Zvisarudzo Zvoushingi Zvinobereka Zvikomborero muSuriname
PANE imwe nguva, Suriname yakanga iri “imwe yenyika dzakapfuma zvikurusa dzeCaribbean,” yakadaro magazini yenhau yamarudzi ose inonzi South. Mari inobva mubauxite, mashrimp, mupunga, mabhanana, uye plywood, ichiwedzerwa nemari yokuyamura kusimukira, zvakagovera vagari vane 400,000 yeiyi yaichimbova koroni yeNetherlands budiriro huru kupfuura vazhinjisa vavavakidzani vavo.
Mukati mama 1980, zvisinei, pfuma yakaderera zvikuru. Zvakawanda zvakava perevedzo, uye mitsara mirefu yezvokudya yakava chiono chakarovedzeka. Muna 1986 kutanga kwehondo yechigandanga kwakamanikidzira vagari vane zviuru gumi kutiza vachibva kumabvazuva kweSuriname vachienda kuFrench Guiana, ikoko kuzotanga upenyu patsva mumisasa yavapoteri. Munguvayo, mativi makuru esango—musha waanenge maBush Negro namaAmerindia 50,000—wakadzorwa namagandanga, kuchiita kuti kufamba kwenguva dzose kupinda mukati kuve kune ngozi. Idzi chinjo, yakatsinhira kudaro magazini yeSouth, dzakasiya nyika yacho yaremadzwa.
Ko migariro iyoyo yakaremadzawo here mibato yeZvapupu zvaJehovha? Mukupesana, izvo zvakawedzera basa razvo. Somuenzaniso, chiverengero cheZvapupu chakakura kubva pa 920 muna 1980 kusvikira kuvanopfuura 1,400 nhasi. Muna April 1989 kwakanga kune mapiona ebetsero 338—inodokusvika 25 muzana yeZvapupu panguva iyoyo. Zvikomborero zvakadaro, zvisinei, zvakauya bedzi somuuyo woushingi, perero, uye rudo izvo Zvapupu zvakaratidzira mumuedzo. Heino mienzaniso yazvino uno yokuti zvisarudzo zvoushingi zvakaunza sei zvikomborero zvikuru muSuriname.
Chisarudzo Icho Chakaponesa Upenyu Hwake
Lumey Hoever, mupurisa akasimba ava mumakore ake okumugumo kwama 30 uye mumwe weZvapupu zvaJehovha, akasarudza kuti aizorega basa rake pasinei zvapo nomugariro wemari wakashata. Neiko? Lumey anotsanangura, kuti:
“Chibviro chaapo ndakarava nyaya yeNharireyomurindi inotisvinudzira kungozi dzakabatanidzwa nokutakura zvombo, ndakaziva kuti ndaizofanira kurega iri basa.a Ndakazengurira, kunyanguvezvo, nemhaka yokuti ndine mudzimai nevana vokutarisira. Zvisinei, apo ndakasundira mberi zvikuru chisarudzo changu, hana yangu yakanditambudzawo zvikuru. ‘Kana sangano raJehovha richindikurudzira kurangarira zvakakomba kufanira kweiri basa, panofanira kuva nechikonzero chakanaka,’ ndakazviyeuchidza ndimene kudaro. Naizvozvo muna January 1986, ndakasarudza.”
Asi mukuru wamapurisa haana kuda kumurega achienda, kunyange kuvimbisa kumugovera kuTamanredjo, kamba inodiwa zvikuru pedyo nedzimbahwe. Asi Lumey akanga atsunga. Iye akanyorera gurukota ramapurisa, akatsanangura zvitendero zvake zvorudzidziso, uye akakumbira kudzingwa. Muna April 1986 mhinduro yakauya: ‘Chikumbiro chakabvumwa!’
Nokukurumidza Lumey akawana basa kuForestry Department. Muripo wakanga usina kunaka zvakafanana, asi iye aiva nenguva yakawanda yokuperekedza mhuri yake kumisangano kuHoro yoUmambo. Mwedzi gumi yakapfuura. Rimwe zuva, pashure pokushanda zuva rose papurazi yemhuri, Lumey nomunun’una wake vakanga vachienda kumusha. Iye anorondedzera, kuti:
“Tichisvika imba yapapurazi, ndakacherechedza varume vaviri vakapfeka zvipfeko zvakasakara, nesikavha dzakasungwa mumisoro yavo. ‘Kon dja (Uyai kuno),’ ivo vakadana kudaro muchiSuriname. Sezvandakafamba ndakananga kwavari, murume wechitatu ane pfuti pfupi yakarembera papfudzi iri paramba akaoneka. Paiva panguva iyeyo bedzi pandakaziva: magandanga!
“Vakanditarira vachikwira vachidzika. Ipapo mumwe wavarume vaiva nesikavha akadanidzira: ‘Ndinoziva uyu munhu. Iye mupurisa!’ Zviso zvavo zvakakunga. Kwamasekondi mashomanene, takatuzurirana. Ndakarega kufema. Ipapo ndakanzwa inzwi rakaderera. Gede—murume wechitatu akakunga pfuti yake. Zvishoma nezvishoma, iye akaitondeka pachipfuva changu, akagadzirira kundiuraya. ‘Usapfura! Uri kukanganisa. Handichisiri mupurisa,’ ndakadaro kamwe kamwe.
“Ipapo ndakaona mamwe magandanga akashongedzwa nezvombo gumi namaviri seri kwemba. Rimwe rawo—murume akasimba akapfeka mutavara, mabhanhire maviri amabara zvakaita umiyemiye pachipfuva chake chiri pachena, uye akabata chombo chinopfura choga muruoko rwake—akauya pamberi. ‘Unoti hauchasiri mupurisa. Neiko?’ iye akaraira kudaro. Ndakakurumidza kuzvizivisa ndimene somumwe weZvapupu zvaJehovha. ‘Zvapupu hazvitakuri zvombo,’ ndakatsanangura kudaro, ‘naizvozvo ndakarega basa rangu somupurisa uye zvino ndinoshanda kuForestry Department. Hatitori rutivi mumatongerwe enyika ose,’ ndakawedzera kudaro.
“Pakunzwa kuti ndakanga ndiri Chapupu, chitarisiko chake chechiso chakati nyevenukei. ‘Achandidavira here?’ ndakashamisika. Ipapo munun’una wangu akasvika. Murume akapfeka mutavara, sezviri pachena mutungamiriri wehondo, akavamba kumubvunza. Pashure pokunge munun’una wangu asimbisa kutaura kwangu, mutungamiriri wehondo akaratidzika kuva akagutsikana. ‘Saka yu gon! (Dzikisa pfuti yako)’ iye akaraira rimwe gandanga kudaro. Ndakanzwa ndasununguka. ‘Ndinokuongai, Jehovha, nokuda kwokundidzivirira!’ ndakanyengetera kudaro.”
Mazuva mashomanene gare gare, Lumey akava neimwe katyamadzo. Varume vakashongedzerwa nepfuti vasingazivikanwi vakanga vauraya mapurisa matatu pakamba yamapurisa yeTamanredjo, iyo imene uko mukuru akanga akarakadza kumugovera! “Kudai ndakanga ndafuratira zano romunyaya iyoyo yeNharireyomurindi, ndingadai ndiri munhu akafa zvino,” anodaro Lumey. Ipapo iye anowedzera nokuonga, kuti: “Jehovha zvirokwazvo anodzivirira vabatiri vake.”
Rudo Rwakamusunda Kununura Hama Dzake
Apo kurwa kwakatanga pakati pamauto ehurumende namagandanga mutaundi munocherwa bauxite reMoengo muna October 1986, Frans Salaoema, muBush Negro aiva namakore aiva muma 40, aitofanira kusarudza chokuita. Pakupedzisira, iye, mudzimai wake ane pamuviri, uye vanakomana vake vanomwe, pamwe chete navamwe vakabva mutaundi, vakapukunyuka nomunzira dzomusango uye vachiyambuka Rwizi rwaMaroni rwakafara vachienda kukotsekano muFrench Guiana.
Zvisinei, Frans akanetseka. Iye haana kuwana Zvapupu zvipi nezvipi zvomuungano yake pakati pavapoteri. ‘Zviri kupi? Ndichadzokera here kundozviwana?’ iye akashamisika. Asi ikoko kwaizova kune ngozi. Magandanga akanga ari zvikurukuru maBush Negro. ‘Kana varwi vehurumende vakandiwana ndichipinda nomusango, ndapera,’ iye akafunga kudaro. Kunyanguvezvo, iye akasarudza kudzokera kuzowana hama dzake dzechiKristu. Iye akaudza zvinoverengeka zveZvapupu muFrench Guiana, kuti: “Vhiki rinotevera, yambukai rwizi kuzonditora.”
Vhiki rimwe gare gare ivo vakayambuka, asi Frans akanga asiko. Ivo vakamirira kutozosvikira zuva rinotevera. Frans akanga asipozve. “Ngatigarei humwe usiku,” ivo vakasarudza kudaro. Ipapo Frans neboka reZvapupu vakaoneka. Chii chakanga chaitika?
“Pashure pokuwana hama,” Frans akarondedzera, “takayambuka nomukati mokurwa, tikapinda musango, uye takananga kumuganhu.” Asi kunonokerei? Frans akanongedzera kumakatoni matatu ayo akanga aunza. Iye akanga aenda kudzimbahwe kuzotora mugove wamabhuku eBhaibheri eZvapupu vapoteri. Hama dzakanga dzakamirira dzakafadzwa. Zuva rimwe chetero, Frans, Zvapupu zvakanunurwa, uye makatoni matatu zvakayambuka muganhu zvakakotsekana.
Gare gare Frans akaita rumwe rwendo rwokundobetsera zvimwe Zvapupu. Pakupedzisira, Zvapupu 37 zvakayambuka muganhu ndokugara mumisasa yavapoteri. Frans akaiswa muyaichimbova koroni yavane maperembudzi muFrench Guiana, uko vapoteri vasingafaniri kuti chinhu chipi nechipi chinopfuura kuvheya vari mumibhedha yavo nokudzinga umhutu.
Frans nemhuri yake, zvisinei, vakanga vasina kugara. Nokukurumidza pashure pokusvika mumusasa, Frans (zvinowo baba womwanasikana) akabatikana kuparidzira mashoko akanaka oUmambo kuvagari vane mhanza yakaipa. Nokuda kwepesvedzero yake yakanaka, iye akatopiwa mvumo yokufamba nemotobhaki achienda kundoparidzira mumimwe misasa. Muuyo wacho? Nhasi iye anoitisa fundo dzeBhaibheri 14 vapoteri biyake. Vatatu vavo vakatobhapatidzwa!
Haana Kubvumirana Pane Zvisina Kufanira
“Ndichadzokera mumavhiki maviri nemigove mitsva,” akazivisa kudaro Victor Wens, piona chaiye ane makore 58 okukura. Iye akanga achisiya mudzimai wake navadzidzi veBhaibheri mumusha womusango pakati peSuriname. Imomo makanga muri muna June 1987, sezvaakananga kudzimbahwe.
Apo mudzimai waVictor navamwe vakasimudza maoko vachiti endai zvakanaka, mabhegi avo omupunga akanga odokuva asina chinhu. Hondo yamagandanga yakanga yagura migove yose. Nokukurumidza kwaizova nenzara. Ivo vakaziva, kunyanguvezvo, kuti rwendo negwa rwaVictor rwakanga rune ngozi. Iye aigona kubatwa mukupfurana kana kuti kunzi igandanga. ‘Achadzokera zvakakotsekana here?’ ivo vakashamisika sezvo kutinhira kweinjini yegwa kwakapera.
Mavhiki maviri gare gare, mudzimai waVictor akaongorora rwizi—asi kwakanga kusina chiratidzo chaVictor. Mamwe mavhiki akapfuura. Zvokudya zvakapera, uye iye akarwara. “Ndapota, Jehovha, chengetai murume wangu,” iye akanyengetera kudaro. “Ngaadzokere!” Mwedzi mitatu yakapfuura. Kwakanga kusinazve Victor. Chii chakanga chaipa?
“Pashure pokusvika mudzimbahwe,” anorondedzera Victor gare gare, “ndakawana mvumo yokutenga migove yemwedzi mitanhatu yezvokudya namafuta. Ipapo ndakakumbira mvumo yokuenda kumusha. Mukuru mukuru aitarisira akati: ‘Unogona kuenda, asi wana kwakahwanda magandanga, uye dzokera kuzotizivisa.’ Mwoyo wangu wakapera simba. ‘Handigoni kuita ikoku,’ ndakadaro, ‘Jehovha haadi kuti titore rutivi mumatongerwe enyika. Isu Zvapupu hatitori rutivi.’ Iye akapindura, kuti: ‘Kana kwakadaro, hauendi kumusha.’
“Vhiki riri rose ndakadzokera kuzokumbira mvumo, asi mhinduro yakaramba iri imwe cheteyo. Munguvayo, ndakanzwa kuti mudzimai wangu akanga achirwara. Ndakada kuenda kumusha ndokumutarisira. Bva, handina kuda kubvumirana pane zvisina kufanira. Ndakanzwa ndisina betsero.
“Apo ndakadzokera zvakare, kukushamiswa kwangu ivo vakati ndaigona kuenda. Ivo vakatsanangura kuti vakanga vapa mvumo kuvafudzi vePentecostal vokunharaunda yangu yokudzokera, uye ini ndaigona kuenda navo. Ndafadzwa, ndakavamba kuita gadziriro kutozosvikira ndanzwa kushamwari kuti ava vafundisi vakanga vabvuma kuva vasori. Sezvo ndakanga ndisingadi kupa murangariro wokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri rutivi kugadziriro iyoyo, ndakadzima rwendo rwacho. Zvakare ndakakundikana.”
Pakupedzisira vakuru vakuru vakaziva kuti Victor akanga asati ava kudokurega zvitendero zvake. Nguva inotevera iye akavasvika, vakamupa mvumo.
Pakupedzisira, muna October 1987, boka duku reZvapupu rakanzwa injini yegwa ndokuona igwa rakaremerwa zvikuru richioneka. “Ndakasuruvara apo ndakaona mudzimai wangu,” Victor anorondedzera kudaro. “Akanga akaonda kwazvo. Bva, iyewo akafara kuti handina kubvumirana pane zvisina kufanira.”
“Chisarudzo choushingi chaVictor chave chiri chikomborero nokuda kwedu,” anotsinhira kudaro mushumiri anofambira anoshanda mukati. “Vakuru vakuru namagandanga vakaziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvitori rutivi. Zvino ivo vanoremekedza murangariro wedu, uye basa redu riri kubudirira.”
Vakaroora paChitatu, Vakabhapatidzwa paChitanhatu
“Munopenga,” dzakadzvinyirira kudaro hama dzokunyama. “Musaroora!” Varume vatanhatu vorudzi rweAucaner Bush Negro, mukona renyika yacho rokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva, vakanzwisisa mirangariro yehama dzavo dzokunyama. Pashure pokurangarira chose, tsika yorudzi inoraira kuti murume asaroora, nokudaro iye anogona kusiya mukadzi panguva ipi kana ipi iye anoda. Zvisinei, zvavakadzidza mufundo yavo yeBhaibheri murangariro waJehovha pamusoro poufeve, ava varume vakanga vagadziridza kufunga kwavo, vakurira dzvinyiriro yenzanga, uye vasarudza noushingi kuroora nenzira yakafanira.
Zvisinei, kwakanga kune mhingamidzo. Migariro yehondo yakanga yavharira Registry Office mukati, uye kufamba kuenda kudzimbahwe kwakanga kuchidokuva kusingabviri. Mwenga mitanhatu yomunguva yemberi yakashuvawo kupfeka nguvo chaidzoidzo dzomwenga pazuva romuchato wavo. Ikoku kwakaratidzira fariro yomunzvimbomo muchishongo chakadaro, kunyange zvazvo mupfekero wakadaro usiri madikanwa chaizvoizvo nokuda kwamaKristu.b ‘Tichawanepi zvipfeko zvomuchato musango remvura?’ vakashamisika varume vacho. Kunyanguvezvo, zvisarudzo zvoushingi zvakaitwa mutsinhirano nenheyo dzeBhaibheri zvakaunza zvikomborero. PaChitatu, September 16, 1987, mwenga mitanhatu yakapfeka nguvo dzakaisvonaka nezvikomba zvitanhatu zvakapfeka sutu dzakatsvinda vakaroorana. Ikoko kwakabvira sei?
“Muna September, takaronga kokorodzano yoruwa muSt. Laurent, French Guiana, uye takakumbira Zvapupu zvinogara mukati kupinda,” anotsanangura kudaro Daniël van Marl, mumwe wavashumiri vanofambira uyo akaitisa michato yacho. “Kokorodzano iyoyo yakagovera banza rokuroora.”
Cecyl Pinas, mumwe mutezo weDare reBazu unotarisira basa mukati anotsanangura, kuti: “Ndakashanyira mhuri yeBheteri muNetherlands pakuvamba gore iroro ndokududza michato iyoyo inotevera. Pashure pokunge ndadudza kuti tishandise tashandisazve nguvo imwe, nguva dzose tichiigadziridza kuti ikwane mwenga unotevera, hanzvadzi ina dzeBheteri nokudisa dzakandipa marokwe adzo omuchato sezvipo nokuda kwe‘hanzvadzi’ dzadzo muSuriname. Ndakaororwa zvikuru. Gare gare, pagungano muNetherlands, dzimwe nguvo dzakapiwa.”
Pamangwanani ezuva romuchato, chinjo dzakati kuti dzaingofanira kuitwa. “Takafadza nokukurumidza chiuno chamamwe marokwe ndokugadziridza urefu hwamamwe, asi takapedza munguva chaimo,” anodaro Margreet van de Reep.
Roorano dzacho dzaitiswa, vashanu vavachangobva kuroorana vakanga vakagadzirira nokuda kweimwe nhano. PaChitanhatu vhiki rimwe chetero, ivo vakabhapatidzwa muRwizi rwaMaroni. Ivo vakadisa kudzokera savaroorani kumisha yavo yomusango kuzoita mugove wavo mubasa rokuparidzira. Ko Jehovha akakomborera chisarudzo chavo here?
“Varoorani ivavo vakaratidza nzanga kuti isu Zvapupu tinoita zvatinoparidza,” unodaro mutezo weDare reBazu Nel Pinas, uyo akatanga basa rokuparidzira munharaunda imwe cheteyo muna 1967. “Chisarudzo chavo chokuroora kuti vave maKristu echokwadi chakanyandura fariro mumisha iri kure. Zvapupu zviri ikoko zvino zviri kupinza magwa azvo munzizi uko tisina kutongoparidzira kare, zvichiwana vanhu vakawanda vanodisa kudzidza pamusoro paJehovha.”
Zvamazvirokwazvo, zvisarudzo zvoushingi zvaLumey, Frans, Victor, uye vamwe vazhinji zvakaunza zvikomborero zvikuru nokuda kwavo namaKristu biyavo muSuriname nokune imwe nzvimbo. Zvinoitika zvakafanana neizvi zvinobvumikisa zvabvumikisazve zvokwadi yechirevo cheBhaibheri, chinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Tsvakai Rugare Murutevere” muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1984, mapeji 21-7.
b Ona “Michato yechiKristu Inounza Mufaro,” muNharireyomurindi yaOctober 15, 1984, mapeji 11, 12.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 24]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
ATLANTIC OCEAN
GUYANA
SURINAME
PARAMARIBO
Tamanredjo
Moengo
St. Laurent
Maroni River
FRENCH GUIANA
BRAZIL
300 km
200 mi
[Mufananidzo uri papeji 25]
Zviono zviviri zveHoro yoUmambo yakaisvonaka murutivi rwuri kure rwenyika yacho
[Mufananidzo uri papeji 26]
Igwa chairoiro muSuriname