Ukuru Hunoshamisa Hworunako rwaMwari
MWARI akanaka! Wakanzwa kutaura ikoko kangani kana kuti kunyange kukushandisa iwe umene? Asi wakamborangarira here pamusoro poukuru hwakazara hworunako rwaMwari nokuda kwako? Fungisiso yakadaro inokudza nzwisiso yedu yorudzi rwaMwari watinonamata.
Kutanga, kunyanguvezvo, tinofanira kunzwisisa chiri runako. Runako, chokwadika, ivara rokuva akanaka mukupesana nokuva akaipa. Asi runako runopfuura izvozvo. Irwo ivara rinoshingaira. Munhu akanaka anoita zvakanaka. Uye Mwari, murunako rwake, anotiitira zvinhu zvakanaka zvakawanda kwazvo zvokuti mwoyo yedu inomufarira.
Ukuru hukuru hworunako rwaMwari hunoonwa mumashoko ake kuna Mosesi murenje reSinai. Imomo, iye akapikira mubatiri wake akatendeka, kuti: “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako.” Achizadzika chipikirwa ichocho nokushandisa zita rake amene, Mwari akatizve: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva.”—Eksodho 33:19; 34:6, 7.
Naizvozvo, runako rwaMwari runobatanidza ngoni dzake pamwe chete nenyasha dzake, mutsa wake worudo, uye zvokwadi yake. Mukuwedzera, runako rwake runoonwa mukuti iye “unononoka kutsamwa,” ane mwoyo murefu. Ikoko hakurevi, kunyanguvezvo, kuti iye akafanana nomubereki anoregerera, achibvumira chivi kupfuurira chisingadzorwi nokusingaperi. “Usingapembedzi” vatadzi vasingapfidzi. Mwari akanaka haagoni kubvumira uipi kuvapo husingadziviswi.
Ukuru Hworunako rwaMwari
Rangarira, zvino, dzimwe dzenzira Mwari akaratidza nadzo runako rwake. Kutanga, iye akanga akanaka kuvanhu apo akatanga kusika pasi. Iye haana kungogovera zvake zvinokosha chete nokuda kwoupenyu hwavanhu. Panzvimbo pezvo, iye akashongedzera zvakapfuma pasi redu kuita kuti kurarama pariri kuve mufaro wechokwadi. Iye akapa zvokudya nezvokunwa mumhatsa huru. Iye akaita mhatsa inofadza yemhuka neshiri, uye iye akasika maruva ayo anowedzera ruvara norunako kumhoteredzo dzedu. Mukuwedzera, iye akaita marudzi akawanda akasiana-siana echiono ayo ari mufaro kutarira kwaari. Chokwadi, nguva imwe neimwe tinoona kuvira kwezuva kwakaisvonaka kana kuti gore rakaisvonaka, tinoona hufakazi hworunako rwaMwari!
Apo iye akasika murume nomukadzi, runako rwaMwari rwakaonwa zvakare. Iye akapa Adhama naEvha miviri yakakwana, ine utano hwakanaka ndokuvapinza muBindu reEdheni. Ipapo iye akavapa basa rinofadza nerinodenha: “Muzadze nyika, mubate ushe pairi.” Nokudaro, iye akaisa pamberi pavo kariro dzokufarikanya upenyu nokusingaperi muparadhiso yapasi pakati pavana vavo vakawanda. (Genesi 1:26-28; 2:7-9) Haiwa chipo chomuchato chinoshamisa zvakadini nokuda kwavaroorani vokutanga vohunhu!
Kunyange apo Adhama naEvha vakapanduka, Mwari haana kuvasiya chose chose. Papfundo iroro, kudai iye akanga avaranga norufu rwapakarepo, iye aizongova bedzi achiita chakanga chakarurama. Zvisinei, iye akanga akanaka kuvaviri vohunhu zvino vanotadza. Iye akavabvumira kupfuurira kurarama kwenguva yakati nokuva navana.—Genesi 5:1-5.
Uyezve, runako rwaMwari rwakapfuurira kurudzi rwomunhu rwakawa chibviro chenguva iyeyo. Mambo Dhavhidhi akati: “Jehovha akanaka kuna vose, uye ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” (Pisarema 145:9, NW) Iye anogovera zvakawanda kwazvo zvokuti upenyu hwavanhu hunogona kupfuurira panzvimbo yake, pasi. Jesu akati kuvaJudha vezuva rake: “Baba venyu vari kudenga; . . . vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:45) Nzara ipi neipi kana kuti kushaiwa uko kuripo hakusi nemhaka yokuti Mwari akakundikana kugovera nokuda kworudzi rwomunhu. Imhaka youshati, utsinye, uye kusakwanisa kwavanhu.
Mwari anobvumirawo rudzi rwomunhu kushandisa pfuma yapasi yezvinocherwa, uye iye haana kuvavanzira mwero wakati wokunzwisiswa kwamatenga ane nyeredzi nokuitwa kunooneka kwezvinhu. Zvirokwazvo, Jehovha akanaka kurudzi rwomunhu, kunyange zvazvo vazhinji vachitaura nokuzvitutumadza kuti hakuna Mwari, uye vamwe vanoshatisa runako rwake nokuda kwamadonzo oudyire, kunyange kusvikira patambanuko yokudzvinyirira vanhu biyavo.—Pisarema 14:1.
Runako rwaMwari Kuvatendi
Kana, kunyanguvezvo, Mwari ave akanaka kurudzi rwomunhu rwose zvarwo, kubata kwake navatendi kunofadza zvirokwazvo. Kutanga, apo Adhama naEvha vakatanga kupanduka, Mwari akaporofita kuti “mbeu” yaizooneka iyo pakupedzisira yaizokurira miuyo yakashata yechivi chavo. (Genesi 3:15, NW) Sezvo nguva yakapfuura, vazhinji vavazukuru vaAdhama vakanamata Mwari nenzira yokutendeka pasinei zvapo nokusakwana kwavo, uye uhwu uporofita hwapakuvamba hwakavapa tariro yenguva yemberi iri nani. Mumwe waava vanamati vakatendeka, Abrahama, akatonzi “shamwari yaJehovha.”—Jakobho 2:23, NW.
Mwari akapikira Abrahama kuti vazukuru vake vaizokura kuva marudzi akawanda uye kuti mutsara mukuru wavana vake waizogara nhaka nyika yeKanani. Muzadziko yaikoku, vaIsraeri, vazukuru vaAbrahama, gare gare vakarongwa kuva rudzi. (Genesi 17:3-8; Eksodho 19:6) Zvakare, Mwari akanga akanaka kurudzi rwake rutsva, achivanunura muuranda muEgipita, achivadzivirira murenje, achivagovera bumbiro remitemo nouprista, uye pakupedzisira achivapa nyika yakaorera yeKanani senhaka.
Pakupedzisira, Israeri akava umambo, uye Jehovha akaraira mambo wahwo wechitatu wohunhu, Soromoni, kuvaka tembere muJerusarema senzvimbo yenyika yokunamatwa Kwake. Apo tembere yakapedzwa, kwakanga kune chinoitika chetsauriro chakaisvonaka nomutambo unofadza. Pashure pezvo, chinyorwa chinoti, vaIsraeri “vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa . . . naJehovha.” (1 Madzimambo 8:66) Kwakanga kune dzimwe nhambowo apo mwoyo yavaIsraeri yakapfachukira nemhaka yorunako rwaMwari kwavari.
Nenzira isingafadzi, kunyanguvezvo, ivo havana kuonga nguva dzose ropafadzo yavo yokuva vanamati vaMwari mumwe wechokwadi. Pakupedzisira, vaIsraeri vose zvavo vakava vasina kutendeka, uye muna 607 P.N.V., Jehovha akavabvumira kuendeswa senhapwa kuBhabhironi. Seizvo Mwari akanga ataura kuna Mosesi, nemhaka yorunako Rwake rumene, “usingapembedzi munhu une mhosva.”—Eksodho 34:7.
Zvisinei, pashure pamakore 70 Mwari nenzira yomutsa akadzorera vakasarira vakatendeka vavaIsraeri kunyika yavo vamene. Chiiko chakamusunda kuita saizvozvo? Runako rwake. Jeremia akanyora nenzira youporofita nezvokudzoka kwavaIsraeri vachibva Bhabhironi, achiti: “Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZioni, vachayerera semvura [kurunako rwaJehovha, NW].” Muporofita wacho akapfuurira, kuti: “‘Vanhu vangu vachaguta [norunako rwangu, NW],’—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 31:12, 14.
Pakupedzisira, Jesu akauya kupasi ndokubvumikisa kuva “mbeu” yakadeya kutaurwa muuporofita ihwohwo hwakataurwa shure muEdheni. (Genesi 3:15, NW) Bhaibheri rinoti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Rufu rwaJesu rwakagovera rudzikinuro rwokubvisa vanhu muchivi ndokuvadzorera kukukwana. Nokudaro, miuyo yakashata yechivi chaAdhama pakupedzisira yaizokurirwa. Pauro akanyora kuvaRoma, achiti: “Kupfurikidza nokusateerera kwomunhu mumwe vazhinji vakanzi vatadzi, nenzira yakafananawo kupfurikidza nokuteerera kwomunhu mumwe vazhinji vacharuramiswa.” (VaRoma 5:19, NW) Kuonga kurunako rwaMwari, vanhu vane mwoyo wakarurama zvino vakava nekariro yokuwana upenyu husingaperi. Ivo vangatova shamwari dzaMwari, sezvakaita Abrahama.
Mwari anopfuurira kuratidza runako kunyange nhasi kuavo vanomunamata. Iye anopa zano kupfurikidza neBhaibheri kuvabetsera kubata zvinetso zvavo. (Pisarema 119:105) Iye anopa chipo chapachena chomudzimu wake kuvabetsera kuwirirana nemipimo yake yakarurama. Uye iye anozivisa madonzo ake, zvokuti maKristu echokwadi anokarira nyika itsva yokururama iyo ichapinzwa pashure pokunge tsika ino yekare yapfuura. (Zvirevo 4:18; 2 Petro 3:13) MaKristu ane chivimbo pamusoro pezvinhu zvakadaro nemhaka yokuti Mwari, murunako rwake, akazvizivisa muShoko rake risingakanganisi.—2 Timotio 3:16.
Hungu, kurangarirwa kworunako rwaMwari zvirokwazvo kunofadza mwoyo yedu kwaari. Asi kunomutsawo mubvunzo:
Uchabetserwa Zvikuru Sei Norunako rwaMwari?
Kutaura idi, upi kana upi wauri, unotobetserwa norunako rwaMwari. Unofema, unodya, unonwa, unofarikanya upenyu—zvose zvipo zvinobva kuna Mwari. Asi unobetsereka zvizere sezvinobvira here? Yeuka, runako rwaMwari kuna Adhama naEvha rwakanga rwakaganhurirwa pashure pokunge vatadza. Nenzira yakafanana, iye achaganhurira rupo rwake kwatiri kutoti tikaita nenzira yakarurama kumutsa wake. Tinogona sei kuita ikoku?
Wezvamapisarema akanyengetera, achiti: “Ndidzidzisei runako, ungwaru nezivo zvimene, nokuti ndakashandisa kutenda mumirairo yenyu.” (Pisarema 119:66, NW) Iwoyo unofanira kuva munyengetero weduwo. Sezvo Mwari akanaka, tinofanira kudzidza kuva vakanaka saiye. Pauro akakurudzira, kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa.”—VaEfeso 5:1, NW.
Tinoita ikoku, kutanga kupfurikidza nokufunda Bhaibheri kuti tidzidze chiri runako. Ipapo, tinokumbira betsero yaMwari mukukudziridza iri vara. Runako chibereko chomudzimu, pamwe chete no“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, . . . kutenda, unyoro, [uye] kuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Tinogona kusakurira mavara iwawa ose kupfurikidza nokuvimba nomudzimu waMwari, kufunda Bhaibheri iro rakafuridzirwa naMwari, kunyengetera kwaari nokuda kwebetsero, uye kusonganirana namaKristu ane ndangariro yakafanana.—Pisarema 1:1-3; 1 VaTesaronika 5:17; VaHebheru 10:24, 25.
Bhaibheri rinotiwo: “Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, nokuimbira kururama kwenyu.” (Pisarema 145:7) Hungu, Mwari anotikarira kutaurira vamwe pamusoro porunako rwake. Tinofanira kutaura norusununguko pamusoro paBaba vedu vokudenga.
Pakupedzisira, hatifaniri kushandisa zvisakafanira runako rwaMwari. Chokwadi, Jehovha anokanganwira vatadzi. Mambo Dhavhidhi aiva nechivimbo nemhinduro yakanaka paakanyengetera, kuti: “Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nokudarika kwangu; mundirangarire nounyoro hwenyu, nokuda kwokunaka kwenyu, Jehovha.” (Pisarema 25:7) Ikoko kunoreva here kuti tinogona kuzvibvumidza timene kuita zvivi nekariro ine chivimbo yekanganwiro yaMwari? Nyangwe. Yeuka, runako rwaMwari runoreva kuti “usingapembedzi vatadzi” vasingapfidzi.
Kufarikanya Runako rwaMwari
Tikangowana bedzi zvizere runako rwaMwari, mwoyo yedu ino mufarira sei! Tinokurudzirwa kutevera zano rakaisvonaka romuapostora Pauro: “Pfuurirai kufamba savana vechiedza, nokuti chibereko chechiedza chakaumbwa norudzi rwuri rwose rworunako nokururama nezvokwadi.”—VaEfeso 5:8, 9, NW.
Zuva riri rose, tinoziva itiro hanya yorudo yaMwari nokuda kwedu. Kunyange mumigariro inotambudza zvikurusa, tinoziva kuti iye haaregi avo vanomuda. Hungu, tinowana rugare rukuru rwendangariro rwowezvamapisarema: “Zvirokwazvo runako nomutsa worudo zvimene zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; uye ndichagara muimba yaJehovha mazuva mazhinji.”—Pisarema 23:6, NW.