Kuzvipira Kwoumwari—Kunobetsera Nokuda Kwezvinhu Zvose
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinoziva kuti “kuzvipira kwoumwari kunobetsera nokuda kwezvinhu zvose” uye kunokosha kukunamata kwechokwadi. (1 Timotio 4:8, NW) Pasina uko, rudzidziso runongova zvarwo muitiro. “Kuzvipira Kwoumwari” naizvozvo wakanga uri musoro wakakodzera nokuda kwenhevedzano yazvo yekokorodzano dzoruwa idzo dzakatanga June apfuura.
Muna August, nhatu dzekokorodzano dzakadaro dzakaitwa muPoland mumugariro unofadza. Idzo dzakaitika pashure pokunge zivikanwo yapamutemo yapiwa Zvapupu zvaJehovha muna May. (Nokuda kwohumwe udzame pamusoro pekokorodzano dzePoland, ona Awake! yaDecember 22, 1989.) Pano ngatihwirudzurei purogiramu yekokorodzano sezvayakapiwa muPoland.
Piątek w Poznaniu (Chishanu muPoznan)
Vachida chingwa norusununguko, varatidziri 50 000 vakaita chimurenga muPoznan muna June 1956. Ikoku kwakaguma navakafa vanopfuura 50 nokuumbwa kwehurumende itsva yePoland. Mumusiano mukuru, makore 33 gare gare, mumugariro wakaratidzirwa nechingwa chakawanda chomudzimu norusununguko rwechiKristu, maKristu ane rugare akasangana imomo kuzonzwa hurukuro pamusoro po“Kubatira Mwari Anoda Kuzvipira Kwapoga,” musoro weChishanu. Chiverengero chapamusoro chavane 40 442 chakaungana imomo paSvondo.
Pashure pehurukuro yokuchingamidza yasachigaro wekokorodzano nebvunzurudzo navanhu paunoti “Kurarama Upenyu Hune Kuzvipira Kuzere Kwoumwari,” zano rinoshanda rakapiwa muhurukuro inoti “Dzivisa Kutaura Kunokuvadza.” Kuri nyore sei kuti kutaura kusina maturo kuve guhwa! Uye guhwa rinokuvadza rinogona kutungamirira kukuchera kunouraya. Asi pamberi pokutaura pamusoro pavamwe vanhu, maKristu akakura mumudzimu, anodisa kuchengetedza rugare nechinzwano, anozvibvunza amene nokuchenjera, kuti: ‘Jesu angadai ataura ikoku here? Chinofanira kutaurwa here? Chichavaka here? Chii chiri chikonzero changu chokuchitaura?’
Yechienzi kukokorodzano muPoland yakanga iri nguva yakatsaurwa zuva rimwe nerimwe kunzwa mishumo yakapiwa neZvapupu zvakabva kudzimwe nyika. Zvinoitika zvakataurwa nenhume dzinomirira marudzi 24 akasiana-siana zvakasimbisa zvokwadi yokuti pano pane mhuri yamarudzi ose yakabatana zvirokwazvo mukuzivikanwa kweidi rokuti “Jehovha Anoda Kuzvipira Kwapoga.” Sezvo Mwari akafanirwa nokugamuchira kuzvipira kwakadaro, vabatiri vake vanofanira kuva vasina kukamuraniswa muchidakadaka nokunamata. Muenzaniso waJesu unoratidzira kuti hakugoni kuva nechinhu chisiri chomwoyo wose pamusoro pokuzvipira kwapoga.
Kuzvipira kwoumwari kunobatanidza chinhu chiri chose chatinoita. Nokudaro, kurukurirano yamativi matatu yakanyevera maKristu kuti “Dzivisa Kutsaukira” munzvimbo dzokudya nokunwa, mupfekero nokutsvinda, uye varaidzo. Kudyisa noudhakwa zvimiro zvamakaro izvo zvinogomadza pfungwa dzomudzimu, zvinoparira zvinetso zvoutano, zvinoparira mufambiro wakashata, uye zvinotungamirira kutsaona. Zvitaera zvokunyanyisa zvomupfekero—zvisina mwero, zvechienzi, zvisina kurovedzeka, kana kuti kunyange zvinokatyamadza—zvinofanira kudziviswa. Zvipfeko zvisina kutsvinda, zvisina kunyanyotsarukana, kana kuti zvinobata hazvina kukodzera. Nhau haisati iri kana sitaera yakafanira, asi kana iyeyo yakakodzera mushumiri waMwari. Uye varaidzo yakashatiswa nepandukiro, masimba masimba, mirimo, mashiripiti, kana kuti utere hwevatano haisi yamaKristu.—VaFiripi 1:27.
Purogiramu yeChishanu masikati yakatanga nehurukuro inoti “‘Muranda Akatendeka’ noMutumbi Wake Unodzora.” Achivimba noruvimbiko rwezvisikwa zvake zvakatendeka, Jehovha anopa simba. Ndozvinoitawo Mwanakomana wake. Kubva pakati pavateveri vake vakazodzwa, “muranda akatendeka nowakachenjera,” iye akasarudza vashomanene kubatira somutumbi udzora unooneka. (Mateo 24:45, NW) Muzana rokutanga ramakore, iri boka rakanga rakaumbwa navaapostora navamwe varume vakuru vanoverengeka vomuJerusarema.
Munguva dzazvino uno Mutumbi Unodzora wakasanoziviswa navanyori veWatch Tower Society neboka rayo ravatungamiriri. Asi Mutumbi Unodzora wakasiana nesangano iroro rapamutemo, sezvo mukurukuri akaonesa, kuti: “Sezvo kuvapo kwesangano racho kuri kwapamutemo chose chose, nenzvimbo yapasi yakagadzwa, rinogona kuparadzwa naKesari, Hurumende.” Hakuna kudaro noMutumbi Unodzora, uyo usati uri chishandiso chapamutemo asi mitezo yayo “inogadzwa kupfurikidza nomudzimu mutsvene munhungamiro yaJehovha naKristu.” Nokudaro, Mutumbi Unodzora unopfuurira kushanda uye kugamuchira tsigiro yakakwana yeZvapupu zvaJehovha munyika yose.
Kokorodzano dzePoland dzakapindwa nemitezo 5 yoMutumbi Unodzora wemisi ino wavarume 12. Mumwe wavo akakurukura hurukuro chaiyo, “Chikonzero Chokudzidza Chakavanzika Chinoyera Chokuzvipira Kwoumwari.” Mairi kwakataurwa kuti chakavanzika chokuzvipira kwoumwari hachisati chichiri chakavanzika, sezvo “chakasvika pakuratidzirwa muna Jesu.” Mukurukuri akakurukura mativi matanhatu eichi chakavanzika chinoyera chinodudzwa pana 1 Timotio 3:16, uye akati: “Kunzwisisa kwedu chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari kunofanira kutitungamirira nguva dzose kusanotevera makwara aJesu.”
Hurukuro dzavaviri mbiri dzakajekesa kuti kuzvipira kwoumwari kunodikanwa kuvaduku navakuru zvakafanana. Vabereki vane mutoro wokupa vana vavo nhaka yomudzimu kupfurikidza nokuvadzidzisa kukudziridza pfungwa yakafanira yechakarurama nechisina kururama. Fundo yemhuri ine revo, kubatanidza kurukurirano dzechokwadi dzezvinetso zvoupwere, ndichakafanira. Vachisvinurira nguva dzose zviratidzo zvengozi, vabereki vanofanira kudzivirira vana pasonganirano isakanaka, kunyange mukati meungano.
Pane rumwe rutivi, kana vanhu vaduku vachizorarama upenyu hunotusa, vanofanira kutarira kuna Kristu, uyo ‘akavasiira muenzaniso wokuti vasanotevera makwara ake.’ (1 Petro 2:21) Nenzira yakafanira, ivo vakabvunzwa, kuti: “Kana imi makarererwa muzvokwadi, munoziva chamunodavira, asi munoziva here chikonzero nei?” Ivo vakakurudzirwa kuita zvokwadi yavo vamene kupfurikidza nokubvumikisa kwavari vamene kuti Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti Zvapupu zvaJehovha zvine zvokwadi chaizvoizvo.
Munyika dzakawanda iyi kurukurirano yakagumiswa nokubudiswa kwebhuku idzva rina mapeji 320 Questions Young People Ask—Answers That Work. (Tapota onai bhokisi rinotevera, “‘Chipo Chakabva Kuna Jehovha’ Chavanhu Vaduku.”) Kunokarirwa kuti vanhu vaduku vomuPoland nedzimwe nyika dzeEastern Europe pane rimwe zuva vachakwanisawo kubetserwa nezano rakaisvonaka rine ichi chinyorwa kupfurikidza nokuchirava mumutauro wavo vamene.
Sobota w Chorzowie (Chitanhatu muChorzów)
Chorzów inzvimbo yamabasa okugadzira zvinhu pakati peminda yamarasha yokumaodzanyemba kwePoland. Migodhi yamarasha yeSilesia yakareva mhindu yemari nokuda kwenharaunda yacho. Asi musoro mukuru wekurukurirano pakati pavanhu vane 65 710 paSlaski Stadium August apfuura wakanga uri mhindu yorudzi rukuru zvikuru.
“Kuzvipira Kwoumwari Kunoreva Mhindu Huru,” musoro weChitanhatu, wakatsanangurwa nomukurukuri wokutanga parusando rwamasikati. (1 Timotio 6:6, NW) Dzakasimbisa umazvokwadi hwamashoko omukurukuri dzakanga dziri bvunzurudzo navanhu vamwe navamwe vakanga vawana mhindu huru muupenyu hwavo vamene kupfurikidza nokuronda kuzvipira kwoumwari.
Mukati mepurogiramu yamangwanani, betsero dzokuronda kuzvipira kwoumwari dzakanga dzakasimbiswa muhurukuro yavatatu. “Kupfurikidza Nokugarorava [Shoko raMwari] Nenzwisiso,” kunzvera revo yechatinorava, uye kurangarira zvakakomba nzira yokushandisa nayo chatinorava, isu samaKristu tinokwanisa kuronda kuzvipira kwoumwari “Kupfurikidza Nokugaroita Kuti Chiedza Chedu Chipenye.” (Joshua 1:8) Kwakataurwa kuti kudai mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha munyika yose akapedza maminiti 15 pazuva achitaura namasanga kuvamwe, maawa okuwedzera ane mamirioni 327 angagona kupedzerwa gore negore mumubato wokuparidzira Umambo.
Kuzvipira kwoumwari kunorondwawo “Kupfurikidza Nokudzivisa Muedzo.” Zvinhu zvakafanana nezvokudya, zvokunwa, vatano, kana kuti mari, kunyange zvazvo zvisina kushata mazviri zvimene, zvinogona kuva zvakaipa mumigariro isakafanira. Nzira yedziviriro kudzivisa kuzviratidzira umene nenzira isiri madikanwa kukudisa zvenyika kwenyika, mabhuku outere, mirimo, uye udhakwa, pamwe chete nokubatikana kwayo nemifarwa, zvakadai senziyo, mitambo, uye zvinhu zvenzanga. Munyengetero unokosha. MaKristu anofanira kudzidza kuvenga chiri chakashata. Ikoku kwakafanira, sezvo mukurukuri akatevera akaonesa kuti vanofanira “Kusachararamirazve Kuda Kwomunhu Asi kwaMwari.”
Vanhu vazhinji zvikuru vari kusarudza kuita izvozvo chaizvo. Ikoku kwakanga kuri pachena apo Zvapupu zvitsva 2 663 zvakataura pachena kutsunga kwazvo “Kuronda Kuzvipira Kwoumwari samaKristu Akazvitsaurira, Akabhapatidzwa.” (Pakokorodzano dzose nhatu muPoland, vabhapatidzwi vakaita hwerengedzo ye 6 093.) Kuti vachengete mufaro mubasa raJehovha, avo vakanga vodokubhapatidzwa vakakurudzirwa kufungisisa pazvikonzero zvakawanda zvokuva vanofara: ushamwari hwaJehovha, sangano ravo renyika yose, uye tariro youpenyu muParadhiso.
Kuzviisa pasi kwechiKristu kwakakurukurwa muhurukuro “Kuratidzira Mabasa Okuzvipira Kwoumwari—Savarume Vari Pasi Poumusoro hwaKristu.” Varume vanoshandisa kuzvipira kwoumwari vachatarisira mabasa emhuri nenzira yorudo, yakafanana neyaKristu. “Savakadzi Vanoratidzira Kuzviisa Pasi Kwakafanira,” hanzvadzi dzedu dzechiKristu dzichava dzinotsigira, kwete kupesvedzera musoro wemhuri zvakaipa kana kuti kurega mirangariro ichivapinza mukuita zvisarudzo zvokusachenjera. “Savana Vanoteerera Vabereki,” vaduku vachadzidza kuteerera, kutsinhira pamisangano, kutora rutivi muushumiri hwechiKristu.
Izano rakaisvonaka zvakadini! Bva, rudzidziso rwenhema rwakakundikana zvinosiririsa sei kupa nhungamiro yakafanira yakadai! Nokuda kwaikoku, rwakafanirwa neshurikidzo yakasimba, iyo yakanga ichizouya muhurukuro inoti “Kufumura ‘Munhu Wokusateerera Mutemo.’” Uyu akavanzika akaziviswa so“‘munhu’ akaumbwa navazhinji, vakuru vose vorudzidziso rwechiKristudhomu chakawa pakutenda.” Nomukurumbira wakaipa wokutambudza kwavo vabatiri vaMwari, vakuru vorudzidziso zvino vakakumbanirwa na“vawi pakutenda vazvino uno, avo vaichimbotaura kuva Zvapupu, [asi avo] vave vachidzokera kumarutsi edzidziso echiKristudhomu uye vakabatira pamwe nezvidhakwa zvomudzimu zveBhabhironi Guru mukurova nokudenha boka romuranda akatendeka nowakachenjera waJehovha.” Kurova maoko kwakaratidzira bvumirano sezvo mukurukuri akazivisa, kuti: “Isu tichapfuurira kufumura Bhabhironi Guru no‘munhu [waro] wokusateerera mutemo.’”
Ikoku kunoraira ushingi, zvikurukuru panguva apo, mukuwirirana naM. G. Henschel, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, vanhu vazhinjisa “vanorinza makotsi avo pana Mwari neShoko rake, Bhaibheri.” Kunyange zvazvo “kuremekedzwa kweBhaibheri nhasi kwaderera zvikurusa,” Bhaibheri rakatsungirira muedzo wenguva. Mukurukuri akataura kuti “hakuna bhuku rakaitwa chose chose navanhu raigona kuva rinonzwisiswa zvikuru kwazvo nerakarurama nguva dzose kwazvo.” Iye akazivisa kuti “Zvapupu zvaJehovha zvinobvumira Shoko raMwari kushandisa simba muupenyu hwavo [uye] sangano rinovapo somuuyo ramarudzi ose ramaKristu echokwadi hufakazi hune simba hwokuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari.” Zuva racho rakasvika mugumo unofadza nokuziviswa kwebhuku idzva The Bible—God’s Word or Man’s?, rakabudiswa muchiverengero chakati chemitauro.
Niedziela w Warszawie (Svondo muWarsaw)
Vashanyi veWarsaw vanowanzoenda kundoona chirangaridzo chinoratidzira nzvimbo yeWarsaw Ghetto ine mukurumbira wakashata, apo vaNazi vakaunganidza mazana ezviuru avaJudha akaratidzirwa nokuda kwokuparadzanywa mukati meHondo yeNyika II. Kure namaminiti mashomanene bedzi nemotokari, zvisinei, X-Lecia Stadium yakapfachukira pana August 13, navanhu vane 60 366 vakanga vauya kuzonzwa mifungo paunoti “Ramba Kusanamata Mwari Ndokurarama Nokuzvipira Kwoumwari,” musoro weSvondo.—Tito 2:12.
Kurarama nokuzvipira kwoumwari kunobvisa zvakajeka kuratidzira mudzimu wenyika wokuzvimirira. Chinoitika chaichoicho chinoti “Zviisei Imi Mumene Pasi paJehovha,” chakapiwa nembavarira chaiyo yePoland, chakasimbisa chinjo dzinokosha idzo maKristu anofanira kuita kuti agamuchire tendero yaMwari.
Mumwe mutezo woMutumbi Unodzora wakanokora mashoko 1 VaKorinte 8:6 (NW), iyo inoti: “Kwatiri kuna Mwari mumwe Baba zvomenemene.” Iye akataura kuti dzidziso huru yechiKristu haisi Utatu, sezvinotaura vazhinji, asi kurevererwa kwaJehovha noUmambo hwake pasi paKristu. “Dzidziso yoUtatu kubva pazvokwadi, kuwa pairi,” iye akatsanangura kudaro. Nokudaro, vanhu vanodana Maria kuti amai vaMwari uye Mureveri pakati paMwari nomunhu “havana Mwari muzivo yakarurama.” (VaRoma 1:28, NW) Nenzira inowirirana, “kunamata Mwari nenzira yakafanira kunoreva kuramba dzidziso yoUtatu.” Kurova maoko kwakakwazisa kubudiswa kwebhurocha rina mapeji 32, Czy wierzyć w Trójcę? (“Should You Believe in the Trinity?”) Chombo chakaisvonaka zvakadini chokufumura nacho hunhema hweiyi dzidziso inozvidza Mwari!
Kununurwa hakuna kutongouya nokuda kwavanyajambwa veWarsaw Ghetto. Asi chipikirwa chaMwari, sechakatsanangurwa muhurukuro yavose, ndechokuti “Rununuro [Rwava] Pedyo Nokuda Kwavanhu Vokuzvipira Kwoumwari!” (2 Petro 2:9) Ikoku kwakadaro kunyange zvazvo maKristu vari vanyajambwa vamasimba masimba maviri—rudzi rwezuva riri rose naayo anonangidzirwa kwaari muchimiro chechitambudzo. Achiraira kuzvinzvera, mukurukuri akasimbisa kuti “rununuro runongova bedzi rwaavo vari vanhu vokuzvipira kwoumwari, avo vanokuzvipira kuri kwechokwadi, avo vane teerero iri ratidzirwo yoruvimbiko.”
Pashure pechiyeuchidzo chokupedzisira chokuti “Shingairai Nomudzimu,” kokorodzano yakaguma nokupiwa kunonyandura pamusoro unoti “Kurovedzwa Kwedu Kunopfuurira Nokuzvipira Kwoumwari Kunobetsera.” Vakokorodzani ipapo vakazarura mabhuku avo matsva enziyo echiPoland, matsva chaizvo akabva mumichina mavhiki mashomanene pamberi pezvo, uye nokubatana vakapa “Munyengetero Wokuonga” muchimiro chorwiyo 45.
Munyengetero wokugumisa wokushingaira wakatevera, uye ipapo kurova maoko kukuru kwakaitika paWarsaw, Poznan, uye Chorzów. MuWarsaw kurova maoko kwokushingaira kwamakumi ezviuru kwakaungira mufungu pashure pefungu kwamaminiti anopfuura 11. Hakuna munhu aida kuenda, uye kurova maoko vakamira, kunoratidzira kwazvo mufaro weiri boka guru reZvapupu, zviuru zvakawanda zvavo vakanga vachipinda kokorodzano yavo yokutanga yamazuva matatu, kwakanga kuri kuratidzirwa kunoshamisa kwokuonga kwavo kuna Jehovha nesangano rake. Kwakanga kwakaita sokunge mumhinduro kuPisarema 47:1, 2: “Uchirai, imi vanhu vose! Pururudzai kuna Mwari nenzwi romufaro mukuru! Nokuti Jehovha Wokumusorosoro unotyisa; ndiye Mambo mukuru panyika yose.” Sezvo chimwe chezvinoitika zvikurusa munhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha chakasvika kumugumo, hama idzodzo dzechokwadi dzakagadzirira kuenda dzakananga kumusha, mwoyo yadzo ichipfachukira nomufarwa nokutsunga kukurumidzisa uchapupu hukuru hwoUmambo mutsinhirano nomuenzaniso unokosha waJesu wokuzvipira kwoumwari.
[Bhokisi riri papeji 27]
Mabhuku Matsva Anonyandurira Ku‘mabasa Okuzvipira Kwoumwari’
Bhuku idzva The Bible—God’s Word or Man’s? nebhurocha Should You Believe in the Trinity? ose ari maviri akanyandura kutaura kwakawanda kwokuonga. Imwe hanzvadzi inonyora pamusoro pebhurocha raTrinity, kuti: “Ndinoshamiswa, ndinofadzwa, uye kunakidzwa naro. Ndinokuongai nokuda kwenguva, simba, uye basa guru rakapinda mukutsikirira ichi chinyorwa chakaisvonaka.”
Imwe hanzvadzi yakanyora pamusoro pebhuku The Bible—God’s Word or Man’s?, kuti: “Ndinoda kukuongai kubva pasi pemwoyo wangu nokuda kweiri bhuku idzva rakaisvonaka. Ndinoshamisika, munomboziva here kuti ibasa rounyanzvi rakadini? Ndinowanzoisa mutsetse pasi pamashoko anokosha. Asi makandikatyamadza nemhaka yokuti shoko rimwe riri rose rinokosha. Ndichangobva bedzi kupedza ganhuro 5, asi ndinofanira kuti makazviita.”
[Bhokisi riri papeji 30]
‘Chipo Chakabva Kuna Jehovha’ Chavanhu Vaduku
Rutivi rwakatanhamara pakokorodzano muUnited States nedzimwe nyika dzakawanda rwakanga rwuri rusando reChishanu masikati, apo pwere dziri pakati pamazera e 10 ne 19 dzakakumbirwa kugara muchikamu chakachengetwa. Pashure penhevedzano chaiyo yehurukuro, mumwe nomumwe akapiwa kopi yapachena yebhuku idzva Questions Young People Ask—Answers That Work. Munyika yose, makopi 8 840 000 akabudiswa mumitauro 21, uye mazana etsamba dzokuonga akagamuchirwa!
“Pamagungano apfuura, pakanga pane hurukuro dzakapiwa kupwere,” anonyora kudaro mumwe musikana wechiduku, “asi muuyo wokuita kuti tose zvedu tigare pamwe chete wakanga uchishamisa.” Mumwe munhu muduku anonyora, achiti: “Ndakagara muchikamu chepwere. Ndakakurudzirwa kwazvo naikoku zvokuti, chibviro chenguva iyeyo, ndave ndichinyora zvinonyorwa pamisangano, kufunda zvikuru, uye kutsinhira. Ndiri kufunga nezvorubhapatidzo zhezha rinotevera.”
Nokuda kwepwere dzakawanda, chinoitika chacho chakanga chiri chinoitika chinokosha. “Apo mukurukuri akazivisa kuti taifanira kugara muchikamu chaicho,” anoyeuka mumwe musikana muduku, “ndakaziva kuti chimwe chinhu chikuru chaizoitika. Apo vakazivisa kubudiswa kwebhuku racho, ndakafara kwazvo zvokuti ndakada kuchema. Nguva dzose ndaiziva kuti munoitira hanya pamusoro pedu pwere, asi ikoku kwakanyura mumwoyo mangu. Iri bhuku ndiro chaizvo randaida!”
“Rakasanonyorwa kwazvo,” inodaro imwe pwere inonzi Leah, “uye mifananidzo yacho ndeyechokwadi uye inokuita chaizvoizvo kuti ufunge.” Zvinyorwa zvekokorodzano zvebhuku racho zvaiva neshoko pfupi rakabva kuMutumbi Unodzora rakanyorwa “To All Young Witnesses of Jehovah.” “Ndakaororwa zvikuru neshoko iroro chairo,” anodaro Andreá muduku. “Kwandiri ikoku kunonzwika somumwe munhu uyo Jehovha akasarudza kugara naye mudenga ari kutaura zvomenemene kwandiri!”
Vazhinji vakaonga kuti bhuku racho rakapiwa sechipo. Anoyeuka mumwe mubereki: “Ndakachemedzwa. Hama, vashanu vavanhu vaduku ivavo vakanga vari vangu, mazera 11 kusvikira ku 16. Ndingadai ndakakwanisa kupa mupiro wamabhuku maviri bedzi.” Inonyora imwe pwere inonzi Mark: “Ndakavamba kuverenga kuti kunofanira kuve kwakadya mari yakawanda sei kupa kopi kumuduku mumwe nomumwe, asi ipapo ndakaziva kuti nhungamiro iri mukati inokosha. Kana bhuku racho rikabetsera pwere imwe bedzi yakasindimara kudzokera munzira inotungamirira kuupenyu kana kuti, zvinotova nani, rikabetsera vazhinji vedu kurambira munzira iyoyo, kwakanga kwakafanira ndyiko iyoyo yose.”
Pwere dzakawanda dzakavamba kubetserwa nebhuku racho nokukurumidza. “Ndakapinda kokorodzano yedu pana July 7-9,” inodaro imwe pwere, “uye pakasvika Muvhuro, July 10, ndakanga ndaripedza!” Yakati imwe: “Ganhuro mbiri dzokupedzisira dzakandikurudzira chaizvoizvo kutanga kurangarira upenyu hwangu zvakakomba zvikuru. Pane imwe nguva ndakanga ndichizobhapatidzwa asi ndakachinja pfungwa yangu. Zvino zvandakagamuchira ichi chinyorwa chinoshamisa, ndinoziva kuti ‘nyika iri kupfuura’ uye kuti ndinofanira kuita chiito zvino.”
“Nemhaka yokuti nguva dzakachinja,” akanyora kudaro mumwe musikana muduku, “nguva dzose ndaifunga kuti vakuru vaisaziva kunzwa kwataiita. Hamuzivi kuti ndinofara sei kuona kuti handina kururama. Ngwariro yedu kwatiri vaduku inoita kuti ndinzwe sokunge ndinokosha.” Rimwe boka repwere reSweden rakanyora, kuti: “Tinonzwa kuti munotinzwisisa isu pwere, uye tinonzwawo tiri pedyo zvikuru nemi.”
Imwe pwere yakasanokupeta payakati: “Mukoma wangu nehanzvadzi yangu neni takada bhuku racho. Tinonzwa kuti chipo chakabva zvakananga kuna Jehovha.” Munyengetero wedu kuti ichi chipo chichapfuurira kushanda nokuda kwokukomborerwa kwepwere dzinotya Mwari.
[Chati iri papeji 29]
Kuzvipira Kwoumwari—Kunowedzera muEurope!
Vakapinda Kokorodzano Vabhapatidzwa
Pakokorodzano
1979 1984 1989 1979 1984 1989
AUSTRIA 17 847 20 908 25 153 236 257 307
BELGIUM 23 185 28 456 30 622 234 248 429
BRITAIN 113 910 137 008 160 704 605 937 1 344
DENMARK 21 057 23 267 24 645 122 147 249
FINLAND 20 293 23 501 25 679 215 302 329
FRANCE 89 073 110 745 156 751 1 361 1 856 3 201
GERMANY 129 342 140 681 159 819 1 154 1 009 1 694
ITALY 117 163 169 328 240 041 2 515 3 769 6 295
LUXEMBOURG 1 141 1 327 3 131 8 12 61
NETHERLANDS 36 768 42 060 44 185 126 143 271
NORWAY 10 327 11 352 13 829 107 159 294
POLAND — 94 134a 166 518 — 3 140b 6 093
PORTUGAL 35 108 47 843 59 797 862 1 068 1 546
SPAIN 62 201 84 706 115 713 1 278 1 521 2 935
SWEDEN 21 286 25 204 30 943 279 323 410
SWITZERLAND 14 455 17 457 23 867 130 225 349
HWERENGEDZO 713 156 977 977 1 281 665 9 232 15 116 25 807
[Mashoko Omuzasi]
a Nhamba dza 1985
b Nhamba dza 1985
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kubudiswa kwebhurocha ra“Trinity” kwakanga kuri manyuko omufaro muWarsaw
[Mufananidzo uri papeji 31]
Zvapupu zvichangobva kuzvitsaurira muChorzów zvinoronda kuzvipira kwoumwari kupfurikidza nokubhapatidzwa