Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◻ Ko Jesu Mureveri bedzi wamaKristu akazodzwa nomudzimu here kana kuti worudzi rwose rwomunhu, sezvo 1 Timotio 2:5, 6 (NW) ichitaura nezvake so“mureveri” uyo “akazvipa amene rudzikinuro rwakaringanira vose”?
Bhaibheri rine zvose zviri zviviri dzidziso dzokutanga nezvokwadi huru, izvo zviri zvokudya zvikukutu zvefundo. Imwe fundo yakadaro inobatanidza basa raJesu Kristu soMureveri. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kuna Mwari mumwe, nomureveri mumwe pakati paMwari navanhu, munhu, Kristu Jesu, akazvipa amene rudzikinuro rwakaringanira vose—ikoku ndiko kunofanira kupupurirwa panguva chaidzo dzapo pamene.”—1 Timotio 2:5, 6, NW.
Kuti tinzwisise izvo Pauro ari kutaura, tinofanira kutanga kunzwisisa kuti Bhaibheri rinoonesa migumo miviri yavanhu vakatendeka: (1) upenyu hwakakwana muparadhiso yapasi ichadzorerwa uye (2) upenyu mudenga nokuda kwe“boka duku” raKristu, rinoita 144 000. (Ruka 12:32, NW; Zvakazarurwa 5:10; 14:1-3) ChiKristudhomu chinodzidzisa kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga, uri murangariro usiri wapamagwaro wakashatisa murangariro wavose, zvokuti Jesu anorangarirwa somunyai wavanhu vose vakadaro. Chii, kunyanguvezvo, chinoratidzira Bhaibheri?
Shoko rechiGiriki me·siʹtes, rinoshandiswa nokuda kwo“mureveri,” rinoreva ‘munhu anozviwana amene ava pakati pamapoka maviri kana kuti mativi.’ Rakanga riri ‘shoko rounyanzvi rina mativi akawanda romutauro wemitemo wechiHellenism.’ Purofesa Albrecht Oepke (Theological Dictionary of the New Testament) anotaura kuti me·siʹtes rakanga riri “rimwe ramashoko ounyanzvi rine mhatsa zvikurusa mumashoko emitemo echiHellen[ism].”
Asi neiko Bhaibheri richishandisa shoko remitemo nokuda kwebasa romureveri raJesu? Sebetsero, rangarira izvo Pauro akanyora pamusoro poMutemo waMwari wakapiwa kuna Israeri vakaungana pamberi peGomo reSinai: “Iwo wakapiwa nengirozi kupfurikidza noruoko rwomureveri.” VaGaratia 3:19, 20, NW) Mureveri iyeyo akanga ari Mosesi. Iye akanga ari munyai anorevera pakati paJehovha norudzi rwokunyama rwaIsraeri. Munyai wechiiko? Wokutanga sungano, kana kuti chibvumirano chapamitemo, pakati paMwari norudzi.a
Ikoku kunoreva here kuti kune pfungwa yemitemo chaiyo inobatanidzwa mubasa raJesu soMureveri? Hungu. Cherechedza tsinhiro yaPauro iri pana VaHebheru 8:6. Pashure pokutaura pamusoro petabhernakeri nemimwe mifananidzo yokufananidzira musungano yoMutemo, iye akanyora, kuti: “Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari mureveri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.” “Sungano inopfuura nokunaka” yakanga iri sungano itsva, iyo yakatsiva sungano yakareverwa naMosesi. (VaHebheru 8:7-13) Sungano itsva yaka“tangwa nenzira yemitemo.” Iyo yakavanzarika hwaro hwokuti vamwe vavateveri vaKristu, kuvamba navaapostora, va“pinde munzvimbo tsvene,” denga rimene.—VaHebheru 9:24; 10:16-19, NW.
Kune zvimwe zviratidzowo zvorudzi rwemitemo rwebasa raJesu soMureveri we“sungano itsva.” Achitsinhira pachipikirwa chaMwari chiri paPisarema 110:4, Pauro akanyora, kuti: “Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso [enʹgy·os] rwesungano inopfuura nokunaka.” (VaHebheru 7:22) Uku ndiko kushandisa bedzi kweBhaibheri shoko rokuti enʹgy·os. The New International Dictionary of New Testament Theology inoti: “Engyos akavimbisa kuti musengwa wemitemo waizoitwa.” Naizvozvo Jesu soMureveri wesungano itsva anobatira sorubatso rwemitemo rwokuti “tariro iri nani” yaizowanwa.—VaHebheru 7:19, NW.
Kune imwe nzvimbo Pauro anoshandisa rimwe shoko rine pfungwa yemitemo, ar·ra·bonʹ, rinoshandurwa kuti “chisimbiso.” Duramashoko rimwe chetero rinoti: “Shoko rechiGk. arrabōn . . . murangariro wemitemo unobva mumutauro webhizimisi nokutengeserana.” Cherechedza kushandisa kwakaita Pauro iri shoko remitemo: “Iye akatizodza ndiMwari. Iye akaisawo chisimbiso patiri uye akatipa chisimbiso chechichauya, ndiko kuti, mudzimu, mumwoyo yedu.” (2 VaKorinte 1:21, 22, NW) Kumwe kuoneka kwose kuri kuviri kwaar·ra·bonʹ kunobatawo nokuzodza kwaMwari maKristu nomudzimu, kuchiaunzirawo ‘tuso isingaperi kana kuti nhaka mumatenga’ savanakomana vomudzimu vaMwari.—2 VaKorinte 5:1, 5; VaEfeso 1:13, 14; ona Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures.
Nenzira yakajeka, ipapoka, sungano itsva haisi gadziriro isakasimba yakazarukira rudzi rwose rwomunhu. Igadziriro yemitemo yakasanorongwa inobatanidza Mwari namaKristu akazodzwa.
Ikoku kunofanira kutibetsera kunzwisisa 1 Timotio 2:5, 6. Pano nongedzero ku“mureveri” yakaitwa pashure pokumwe kuoneka kushanu kweshoko racho mutsamba dzakanyorwa pamberi pezvi. Nokudaro, Timotio aizofanira kuva akanzwisisa kuva mureveri kwaJesu kuva basa Rake remitemo rinobatanidzwa nesungano itsva. The Pastoral Epistles, rakanyorwa naDibelius naConzelmann, rinobvuma kuti pana 1 Timotio 2:5 ‘shoko rokuti “mureveri” rine revo yemitemo,’ uye “kunyange zvazvo muichi chikamu, mukupesana naVaH. 8:6, [sungano] isingadudzwi, munhu anofanira kunyanguvezvo kubvuma revo yo‘mureveri wesungano,’ sezvinoratidza mashoko akapoteredza.” Purofesa Oepke anotaura kuti 1 Timotio 2:5 inopa Jesu se“gweta nomutauriri.”
Muenzaniso womuzuva razvino uno ungabetsera kujekesa ikoku, zvikurukuru kana iwe usiri muKristu akazodzwa nomudzimu. Funga nezvemhaka yemitemo umo gweta rinobatanidzwa. Basa rake ringasava zvikuru iro reroya rinoita nharo nokuda kweruramisiro seiro romunhu ari kurevera kana kuti ari kuparira chibvumirano chapamutemo kugamuchirika nechinobetsera kumativi maviri. Chokwadika, iwe hausi mumhaka yemitemo yakadaro, naizvozvo mupfungwa iyoyo iye haasi kubatira segweta rako. Bva iye angava shamwari yako yapedyo zvikuru iyo mudzimwe nzira inokupa betsero inokosha.
Pane dzimwe nguva basa regweta rinobereka miuyo inobetsera vamwe vazhinji. Kwakadaro namabasa emitemo aJesu soMureveri wesungano itsva. Iyo inobereka izvo sungano yoMutemo isina, “umambo hwavaprista” hwokudenga. (Eksodho 19:6; 1 Petro 2:9, NW) Pashure paikoko maKristu akazodzwa ari muUmambo achashanda naJesu ari mudenga kuunza chikomborero ku“marudzi ose apasi.”—Genesi 22:18, NW.
Vanhu vamarudzi ose avo vane tariro youpenyu husingaperi pasi pano vanobetserwa kunyange zvino namabasa aJesu. Kunyange zvazvo iye asiri Mureveri wavo wemitemo, nokuti ivo havasi musungano itsva, iye mutoo wavo wokusvika Jehovha. Kristu akati: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri.” (Johane 14:6) Vose vachawana upenyu pasi pano vanofanira kunangidzira minyengetero yavo kuna Jehovha kupfurikidza naJesu. (Johane 14:13, 23, 24) Jesu anobatirawo soMuprista Mukuru anonzwira tsitsi uyo anokwanisa kushandisa nokuda kwavo betsero dzechibairo chake, kuvabvumira kuwana kanganwiro noruponeso pakupedzisira.—Mabasa 4:12; VaHebheru 4:15.
Somuuyo, 1 Timotio 2:5, 6 haisi kushandisa “mureveri” mupfungwa yakafara inozivikanwa navose mumitauro yakawanda. Haisi kutaura kuti Jesu mureveri pamberi paMwari norudzi rwose rwomunhu. Panzvimbo pezvo, iyo inonongedzera kuna Kristu soMureveri wemitemo (kana kuti, “gweta”) resungano itsva, iyi ichiva nzira yakaganhurirwa umo Bhaibheri rinoshandisa namo shoko racho. Jesu rudzikinurowo rwakaringanira vose vari musungano iyoyo, vose vari vaviri vaJudha naVamarudzi, avo vachagamuchira upenyu husingafi mudenga. Muapostora Johane akanongedzera kuna ivava pana 1 Johane 2:2. Asi iye akaratidzira kuti vamwewo vachagamuchira betsero yechibairo chaKristu: “Ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.”
Avo ve‘nyika yose’ ndivose vachawana upenyu husingagumi muparadhiso yapasi ichadzorerwa. Mamirioni avabatiri vakadaro vakatenderwa vaMwari zvino vane tariro iyoyo yapasi. Ivo vanorangarira Jesu soMuprista Mukuru wavo naMambo kupfurikidza naye ivo zuva nezuva vanogona kusvika kuna Jehovha. Ivo vanovimba norudzikinuro rwaJesu, urwo runowanika kwavari, sezvaruchaita chaizvo kuvanhu vakadai saAbrahama, Dhavhidhi, uye Johane Mubhapatidzi apo ivava vanomutswa. (Mateo 20:28) Nokudaro, chibairo chaKristu chichatungamirira kuupenyu husingaperi nokuda kworudzi rwose rwomunhu runoteerera.
[Mashoko Omuzasi]
a Kurukurirano yesungano inowanika muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1989, peji 10-20.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Pano paGomo reSinai, Mosesi akabatira somureveri wesungano yoMutemo
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.