RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/15 p. 29
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivisa Masimba Masimba
  • Chisiko Chakaumbwa
  • Vatano Yavane Mitezo Mimwe Cheteyo Yevatano naVakaturike
  • VaKristu Vanofanira Kuvenga Ngochani Here?
    Mukai!—1997
  • Zviri Muchadenga Chedu Chinotyisa—Zvakavapo Netsaona Here?
    Mukai!—2000
  • Mwari Anonzwa Sei Nezvokuita Chisimba?
    Mukai!—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/15 p. 29

Nzwisiso Panhau

Kudzivisa Masimba Masimba

Ichiratidzira wedzero yakatsiga mumasimba masimba pakati pavechiduku, magazini yeAmerican Health inoshuma kuti “rwisano neshamwari, vomukirasi biyavo navavakidzani dzinoumba muurayi Nha. 1 wavayaruki vomumataundi uye muurayi Nha. 2 wavayaruki vose muAmerica.”

Munhamburiko yokudzivisa mirangariro yamasimba masimba, nzvimbo yokupira mazano yeBoston inopa kosi inogonesa vadzidzi vayo yokuita zvinoitika chaizvoizvo zvipfupi pamusoro pamasimba masimba. Neiyi nzira, ivo “vanovamba kuziva mitoo inobatanidzwa namasimba masimba” uye, anotsanangura kudaro mutungamiriri wegadziriro yacho, vanokwanisa “kuona mitoo iyoyo yokushatirwa mavari vamene.”

Vadzidzi vanodzidza nezvokuita kwendangariro kukushatirwa, nezvokuyerera kwakawedzerwa kweadrenaline uko kunokurira kuzvidzora, uye ukoshi hwekurukurirano mukuteramisa kushatirwa “muviri usati waita chimwe chinhu mukuumbwa kwawo.” Ivo vanodzidza kuti kupfurikidza nokubvunza mibvunzo nokutaura nenzira yakadzikama uye nenzira yokurangarira, bonderano yokushatirwa inogona kudziviswa.

Vadzidzi veBhaibheri vakasiziva kuti masimba masimba anobereka masimba masimba uye kuti, “mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1) Bhaibheri rinotipa zano rokutiza, pamavambo chaipo, apo tinenge tatarisana nebonderano ingava namasimba masimba. Mambo akachenjera Soromoni akanyora, kuti: “Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.”—Zvirevo 17:14.

Chisiko Chakaumbwa

Pamugumo paMay nyanzvi dzephysics 200, kubatanidza vawani vanoverengeka veNobel puraizi, vakaungana muBlois, France. Musangano wavo wevhiki rose rakanga riri rokuchengeta musi wegore negore wechi 25 wokuwanwa kwo“kupunzwa kweCP,” kupunzwa kuri pachena kwemitemo inofungwa kuva inosimbisa wirirano yakakwana iri pakati pezvinhu nezvisiri zvinhu.

Asi iyi rondedzero inopa zvinetso zvakawanda sezvainopedza. Ichinokora mashoko Purofesa weSoviet Andrei Linde, International Herald Tribune yakashuma, kuti: “Chakavanzika,” iye akadaro, “ndechokuti iyi wirirano yakaparira chisiko chakarongwa.” Yabvunzwa kana “kupunzwa kweCP” kwakaratidzira donzo muchisiko, nyanzvi yokusikwa kwechisiko yeFrance Jean Audouze yakati: “Mamwe mazuva ndinofunga kuti hungu, mamwe mazuva aiwa. Chisiko hachina kufanana. Uye chisiko chakaumbwa. Uye izvi zvinhu zviviri zvinoshamisa. Chisiko hachizi chimwe chinhu chakaitika netsaona.”

Chisiko hachina kuvapo netsaona kana kuti pasina donzo. Genesi 1:1 inoti: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.” Chisiko chine nhevedzano nemhaka yokuti Jehovha, Musiki, “ndiMwari, kwete wenyongano,” asi Uyo ane mabasa “akakwana.”—1 VaKorinte 14:33, NW; Dheuteronomio 32:4; enzanisa naIsaya 40:26; 42:5.

Vatano Yavane Mitezo Mimwe Cheteyo Yevatano naVakaturike

Papa akataura ataurazve kuti chimiro chapamutemo cheChechi yeKaturike pavatano yavane mitezo mimwe cheteyo yevatano ndechokuti yakaipa mutsika. Iye anotsanangura kuti, “chaunga chechiKristu chapakuvamba zvamazvirokwazvo chakanga chisiri chamadiro.” Haasi mabhishopi ose eKaturike navaprista vanobvuma.

Pakuvamba muna 1989, bhishopi weFrance Jacques Gaillot akataura kuti iye aingodzokorora zvake mashoko aJesu paakanyora kuti “vane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanovatana vari kuenda pamberi pedu vachipinda muumambo hwaMwari.”

Icho Bhishopi Gaillot akakundikana kududza, zvisinei, chaiva chokuti Jesu akanga achinongedzera kumhombwe dzinopfidza—kwete mhombwe dzinopomba—saavo vaizopinda muUmambo hwaMwari pamberi pavatungamiriri vechiJudha vakaoma mutsipa vezuva rake.—Mateo 21:28-32.

Nenzira yakafanana, muprista weSpain José Ramón Carrasco misi ichangobva kupfuura iyi akanyora mupepanhau reMadrid El País kuti “Jesu Kristu haana kutongoshurikidza vanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanovatana . . . Apo iye akataura nezvorudo, akataura nezvorudo rwomuvakidzani uye haana kutongodudza kana muvakidzani aifanira kuva murume kana kuti mukadzi, kana kuti chimiroi, mugariro kana kuti nzira yaaida.”

Nhauro yeBhaibheri, zvisinei, inoratidza kuti Jesu akanga asiri kunongedzera kuvatano dzavane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanovatana. Mumufananidzo womuSamaria Akanaka, iye akatsanangura chaizvoizvo icho rudo rwomuvakidzani rwakareva, ndiko kuti, kuratidza fariro isina udyire mugarikano yavamwe.—Ruka 10:29-37.

Bhaibheri rinotaura pamusoro pavavatani vane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanovatana, kuti: “Musanyengerwa; vane utere, kana kuti vanonamata zvifananidzo, kana kuti mhombwe, kana kuti vane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanovatana . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.”—1 VaKorinte 6:9-11, Revised Standard Version, Catholic Edition.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe