, zvimurenga—dzichirwiwa murumwe kana kuti rumwe rwamarudzi akabudirira zvishomanene. Kuvanhu vazhinjisa vari mumarudzi akapfuma, ane mabasa okugadzira zvinhu, vanhu vane hafu yemirioni vakaurawa muSudan, kana kuti chikamu chimwe muzvitatu chemirioni chakaurawa muAngola, havaratidziki kuva vakabata fariro huru. Kutaura idi, kune avo vanotaura kuti nyika yave iri munhambo isina muenzaniso yorugare chifo chomugumo weHondo yeNyika II nemhaka yokuti kwakanga kusina hondo pakati pamarudzi akabudirira uye, pasinei zvapo nenyanduko huru nokuunganidzwa kwezvombo, masimba makuru akanga asina kurwisana nerimwe nerimwe.
Kune Tariro Yorugare Here?
Kana rugare ruchingoreva zvarwo kusava nehondo yenyika yose yenyukireya, ipapo zvichida mumwe angagona kutaura kuti marudzi enyika atova nebudiriro yakati munhamburiko dzawo dzorugare. Muitiro woKuparadzana Kune Chokwadi wakadzora masimba makuru kusvikira panguva ino. Asi irworwo rugare chaizvoizvo here? Runogona kuva irwo sei, apo vanhu vari kurarama murutyo rwenguva dzose rwokuparadzwa nokukurumidza nokwakakwana? Tinogona sei kutaura pamusoro porugare apo, kupota nyika, upenyu hwavanhu vazhinji zvikuru hunoparadzwa, zvokurarama nazvo zvavo zvinoparadzwa, uye kariro yavo yokuvapo kune revo nokunogutsa zvinoparadzwa nehondo, huru neduku?
Muwani womubairo weNobel Elie Wiesel akambonyora, kuti: “Kuvambira kare kare, vanhu vakataura pamusoro porugare pasina kuruwana. Tinongoshaiwa zvedu ruzivo rwokuzviwanira rwakakwana here? Kunyange zvazvo tichitaura rugare, tinorwa hondo. Pane dzimwe nguva tinotorwa hondo muzita rorugare. . . . Hondo ingava rutivi rukuru rwenhau zvokusagona kubviswa—nokusingaperi.”
Uye misi ichangobva kupfuura iyi hondo muMiddle East yakaparadzazve murangariro worugare. Kungagona kudaro here kuti rudzi rwomunhu rwave ruchitarira zvarwo kumanyuko akaipa nokuda kworugare?
[Mufananidzo uri papeji 3]
“Chizvarwa ichi chavanhu chiri pasi pano chingapupurira kusvika kwenhambo isingachinjiki yorugare munhau yepepuko.”—Purezidhendi weSoviet Mikhail Gorbachev, pamusangano mukuru muWashington, D.C., U.S.A., May 1990
[Kwazvakatorwa]
UPI/Bettmann Newsphotos
[Mifananidzo iri papeji 4]
“Nyika itsva yorusununguko iri pamberi pedu . . . , nyika umo rugare runogarisa, umo kutengeserana kune hana uye umo chose chinoratidzika kuva chinobvira chinobvira.”—Purezidhendi weU.S. George Bush, pamusangano mukuru wezvemari wenyika muHouston, Texas, U.S.A., July 1990
[Kwazvakatorwa]
UPI/Bettmann Newsphotos
“Masvingo aichimboganhurira vanhu nepfungwa ari kuputsika. VaEurope vari kusarudza mugumo wavo vamene. Vari kusarudza rusununguko. Vari kusarudza rusununguko rwezvemari. Vari kusarudza rugare.”—Ziviso yakaitwa neNATO pamusangano mukuru muLondon, England, July 1990
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Cover photos U.S. Naval Observatory photo (stars); NASA photo (earth)