Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Kwakafanira here kuti muKristu atenge matikiti erotari sevaraidzo zvayo kana mari yacho ichienda kuzvipo zvavanoshaiwa?
Bhaibheri zvamazvirokwazvo harirambidzi varaidzo yakakodzera, nokuti Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11, NW) Vanhu vake vanogona kufarikanya nziyo, kutamba kuno mwero, kudya kana kuti kunwa kuno mwero, uye mitambo yakadzikama. (Pisarema 150:4; Muparidzi 2:24) Zvisinei, kubhejera kunorwisana nenzira yakajeka nezano rokuchenjera raMwari, uye ikoku ndokwechokwadi nezvokugoverana mumarotari.
Chaizvoizvo chii chiri rotari? Iyo inobatanidza kutenga matikiti okuva nemhanza yokuwana mibairo. Vakundi vanosarudzwa nedrawing kana kuti nzirawo zvayo yokusarudza nhamba.a Kazhinji kazhinji pane mubairo mumwe mukuru, zvichida unosvika kumamirioni amadhora, mapeso, kana kuti pondo. Kufadza kwomubairo mukuru wakadaro mukuru kwazvo zvokuti rotari dzazova “chimiro chakapararira zvikurusa chokubhejera.” (The World Book Encyclopedia) Mazana amamirioni avanhu anobhejera kupfurikidza nerotari.
Vamwe vanhu vakarangarira kuti kubatanidzwa murotari hakuna kuipa kana kuti kushata nemhaka yokuti mutengo wetikiti (mhanza) ungava muduku, nemhaka yokuti avo vari kutora rutivi vanoita saizvozvo nokudisa, uye nemhaka imwe yemari ingashandiswa nokuda kwedonzo rorupo, zvakadai sokubetsera varombo. Kurangarira kwakadaro kwakanaka sei?
Nepo vamwe vachitaura kuti kutenga tikiti rerotari kwakapfava, varaidzo isingadhuri, makaro haarambwi. Vanhu vanotenga matikiti erotari vachikarira kuwina mari yakawanda. Ikoku zvamazvirokwazvo kunozvidza zano roumwari rinorwisana namakaro, ayo anogona kuva chakaipa chakakomba zvakadaro zvokuti chinogona kudzivisa munhu ‘kugara nhaka umambo hwaMwari.’ Nokudaro, kana muKristu akaratidzira makaro anopfuurira kupfurikidza nokubhejera, iye angagona kubviswa muungano. (1 VaKorinte 5:11; 6:10) Bhaibheri rinoti: “Nhaka, inowanwa [namakaro] pakutanga, asi nguva yayo imene yemberi haisati ichizokomborerwa.” (Zvirevo 20:21, NW) Kana muKristu akanzwa sundo ipi neipi yo‘kuedza mhanza’ murotari, iye anofanira kufunga zvakakomba pamusoro pamakaro pakavakirwa rotari. VaEfeso 5:3 inotaura kuti ‘makaro haafaniri kunyange kududzwa pakati pedu,’ ndoda akaterwa kwaari nomuKristu.
Chikamu chikurusa chavatambi verotari chinowanzowanwa munzanga dzine urombo. Naizvozvo kunyange kana mutengo wetikiti uri muduku, mari iri kutsauswa iyo inofanira kuenda kune zvinodikanwa zvemhuri zvechokwadi—zvokudya zvakawanda, zvokupfeka zvakakwana, kutarisirwa mune zvokurapwa kwakavandudzika. Munhu anoti muKristu asi achiregeredza zvinodikanwa zvemhuri zvakadaro “akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.”—1 Timotio 5:8, NW.
Kunyange kana mutengo wetikiti rerotari usati waizokuvadza zvikuru mari yomunhu yomunhu oga kana kuti yemhuri, ikoko hakurevi kuti vamwe havakuvadzwi. Neiko? Nemhaka yokuti anoda kuva munhu upi noupi anotenga tikiti rerotari aizoda kuwina. Ndokupi kwaizobva mari yomubairo wake? Kana tikiti rake rakaita mapeso gumi uye mubairo uri mapeso ane mirioni, ikoko kunoreva kuti iye anotora mari yetikiti kuvamwe vanhu vane chiuru chine zana. Ikoko kunotsinhirana here nezano reBhaibheri pamusoro pokuchiva zvinokosha zvavamwe? (Dheuteronomio 5:21) Kutaura idi, mubairo wake uchabatanidza mari inotorwa kuvamwe vanhu vazhinji, nokuti mamwe matikiti akawanda zvikuru kupfuura chiuru chine zana achafanira kutengeswa. Chitsama chikuru chemari yetikiti chinofanira kuenda kundyiko dzokutarisira, pamwe chete nechimwe kudonzo rorupo iro rinoziviswa serino mufungo nokuda kwerotari. Naizvozvo kunyange kana munhu achigona kuwana mapeso gumi nokuda kwetikiti rake amene, zvakadiniko nezviverengero zvikuru zvavamwe? Uyezve, kuwina kwake zvimwe kuchaziviswa, kuchisunda vazhinji kuvamba kutamba rotari kana kuti kutenga matikiti akawanda, kunyange kana vasingagoni ikoku.
Hakunawo kuramba kuti kunobatanidzwa nerotari kurota kuwina mari pasina kuishandira. Hungu, rotari inokurudzira nungo kana kuti kudzifadza. Bhaibheri, kunyanguvezvo, rinokurudzira vanhu vaMwari kuva vane rutsuta, vanobishaira, uye vanoshanda zvakaoma. Panzvimbo pokukurudzira mudzimu woku‘wana chimwe chinhu pasina,’ iro rinotaura, kuti: “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.”—2 VaTesaronika 3:10; Zvirevo 13:4; 20:4; 21:25; 1 VaTesaronika 4:9-12.
Kuti vamwe vagogoverana murotari nechisarudzo chavo vamene uye kuti ndokwapamutemo hakururamisi kubatanidzwa mairi kunoitwa namaKristu. Dzimwe hurumende dzinoita kuti zvimwe zvimiro zvokubhejera, pamwe chete nouhure nebarika zvive zvapamutemo. Kunyangwe zvazvo zvinhu zvakadaro zvingava zvapamutemo uye vanhu vazhinji vachibatanidzwa mazviri nokudisa, ikoku hakurevi kuti mibato yakadaro yakafanira pamberi paMwari. MaKristu, panzvimbo pezvo, anovavarira kuratidzira murangariro waDhavhidhi: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; nokuti ndimi Mwari muponesi wangu.”—Pisarema 25:4, 5.
Kana muKristu achida zvapachokwadi kubetsera varombo, vakaremera, kana kuti vakwegura, iye zvamazvirokwazvo anogona kuita saizvozvo zvakananga kana kuti nenzira isingabatanidzi kubhejera.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo ichizivikanwa zvikuru serotari, rudzi urwu rwokubhejera runganziwo pool, sweepstakes, raffle, kana kuti zita rakati romunzvimbomo.