RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/15 pp. 30-31
  • Kuita Chimurenga Hakugoni Kumisa Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Chimurenga Hakugoni Kumisa Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/15 pp. 30-31

Kuita Chimurenga Hakugoni Kumisa Mashoko Akanaka

RIMWE zuva February apfuura, gadziriro itsva yomugariro wepfuma yakakarirwa kwenguva refu yeVenezuela yakaziviswa. Mitengo yakanga ichikwidzwa neinopfuura 100 muzana pazvinhu zvikuru zvokudya zvakafanana nomukaka, upfu, uye chingwa. Mitengo yepeturu yaizowedzera ne 90 muzana. Mari yokufambisa yakabvumirwa kukwira kusvikira ku 30 muzana. Nyika yakakatyamadzwa. Kamwe kamwe, paMuvhuro, February 27, vanhu vakaita chimwe chinhu kupfurikidza nokuita chimurenga murudzi rwacho rwose.

Mangwanani akatevera acho, zvinhu zvakanga zvasvika paruparadziko rukuru nokubipitira. Kurira kwepfuti kwakaungira muchiverengero chakati chenzvimbo. Vaduku navakuru vakafamba namasimba masimba mumigwagwa yeguta, vachisiya shure ruparadziko urwo rwakafanana nenhandare yehondo yakakuvadzwa nehondo.

Masikati iwayo purezidhendi wenyika yacho akazivisa mutemo wokuti zvinhu zvirege kuita manyamaamire nerongo uye akamisa vimbiso dzebumbiro remitemo kwamazuva gumi. Mutemo unorambidza vanhu kufamba panguva dzakatarwa wakatangwa kwamaawa ari pakati pa 6:00 p.m. na 6:00 a.m. Zuva rakatevera racho, gurukota rezvokuzvidzivirira rakazivisa kuti mutemo unorambidza vanhu kufamba panguva dzakatarwa waizopfuurira kushanda kutozosvikira imwe ziviso. Mauto akashandisa chiremera chawo kudzora migwagwa, kupinda mumisha pasina kubvumidzwa, uye kumisa ndokunzvera vanhu. “Vane vamazana maviri vakafa uye chiuru chimwe vakakuvadzwa mumazuva matatu edzongonyedzo,” rakashuma kudaro rimwe pepanhau.

Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakanga dzichiita sei mukati menjodzi yacho? Hama dzakapiwa zano, kuti: Chenjerai uye dzivisai nharaunda dzine chinetso. Chinjai nguva dzemisangano kuti dziwirirane nomutemo unorambidza vanhu kufamba panguva dzakatarwa, uye dzivisai kuparidzira mumapoka makuru. Bva, kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwakaenderera mberi.—Mateo 24:14; 28:19, 20.

Nemhaka yokuti murume asingatendi womumwe mukadzi wechiKristu akanga achinetseka pamusoro pegarikano yomudzimai wake kana akabuda kunze kweimba kundoparidzira, akamurambidza kuenda. “Hamunzwisisi kuti ini ndine musengwa wokuita,” akaudza murume kudaro. “Naizvozvo zvinoka! ndichafunda Bhaibheri nemi!”

Iyi yakanga iri nguva yokutanga mumakore 22 ouyu mukadzi seChapupu apo murume wake akataura kuda kufunda Bhaibheri. Zvisinei iye akanyevera, kuti: “Zvakanaka, chero bedzi uchivimbisa kusabuda. Asi usandibvunze mibvunzo, ingondiravira chete.” Kunyanguvezvo, hanzvadzi yakafunda naye kweawa nehafu. “Yakanga iri fundo yomuenzaniso, fundo yakanakisisa yandakanga ndisati ndava nayo mumakore angu 22 muzvokwadi,” iye akadaro, sezvo misodzi yakabuda mumeso ake.

Muchimwe chinoitika, piona wenguva dzose akanga achitsvaira kanzira kokunze kwomusha wake apo akasvikwa nomumwe mukadzi asati aiwanzoteerera Zvapupu apo zvaishanyira musha wake. “Handisati ndakuonai imi Zvapupu muchiparidzira misi ichangobva kupfuura iyi,” akadaro mukadzi wecho. “Musandiudza kuti hamusati muchizotongoparidzazve!”

Hanzvadzi yakatsanangura kuti vakanga varega kuparidzira paimba neimba bedzi mukati mokuita chimurenga. “Asi zuva richasvika apo tisati tichizotongoparidzirazve kuvanhu, uye ikoko kuchareva mugumo wenyika,” yakadaro hanzvadzi. “Munofanira kushandisa banza racho zvino ndokubvuma fundo yeBhaibheri mumusha menyu.”

“Tinogona kuita gadziriro rini?” mukadzi wacho akakurumidza kubvunza kudaro. Ipapo chaipo gadziriro dzakaitwa dzokutanga fundo yeBhaibheri yapamusha.

Nenzira yokuonga, kusaterama kwakaguma, kuchibvumira zvinhu zvenyika yacho kudzokera kumazuva ose. Bva, mumigariro yakaoma yakadaro, inyaradzo kuziva kuti nokukurumidza nyika itsva yorunyararo nechengeteko ichasvika. Shoko raMwari rinovimbisa, kuti: “Kuna matenga matsva napasi idzva zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye muna izvozvi kururama kunogara.” (2 Petro 3:13, NW) Uye chero bedzi Mwari achibvumidza, Zvapupu zvaJehovha zvichapfuurira kuparidzira mashoko akanaka oUmambo.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kusaterama hakuna kumisa vazivisi voUmambo

[Kwazvakatorwa]

Photograph by Publicaciones Capriles, Caracas, Venezuela.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe