“Ibva Munyika Yako, Nokuhama Dzako”
MUNA November 1981 Tony nomudzimai wake, Margaret, pamwe chete navana vavo vaviri, vane makore 9 ne 11, vakatama muEngland vachienda kumadokero kweIreland. Neiko? Kuzobatsira mubasa rokudzidzisa rapachena reZvapupu zvaJehovha. Mavhiki mashomanene bedzi gare gare, ivo vakanga votarisana nezvitambudzo. Yakanga iri nguva yechando inotonhora zvikuru kwazvo. Kukarira basa kwakanga kusina kuitika, naizvozvo Tony akanga atanga basa rokuchenesa chimbini. Achigere kuva nounyanzvi zvikuru, iye akadzokera kumba akafukidzwa nechin’ai pashure pebasa rakaoma rezuva. Fungidzira kushamiswa kwake apo iye akawana kuti pombi dzemvura dzose dzakanga dzaoma zvikuru nechando, uye aingova bedzi neketero duku yemvura yokugeza nayo! “Kwechinguvana ndakavamba kushamisika chikonzero nei takanga tatama tichibva kumusha kwedu nehama dzedu dzokunyama,” iye akabvuma kudaro.
Kutama uchibva kumhuri neshamwari kuti ubatire Mwari zvizere zvikuru, uye ipapo kuramba uchipfuurira pasinei zvapo nezvitambudzo, kunoda kutenda chaikoiko. Mumwe munhu akaratidza kutenda kwakadaro anodokusvika makore 4 000 apfuura akanga ari tateguru Abrahama. Mudzidzi Stefano akati nezvake: “Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abrahama, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari: ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’”—Mabasa 7:2, 3.
Chokwadika, hakuna munhu nhasi ane murairo wakananga wakadaro wakabva kuna Mwari wokutama achibva munyika yake. Zviuru zvamaKristu muzana rino ramakore rechi 20, zvisinei, zvakagadzirira zvinhu zvazvo kuti zviite izvo Abrahama akaita—kutamira kunzvimbo itsva kundopfuuridzira fariro dzoUmambo dzaMwari. (Mateo 24:14; 28:19, 20; VaRoma 10:13-15) Ivo vakaziva kuti “munda inyika” uye kuti nzvimbo dzakawanda dzinoda zvikuru betsero huru. (Mateo 13:38) Kufanana naIsaya, ivo vakapindura nesimba kumashoko aJehovha anoti, “Ndichatuma ani, uye ndiani uchatiendera?” Vachiona kudikanwa, ivowo vakapindura kuti, “Ndiri pano! Nditumei.”—Isaya 6:8, NW.
Vanokuitirei?
Rudziiko rwavanhu rwunoita chiito chakadaro? Ivo havabvi muboka rezera rakati ripi neripi kana kuti mugariro, uyewo havati vane mano echienzi. Ivo vanongova zvavo vanhu avo, kutanga, vanodisa kudzora zvishuvo zvomunhu oga nezvinofadza nemhaka yoUmambo hwaMwari. Kwakaita saAbrahama apo akatama achibva muguta mune zvokunyama nerakanaka reUri kundogara mumatende munyika yechienzi.—VaHebheru 11:8-10.
“Taigona kuona nguva dzose kudikanwa kwokuita zvakawanda sezvinobvira mubasa raJehovha,” vakadaro varoorani avo vakatama navanakomana vavo vechiduku muna 1983. “Takanzwa sezvakaita muapostora Pauro paakati, ‘Nguva yasara yatapudzwa’; naizvoizvo takasarudza ‘kupinda muIreland’ ndokubetsera nebasa imomo.’’ (1 VaKorinte 7:29; enzanisa naMabasa 16:9.) Mukuwirirana neimwe shanduro inongopa mufungo chete, mufungo wamashoko omuapostora Pauro ari pana 1 VaKorinte 7:29 ndouyu: “Chinhu chinokosha kuyeuka ndechokuti nguva yedu yasara yava pfupi zvikuru,” ndozvakaitawo mabanza edu okuita basa raShe. (The Living Bible) MaKristu akatendeka akawanda akatamira kupi kana kupi kwaanodikanwa nokuda kwokubata aya mabanza akadaro asati apera nokushandisa zvakanakisisa nguva inokosha yasara.
“Takaona ikoku sebanza rakaisvonaka nguva dzose ‘rokuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.’” (1 VaKorinte 15:58) “Taida kubatira Jehovha kwataigona kuita zvakanaka zvikurusa.” “Takanzwa kuti taikwanisa mune zvemari kutama uye kuti kana tingagona kuita chinodikanwa kune imwe nzvimbo, kwaizova kusina kunaka kuti tisakuite.” Kutaura kwakadaro kunorondedzera mirangariro yavazhinji vakaita nhanho dzokubatira uko vanodikanwa zvikuru. Aya maKristu akafungisisa zvakakomba zano rinowanwa pana Zvirevo 3:9, 27, rinoti: “Kudza Jehovha nezvaunazvo, uye nezvitsva zvazvose zvawakawana. Munhu wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” Vasanoongorora migariro yavo, ivo vakasarudza kuti ‘maoko avo anokwanisa kuita’ zvakanaka zvisingagumi kuvavakidzani vavo vari mumamwe mativi enyika.—Onawo VaRoma 1:14, 15; Ruka 10:27-37.
Iwe ungave uchikwanisa kuita chiito chakadaro. Kana zvakadaro, uchafarira nzira iyo vamwe vakatotama vanopindura nayo mibvunzo inotevera.
Chii Chinofanira Kurangarirwa Usati Watama?
Usati watama, bvunza vakuru vari muungano yako umene. Wana chavanofunga pamusoro perongedzero dzako. (Zvirevo 24:6) Kungava nezvikonzero nei chiito chakadaro chingasava chine mufungo kwauri, uye vachakubetsera kuyera nenzira yakafanira mugariro wako. Somuenzaniso, munhu anotama anofanira kuva akasimba mumudzimu kana achida kuva betsero ndizvo kwete mutoro munzvimbo itsva.
Shanda kupfurikidza nehofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha iri munyika yaunokarira kutamira—kana kuti kupfurikidza nehofisi yenyu yebazu yomunzvimbomo kana uchikarira kutamira mukati menyika yenyu mumene. Kana kuchibvira, shanyira nzvimbo yakakarakadzwa kuti usvike pakuziva chimwe chinhu nezvenyika yacho navanhu usati waita chisarudzo chokupedzisira.
Kamuranisa vavariro dzako usati watama. Abrahama akatama nemhaka yokuti aiva nechishuvo chikuru chokuita kuda kwaMwari, kwete nemhaka yomudzimu wechinoitika chinofadza kana kuti chishuvo chomunhu oga kana kuti murangariro. Sanoyera zvinhu zvose zvinobatanidzwa. Kungava nechinetso chomutauro here? Ko unogona kugadziridzira kushambidziko yakasiana nomugariro wokunze here? Une here zvinodikanwa zvipi nezvipi chaizvo zvoutano? Ko mitezo yose yemhuri inobatanidzwa inotsigira nomwoyo wose chiito chacho here? Wakaronga here zvinoitika zvako zvemari kuti ugogona kuita chiito chakadaro nenzira inobudirira? (Enzanisa naRuka 14:28.) Izvozvi nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinoda rangariro yokungwarira neyokunyengetera.—VaEfeso 6:18.
Zvitambudzoi Zvingafanira Kutarisanwa Nazvo?
Kunyange usati watama, ungafanira kutarisana nezvitambudzo. Haasati ari munhu ari wose achaona zvinhu sezvaunoita. Unganzwa tsinhiro dzisina mufungo kana kuti dzakaipa. Yeuka, kunyanguvezvo, kunyange muapostora Petro akaita nenzira yakaipa paakanzwa chaizoitika kuna Jesu. Panzvimbo pokukurudzira Jesu kuva akatsiga mukuita kuda kwaJehovha, Petro akati: “Ishe! hamungaitirwi izvozvo.” Kufanana naJesu, sarudza kudzivisa kutaura kupi nokupi kwakadaro kwakashata.—Mateo 16:22, 23.
Pashure pokunge wagadzikana munharaunda itsva, kufunga kumusha kungava chinetso chikuru. Rudo nokuda kwaJehovha uye nokuda kwavanhu vanoda kunzwa mashoko akanaka oUmambo hwake zvichakubetsera kugonana naikoku. Zvinetso zvakawanda zvinogona kuderedzwa kana ukaita zvirokwazvo nzvimbo yako itsva musha wako. Dzivisa kuita kuenzanisa kwakashata nomusha wako wekare, sezvo kuita saizvoizvo kuchigona kuparira kusagutsikana nepfundepfunde. Pakutarisana nezvitambudzo, yeuka kokero yaJehovha iri pana Maraki 3:10 inoti: “Mundiidze naizvozvo zvino, . . . muone kana ndisingakuzaruririi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.”
Zvikomboreroi Zvinogona Kufarikanywa?
Sezvo kubatanidzwa kwako mubasa rokuzivisa mashoko akanaka kunokura, kunaka kwoushumiri hwako kuchakurawo. Uchakudziridza unyanzvi hukuru somudzidzisi weShoko raMwari. Ikoku kuchaunza betsero kwete bedzi kwauri asiwo kuvose vanoteerera kwauri. (1 Timotio 4:15, 16) Iropafadzo yakadini kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha ndokubetsera kusunungura vane mwoyo wakatendeseka mudzidziso dzenhema dzechiBhabhironi! Unogona kuva nomufaro unorondedzerwa nomuapostora Pauro paakanyorera vamwe vaakanga abetsera kuva maKristu: “Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here?” (1 VaTesaronika 2:19) Hungu, mufaro nechikomborero kuva negoverano mukubetsera vanhu neungano kubudirira mumudzimu.
Abrahama akanzi “shamwari yaJehovha” nemhaka yokuti akateerera nokudisa nhungamiro yaMwari. (Jakobho 2:21-23, NW; Isaya 41:8) Iwewo unogona kukudza ukama hwako hwomunhu oga naMwari. Sezvaunoshandisa umene mubasa rake, uchawana tarisiro yake yorudo netsigiro. Uchanzwisisa zvizere zvikuru zvakareva wezvamapisarema paakati: “Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka.”—Pisarema 34:8.
Tony, Margaret, uye vana vavo vakatarisana nezvinetso pavakatama kundobatira Jehovha zvizere zvikuru. Asi nebetsero yaJehovha, ivo vakabata izvozvi nenzira inobudirira. “Hatina kubvumidza zvitambudzo kutitorera mufaro wedu,” ivo vakadaro. “Mumigariro yakafanana neiyo takatarisana nayo, takadzidza kutsamira pana Jehovha zvikuru, uye taona ruoko rwake muchinhu chiri chose sezvo chinetso chimwe pashure pechimwe chakapera.” Zviuru zvavabatiri vomuzuva razvino uno vaJehovha zvakaratidza kutenda kwakafanana kupfurikidza nokutamira kupi kana kupi kune kushaiwa kukuru. Iwe unogona kuita zvimwe chetezvo here?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kurukurirano yemhuri inogona kuparira kutama kunobudirira zvikuru