RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/15 p. 30
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vavariro Youdyire
  • Vanorasikirwa Nerotari
  • Chii Chakaipa Nokubhejera?
    Mukai!—2002
  • Kubhejera—Mutambo Wepasi Pose Unokwezva
    Mukai!—2002
  • Kubhejera NdokwavaKristu Here?
    Mukai!—1994
  • Dzivisa Musungo Wokubhejera
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/15 p. 30

Nzwisiso Panhau

Vavariro Youdyire

Nokukurumidza pashure pokutanga kutonga muna 1933, mutungamiriri weNazi Adolf Hitler akaita chibvumirano neChechi yeKaturike. Ichi chibvumirano chakapa Hitler maruramiro okuramba kusarudzwa kwamabhishopi eGermany mutsinhano namaropafadzo akati anopiwa kuchechi. Asi nderipi ramativi maviri raizobetsereka zvikurusa? Enisaikoropidhia itsva yechiFrench yeKaturike inopa mhinduro yakarurama kuuyu mubvunzo.

“Pope Pius XI amene . . . akakurangarira kuva kunokosha chose chose kuva nechokwadi chokutaviridzwa kwechechi yeGermany kupfurikidza nechibvumirano. Ichochi chakaitwa pakati paApril naMay 1933. Kunyange zvazvo mukuwirirana netsika chaida Chechi yeKaturike, ichi chibvumirano chakanga chiri zvomenemene budiriro nokuda kwaHitler, sezvo chakabvuma hurumende yake. Uyezve, sezvo Hitler aichipunza nguva dzose, papa akapomerwa mhaka yokunyaradza hana dzavaKaturike nokunyima zvombo mabhishopi kupfurikidza nokuita chiito choupenzi.”

Nhasi, zvikurukuru muFrance neGermany, Chechi yeKaturike inotsoropodzwa pachena nokuda kwokubvumirana pane zvisina kufanira kwavatungamiriri vayo mukati mehurumende yeNazi. Izvi zvinetso zvinotanga apo vatungamiriri vechechi vanokundikana kuteerera mashoko nomuenzaniso zvaJesu Kristu, uyo akati nezvavateveri vake vechokwadi: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Chokwadi, kubvumirana pane zvisina kufanira kwakadaro kwakaitwa navatungamiriri vechechi kwakawana tendero yesangano rematongerwe enyika, asi ikoku kwakaitei nokuda kwoukama hwavo naMwari? Pakunyorera maKristu biyake, mudzidzi waJesu Jakobho akanyevera, kuti: “Ushamwari nenyika ruvengano naMwari.”—Jakobho 4:4, NW.

Vanorasikirwa Nerotari

Kubvira kunenge mamirioni 14 kusvikira ku 1 pamusoro pokuwina kwako rotari. Bva, mamirioni avanhu anotamba rotari dzinotsigirwa nehurumende nguva dzose, inoshuma kudaro The Globe and Mail, pepanhau reCanada. Nzvero inoratidza kuti rotari hadzifadzi kunze kwetariro yokuwina mubairo mukurusa, iyo kazhinji kazhinji inokurudzirwa nokuzivisa kunonangidzira ngwariro “pamubairo napanjodzi dzokukundikana kutenga tikiti.” Sezvo donzo rerotari riri rokuita mhindu ndokuita vawini vashomanene, vatsigiri vanoita zviziviso zvezuva nezuva mu“kariro dzokutanga kutenga nguva dzose.”

Ikoku kuri kushanda here? Hungu! Achishuma mumagazini yeAmerican Health pamusoro pewedzero yokubhejera pakati pavechiduku, Dr. Durand Jacobs anonongedzera kurotari samavambo avo kukubhejera “nemhaka yokuti dzakaderera, dzinosvikika uye dzinotsigirwa sedzakanaka.” Iye anowedzera, kuti: “Rotari iNyengedzo inotungamirira vayaruki kupinda muzvimwe zvimiro zvokubhejera kwakakomba.” Imwe nyanzvi yeCanada pamusoro pokubhejera zvikuru inoti: “Munhu upi noupi angaedza kukuudza kuti rotari hakusi kubhejera ari kuita sebenzi kana kuti zvimwe mapenzi. . . . Tiri kupedzera mazana amamirioni amadhora parotari mukariro dzokuwina chimwe chinhu. Iko ndiko kubhejera.”

Rotari dzinokurudzira rudo rwemari. Dr. Marvin Steinberg, purezidhendi weConnecticut Council on Compulsive Gambling, akataura kuti vabhejeri vanonetsa vavechiduku vaishandisa mari yavo yezvokudya zvamasikati, vaiba mari, uye vakatoba muzvitoro kuti vatsigire tsika yavo yokubhejera. Echokwadi, zvamazvirokwazvo, ndiwo mashoko omuapostora Pauro: “Rudo rwemari ndiwo mudzi wamarudzi ose ezvinhu zvinokuvadza, uye kupfurikidza nokusvasvavirira rudo irworwu vamwe . . . vakazvibaya vamene pose pose namarwadzo mazhinji.”—1 Timotio 6:9, 10, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe