Nzwisiso Panhau
Vakaturike Norubhapatidzo
Chiverengero chinowedzera chavakuru chiri kubhapatidzwa neChechi yeRoma Katurike muFrance, inoshuma kudaro Le Monde, pepanhau rechiFrench. Kutaura idi, pepa racho rinotaura kuti “nhamba dzakapetwa ruviri mumakore mana apfuura.” Kirasi dzapamberi porubhapatidzo dziri kutorwa navakuru vechiFrench vanopfuura 4 000 vanotsvaka kuva Vakaturike vakabhapatidzwa. Zvikamu zviviri zvezvitatu vakadzi vari pakati pamazera 20 ne 40. Chikamu chimwe chezvina ndevemviromviro isiri yechiFrench.
Gadziriro yorubhapatidzo rwavakuru, zvisinei, inogona kupedza makore maviri kana kuti matatu. Muprista Guy Cordonnier, ane mutoro wekirasi dzakadaro dzapamberi porubhapatidzo munharaunda yeVersailles, akati: “Kuti abhapatidzwe, hakuna kukwana kutaura kuti munhu anodavira Mwari. Kuri madikanwa kudzidza nzira yokurarama nayo mukati menzanga.”
Rubhapatidzo rwavakuru, chokwadika, harusi chinhu chitsva. Jesu amene akabhapatidzwa pazera ramakore 30. Kuti chinopfuura chitenderowo zvacho muna Mwari chinodikanwa nokuda kworubhapatidzo hakusiwo kutsva. Murairo waJesu kuvateveri vake wakanga uri wokuti “muite vadzidzi . . . , muchivabhapatidza” uye “muchivadzidzisa” kuchengeta mirairo yake.—Mateo 28:19, 20, NW.
Zvisinei, sezvo Chechi yeKaturike kwamazana amakore yakashandisa rubhapatidzo rwavacheche, chimiro chechechi pakubhapatidzwa kwavakuru chishamiso. Vakuru vakuru vechechi vanotaura kuti kunotora makore maviri kana kuti kupfuura kugadzirira mukuru nokuda kworubhapatidzo, bva ivo vanotaura kuti rubhapatidzo rwavacheche rwakafanira. Ivo vanotaura kuti rubhapatidzo runobvisira vacheche chivi chakagarwa nhaka, asi muapostora Johane akanyora, kuti: “Ropa raJesu . . . rinotibvisira chivi chose.” (1 Johane 1:7, NW) Sezvo vana vasingakwanisi kushandisa kutenda muna Mwari nomuropa rakadeurwa raKristu, kuvabhapatidzirei?
Mashoko Asingatongonzwiwi
Inodokuva hafu yavadzimai 3 800 vakaongororwa nekambani yeinishuwarenzi yeJapan “haisati yanzwa mashoko okuti ‘ndinokuda’ anobva kuvarume vavo mumakore mashomanene,” inoshuma kudaro The Daily Yomiuri. Chiverengero muzana chavadzimai vasinganzwi aya mashoko chinowedzera nezera, uye nezvaavo vari mumakore avo ari kuma 50, 82 muzana inoshamisa havatongonzwi mashoko iwaya kuvarume vavo. Kunyange pakati pavadzimai vari mumakore avo omuma 20, 10 muzana bedzi inonzwa varume vavo vachitaura mashoko aya zuva riri rose.
Munhau yorudo yaMambo akachenjera Soromoni inobatanidza mukomana mufudzi nomusikana wokunyika akaisvonaka akabva kuguta rakare reShunemi, kwakanga kuri kupfurikidza na“mashoko orudo” kuti mukomana akawana mwoyo wake. (Rwiyo rwaSoromoni 1:2, NW) Apo bedzi varume vanenge vawana mwoyo yavadzimai vavo, kuchiri madikanwa here kutaura rudo rwavo? Hungu! Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Varume, pfuurirai kuda vadzimai venyu, sezvo Kristu akadawo ungano ndokuzvipa amene nokuda kwayo.”—VaEfeso 5:25, NW.
Pausiku hwokushambadzwa kwake, Jesu akataura ataurazve rudo rwake nokuda kwavadzidzi vake. (Johane 13:34; 14:19-21; 15:9, 10, 12) Murume anofanira kurangarira kuda kwomudzimai wake kuvimbiswa nezverudo rwake. Varume vanofanira kuyeukawo kuti Kristu ‘akazvipa amene nokuda kweungano.’ Nokudaro, iye akaratidzira rudo nezvose zviri zviviri mashoko uye nezviito. Nenzira yakajeka, varume vanoita zvakanaka kutevedzera muenzaniso waKristu.