RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 6/1 pp. 25-27
  • Kuwana Rusununguko pa“Chitsuwa Chavanhu Vari Voga”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Rusununguko pa“Chitsuwa Chavanhu Vari Voga”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • “Chitsuwa Chavanhu Vari Voga”
  • Musungwa, bva Ndakasununguka
  • Zvapupu paSan Lucas
  • Rusununguko Rwechokwadi Pakupedzisira
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 6/1 pp. 25-27

Kuwana Rusununguko pa“Chitsuwa Chavanhu Vari Voga”

CHIKEPE chinopfuura nomumafungu maduku eGulf of Nicoya chakanga chisina kuzara. Kunyanguvezvo ikoku kwakanga kusati kuri nemhaka yeperevedzo yavashanyi. Pano pamhenderekedzo yePacific yeCosta Rica, denga risina makore, mvura yeemeredhi-girini, mhenderekedzo dzegungwa jena dzina majecha, uye mikokonati inovheya hazvina kutongokundikana kukweva avo vanotsvaka paradhiso yomunzvimbo dzapasi dzinopisa. Asi ndakanga ndisiri pano ndiri pazororo—uye vamwe vakwiri vakanga vasiriwo.

“Chitsuwa Chavanhu Vari Voga”

Takanga tichinanga kuSan Lucas Island, nyika yokurangira inotarisirwa neBato reRuramisiro reCosta Rica. Pane imwe nguva, San Lucas Island rakanga riri rimwe ramatorongo ane mukurumbira wakaipa zvikurusa muLatin America. Matsotsi akaoma akaumba vazhinjisa vechiverengero chayo chavagari vemo, uye avo vakatumirwa kuno vakakurumidza kuziva maidi akaoma okupukunyuka. Zviremera zvakagovera zvinodikanwa zvishomanene, nepo vasungwa vakagadza nhevedzano yavo vamene yechiremera ndokurwisa kuvandudza mugariro wavo womunhu oga. Kazhinji kazhinji, avo vaiedza kupukunyuka vaitsvairirwa kugungwa nemvura dzakasimba, kana kuti vaiurawa neshark.

Mukuvamba kwama 1950, aichimbova musungwa weSan Lucas Island, José León Sánchez, akanyora bhuku rakavakirwa paupenyu hwake hwomunhu oga munyika yokurangira. Nhau yake yakajeka, youtsinye, asi yechokwadi, La Isla de los Hombres Solos (Chitsuwa Chavanhu Vari Voga), yakakurumidza kuva inotengwa zvikurusa muMexico neCentral America. MuCosta Rica iyo yakatanga danidzo yavose yakasimba.

Panguva yacho, hurumende yakanga ichiita gadziriro dzokuvandudza masangano ayo okuranga. Simbiso yakaiswa pakuvandudza panzvimbo pechirango, uye chirango chorufu chakaparadzwa. Nengwariro yakaparirwa nebhuku raSánchez, chinjo dzakauyawo kuSan Lucas Island. Vasungwa vakadzidziswa kuchengeta mombe nenguruve, kuredza, uye humwe hunyanzvi. Ivo vairimawo zvirimwa zvemari zvokutengesa uye vakabvumirwa kutora rutivi mumhindu. Vandudziko dzakaitwawo mudzimba dzokugara. Pakasvika mavambo a 1960, San Lucas yakava nzvimbo yomuenzaniso yokuvandudza yavasungwa vasingachengetedzwi zvikuru.

Zvandakabuda muchikepe ndichienda pachiteshi chiduku chezvikepe, ndaisanoziva nezvenhau ine mukurumbira wakashata yechitsuwa chacho. Asi ndakanga ndiri muno somurindiri wetorongo, kwete somusungwa. Ndakanga ndakumbanira National Police Force pandakanga ndine makore 18, uye nemhaka yokuti ndakanga ndiri mukuru nokuda kwezera rangu, mugove wangu wokutanga wakanga uri basa rokurindira paSan Lucas Island.

Musungwa, bva Ndakasununguka

Sezvandakarerwa namanani navaprista veKaturike, nguva dzose ndaityiswa nepfungwa yehero inopisa. Kwandiri, chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu kwakanga kuri kudzivisa kugumira muhero. Asi ndaikangaidzwa nokuona kuti vanhu vazhinjisa vairatidzika kuitira hanya zvishomanene zvikuru pamusoro payo. Muprista angataura pamusoro payo mukirasi, asi kunze kwekirasi, hakuna munhu aida kutaura pamusoro porudzidziso kana kuti Bhaibheri. Ivo vaiti vanodavira muhero yomwoto, asi ikoko kwaiita zvishomanene kudzora mufambiro wavo.

Mugariro paSan Lucas wakanga usina kusiana zvikuru. Kunyange zvazvo vazhinji vavarindiri navasungwa vaitaura chitendero chimwe chetecho, chairatidzika kuva chine muuyo muduku pavari. Mutauro wakashata nemiitiro isina kuchena zvakanga zviri zvavose. Pane imwe nguva murindiri biyangu akabatwa achiverevedza mbanje pachitsuwa ndokuguma ava musungwa iye amene! Mutariri wangu wapedyo aiva nehasha dzinotyisa uye kaviri akarovana netsiva navasungwa vanopandukira. Sezvo ndaiva nenguva, kazhinji kazhinji ndaifunga zvikuru pamusoro pezvinhu zvandakanga ndichicherechedza pachitsuwa. Somukomana asina ruzivo rwokuzviwanira, ndaivhiringika uye ndakaora mwoyo.

Mamwe madekwana, Franklin, musungwa anovimbwa, akandikoka kuzoteerera kurukurirano yeBhaibheri. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingafariri zvikuru, kurukurirano yakakurumidza kutanga.

“Kunofanira kuva kwakaoma kuva musungwa ndokufunda Bhaibheri,” ndakadaro. Handina kutongokanganwa mhinduro yaFranklin.

“Mumuviri ndiri musungwa,” iye akadaro, “asi mumudzimu ndakasununguka.”

Ndaida sei kunzwisisa rudzi irworwo rworusununguko!

Zvapupu paSan Lucas

Kwakaitika kuti Franklin akanga achifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. PaMasvondo, hama dzokunyama neshamwari vaibvumirwa pachitsuwa. Kazhinji kazhinji, zvikepe zviviri kana kuti zvitatu zvaiunza Zvapupu zvakawanda se 30 pamhenderekedzo yegungwa zvichibva kuPuntarenas Ungano. Zvandaiva mutsva ipapo, ndakashamiswa nokuona vakuru vakuru vachingosimudzira zvavo maoko Zvapupu zvichipfuura nzvimbo dzokuongororwa apo mumwe munhu ari wose zvake ainzverwa zvakakwana. Raitoshamisa zvikuru kwandiri rakanga riri idi rokuti Zvapupu zvaibata noruremekedzo vasungwa navarindiri zvakafanana ndokutaura kumunhu ari wose pamusoro peshoko razvo rakavakirwa paBhaibheri.

Vasungwa vashomanene vaiva nefundo dzenguva dzose, dzomunhu oga dzeBhaibheri neZvapupu paaya Masvondo. Franklin akanga ari mumwe wavo, uye kwakanga kune chimwe chinhu pamusoro pake chakandiorora. Ndakaziva kuri Franklin akanga atongerwa kunhambo yetorongo yamakore 12 nokuda kwokuuraya mukwikwidzani webhizimisi. Mutorongo iye akanga afunda maakaundi nokunyorerana. Nemhaka yokuti akanga asinganwi, kusvuta, kana kuti kushandisa mirimo, akaitwa mutarisiri weraibhurari yetorongo. Gare gare, iye akapiwa imba yake amene duku uye kunyange mutoro mukuru.

Achiri muchikoro, Franklin akanga ava neshamwari dzakanga dziri Zvapupu zvaJehovha. Iye akacherechedza kuti dzaisatongobatanidzwa munyonganyonga kana kuti kurwa, kunyange apo vamwe vaizvidenha. Kunyange zvazvo akanga asingarangariri rudzidziso zvakakomba, iye aiziva Zvapupu kuva vanhu vane rugare navakachena mutsika. Naizvozvo apo akanzwa kuti kwakanga kune muAtalaya (mu“Watchtower,” seizvo vamwe vaidana Zvapupu zvaJehovha) pakati pavasungwa, iye akava anoda kuziva.

Rimwe zuva pamberi pezvokudya zvamasikati, Franklin akaona musungwa akagara ari oga kunze kwehoro yokudyira. Chitarisiko chake chakatsvinda chakaita kuti Franklin abvunze kana iye akanga ari muAtalaya. Pakuudzwa kuti akanga ari, mhinduro yokutanga yaFranklin yaiva iyi: “Neiko uri pano?” Murume wacho akatsanangura kuti pakutanga akanga atongerwa kuCentral Penitentiary muSan José, dzimbahwe, uye akanga avamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ariko. Pashure pokuchinjirwa kuSan Lucas, akapfuuridzira fundo dzake nechimwe Chapupu chokuPuntarenas. Pashure panguva yakati akabhapatidzwa ikoko chaiko kuCoco Beach paSan Lucas Island.

Kusangana ikoko kwakanga kuri nguva yechinjo huru muupenyu hwaFranklin. Kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi, panguva ipi kana ipi apo Zvapupu zvakauya kuzoshanyira, aizvibatikanisa mukurukurirano mhenyu. Iye akavambawo kutaura kuvamwe vasungwa navarindiri pamusoro pezvinhu zvaakanga achidzidza. Mufambiro wake, mupfekero, uye rutsvindo zvakavamba kuvandudzika. Vose vari vaviri iye neshamwari yake yakabhapatidzwa vakawana ruremekedzo rwomunhu ari wose.

Pakupedzisira, tongero yamakore 12 yaFranklin yakaderedzerwa kumakore 3 nemwedzi 4. Iye neshamwari yake vakaramba vachifunda Bhaibheri. Pasinei zvapo nomugariro wakashata wetorongo, ivo vakanga vachifara, uye zviso zvavo zvakakuratidza. Sezviri pachena ivo vakacherechedza kuti ndakanga ndakasiana navamwe varindiri, sezvo ndakanga ndisingagoverani mumajee akashata nomusere wakaipa. Naizvozvo ivo vakandikokera kudzimba dzavo duku nokuda kwekurukurirano dzeBhaibheri. Zvandakanzwa kwavari nokuvashanyi Zvapupu zvakanga zvichifadza zvikuru kwandiri, zvikurukuru pamusoro pomugariro wavakafa uye kuti hakuna chaizvoizvo hero inopisa. Ndakapiwa kopi yebhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi ndokutanga kuirava. Kunyange zvazvo ndisina kukuziva panguva iyeyo, mbeu dzezvokwadi dzakanga dzichidyarwa mumwoyo mangu idzo gare gare dzaizobereka muchero.

Rusununguko Rwechokwadi Pakupedzisira

Pashure pokubva muNational Police Force, ndakagara kwenguva pfupi muMiami, Florida. Rimwe zuva mushandi biyangu akavamba kutaura kwandiri pamusoro peBhaibheri. Mutauro wake, mupfekero, uye rutsvindo zvakandiudza kuti ndakanga ndasangana neZvapupu zvaJehovha zvakare. Ikoku kwakadzorera yeuko dzeSan Lucas Island, uye ndakamubvunza chikonzero nei kwakanga kusina munhu airatidzika kuva anofarira kukurukura zvinhu zvomudzimu. Iye akandipa mhinduro pfupi ndokukarakadza kurukurirano mumusha mangu. Iyoyi yakatungamirira kufundo yeBhaibheri yenguva dzose uye gare gare kutsauriro norubhapatidzo.

Ndakadzokera kuCosta Rica muna 1975 ndokupinda kokorodzano yoruwa muSan José. Ndichiri asina chokwadi chokuti ndiani akashamiswa zvikuru apo Franklin neni takasangana netsaona pakokorodzano. Iye zvino akanga akasununguka mumuviri uyewo abhapatidzwa. Apo ndakabva kuSan Lucas, Franklin akanga ave asina chokwadi pamusoro pokuti fariro yangu yakanga yakasimba sei muBhaibheri. Asi takanga tiri pano, aichimbova musungwa naaichimbova murindiri, takabatana zvirokwazvo murusununguko runobva mukunamatwa kwaMwari wechokwadi Jehovha!

Nokuda kwavamwe “Chitsuwa Chavanhu Vari Voga” chokurangira chakareva bedzi yeuko dzisingafadzi. Nokuda kwangu kwakareva mavambo orusununguko rwomudzimu. Zvino, somukuru wechiKristu, ndinogoverana mukuunza rusununguko kuavo vanofunga kuti vakasununguka asi vakapinzwa mutorongo chaizvozvo sezvakanga zvakaita varume vaya vandaisirindira.—Yakataurwa naDavid Robinson.

[Mepu iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nicaragua

CARIBBEAN SEA

Costa Rica

Puntarenas

Gulf of Nicoya

San José

PANAMA

PACIFIC OCEAN

Km 0 50 100

mi 0 50 100

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe