RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/1 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Nezvo“mugumo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Ramba Wakamuka mu“Nguva Yomugumo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Rambai Makarinda”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/1 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Ko maKristu omuzana rokutanga ramakore aidavira here kuti mugumo wetsika ino yakaipa waizosvika mukati menduramo yawo?

Vateveri vaJesu vomuzana rokutanga ramakore vakanga vachidisa zvikuru kuti mugumo uuye. Sezvatichaona, vamwe vavo vakagumisa kuti mugumo wakanga uri pedyo, uchiuya pakarepo. Murangariro wavo waida kururamiswa. Asi zvamazvirokwazvo hakuna kushata kuti maKristu, panguva iyeyo kana kuti zvino, adavire zvapachokwadi kuti mugumo wakadeya kutaurwa unofanira kurangarirwa souri pedyo uye kurarama zuva nezuva nokuziva ikoko.

Mukupindura mubvunzo wavadzidzi vake pamusoro pe“chiratidzo” chokuvapo kwake, Jesu akanyevera, kuti: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.” (Mateo 24:3, 42) Kusvinurira kwakadaro kunofanira kutapura zviito zvavo, nokuti Kristu akawedzera, kuti: “Zvingwarirei mumene kuti mwoyo yenyu isatongova inoremedzwa nokunyanyodyisa nokunwisa nefunganyo dzoupenyu, kuti zuva irero rirege kukuwirirai kamwe kamwe . . . Naizvozvo, rambai makamuka, nguva dzose muchiita mukumbiro kuti mugobudirira mukupukunyuka zvinhu zvose izvozvi zvakatemerwa kuitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:34-36, NW.

Cherechedza kuti Jesu akapa iri zano pashure chaipo pokuonesa zvinoitika zvaizoumba “chiratidzo.” Naizvozvo vaapostora vakasvinudzirwa kuidi rokuti zvinhu zvakati zvaifanira kuitika mune zvenhau pamberi pomugumo. Kunyanguvezvo, mavhiki mashomanene gare gare, ivo vakabvunza Jesu akamutswa, kuti: “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?” Iye akapindura, kuti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.”—Mabasa 1:6, 7.

Isu tinogona kuona muna ikoku kuti vateveri vapedyosa vaJesu vaidisa kwazvo kuti mugumo uuye nokukurumidza zvokuti vakafuratira izvo akanga achangobva kuvaudza pamusoro poufakazi hunooneka hwaifanira kuitika mukati mokuvapo kwake pamberi pomugumo iwoyo.

Tinowana imwe ratidziro yokudisa kwawo mutsamba dzomuapostora Pauro kumaKristu eTesaronika. Munenge muna 50 N.V. iye akanyora, kuti: “Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu. Nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva ra[Jehovha, NW] rinosvika sembavha usiku. Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke.” (1 VaTesaronika 5:1, 2, 6) Mamwe amaKristu iwayo akazodzwa nomudzimu akarangarira ikoko kureva kuti kuvapo kwaJesu (nezuva raJehovha rokuuraya vakaipa) rakanga richiuya panguva iyeyo chaipo, nokukurumidza.

Asi hakuna kudaro. Kutaura idi, Pauro akavanyorera mutsamba yechipiri, kuti: “Zvino tinokumbira kwamuri hama dzangu, pamusoro pokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuungana kwedu kwaari; kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu, kana kuvhundutswa, kana nomweya, neshoko, kana ne[tsamba, NW], inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika; ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, munhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa.”—2 VaTesaronika 2:1-3.

Ikoku hakuna kureva kuti ivo vaigona kuva vasingakendengi pamusoro pokuvapo kwaJesu nomugumo wetsika. Negore rimwe nerimwe rinopfuura, nyevero yaJesu yakava yakakomba zvikuru nguva dzose: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.”

Nokudaro, anenge makore mashanu pashure pokunyora VaTesaronika weChipiri, Pauro akanyora, kuti: “Zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro. Usiku hwapfuura, kwayedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.” (VaRoma 13:11, 12) Pashure pamamwe makore mashanu, Pauro akapa zano maKristu eHebheru, kuti: “Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa. Nokuti ‘kanguva kaduku duku kachiripo,’ iye ‘anouya, uchauya, asinganonoki.’” (VaHebheru 10:36, 37) Ipapo, mundima yechipiri kubva kune yokupedzisira yaZvakazarurwa, muapostora Johane akanyora, kuti: “Iye unopupura izvozvi unoti: ‘Hon’o, ndinokurumidza kuuya.’ Ameni, Uyai Ishe Jesu.”—Zvakazarurwa 22:20.

Nenzira isingapanikirwi, muKristu shure panguva iyeyo akanga asiri kuva asina mufungo kunzwa kuti mugumo waigona kuuya munduramo yake. Uye kana kupfurikidza netsaona kana kuti nemiitiro yomuzvarirwo, iye aizofanira kufa pamberi pomugumo, iye aizove ararama nepfungwa yekurumidziro iyo Jesu naMagwaro akafuridzirwa zvakaparira.

Kwose ikoku kunotova kunoshanda zvikuru kwatiri, panguva yokupedzisira matinorarama. Tichirondedzera mashoko aPauro neimwe nzira, hatigoni kuramba kuti ‘zvino ruponeso rwedu rwava pedyo zvikuru kupfuura panguva apo maKristu apakuvamba akava vatendi uye kunyange kupfuura apo isu timene takava vatendi. Usiku hwaenda; zuva zvamazvirokwazvo raswedera pedyo.’

Takakwanisa kuona munhau kutanga neHondo yeNyika I ufakazi hunooneka huchitutirana, ufakazi unobvumikisa kuti tiri mumhedziso yetsika yezvinhu. Panzvimbo pokubatikana nokufembera apo chaizvo mugumo uchaitika, tinofanira kuva vakabatikana nokuparidzirwa kwamashoko akanaka, uko kunogona kuponesa upenyu hwedu noupenyu hwavamwe vazhinji.—1 Timotio 4:16.

Tine zvikonzero zvakawanda zvokukarira kuti uku kuparidzira kuchapedzwa munguva yedu. Ikoko kunoreva pamberi pomugumo womwedzi mutsva, gore idzva, makore gumi matsva, zana ramakore idzva here? Hakuna munhu anoziva, nokuti Jesu akataura kuti ‘kunyange ngirozi dzamatenga’ dzakanga dzisingazivi ikoko. (Mateo 24:36) Kupfuurirazve, hatifaniri hedu kuziva sezvatinopfuurira kuita izvo Ishe anotiraira kupa ngwariro pakuita. Chinokosha zvikurusa ndechokuti kuda Mwari nebasa zviitwe uye kuti tive negoverano yakazara zvikurusa muna ikoko. Nokudaro “tingabudirira mukupukunyuka zvinhu zvose izvozvi zvakatemerwa kuitika, uye mukumira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:36, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe