RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 6/1 p. 24
  • Kutsvaka Zvokwadi yeBhaibheri Kunotuswa muIsrael

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Zvokwadi yeBhaibheri Kunotuswa muIsrael
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • “Havana Kurega”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ndiani Anofanirwa Nokunzi Rabhi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Rutsungiriro Mubasa Razvo Roumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 6/1 p. 24

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Kutsvaka Zvokwadi yeBhaibheri Kunotuswa muIsrael

VANHU vazhinji zvikuru muIsrael sokune dzimwe nzvimbo vari kuona kusava namaturo kwenhamburiko dzavanhu dzokuunza rugare rusingaperi ndokugovera tariro yenguva yemberi. Zvapupu zvaJehovha 370 zviri munyika iyoyo yakaisvonaka, yenhau zviri kuunza tariro inopa upenyu kuavo vari kutsvaka Mwari. (Isaya 55:2, 3) Mishumo inotevera yakabva kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muTel Aviv inoratidza kuti Mwari anotusa avo vanotsvaka zvokwadi yeBhaibheri.

“Dzongonyedzo dzaiitwa navanyanyisi vorudzidziso vane mhere mhere dzakapera, uye nhamburiko dzavo dzekare dzokuvhiringidza misangano yedu dzinopfuurira kuvakuvadza. Somuenzaniso, varoorani vakwegura veRussia vakanga vachisonganirana neboka reAdventist asi havana kugutswa neizvo vakanga vachidzidza. Ivo havana kuona ufakazi hwezvitambudzo zvakaporofitwa kuratidzira chiKristu chechokwadi. Ipapo rimwe zuva ivo vakawana magazini yamashoko yekare, yakaraswa yechiRomania iyo yaiva nemishumo pamusoro pedenho dzechikwata dzamasimba masimba shure muna 1985 pachivako chehofisi yebazu yeSosaiti neHoro yoUmambo muTel Aviv. Fariro yavo yanyandurwa, ivo vakafamba kuenda Tel Aviv ndokufamba-famba kwamaawa mana kutozosvikira vawana chivako chinorondedzerwa munyaya yepepanhau racho. Ivo vakafarikanya kugamuchira mhinduro dzemimwe yemibvunzo yavo ndokugarira musangano wamadekwana, umo ivo vakafara kusangana neZvapupu zvinotaura chiRussia. Chifo chenguva iyoyo, fundo yeBhaibheri yenguva dzose yave ichiitiswa navo. Kana vakadzidza zvakawanda, vanopwiswawo zvikuru kuti vakawana icho chaizvo vakanga vachitsvaka—zvokwadi!

“Muchimwe chinoitika, imwe hama yakapupurira kuna samhuri muduku uyo aisabvumirana namamwe amapfundo ayo aiedza kutsanangura uye naizvozvo haana kupfuurira kuongorora shoko roUmambo. Makore akati gare gare, mwanasikana womurume mumwe cheteyo akarwara, uye akaudzwa neshamwari dzinotenda mashura kuti chinetso sezvingabvira chakanga chakabatanidzwa nemezuzah yakaiswa pagwatidziro rake. Ivo vakarumbidza kuti aite kuti inzverwe narabhi. Iye akasarudza kuita ikoku. Panguva imwe cheteyo, iye akanyengetera zvapachokwadi kuna Mwari nokuda kwenhungamiro mukuwana zvokwadi.

“Achienda kumusha kwarabhi, murume wacho akasarudza kamwe kamwe kuenda ndokutora tsamba yokutenga mushonga kukiriniki. Paakasvika, ndiani waanofanira kuwana agerepo kunze kweChapupu chakanga chaparidzira kwaari makore akati pamberi pezvi! Hama inotaura kuti yakanga isina kuva negadziriro dzokuenda kukiriniki madekwana iwayo kutozosvikira kamwe kamwe yayeuka chimwe chinhu chayaida. Hama nomurume wacho vakagara ndokutaura kwamaawa akati madekwana iwayo, uye fundo yeBhaibheri yakarongwa nomurume muduku wacho. Iye akatanga kupinda misangano, fambiro mberi yake yakanga yakatsiga, uye akakumbanira Chikoro Choushumri Choubati Ushe Hwoumwari. Nokukurumidza akanga opinda muushumiri hwomumunda, uye iye zvino ihama yakabhapatidzwa. Iye haana kutongosvika kuimba yarabhi!”

Kutsvaka kwaava vanhu zvokwadi yeBhaibheri kwakatuswa zvikuru, sezvo ivo vakawana pfuma inokosha zvikuru kupfuura ndarama.—Zvirevo 3:13-18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe