RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 12/15 pp. 3-4
  • Rugare—Ruchauya Nokukanda Zvombo Pasi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rugare—Ruchauya Nokukanda Zvombo Pasi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamburiko Dzokukanda Zvombo Pasi
  • Kurangarira Ndyiko
  • Vanhu Vanokwanisa Kupedza Hondo Uye Kurwisana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Chiroto Chorugare Rwenyika—Chiono Chakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ticharamba Tichida Mauto Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ndiani Anogona Kuunza Rugare Runogara?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 12/15 pp. 3-4

Rugare—Ruchauya Nokukanda Zvombo Pasi Here?

“CHIKANGANISO chikurusa kuvhenganisa kukanda zvombo pasi norugare,” akadaro Winston Churchill makore mashanu marudzi asati apinda muhondo yenyika yechipiri. “Apo munenge mune rugare muchava nokukandwa kwezvombo pasi,” iye akawedzera kudaro.

Chikahadziso chakadini! Ndiani achapinda mungozi yokukanda zvombo pasi kutozosvikira rugare rwaiitwa kuti ruve rwechokwadi? Asi kunogona seiko kuva norugare chairwoirwo apo zvombo zvinenge zvichiunganidzwa nokuda kwehondo? Iwo mugariro umo vezvamatongerwe enyika vasina kutongowana nzira yokubuda nayo.

Winston Churchill akataura izvozvi muna 1934, pashure pomugumo woMusangano woKukanda Zvombo Pasi wakaitwa neChinzwano chaMarudzi makore maviri chete pamberi pezvi. Donzo rouyu musangano, uyo wakanga watora makore 12 kugadzirira, rakanga riri rokudzivisa kushongedzerwazve nezvombo kweEurope. Vanhu mupasi rose vakanga vachiri kuyeuka zvakajeka kuurawa kunotyisa kwavarwi vane mamirioni mapfumbamwe mukati meHondo yeNyika I, mukuwedzera kumamwe mamirioni akakuvadzwa nechiverengero chihombe chavasiri varwi vakaurawa kana kuti kukuvadzwa. Bva, kukanda zvombo pasi hakuna kutongoitika. Neiko?

Nhamburiko Dzokukanda Zvombo Pasi

Gadziriro yokukanda zvombo pasi inogona kumanikidzirwa kuteererwa asi nenzira isingawanzobudiriri. Somuenzaniso, pasi peChibvumirano cheVersailles cha 1919, Germany yakakandiswa zvombo pasi ne“vimbiso dzakakwana dzakapiwa ndokutorwa dzokuti zvombo zvorudzi zvichaderedzwa kusvikira pamwero wakadereresa mutsinhirano nekotsekano yenyika.” Ikoku kwakanga kuri mutsinhirano nechimwe chezvikarakadzo zvapurezidhendi Woodrow Wilson weU.S., gare gare chakabatanidzwa muChikamu 8 chesungano yeChinzwano chaMarudzi. Asi apo Hitler akatonga, iye akakurumidza kuzvidza gadziriro yacho.

Ko Chibatanwa chaMarudzi chakanga chichibudirira zvikuru here mukutanga hwaro hwakanaka hwokukanda zvombo pasi pashure pehondo yenyika yechipiri? Aiwa, asi kushaiwa kwacho rubudiriro kwakanga kusiri nokuda kwokuperevedza kwenhamburiko yakasimba. Nezvombo zvenyukireya zvinoparadza zvikuru zvino zvakanga zvowanika, kunyanguvezvo, kukanda zvombo pasi yakanga iri nhau youkoshi hukuru. “Kakavadzano yekare yokuti nhangemutange dzezvombo dzakanga dzisiri dzokuchenjera mune zvemari uye dzakatungamirira nenzira isingadzivisiki kuhondo,” inodaro The New Encyclopædia Britannica, “yakatsiviwa nenharo dzokuti kushandiswa kwomunguva yemberi kwezvombo zvenyukireya muuwandu kwakatyisidzira shambidziko imene.”

Dare roKukanda Zvombo Pasi ramarudzi 12 rakarongwa muna 1952 kudzivisa nhangemutange yezvombo yakanga ichikura yaMabvazuva/Madokero. Iro rakakundikana kufambira mberi, uye pakupedzisira masimba makuru maviri akarongazve mapoka awo anokwikwidzana. Zvimwe zvibvumirano zvakasiana-siana newirirano zvakaitwa kusvikira panguva yazvino. Bva, mugariro wokusavimbana hausati wabvumidza kuparadzwa kwakakwana kwezvombo zvose zvehondo. Ichocho, inodaro The New Encyclopædia Britannica, ndechimwe chinhu “chinotsigirwa navafungi vezvisingashandi.”

Kurangarira Ndyiko

Kukanda zvombo pasi kana kuti kusakanda zvombo pasi—indyikoi dzinobatanidzwa? Ndyiko hadzirangarirwi nguva dzose mumari. Mabasa munzvimbo dzinogadzirwa zvinhu zvine chokuita nezvombo ndeerangarirowo huru. Munyika dzakawanda mari dzemitero dzinoshandiswa kutenga zvombo, kugadzirwa kwazvo kunonyandura mabasa. Naizvozvo kukanda zvombo pasi kungatungamirira kukushaya mabasa. Ndokusaka nyika dzine misengwa mikuru kumari dzokuzvidzivirira dzichitya mufungo wokukanda zvombo pasi kwakakwana. Kufunga kwakadaro kunotyisa nokuda kwadzo panzvimbo pechiroto chisingashandisiki.

Bva, hatigoni kufuratira zvitsama zvikuru zvemari zvinobatanidzwa mukutarisira gadziriro yehondo. Kunorangarirwa kuti 10 muzana youkoshi hwehwerengedzo yezvigadzirwa zvenyika iri kushandiswa pazvombo. Iyoyo yakawanda sei? Nhamba chaidzoidzo dzinosiana nokuderera kwoukoshi hwemari, asi funga nezvokupedza mamirioni Z$3,311 neiyi nzira miniti iri yose yezuva! Ndizvokutangai zvawaizosarudza kudai iwe waiva nechitsama ichocho chokushandisa? Kubetsera vane nzara here? Kutarisira utano here? Garikano yavana here? Dzorerwo yezvinhu zvipenyu mumhoteredzo yazvo here? Kune zvakawanda kwazvo zvingagona kuitwa!

Rangarira, somuenzaniso, gadziriro ye“motokari dzehondo dzinotakura zvombo kumatarakita” yakaziviswa misi ichangobva kupfuura iyi muU.S.S.R., umo mafekitari ezvombo ari kuchinjwa kuti agadzire marudzi 200 e“midziyo isingaitiki yebato rinogadzira zvinhu zvokurimisa.” Neiko midziyo iyoyo yokurimisa ichidikanwa zvikuru? Nemhaka yokuti, mukuwirirana neFarming News yeBritain, “chikamu chimwe chezvitatu bedzi chemichero nemiriwo zvinorimwa pamapurazi ehurumende chinosvika vashandisi, zvasara zvichisiiwa kuti zviorere muminda kana kuti kuparara zviri panzvimbo dzokuendesa kana kuti mumatura.”

Kunyange zvazvo kugadzira matarakita panzvimbo pemotokari dzehondo dzinotakura zvombo kungarumbidzwa, kunoita misoro yenhau nemhaka yokuti ndokwechienzi kwazvo. Uyezve, muuyo wako pahwerengedzo yokugadzirwa kwezvombo muduku zvikuru. Mazana asingaverengeki amamirioni epondo, maruble, uye madhora anopfuurira kushandiswa pazvombo munyika umo “vanhu vanopera simba nemhaka yorutyo nokukarirwa kwezvinhu zvinouya papasi rinogarwa,” seizvo chaizvo Jesu Kristu akadeya kutaura. Rutyo rwakadaro runogona sei kupedzwa? Ko kukandwa pasi kwezvombo kwakakwana kucharamba kuchingova chiroto chete here? Kana kusati, chii chinodikanwa kukuparira?—Ruka 21:26, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe