RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 12/1 pp. 28-30
  • Ndakakwira Gomo Rakanakisisa Raose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakakwira Gomo Rakanakisisa Raose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuora Mwoyo
  • Fundo yeBhaibheri
  • Kupupurira Kuvamwe
  • ‘Muri Mukuru Kupfuura Makomo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jehovha Akandipa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Imba yaJehovha Inokwidziridzwa
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 12/1 pp. 28-30

Ndakakwira Gomo Rakanakisisa Raose

INI ndakaberekerwa ndokurererwa mutaundi duku riri mumakomo eEastern Europe. Vabereki vangu vakanga vari vaRoma Katurike, asi havana kundiita kuti ndiende kuchechi, uye pamusha taisanyengetera pamwe chete kana kuti kutaura pamusoro porudzidziso. Naizvozvo, kufanana navamwe vanhu vaduku vakawanda, ndakapedzera nguva yangu nesimba mumitambo, dzidzo, uye kufamba.

Mutaundi redu, makanga mune boka rinoshingaira zvikuru ravakwiri vamakomo raitungamirirwa nomumwe murume ane mutsa, ane ruzivo rwokuzviwanira uyo aiziva zvakawanda pamusoro pamakomo. Kuonga kwaari, ndakava ane unyanzvi zvikuru mukukwira makomo. Ndakanga ndine makore 18 okukura panguva iyeyo, uye ndakakurumidza kuda zviono zvakaisvonaka ndiri paurengarenga hwakakwirira, manyemwe okutarisana nokupukunyuka migariro ine ngozi, uye ushamwari navamwe vaigoverana ngozi dzakadaro.

Ndinoyeuka imwe nhambo pashure pokunge ndave ndiri muboka racho kwamakore mashanu. Ndakanga ndichikwira gomo umo nzvimbo yakanga iri nyore, uye ndakaderedza kupa ngwariro kwangu panguva chaipo apo ndakanga ndava kusvika pamusoro. Sezvandakasvika pedyo napamusoro poruware, rwakatanga kutenheka. Zvose zvandaigona kuita kwaiva kusvetukira parutivi ndokudanidzira nyevero kuvakwiri biyangu. Ibwe rinodonha rakagura tambo yakanga yakatibatanidza pamwe chete, uye ndakawa. Nomufaro, kuwa kwangu kwakabatwa nerwenze ruduku rune uswa mamita 4 chete pasi. Zvisinei, zvinhu nguva dzose hazviitiki zvakanaka kwazvo kudaro muuyu mutambo!

Pamakore 24 ezera, ndakapedza kufunda payunivhesiti uye ndakatanga kutungamirira boka duku ravanokwira mumakomo vomutaundi romumusha mangu. Pashure penguva yakati, takaunganidza mari yokutenga kabhazi kuti tigogona kuzvisvitsa timene nemidziyo yedu kumakomo ari kure zvikuru. Asi motokari yacho yakanga yakashata, uye ndakapedza mwedzi mitatu, masikati nousiku, ndichiigadzira. Apo yakanga yapera, tose zvedu takatsvaka mabasa ane ngozi aibhadhara zvakanaka, zvakadai sebasa romudenga mukuvaka, uye neiyi nzira pakupedzisira takaunganidza mari yakakwana kuita rwendo rwokuIran. Ikoko, muna 1974, takakwira gomo rinoputika rakareba mamita 5 800 rinonzi Damavand. Nepo kukwira kwakatanga nyore nyore zvikuru, nechapamusoro taifanira kutsungirira sinou yakawanda, perevedzo yechifemo nemhaka youkwiri, uye utsi hunokuvadza hunobva mumwena yamakomo anoputika.

Tichidzokera kumusha tiri mukabhazi, takaronga kukwira Mount Ararat asi taitofanira kukurega nemhaka yedzvinyiriro yezvamatongerwe enyika. Muna 1975 takaenda kundotsverendendeka muAustrian Alps, uye panguva imwe cheteyo, takavamba makwikwi enyika yose okutora mapikicha orudzi rwose ayo takadana kuti “Men and Mountains.” Aya makwikwi achiri kuitwa gore rimwe nerimwe. Tose zvedu takava nokunzwa kwokuti upenyu hwedu hwakanga hwakazara uye hwaigutsa.

Kuora Mwoyo

Zvisinei, apo ndakasvika pamakore anenge 30, ndakavamba kufinhwa nokukwira makomo uye ndakashamisika: ‘Ikoku ndiko bedzi chaizvoizvo here kuri kuupenyu?’ Vamwe vakandiudza kuroora, asi ndaiva neshamwari dzakanga dzakaroora, uye dzaisaratidzika kuva dzinofara zvikuru. Kunyange varoorani vaiva noukama hwakanga hwakabatanidzwa mungozi namanyemwe zvokukwira makomo vakaratidzika kuva vakarasikirwa nomufarwa wavo muzvomene yokurarama kwezuva nezuva. Ndakanga ndisingazivi chikonzero nei roorano dzavo dzakanga dzisingafadzi, asi kunyange zvazvo ini ndimene ndaida kuroora, ndakanga ndisingadi kuva asingafari saivo.

Mukuwedzera, ndakacherechedza chinjo muvanhu vaduku vaikwira makomo. Kare, nguva dzose kwakanga kune mudzimu wechirango, batira pamwe, uye ushamwari mumisasa yavanokwira makomo yeAlpine. Zvino, vakomana vaduku navasina ruzivo rwokuzviwanira vakanga vasina kurangwa uye vasingagutswi nokuita fambiro mberi pashoma napashoma. Ivo vaida kushaina ndokutanga kukwira makanga makaoma zvikuru uye mune ngozi nokuda kwavo. Ndichinzwa ndaora mwoyo zvikuru, ndakava nekurukurirano refu, huru neshamwari yangu Bonjo. Iye pakupedzisira akakarakadza kuti nditaure nomukwiri makomo biyangu, Henry.

Henry akandikweretesa bhuku, Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, uye pakurirava, ndakashamiswa nokuona kuti rakakurukura sei mibvunzo yandakanga ndichishamisika pamusoro payo mumwoyo mangu. Kwakaitika kuti Henry akanga achifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, naizvozvo ndakakumbira kana ndaigona kukumbanira. Iye akabvuma, uye kwamakore maviri ndakapinda mufundo huru yeBhaibheri neyamabhuku api naapi eBhaibheri andaigona kubata namaoko angu.

Fundo yeBhaibheri

Sezvo zivo yangu yakakura, ndakanzwa mufaro unowedzera. Ndakanga ndakangorovedzana zvishomanene norudzidziso rweRoma Katurike, asi ndakashamisika kuona kuti chiKristu cheBhaibheri chakanga chisingatsamiri pamitambo, magamuchidzanwa, uye mirangariro isina mufungo. Panzvimbo pezvo, kwakabatanidza nheyo dzetsika dzakakwirira idzo dzaitapura rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwomuKristu. Mukuwedzera, ndakakatyamadzwa nokuona kuti Bhaibheri rine mufungo zvikuru uye haripokanidzi rondedzero dzesayenzi dzinobvumikiswa zvakasimba.

Chapupu chakatungamirira kurukurirano naHenry neni hachina kutimanikidzira kuchinja mirangariro yedu nenzira yedu youpenyu. Zvose zvaakaita kutsanangura zvakajeka zvinotaura Bhaibheri. Nokudaro, ndakapfuuridzira kukwira makomo kwamakore maviri iwayo okutanga efundo. Asi sezvo zivo yangu yakakura, ndakasvika pakuziva kuti nokuda kwangu kukwira makomo kwakafanana nechinopinda muropa. Tsaona nebwe rinowira yakandiyeuchidzawo nezvamashoko aJesu kuna Satani apo Satani akamuedza kuti azvikande amene achibva pachiruvu chetembere: “Hausati uchifanira kuedza Jehovha Mwari wako.” (Mateo 4:5-7, NW) Ndakaziva kuti uyu mubato wairatidza ruzvidzo nokuda kwoupenyu uhwo Jehovha akanga andipa.

Ini naizvozvo ndakagamuchidza mutoro weboka redu ravakwiri vamakomo kumumwe mukwiri ano ruzivo rwokuzviwanira ndokuwana kuti kwakanga kusina kuoma kuyambuka kubva kukukwira makomo kuenda kuchiKristu. Sezvandakapa kana kuti kutengesa midziyo yangu yose—zvokutsverendendesa, masimbi okukwirisa, macarabiner, sando, zvipikiri, uye demo reaizi—ndinogona nenzira yokutendeseka kutaura, mumashoko omuapostora Pauro, kuti kwandiri izvo zvino zvaingova chete “marara akawanda.” (VaFiripi 3:8, NW) Kunzwa kwegutsikano huru kwakauya pandiri sezvandakakwanisa kukumbanira mubasa rakaisvonaka rokurumbidza zita raMwari pachena. Muna 1977 tose tiri vaviri Henry neni takaratidzira tsauriro yedu kuna Jehovha norubhapatidzo rwomumvura.

Kupupurira Kuvamwe

Panguva iyoyo, kwakanga kune mitezo inenge 15 yeboka ravakwiri makomo mutaundi redu, uye pashoma napashoma Henry neni takapupurira kuvose vavo. Wakanga uri mufaro wakadini apo munun’una wangu, uyo akanga ariwo mutezo, pamwe chete nomudzimai wake, vakavamba kufunda Bhaibheri ndokubhapatidzwa muna 1981. Nguva yakati gare gare, Bonjo akatikumbanira, pamwe chete nomumwe, wechishanu webandiko ravakwiri mumakomo. Hatina kufanira kukwirazve makomo marefu. Mufarwa wedu mukurusa wakanga uri kushanyira vanhu mumupata avo vaionga zvokwadi yeBhaibheri. Iyi chinjo yakagamuchirwawo nesununguko huru naamai vangu, avo vakanga vave vachitya zvikuru pamusoro pemibato yokukwira yomunun’una wangu neni. Pakupedzisira, ivowo vakatikumbanira mukunamatwa kwakachena kwaJehovha.

Zvino chishuvo changu chokuroora chakanga charasikirwa noukoshi hwacho. Kuonga kuShoko raMwari, ndaiziva nheyo dzaizondibetsera kuita kuti roorano ibudirire, asi zvino ndakanga ndichifara nokuva asina kuroora nokubatira Jehovha pasina chinotsausa. Soromoni akazivisa, kuti: “Mudzimai akachenjera anobva kuna Jehovha.” (Zvirevo 18:22; 19:14, NW) Naizvozvo, ndakasarudza kumirira Jehovha nenzira yokushivirira kuti andipe ichi chipo, munguvayo ndichirarama nenzira yakadaro zvokuti ndaizova murume akafanira apo kwaizoitika. Makanga muri muna 1982 apo Jehovha akandipa chikomborero chinoshamisa chomudzimai akaisvonaka.

Mudzimai wangu neni tichiri kugara mumakomo, uye ndichiri kuada. Asi itiro hanya yedu huru zvino kubetsera vanhu kukwira rimwe gomo. Igomoi iroro? Riya rinodudzwa muuporofita hwaIsaya: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: ‘Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;’ nokuti murairo uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusarema.” (Isaya 2:2, 3) Mufaro wakadini kuva ndakakwanisa kukwira irori, gomo rakanakisisa raose!—Yakagoverwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe