RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 12/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Vaparidzi veMashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Dzidzisa Vana Vako Kurumbidza Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Chikamu 12—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Batsira Vaunodzidzisa Bhaibheri Kuti Vave Vaparidzi Vemashoko Akanaka oUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 12/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Nemhaka yamashoko matsva pamusoro pavasina kubhapatidzwa vanotanga muushumiri hwapachena, mudzidzi weBhaibheri angakokwa here kwenguva yakati kuti aone kuitwa kwebasa racho?

Zvikurukuru, vasina kubhapatidzwa vanoperekedza Zvapupu zvaJehovha muushumiri hwomumunda ndivanhu vakakwanirisa savaparidzi vamashoko akanaka.

Vazhinji vavanhu vanoremekedza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwebasa razvo rechienzi nerakaisvonaka ro‘kuita vadzidzi, vachivadzidzisa’ pasuo nesuo uye kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha. (Mateo 28:19, 20) Chii, ipapoka, chaizogumisa vanhu pamusoro pomunhu anoperekedza Chapupu muushumiri ihwohwu? Ivo nenzira ino mufungo vaizogumisa kuti shamwari yacho mushumiriwo kana kuti ava pedyo zvikuru nokuva akadaro.

Sezvinobvumwa, zvisingabatanidzwi zvishomanene zvingayeukwa.

Panhambo dzisingawanzoitiki vakuru vakafanira vakabvumidza munyori wenhau, purofesa wapakoreji, kana kuti vakafanana kuperekedza Chapupu muushumiri hwapaimba neimba kuti aone kuitwa kwahwo. Chokwadika, chitarisiko chomunhu wacho nezviito panhambo dzakadaro zvinofanira kusarwisana nemipimo yedu. Uye Chapupu chingada kududza kuna vanasaimba kuti mufambidzani munyori wenhau kana kuti purofesa uyo anofarira kucherechedza nzira yatinoita nayo basa redu rinokosha reBhaibheri.

Uyewo, vabereki vechiKristu vanouya navana vavo muushumiri kunyange kana ivava vachiri vaduku zvikuru kana kuti neimwe nzira vachigere kuva vakagadzirira kuva vaparidzi vasina kubhapatidzwa. Ava vabereki nokudaro havasati vachirega vana vavo vasingatarisirwi. Kuva navo mubasa romumunda kunobvumira vabereki kutaura kuvana vavo pamusoro peShoko raMwari nenzira sezvo ivo “vanofamba munzira.” (Dheuteronomio 6:4-7, NW) Asi irworwu rutivi rwoupenyu hwemhuri hwechiKristu, kwete nhau yeChapupu chinouya nomumwe munhu somucherechedziwo zvake. Chokwadika, rovedzo yavabereki yakadaro inogadzirira vana nokuda kwenguva apo ivo vacharumbidza Jehovha savaparidzi.—Mateo 21:15, 16; enzanisa naTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 99, 100.

Zvakadini, kunyanguvezvo, nomunhu uyo Chapupu chiri kuitisa fundo yeBhaibheri, mumwe munhu ari panzira yokuva mudzidzi? Iye ane chikonzero chakanaka chokuudza hama dzokunyama, vashandi biyake, vavakidzani, uye vamwe pamusoro pe“zvinhu zvakaisvonaka zvaMwari” izvo iye akadzidza muMagwaro. (Mabasa 2:11, NW) Nenzira ine tariro, ichasvika nguva apo iye anoona kudikanwa kwokugoverana neZvapupu zvaJehovha mugadziriro dzakarongwa dzo“kuparidza shoko raMwari.”—Mabasa 13:5, NW.

Nharireyomurindi misi ichangobva kupfuura iyi yakaonesa nhano dzakafanira mudzidzi akadaro asati akumbanira Zvapupu zvomunzvimbomo muushumiri, kuva muparidzi asina kubhapatidzwa. Kunongova bedzi kune mufungo kuti iye anofanira kuva nezivo yehwaro yeBhaibheri, anofanira kunzwisisa uye kuva mutsinhirano nemipimo yetsika yaMwari, uye anofanira kushuva somunhu oga kutora rutivi muushumiri hwapachena neZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo vakuru vaviri veungano vanogona kuva nekurukurirano inobetsera neinokurudzira yamapfundo akadaro naye uye Chapupu chiri kufunda Bhaibheri naye.a Ikoku kunofanira kuitwa mudzidzi weBhaibheri asati akokwa kuperekedza muparidzi mubasa romumunda kuzogamuchira rovedzo inofambira mberi.

Nenzira inonzwisisika, apo mudzidzi anokwanirisa kupinda muushumiri hwomumunda uye ipapo anotanga kuita saizvozvo, iye kwenguva dzinoverengeka angada kuenda nomuparidzi wacho kuti adzidze kuti basa rokuparidzira rinoitwa sei zvomenemene. Mushumiri anaye angagovera rovedzo yapashoma napashoma, zvakadai sokumukumbira kubetsera kwechinguvana nokurava magwaro, ipapo pashure penguva yakati kumuita kuti atungamirire mukupupurira kuna saimba. Nokudaro, iye anogona kupinza mushumo wake webasa romumunda wokutanga apo iye anogoverana zvomenemene mukupupurira mumunda. Kuva kwake nenzira inofambira mberi negoverano yakawedzerwa mubasa kunobvumirana namashoko aJesu, anoti: “Mudzidzi haasi pamusoro pomudzidzisi wake, asi munhu ari wose anoraidzwa zvakakwana achave akafanana nomudzidzisi wake.”—Ruka 6:40, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwoudzame, ona Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, peji 17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe