Runako rwaMwari Runokukwezva Here?
IWE une shamwari yapedyo zvikuru here? Kana zvakadaro, wakamborangarira here pamusoro pechakakukwezvera kumunhu iyeyo? Zvakanga zviri zvitarisiko zvake here? Rakanga riri idi rokuti maifarira zvinhu zvimwe chetezvo here? Kana kuti akanga ari mavara makuru zvikuru here, zvakadai somutsa kana kuti uchenjeri? Kana vara rakasimbisa ushamwari hwenyu rakanga riri runako, ipapo mune ukama hwakapfuma zvamazvirokwazvo. Runako rwechokwadi haruwanzowanwa nhasi apo, zvikurukuru, vanhu vari “vasina rudo rworunako.”—2 Timotio 3:3, NW.
Nokuda kwomuKristu, ukama hunokosha zvikurusa muupenyu hahuzati huri nomumwe munhu asi naMwari. Naizvozvo paunofunga nezvoukama ihwohwu, wakamborangarira here: ‘Nderipi ramavara aMwari rinondikwevera zvikurusa kuna Mwari?’
Mavara Makuru aMwari
Kutaura idi, Bhaibheri rinorondedzera mavara akawanda akatanhamara aMwari. Kazhinji kazhinji mana anosimbiswa ndirwo rudo rwake, ruramisiro yake, uchenjeri hwake, uye simba rake gurusa. (Dheuteronomio 32:4; Jobho 12:13; Pisarema 147:5; 1 Johane 4:8) Kudai taifanira kusarudza pakati paaya mavara mana akatanhamara, zvichida taizotaura kuti rudo rwaMwari rwakatikwezva zvikurusa. Rwakasanobatana norudo rwake, zvisinei, ndirwo runako rwake rukurusa. Vanyori veBhaibheri vakanyora zvakajeka pamusoro pairworwu, uye runako rwakadaro runogona kupinza vanhu muukama hwakanaka, hunofadza noMusiki wavo.
Somuenzaniso, pamugumo muzana ramakore rechitanhatu P.N.V., muporofita Zekaria akazivisa nezvaJehovha, kuti: “Haiwa runako rwake rukuru sei, uye haiwa kunaka kwake kukuru sei!” (Zekaria 9:17, NW) Makore akawanda pamberi paZekaria, Isaya akarumbidza Mwari nenzira yakafanana paakanyora, kuti: “Ndichadudza mutsa worudo waJehovha, . . . kunyange runako rukuru kuimba yaIsraeri urwo akavaitira.”—Isaya 63:7, NW.
Mazana amakore matatu pamberi pezvi, Mambo Dhavhidhi akanga anyora nenzira inoorora zvikuru pamusoro porunako rwaMwari. Dhavhidhi akanyora kubva muruzivo rwokuzviwanira, achiva akafarikanya runako irworwu muupenyu hwake hwose. Mwari akanga akanaka zvikuru kwazvo kuna Dhavhidhi, zvikurukuru pashure pezvivi zvake zvakakomba pamusoro paBhati-shebha nomurume wake Uria, apo Mwari akamuratidza ngoni. (2 Samueri 12:9, 13) PaPisarema 31:19 (NW), Dhavhidhi akazivisa nokuonga, kuti: “Haiwa runako rwenyu rukuru sei, urwo makachengetera avo vanokutyai!”
Iwe unokoshesa runako rwaMwari zvikuru sezvakaita vanamati vakare ivavo here? Kana zvakadaro, uchawana “rugare [chairwoirwo] rwaMwari runopfuura mufungo wose,” pamwe chete nokusundwa zvikuru kwazvo kuita kuda kwaMwari panguva dzose. (VaFiripi 4:7, NW) Ngatirangarirei kwenguva shomanene zvino izvo runako rwaMwari runobatanidza uye kuti ukuru hwarwo hunoshamisa sei. Ikoku kuchakudza zvirokwazvo kunzwisisa kwedu Baba vedu vokudenga vane rudo.