RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/1 p. 21
  • Ivo Vakawana Chikonzero Chokuchinja

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ivo Vakawana Chikonzero Chokuchinja
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndaizvicherera Guva”
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Zvatinofanira Kuziva Pamusoro Pemagen’a
    Mukai!—1998
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/1 p. 21

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Ivo Vakawana Chikonzero Chokuchinja

KO MATSOTSI uye kunyange vatungamiriri vamagen’a vanogona kuchinja mufambiro wavo here? Chiiko chingagona kuvabetsera kuita saizvozvo? Chinjo dzinoshamisa mumufambiro dzinobvira sezvinoonwa muchinoitika chaPauro weTarso, uyo akachinja kubva mukutambudza maKristu mukuva muKristu iye amene. Iye pashure paikoko akazivikanwa somuapostora Pauro. (VaGaratia 1:13, 14; 1 Timotio 1:13) Chinjo dzinoshamisa dzakafanana dzinoshumwa muKenya.

◻ Rimwe jaya rakanga riri mutezo wegen’a munharaunda yeNairobi uye akatumirwa kumadokero kweKenya kuzoongorora kubvira kwokubira mabhangi ikoko. Iye akagara nomumwe mutana ndokuwana murwi wamagazini ekare aMukai! mumba make. Jaya racho rakapa ngwariro kwazvo mukurava aya magazini zvokuti rakakanganwa chose chose pamusoro perongedzero dzaro dzokubira mabhangi. Apo rakanga rarava chinhu chiri chose, rakakumbira mamwe, uye mutana akariudza kuti imwe yaizova ichiuya mavhiki maviri ari ose nepositi. Kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi jaya racho rakakumbira mugamuchiri waro kuenda kupositi hofisi zuva riri rose kuzotsvaka mamwe magazini. Mukati menguvayo, iro rakaita chisarudzo chokurega nzira dzaro dzakashata, kutevera izvo iro rakanga radzidza mumagazini, uye kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iro rakatovamba kuudza vavakidzani kuti rakanga riri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Gare gare, piona chaiye akashanda ndima yacho uye akakatyamadzwa nokuwana iri jaya richitaura kuva Chapupu. Fundo yeBhaibheri yakatangwa naro, iro rakawana ukuru mumudzimu, uye nhasi ndipiona wenguva dzose. Zivo yakarurama yeBhaibheri yakaripa chikonzero chokuchinja upenyu hwaro.

◻ Mumwe murume muArgentina akawanawo chikonzero chokuchinja nacho nzira yake yamasimba masimba youpenyu. Kwamakore 20, iye akanga abata mudzimai wake zvakashata, uyo akanga ari Chapupu. Kwakataurwa kuti iye akatochera mwena munharavanze make une muchinjikwa pamusoro pawo, achirangarira kuuraya munhu akanga achiba huku dzake nokumuviga imomo. Nemhaka yohunhu hwakaipa hwomurume wacho, vavakidzani vose vaimudzivisa.

Mutariri wedunhu akamushanyira. Ariko, mutariri wedunhu akakarakadzira murume wacho fundo yeBhaibheri uye akashamiswa apo iye akataura kuti aizofara kufunda Bhaibheri. Hama yakafunda bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! naye. Murume wacho akafambira mberi muzivo yeBhaibheri nenzwisiso yomudzimu. Iye zvino ari kupinda misangano yose. Iye anoda misangano nesonganirano nehama zvikuru kwazvo zvokuti iye akati, “Umu ndimo mandinoda kugara.”

Chinjo mumurume uyu yaishamisa kwazvo zvokuti vavakidzani vakabvunza mudzimai wake kuti ndichiremba upi akanga achimurapa. Apo akatsanangura kuti chinjo yakanga yaitika nemhaka yokuti akanga achifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, muvakidzani mumwe akaororwa kwazvo zvokuti akakumbira Bhaibheri. Mumwe muvakidzani akazvinyoresa kuimwe yamagazini edu.

Zivo yakarurama yeBhaibheri yakapa ava varume chikonzero chokuchinja nzira yavo youpenyu. Inogona kubetsera ani naani anoshuva upenyu hune revo zvikuru zvino uye tariro youpenyu husingagumi munyika itsva inofadza yaMwari.—Johane 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe