Nguva Yokucheka Munyika Yeaizi Nesinou
GREENLAND, chitsuwa chikurusa munyika, zvirokwazvo inyika yeaizi nesinou. Zhinjisa yeichi chitsuwa chamakiromita anodokusvika 2 700 iri kuchamhembe kweArctic Circle uye yakafukidzwa neaizi yechigarire inoita avhareji yaanenge makiromita 1,5 muukobvu. Rutivi rwasara rweGreenland runofukidzwa nesinou kuvambira pamwedzi mishanu kusvikira kumisere kana kuti kupfuura mugore. Kunotaurwa kuti vapanguri vapakuvamba veViking vakachitumidza kuti Greenland kukweva vagari. Mukati mezhezha pfupi, zvisinei, nharaunda dzakati dzemhenderekedzo yegungwa dzinokodzera zita racho.
Muchirimo, gungwa rakaomeswa nechando riri kure kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweGreenland rinoganhuka, uye zvidimbu zveaizi zvinooneka. Iyi aizi inodzika nemhenderekedzo yokumabvazuva, muCape Farewell, uye chikamu chakati kukwira kumhenderekedzo yokumadokero, kuchiita kuti kufamba negungwa kuve kwakaoma zvikuru kwemwedzi yakati. Munguva yechando, gungwa rakapoteredza zhinjisa yechitsuwa chacho rinooma nechando, kuchiparadzanisa nzvimbo dzina vanhu. Chaizvoizvo, aizi inotonga nyika, gungwa, uye nzira yavanhu youpenyu. Kwakaoma kufungidzira chingagona kuchekwa muiyi nyika.
Kutanga
VaEskimo vehunhu hweInuit vakagara savavhimi muGreenland kwamazana amakore. Muna 1721 mushumiri weLutheran Hans Egede akauya kuGreenland somufundisi. Gare gare, Moravian Mission yakashingaira munzvimbo dzinogara vanhu dzakasiana-siana. Vamwe vavafundisi vavo vakashandurira mabhuku akati eBhaibheri mumutauro weGreenland, vachichengeta zita chairo raMwari, Jehovha, mushanduro yavo. Asi chifo cha 1900, Lutheran Church yeDenmark bedzi yakashanda muGreenland.
Muna 1953, apo Greenland yakanga ichiri nyika yeDenmark, chinjo inokosha yakaitika. Mukuwirirana neBumbiro reMitemo idzva reDenmark iro rakatanga kushanda gore iroro, mapoka orudzidziso asiri eLutheran Church akabvumirwazve muGreenland. Nokudaro, muna January 1955, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakabva Denmark vakasvika savafundisi. Mugove wavo wakanga uri nzvimbo ine makiromita 2 000 mumhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero, umo vanodokuva vagari veGreenland vose vaigara—chiverengero chavagari vemo chavane 27 000, chakaumbwa zvikurusa navavhimi navaredzi.
Kristen Lauritsen, mumwe weZvapupu zviviri, anoyeuka, kuti: “Zivo yedu yomutauro weGreenland yakanga isiri chinhu, asi takanga tine chishuvo chakasimba zvikuru chokufundisa vagari veGreenland zvokwadi yeShoko raMwari. Taiva namaturakiti mashomanene omutauro weGreenland, uye kabhukwana kanonzi ‘Aya Mashoko Akanaka oUmambo’ kakasvika gare gare gore rokutanga iroro.” Ko ivo vakaita sei basa ravo rokuparidzira?
“Pakutanga takashandisa makadhi akatsikirirwa kutsanangura donzo reshanyo yedu. Asi gare gare takadzidza mitsetse yakati nomusoro. Kufamba pakati pamataundi nguva dzose kwaiva kupfurikidza neigwa uye kusiri kwenguva dzose zvikuru, sezvo marudungwe enguva akanga achidokuva asingazivikanwi. Kurwara nokufamba neigwa kwaiva chinoitika chinozivikanwa navose. Taivawo nezvinetso zvokuwana nzvimbo dzokugara. Kazhinji kazhinji, taifanira kugara mutende yataitakura nguva dzose pamwe chete nemidziyo yedu.”
Asi kwakanga kune miripo. Vagari veGreenland vanhu vano ushamwari navane mutsa. Ndokwomuzvarirwo kuti ivo vadavire muna Mwari ndokuremekedza Bhaibheri. Unodokuva musha uri wose une Bhaibheri rakazara mumutauro wemo. Kristen anoyeuka kuti musikana muduku pane imwe nguva akauya kwavari ane tsamba yakati: “Kana muchigere kuva nenzvimbo yokugara, munogona kuuya ndokugara nesu.” Iyi mhuri yakavabetserawo kuwana nzvimbo pavakagadzirira kuratidza imwe yamafirimu eSosaiti.
Vatsigiri Vanosvika
Pakasvika 1961 mhuri dzakabva Denmark dzakavamba kutamira kuGreenland kuzobatira uko kushaiwa kweZvapupu kwakanga kuri kukuru. Ivo vakaita nhamburiko inoyemurwa yokudzidza mutauro weGreenland wakaoma zvikuru nokutsungirira kuparadzaniswa navatendi biyavo. Ivo vakaitisa misangano nguva dzose ndokuramba vakasimba mukutenda kwavo nomubato wechiKristu. Mibato yavo zvirokwazvo yakanga isiri pasina maturo. Gore iroro ungano mbiri dzokutanga dzakatangwa muGreenland, imwe mudzimbahwe Nûk (Godthåb) uye imwe yacho muQaqortoq (Julianehåb), kumaodzanyemba. Kwakaunzira Zvapupu mufaro mukuru apo vamwe vagari veGreenland vakanga vatamira kuScandinavia vakabhapatidzwa.
Muma 1970 varoorani mapiona chaiwo vanoverengeka vaduku uye vanoshingaira vakasvika, vachitungamirira basa rokupupurira. Pakasvika 1973 Nharireyomurindi nebhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi zvakawanika mumutauro weGreenland. Ashongedzerwa kudaro, mapiona akashanda nguva dzose mumhenderekedzo yegungwa, achishanyira mataundi nemisha, achidyara zvikuru mbeu yezvokwadi. Kwenguva yokutanga, basa rokuparidzira rakanga rasvika mhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva iri yoga iri muAmmassalik (Angmagssalik). Wakanga uri mufaro wakadini apo mugari weGreenland pakupedzisira akagamuchira zvokwadi muGreenland gore iroro!
Kucheka Pakupedzisira!
Sezvo dzimwe yamuro dzefundo dzeBhaibheri dzakabudiswa mumutauro womunzvimbomo, mabhuku akawanda akagoverwa. Somuenzaniso, kwakanga kuri kwenguva dzose kuti Zvapupu zviviri zvinoshanda mundima isina kugoverwa kwamavhiki mashomanene zvigovere mabhuku anovambira pa 300 kusvikira ku 400, mabhukwana akawanda zvakafanana, uye magazini 1 000, uyewo kuwana kuzvinyoresa 60 kana kuti 70.
Somuuyo wokudyara kwose nokudiridza, ‘Mwari akaita kuti zvinhu zvikure’ pakati pavose vari vaviri vagari vemo vomuGreenland neveDenmark vanogara muGreenland. (1 VaKorinte 3:5-7) Nhasi, vazivisi voUmambo 117 vanobatira muungano nomwe neboka rimwe riri roga, vakapararira muiyi nyika yose yeaizi nesinou. Ngatisanganei navakati vaava vanoshanda zvakaoma.
Kushanyira Munda weGreenland
Nzvimbo yakanaka kutangira iungano yokumaodzanyemba zvikurusa, muQaqortoq (Julianehåb). Mhuri shanu dzakakwira dzichibva Denmark kuzobatira ikoko. Vamwe vavo vakashanda zvakaoma pakudzidza mutauro weGreenland kuti ivo vagogona kupupurira kuvagari veGreenland vasinganzwisisi mutauro weDenmark. Flemming, murume wemhuri napiona (muzivisi woUmambo wenguva yakazara) ari muiyi ungano, anoti: “Ndima yedu ihuru. Iyo inobatanidza misha yakawanda yokuredza nenzvimbo dzakawanda dzamapurazi amakwai dziri munharaunda dzakawanda dziri mumhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba.” Zvichishandisa magwa azvo zvimene anofambiswa neinjini, Zvapupu zvinoita nzendo dzakareba samakiromita 640 kuzoshanyira vanhu vanogara muidzi nzvimbo dziri kure.
Pashure pokufamba maawa matatu neigwa nomunharaunda dzinofadza, tinosvika paungano inotevera, paNarsaq. Inogara pano imhuri imwe yavaparidzi vana voUmambo. Kunyange zvazvo vari voga, ivo vanokwanisa kukurudzirana nokuvakana mumudzimu kupfurikidza netsika dzakanaka dzokufunda uye kupfurikidza nokugoverana nguva dzose mumisangano noushumiri hwomumunda.
Zvino tinokwira ngarava inotakura vanhu yomumhenderekedzo yegungwa iyo inouya pano vhiki nevhiki mukati memwedzi yezhezha. Rwendo urwu rwamaawa 24 runotisvitsa kuPaamiut (Frederikshåb), uko kune Zvapupu gumi. Asi panzvimbo iri pakati, tinopfuura musha mune vaparidzi vaviri vari voga. Mumwe wavo, Ane Marie, ane mwanakomana muNûk uyo akadzidza zvokwadi makore mashomanene apfuura uye akavamba kupupurira kwaari norunhare netsamba. Iye akaonga izvo akamuudza. Kupfurikidza nokurava chinhu chiri chose chinowanika mumutauro weGreenland nokuteerera matepi eZvapupu zveGreenland zvichirondedzera zvinoitika zvazvo, Ane Marie akatsigira zvokwadi. Pamakore anopfuura 60 ezera uye asina tsigiro yeungano yomunzvimbomo, iye akabudirira mukurega tsika yake yokusvuta yakagara makore 50, akarega kuchengeta Krisimisa namazuva okuberekwa, uye akatanga kupupurira kumusha wose. Somuuyo wenhamburiko yake yokushivirira nomuenzaniso wakanaka, vanenge gumi vanofarira vanoungana nguva dzose kuzofunda Bhaibheri nokuteerera misangano yakarekodhwa.
Tichibva paPaamiut, rwendo rweigwa rwamaawa 14 mugungwa rakashata runotisvitsa kuNûk. Muiri dzimbahwe ravane 13 000, mune vaparidzi 43 vari muungano, uye vanopfuura chikamu chimwe chezvitatu vavo vagari veGreenland. Misangano yevhiki nevhiki muvhenganiswa womutauro weDenmark nomutauro weGreenland, zvamazvirokwazvo denho nokuda kwemitauro yose iri miviri.
Tadzokerazve mungarava inotakura vanhu yomumhenderekedzo yegungwa, rwendo rwamaawa masere runotisvitsa kuManiitsoq (Sukkertoppen). Muno, mhuri ina dzakabva Denmark dzinoshanda pamwe chete navaparidzi voUmambo vashomanene vomunzvimbomo. Ivo vakafukidza ndima iri mutaundi zvakakwana kwazvo uye vakagovera mabhuku eBhaibheri akawanda zvokuti imwe mhuri iri yose ine kopi yeBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri mumutauro weGreenland. Kupfurikidza namagwa avo anofambiswa neinjini, ivo vanorongawo nzendo dzokupupurira dzenguva dzose kumisha iri kure.
Tichipfuurira takananga kuchamhembe, kumira kwedu kunotevera kuri kure namaawa gumi, paSisimiut (Holsteinsborg). Mhuri shanu dzeDenmark navaparidzi vashomanene vomunzvimbomo vanoumba ungano muno. Varoorani mapiona chaiwo omuno anoita shanyo dzapanhambo nenhambo kumhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva. Ikoku kunobatanidza kukwira herikoputa kwehafu yeawa kuenda kunomira ndege, rwendo nendege rwamaawa maviri kuyambuka pakati pakafukidzwa neaizi, uye rumwe rwendo rwupfupi neherikoputa kuyambuka bay kuenda Ammassalik pamhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva. Chiono ikoko chinoorora zvirokwazvo—makomo akashata marefu uye nzizi dzeaizi dzinozadza mwena iri pasi. Vanhu vanogamuchira zvikuru shoko roUmambo, asi vashomanene vachigere kutsigira zvokwadi.
Pashure pokubhururuka tichidzokera tichiyambuka pakafukidzwa neaizi, tinomira pokupedzisira pedu muIlulissat (Jakobshavn), ungano yokuchamhembe zvikurusa. Ilulissat mutauro weGreenland nokuda kwe“makomo eaizi,” uye izita rakafanira. Pedyopo pane rwizi rweaizi runobereka zvikurusa muNorthern Hemisphere, uye makomo eaizi anoyangaruka mubay yose nenharaunda, kuchiita kuti chiono chacho chive chinofadza chose. Mhuri nhanhatu dzinobva Denmark uye veGreenland vaviri vanoumba iyi ungano inoshingaira zvikuru. Mukuwedzera kutaundi reIlulissat nenharaunda yose yeDisko Bay, vane zvimwe ndima yokupupurira yenyika yokuchamhembe zvikurusa, inosvika kumusha weKullorsuaq (Chigunwe chaDhiabhorosi) pedyo namadhigirii 75 kuchamhembe.
Mapiona chaiwo ari muIlulissat anoshanyira nguva dzose iyi nharaunda iri kure, achipupurira kuvanhu vari muUpernavik neUummannaq. Bo naHelen vanoshuma, kuti: “Idzi nharaunda dzakafara dzokuchamhembe dzichiri paradhiso yeArctic isina kubatwa. Nharaunda yacho yakagarwa zvakapararira, uye vanhu vanorarama nokuvhima kupfuura nokuredza. Upenyu hwavo hwakapfava, uye ivo havazvidyi mwoyo zvikuru pamusoro penguva yemberi. Vazhinji vavo vanofarira zvinhu zvomudzimu. Ivo vanoteerera nokudisa kushoko ratinounza.” Nguva yoga ichataura kana vakafanana namakwai vakadaro vachaunganidzirwa mu“boka” rimwe rechokwadi pasi po“mufudzi mumwe,” Jesu Kristu.—Johane 10:16.
Mapiona eDenmark bedzi ndiwo akamboshanda iyi nharaunda, asi vanenge vagari veGreenland vasere muNûk vakarekodha tepi yevhidheo youchapupu pamusoro pezvitendero zvedu nenzira youpenyu. Apo mapiona akashandisa iyi tepi muushumiri hwavo hwapaimba neimba, yakatangisa chaizvoizvo vanhu kutaura nokubvunza mibvunzo yakawanda zvikuru, zvikurukuru pamusoro pokusachengeta kwedu Krisimisa nokusabhapatidza vacheche. Kungawedzerwa kuti anenge mabhuku 200 akagoverwa mukati merwendo rwose rwamavhiki mana ruchangobva kurondedzerwa.
Kucheka Kunopfuurira
Pasinei zvapo nemigariro yokunze yakashata nemhinganidzo yomutauro, kucheka kwoUmambo kunopfuurira. Vagari vazhinji veGreenland vakadzidza mutauro weDenmark kuti vabetserwe nemisangano yeungano. Zvisinei, chiverengero chinowedzera chemisangano chiri kuitiswa mumutauro weGreenland, kuchiita kuti kubvirire vakawanda kugoverana mukudya kwomudzimu.
Somuenzaniso, kunyange zvazvo purogiramu ya 1988 “Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano yoRuwa yakapiwa mumutauro weDenmark paNûk, chinenge chikamu chimwe chezvitatu chehurukuro chakaturikirwa mumutauro weGreenland. Hwerengedzo yavane 163 yakapinda. Nhume dzakabva kuungano yokuchamhembe zvikurusa kuIlulissat neungano yokumaodzanyemba zvikurusa kuQaqortoq vaifanira kufamba akawanda samazuva maviri kuenda chete. Vana vakabhapatidzwa pakokorodzano.
Ndedzipi dziri kariro dzokucheka kwenguva yemberi? Dzakanaka zvikuru zvamazvirokwazvo! Muna 1989 wakanga uri mufaro kuona vane 205 vachipinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Panguva ino, fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura zana dziri kuitiswa. Hungu, Jehovha ari kukomborera zvikuru basa rakaoma ravabatiri vake vari munyika yeaizi nesinou.