Nguva Dzose Kuwana Chimwe Chinhu Chokuitira Jehovha
Yakataurwa naJean Queyroi
RAKANGA riri zhezha rakaisvonaka shure muna 1939. Nyika yakapoteredza Martigny, muruwa rweSwiss rweValais, yakanga ichipenya muzuva raAugust. Pamusoro pedu pakanga pane humwe hwourenga-renga hurefu zvikurusa muAlps, zvakadai seGrand Combin yakafukidzwa nesinou, inosvika urefu hwamamita 4 314. Ini ndakanga ndichifarikanya mutsa wemhuri yechiKristu kwamazuva mashomanene, uye taipedza maawa akawanda omufarwa tichifamba-famba munzira dzomugomo pamwe chete. Ndakanzwa sokunge ndakanga ndatova muParadhiso.
Nokukurumidza zvikuru yakanga yava nguva yokuti sarai zvakanaka ndokudzokera kuParis. Ndakatenga pepanhau rokurava muchitima, uye mashoko anoshamisa akandifungisa zvakanaka neshamisiko isingafadzi. Mugariro wenyika wakanga washata zvikuru kwazvo, uye hondo yakanga yava pedyo.
Ndakavambazve basa rangu muhofisi yeParis yeWatch Tower Society, umo ndakanga ndave ndichibatira kwerinopfuura gore rimwe. Asi mazuva mashomanene gare gare, ndakagamuchira chiziviso chokunyorwa kupinda muhondo uye ndakarairwa kushuma kumabharaki eFort of Vincennes, kumabvazuva kweParis. Upenyu hwangu hwakanga hwodokuchinja zvikuru kwazvo.
Chimiro Chokusatora Rutivi
Pana September 3, 1939, France neGreat Britain zvakazivisa hondo paGermany. Ndakashuma kuVincennes ndokutsigira chimiro changu panhau yokusatora rutivi kwechiKristu. Ndakakurumidza kuzviwana ndimene ndava mungoro yakasungirirwa parutivi pomudhudhudhu wehondo waichairwa nomurwi muduku uyo aiva nemiraidzo yokundiendesa kuFort of Charenton iri pedyo. Pasinei zvapo nokutinhira kukuru kwomudhudhudhu, murwi muduku, uyo aiziva chikonzero nei ndakanga ndichitumirwako, akaedza kurangarira neni. Iye akakumbira, achiti: “Queyroi, ndapota usadaro. Usaramba kurwa, kana kuti zvinhu hazvizokunakira.” Ndakakurumidza kumuvimbisa kuti ndakanga ndisiri kutya.
Ipapo husiku hwangu hwokutanga muchitokisi chetorongo hwakasvika. Chitokisi chakanga chakareba mamita maviri uye chakafara mita imwe nehafu uye chaingova namagumbeza maviri bedzi nepuranga rokurarira. Makanga musina magetsi. Ndakarangarira pamusoro peizvo ndaigona kuitira Jehovha mumugariro wangu wapanguva yacho. Apo ndakamuka, ndakawana kuti makanga musina kunyange newindo duku rokupinza chiedza chezuva. Kwechikamu chimwe chezvina cheawa zuva rimwe nerimwe, ndaibvumirwa kubuda kunoshamba, ndichiperekedzwa kusingi nasajeni akabata rivhorovha, achiperekedzwa navarwi vaviri vane michochwa. Ndaibatwa setsotsi rine ngozi!
Varwi vakasiana-siana vaindiunzira zvokudya. Ivo vaifadzwa zvikuru nechimiro changu, uye ikoku kwakandipa banza rokuitira Jehovha chimwe chinhu. Ndaivapa uchapupu hwakanaka, uye nokukurumidza vamwe vavo vakava noushamwari kwandiri ndokundigovera machisi, makenduri, uye kunyange zvokudya zvomuraudzo. Pakuvamba Bhaibheri rangu rakanga rabvutwa, asi kuonga kumukuru mukuru, ndakaridzorerwa. Ndakaonga sei kurava mashoko aro anokosha nechiedza chekenduri!
Gare gare ndakachinjirwa kutorongo ramauto risati richiripo, parue du Cherche-Midi, muParis. Ndakaiswa muzvimbo mandaigara ndiri ndoga, naizvozvo ndaiva nenguva yakawanda yokufungisisa pamusoro pomugariro wangu.
Ndaiva namakore 27 uye ndakanga ndave ndichibatira Jehovha munguva yakazara kwamakore maviri. Onano yokutanga yemhuri yangu neZvapupu zvaJehovha yakanga iri kupfurikidza neshambadziro muRadio Vitus, nhepfutepfu yenhepfenyuro yomunhu muParis. Imomo makanga muri muna 1933. Ndakatsigira zvokwadi muna 1935, pashure pokupedza basa rehondo rokumanikidzirwa. Ndakabhapatidzwa muLucerne, Switzerland, muna August 1936.
Vabereki vangu, mukoma wangu, hanzvadzi yangu, uye ini taisonganirana neungano bedzi muParis. Hama Knecht, uyo panguva iyeyo aitarisira basa muFrance, nguva dzose aikurudzira Zvapupu zviduku kupinda muushumiri hwenguva yakazara. Somuuyo, muna April 1938, mukoma wangu, hanzvadzi yangu, uye ini takasarudza kuva mapiona, kana kuti vashumiri venguva yakazara. Mugove wedu wakanga uri Auxerre, taundi rinenge makiromita 154 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweParis. Hanzvadzi yangu Jeannette yakapupurira mutaundi mumene, uye mukoma wangu Marcel neni taichovha tichienda kumisha yakapoteredza mukati menharaunda yamakiromita anenge 30. Shure panguva iyeyo basa rokuparidzira rakanga rakaumbwa zvikurukuru nokuparadzira mabhuku eBhaibheri, pasina kuita shanyo dzedzokerero. Ndinogona kuyeuka kuti ikoku kwainditambudza zvikuru sei.
Muna June 1938 ndakakokwa kuzoshanda muhofisi yeParis yeWatch Tower Society. Panguva iyoyo vashandi, kana kuti mhuri yeBheteri, muFrance vakanga vakaumbwa nemitezo inenge gumi, uye ini ndakagoverwa kubetsera muBato roKutumira Mabhuku. Imomu ndimo makandakanga ndichishanda apo ndakadanwa nokuda kwebasa rehondo ndokugamuchira “mugove mutsva.”
Mugove Wangu Mutsva—Torongo
Kuvambira pamavambo ndakaziva kuti kana ndikasatsvaka nzira dzokuitira chimwe chinhu—pasinei zvapo nokuti chiduku sei—Jehovha pandakanga ndiri mutorongo, kutenda kwangu kwaizokurumidza kuneta. Asi ndakakurumidza kukwanisa kutanga mabanza okutaura pamusoro pezvokwadi yeShoko raMwari. Mavhiki mashomanene pashure pokunge ndasvika kutorongo Cherche-Midi, ndakachinjirwa kukamuri ravose navamwe vasungwa. Imomo ndakasangana nomudzidzi wemitemo uyo akanga atongerwa kutorongo nemhaka yokuti akanga anonoka namazuva mashomanene kudzokera achibva kuzororo rake rehondo. Makanga munewo mudzidzi wechikoro cheKaturike uyo akanga atongerwa nokuda kwokuba. Vatatu vedu takafarikanya kurukurirano refu dzakawanda pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri.
Rimwe zuva ndakacherechedza mumwe musungwa ari oga zvake mukona renharavanze. Sezvandakasvika, ndaigona kuona kuti akanga achirava. Ndakataura kwaari. Iye akatenderuka ndokundiratidza Bhaibheri rake. Imbofungidzira zvako! Iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha! Iye akanga ari worudzi rwechiPolish, ainzi Ceglarski, uye kufanana neni, akanga ari mutorongo nemhaka yokusatora rutivi kwake. Ushamwari hwechiKristu pakupedzisira! Unogona kufungidzira kuti tose tiri vaviri takafara zvikuru sei. Zvino taigona kufarikanya maawa akawanda mukurukurirano inovaka.
Muiri torongo taibvumirwa kubuda munharavanze maawa anoverengeka pazuva, naizvozvo ndakakwanisa kutaura navasungwa vashomanene avo vaifarikanya kunzwa shoko reBhaibheri. Pane dzimwe nguva kunyange vamwe vavarindi vaikumbanira mukurukurirano dzedu. Ndakanga ndawana chimwe chinhu chokuitira Jehovha. Kutaura idi, torongo rakanga rava mugove wangu mutsva wokuparidzira, uye zvino ndakanga ndichiita maawa apiona, kunyange zvazvo ndaisagona kuashuma. Asi ikoko hakuna kundinetsa.
Kubuda
Mwedzi yakapfuura pasina zvinoitika zvinokosha zvikuru—inonzi Phony War. Asi iyoyi yakaguma muna May 1940, apo vaGermany vakadenha France. Muna June zviremera zveFrance zvakabvisa vasungwa mumatorongo ose eParis nemhaka yamauto anofambira mberi eGermany. Takatutirwa mumarori ehondo ndokuendeswa kuOrleans, taundi riri kunopfuura makiromita 100 kumaodzanyemba kweParis. Pashure pokumira kupfupi, vose vari vaviri vasungwa vasiri varwi navarwi vakaunganidzwa ndokuraidzwa kupfuurira kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva netsoka nomumhenderekedzo yokuchamhembe yorwizi rwaLoire. Varindi vakashongedzerwa nezvombo vairinda konivhoyi. Kufamba kwakanga kwakaoma muzuva rinopisa raJune.
Pakati pedu pakanga pane matsotsi, uye varindi vakanga vagamuchira miraidzo yokupfura ani nani aimira, kuwa, kana kuti aisakwanisa kupfuurira kufamba. Pazuva rechitatu, Hama Ceglarski akavamba kutambura nokupiswa nezuva. Kumusiya kungadai kwakareva rufu rwechokwadi nokuda kwake. Varindi vakandibvumira, nebetsero yavamwe vasungwa, kumuisa mugumbeza, uye takamutakura. Zuva rakatevera racho akanzwa zviri nani uye akakwanisa kupfuurira netsoka.
Pamberi chaipo pokusvika paBriare, taundi duku riri kumhenderekedzo yokuchamhembe kweLoire, boka redu rakasangana nomudungwe wavanhu vakaremerwa nezvakawanda zvezvinhu zvavo sezvavaigona kutakura kana kuti kusunda mungorovhani. Ivo vakanga vachitizira kumaodzanyemba vachibva kumauto eGermany anosvika. Takakwanisa kunzwisisa kusvikira pamwero wakati ukuru hwokubuda kwavasiri varwi sezvo zviuru zvakatiza nokuda kwoupenyu hwazvo.
Ipapo takawana kuti varindi vedu vakanga vanyangarika, uye takanga tava toga zvedu. Chii chataifanira kuita zvino? Kwakanga kusingabviri kuyambuka rwizi rwakafara Loire ndokupfuuridzira rwendo rwedu kumaodzanyemba nemhaka yokuti mazambuko ose akanga aparadzwa. Boka redu duku (rakaumbwa naHama Ceglarski, vamwe vasungwa vaviri, uye ini) rakasarudza kudzokera kuParis.
Takawana mabhiza akasiiwa, uye takaatasva zvakanakisisa sezvataigona. Ndakanga ndakuvadza ibvi rangu uye ndaisagona kugonyesa gumbo rangu, naizvozvo shamwari dzangu dzaitofanira kundibetsera kukwira pamusana pebhiza. Ipapo ndakawana kuti bhiza rangu raigamhinawo! Naizvozvo fambiro mberi yakanga ichinonoka sezvo bhiza rangu raigamhina. Muchinoitika chipi nechipi, rwendo rwedu rwakakurumidza kusvika pamugumo wakamwe kamwe. Takanga tafukidza makiromita mashomanene bedzi patakanangana nechikamu chehondo yeGermany, uye mupurisa wehondo akaita kuti tiburuke. Zvatakanga tangobudirira bedzi mukuita kwakanga kuri kuchinja varindi!
Musungwa Wehondo
Nokukurumidza pashure pokubatwa kwedu, Hama Ceglarski neni takaparadzaniswa, uye iye akaramba ari musungwa wavaGermany kutozosvikira pamugumo pehondo. Pashure pemwedzi mishomanene mutorongo kumabharaki eJoigny, pakati peFrance, ndakaendeswa kuStettin, chiteshi chengarava muyaisimbova East Prussia. Zvino chakanga chava chiteshi chengarava chePoland cheSzczecin.
Sezvo ndakanga ndiri chaizvoizvo mutorongo rehondo reFrance apo vaGermany vakanditapa, ndakaiswa mumusasa womusungwa wehondo, umo migariro yakanga isimbori pedyo nokuva nehasha somumisasa yechibharo. Musasa wacho wakanga uri chivako chikuru munochengeterwa ndege chinogara vasungwa 500, vairindwa navarindi vakashongedzerwa nezvombo. Vasungwa vaishanda pamabasa akasiana-siana muguta mukati mezuva uye vaidzorerwa kumisasa mumadekwana. Naizvozvo ndakanga ndichizowana sei chokuitira Jehovha, varume vasiripo zuva rose?
Muchivako chikuru chinochengeterwa ndege, makanga mune chikwangwani chihombe apo mashoko aigona kuiswa, uye ndakawana mvumo yokushandisa nzvimbo duku pachikwangwani pacho. Ndakawana mapepa, uye pashure pokunge ndasanochisereredza, ndakanyora magwaro mapfupi anoverengeka pamusoro penhau dzeBhaibheri. Pasi, ndaitsanangura kwandaigona kuwanwa uye panguvai apo munhu upi noupi aifarira shoko roUmambo hwaMwari aigona kuuya ndokundiona.
Kuparidzira Kumarudzi Ose Avanhu
Uyu mutoo wakaunza miuyo yakanaka. Nokukurumidza ndakakwanisa kuva nomusangano muduku madekwana mamwe namamwe navatanhatu, vasere, uye pane dzimwe nguva kunyange gumi vaivapo. Kurukurirano dzedu kazhinji kazhinji dzaipedza awa imwe kana kuti kupfuura, kuchitsamira pamibvunzo yaimutswa. Panguva nenguva, murindi weGermany uyo aitaura chiFrench aikumbanira.
Sezvo ndaingova neBhaibheri rimwe bedzi, ndakanyorera Red Cross muGeneva, ndichivakumbira kunditumira maBhaibheri akawanda seavaigona. Nguva yakapfuura, asi pakupedzisira ndakagamuchira pasuru yangu yokutanga yamaBhaibheri ekare. Rimwe zuva ndakaudzwa kuenda kuhofisi yomusasa nemhaka yokuti mushanyi, mumiriri weRed Cross, aida kundiona. Iye akanga ari mufundisi wePurotestendi. Iye sezviri pachena akafunga kuti ndakanga ndiriwo muPurotestendi. Iye akati odzwei mwoyo paakaziva kuti ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha!
Kunyanguvezvo, iye akanga ane mutsa uye akatondikorokotedza nokuda kwezvandakanga ndichiita. Akandivimbisa kuti ndaigona kupfuurira kuodha maBhaibheri uye kuti ndaizoagamuchira. Ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi. Nokudaro, ndakakwanisa kugovera maBhaibheri anodokusvika 300 mukati menguva yandakagara mumusasa iwoyo. Pashure pehondo, wakanga uri mufaro wakadini kuziva kuti musungwa weBelgium ainzi Wattiaux, wandakanga ndapupurira kwaari mumusasa weStettin, akanga atsigira zvokwadi!
Mukati mousungwa hwangu muGermany, ndakaropafadzwa kugamuchira pasuru dzezvokudya dzaibva kumhuri yake. Ndakakurumidza kuwana kuti pasuru imwe neimwe yaivanzawo zvokudya zvomudzimu zvinokosha zvakawanda. Hanzvadzi yangu yaitaipa nyaya dzomuNharireyomurindi papepa nhete zvikuru ndokunzivanza mumapakiti emakoroni. Varindi havana kutongodziwana. Ndakatogamuchira kopi yebhuku rinonzi Children mupasuru yezvokudya. Irori rwakabvumikisa kuva rinobetsera zvikuru kwandiri muushumiri hwangu.
Kukudza Ushumiri Hwangu
Sezvandakanga ndiri makanika, pakupedzisira ndakagoverwa kushanda pagaraji ndichigadzira maturakita. VaGermany vanenge 20, vazhinjisa vavo vakanga vakura zvikuru zvokusagona kupinzwa mubasa rehondo, vaishandapo. Naizvozvo ndakaita nhamburiko dzokudzidza chiGermany chishomanene. Chishuvo changu chechokwadi chakanga chiri kukudza ushumiri hwangu ndokusachaganhurira kuparidzira kwangu kuvasungwa vanotaura chiFrench.
Ndaifanira kuita nokungwarira, zvisinei, nemhaka yokuti vashandi veGermany vaitya kutaura mifungo yavo pachena. Naizvozvo ndaitaura kwavari somunhu mumwe nomumwe. Kazhinji kazhinji, ivo vaiziva Bhaibheri zvikuru kwazvo uye vakanga vanzwa nezveZvapupu zvaJehovha. Vamwe vaitoziva kuti Zvapupu zvakawanda zvakanga zvatumirwa kumisasa yechibharo.
Zuva rimwe nerimwe mugaraji, ndairigumisa nokutenderera kuti nditaure kuvashandi biyangu pamusoro pezvokwadi. Vamwe vaida shoko racho, asi munhu aitarisira akanga asati. Pasina panikiro ndainyanyisa kuita zvinhu apo ndakanyora nechoko kuti Jehovas Zeugen (Zvapupu zvaJehovha) pabhenji rake rokushandira kumubetsera kunzwisisa kuti ndakanga ndiri ani. Murume wacho akaratidzika kuva akatyiswa apo akakuona uye iye akakurumidza kukurabha. Asi haana kundiranga. Sezvo nguva yakapfuurira, vamwe vashandi vakava vane ushamwari. Kutaura idi, ivo vaindiunzira zvokudya zvakawanda kwazvo zvokuti ndaikwanisa kuzvigoverana navamwe vasungwa vanoverengeka shure kumusasa.
Jehovha, Shongwe Yakasimba
Kwamakore akapfuura, ndakadzidza kuti nguva dzose tinogona kuitira Jehovha kana kuti munhu biyedu chimwe chinhu, pasinei zvapo nokuti migariro ingava yakaoma sei. Stettin yakabhombwa zvikuru kanoverengeka namauto eAllied. Takaedza kuhwanda mumakomba akafukidzwa namapuranga nevhu. Izvozvi zvakapa bedzi dziviriro yenhema, nokuti vasungwa vakawanda vakarasikirwa noupenyu hwavo mumakomba iwayo. Mukati mokudenha mumhepo, pane dzimwe nguva ndainzwa ruoko ruchindibata murima, kuzongondirega bedzi ndichienda nokukurumidza apo denho yakanga yapera. Handina kutongoziva kuti akanga ari ani. Sezviri pachena, vamwe vavasungwa vaifunga kuti ndaiva nedziviriro chaiyo nemhaka yokuti ndaitaura pamusoro paMwari.
Mukati medenho imwe yomumhepo, musasa wedu wakarokoteswa namabhomba anoparira mwoto. Tasara tiri toga zvedu mumigwagwa yetaundi, taipupurira zviono zvakawanda zvorutyo. Vasiri varwi vanotambura nokupiswa kwakakomba vaisvetukira mumigero yeOder River iyo inoyerera nomuStettin. Apo ava vanyajambwa vakapiswa vaibuda mumvura, phosphorus yakapfuurira kutsva pavari. Vazhinji vakafa.
Nemhaka yefambiro mberi yamauto eRussia, takarairwa kubva muStettin ndokuenda kumadokero kuNeubrandenburg uye ipapo kupfuurira kuGüstrow. Taiswa pakakwirira muturakita hombe, takafamba nomugwagwa apo mabara eSoviet akawira panguva nenguva. Motokari dzehondo dzeRussia pakupedzisira dzakatisvikira paGüstrow. Mauto eSoviet anodenha namasimba masimba akanga ari vanatenzi vetaundi kwevhiki. Mauto eBritain akanga achiswedera pedyo, uye zvichimirira kuti mauto asangane, zviremera zveSoviet zvakaparadzanisa vasungwa vehondo vachibva muvasiri varwi. Ivo vakachengetedza vamwe vavasungwa ndokupa vasara vose (kubatanidza ini) kumaBritish.
Iwoyo ndiwo wakanga uri mugumo wechinoitika chinotyisa. Mavhiki mashomanene gare gare, ndakazviwana ndimene ndadzokera ndiri pachikuva chechiteshi chechitima cheGare du Nord muParis. Zuva rakanga richangobva kubuda. Pakanga pari pakati paMay 1945, uye pakupedzisira ndakanga ndadzoka, pashure pemwedzi 69 youtapwa.
Kuwana Zvinhu Zvakawanda Zvokuitira Jehovha
Muna 1946 Sosaiti yakandikokazve kuzobatira muBheteri, ipapo yaiva muMontmorency, sabhabhu yokuchamhembe kweParis. Mwedzi mishomanene gare gare, Hama Paul Dossman neni takagoverwa kushanyira ungano muFrance savatariri vedunhu. Panguva iyoyo, munyika yose makanga mune Zvapupu 2 000 bedzi. Nhasi, makore anopfuura 40 gare gare, mune vaparidzi vanopfuura chiuru chine zana.
Gare gare ndakadanwa kudzokera kuBheteri, panguva iyeyo yaiva muchikamu chinogarwa cheParis. Muna 1949, ndakurudzirwa nehama mbiri vafundisi vakabva England, ndakatanga kudzidza chiNgezi—kwete pasina chitambudzo, ndinofanira kubvuma. Gore rakatevera racho, ndakakokwa kuWatchtower Bible School of Gilead.
Pandakadzokera kuFrance, ndakabatira kwechinguvana mubasa redunhu, uye ipapo Sosaiti yakandikumbira kubatira somufundisi muAfrica. Mukati menguvayo, ndakanga ndaroora Titica, imwe hanzvadzi yorudzi rwechiGiriki. Takagara muSenegal kwamakore mashanu uye takaropafadzwa kuona ungano yokutanga ichiumbwa muDakar. Nokuda kwezvikonzero zvoutano, gare gare takasungirwa kudzokera kuFrance.
Zvino ndiri mugore rangu rechi 50 rebasa renguva yakazara uye ndakava nomufaro mumakore iwaya ose wokubetsera vanhu vanopfuura zana kutsigira zvokwadi. Jehovha zvamazvirokwazvo akapfuurira kuva akanaka neane rupo kwandiri. Ndakadzidza muzvinoitika zvoupenyu kuti upi kana upi ungava mugariro wedu, isu nguva dzose tinogona kuwana nzira yakati yokurumbidza nokukudza nayo Mwari wedu, Jehovha.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jean Queyroi nomudzimai wake, Titica