RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 2/1 p. 3
  • Unogona Kudavira Bhaibheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kudavira Bhaibheri Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mhindumupindu Inotongwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ichokwadi Here Kuti Takabva Kumhuka?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?—Chikamu 1: Sei Tichiti Mwari Ariko?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kushanduka-shanduka
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 2/1 p. 3

Unogona Kudavira Bhaibheri Here?

“HAKUNA ngozi chose chose kutaura kuti kana ukasangana nomumwe munhu anoti haadaviri mhindumupindu, munhu iyeyo haana chaanoziva, ifuza kana kuti ibenzi.” Aya mashoko akataurwa nenyanzvi yesayenzi yezvinhu zvipenyu Richard Dawkins anokutapura sei? Kana uchidavira Bhaibheri, sezvingabvira unodavira chisiko panzvimbo perondedzero yemhindumupindu. Ikoko kunoreva here kuti, somudaviri weBhaibheri, hauna chaunoziva, uri fuza, kana kuti uri benzi?

Rangarirawo uku kutaura: “Nyanzvi dzeTestamende Itsva dzakasimbisa pasina nepanikiro ipi neipi ine mufungo kuti Jesu wamanyoro apakuvamba echiKristu kusvikira patambanuko yakati ingano yefungidziro yechiKristu.” Aya mashoko ari muThe Weekend Australian akataurwa naDr. Robert W. Funk, purofesa wapayunivhesiti yefundo dzorudzidziso nomunyori wechiverengero chakati chamabhuku padudziro yorudzidziso.

Dr. Funk akavamba gadziriro inozivikanwa seKirasi yaVadzidzi yaJesu, boka renyanzvi dzeBhaibheri dzinopfuura zana idzo pamwe chete dzakaongorora mashoko aJesu akashumwa muBhaibheri. Pakati pezvimwe zvinhu, ivo vakagumisa kuti Munyengetero waShe hauna kuumbwa naJesu; kuti Jesu haana kutaura kuti vanyoro vaizogara nhaka pasi kana kuti kuti vawadzanisi vaizonzi vanakomana vaMwari; uye kuti haana kuti: “Ndini rumuko noupenyu. Iye anoshandisa kutenda mandiri . . . haasati achizotongofa.”—Johane 11:25, 26, NW; Mateo 5:5, 9; 6:9, 10.

Kunyange zvazvo mhedziso dzavo dzingakukatyamadza, hadzisi dzechienzi. Idzo muuyo wokutsoropodza Bhaibheri kwazvino uno, uye pfungwa dzakafanana dzakadzidziswa muzvikoro zvorudzidziso kwenguva yakati. Zvichida wakazviomesa umene kukunzwa Bhaibheri richipokanidzwa namasayendisiti. Asi apo vatungamiriri vorudzidziso vanopanikira uzvokwadi hwechinyorwa cheBhaibheri, ungashamisika kana yava nguva yokurangarirazve chimiro chako umene. Kune mufungo here kudavira Bhaibheri apo vakangwara vazhinji kwazvo mumarudzidziso sezviri pachena vasati?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe