Zvinhu Zvitanhatu Zvinoita Kuti Munhu Abudirire
MUNHU anonzi abudirira zvechokwadi kana ava noupenyu hwakanaka chaizvo. Upenyu uhwu hunovapo kana ashandisa zvinodiwa naMwari uye huchienderana nechinangwa chake. Bhaibheri rinoti munhu anova noupenyu hwakadaro “achava somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawo mumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi, uye zvose zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:3.
Chokwadi, kunyange zvazvo tiine chivi uye tichikanganisa, upenyu hwedu hwose hunogona kubudirira chaizvo! Unonzwa uchida izvozvo here? Kana zvakadaro, zvinhu zvitanhatu zvinotevera zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kuita izvozvo, zvichinyatsoratidza kuti zvinodzidziswa neBhaibheri uchenjeri hunobva kuna Mwari zvechokwadi.—Jakobho 3:17.
1 Ona Mari Zvakakodzera
“Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe . . . vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” (1 Timoti 6:10) Ona kuti mari handiyo dambudziko, nokuti tose tinoida kuti tizvitarisire uye titarisire mhuri dzedu. Dambudziko riri pakuda mari. Kutaura zvazviri, kuda mari ikoko kunoita kuti ive tenzi kana kuti mwari womunhu.
Sezvataona munyaya yokutanga pane dziri kutaura nezvokubudirira, vaya vanodzingirirana nepfuma vachifunga kuti ndiyo inoita kuti vabudirire, zvechokwadi vanenge vachidzingirira chinhu chisipo. Vanhu ava havangoori mwoyo chete, asi vanozviunzira matambudziko akawanda. Somuenzaniso, vanhu pavanenge vachidzingirirana nepfuma, kakawanda vanorega kushamwaridzana nemhuri neshamwari. Vamwe havarari pamusana pokushanda, kana kuti nokuzvidya mwoyo. Muparidzi 5:12 inoti, “Munhu anoshanda angave nezvokudya zvakakwana kana zvisina kukwana, asi anogona kurara zvakanaka, asi mupfumi ane zvinhu zvakawanda zvinomunetsa zvokuti haakotsiri.”—Bhaibheri Rinoera.
Mari haasi tenzi ane utsinye chete, asi uya anonyengerawo. Jesu Kristu akataura nezve“simba rinonyengera repfuma.” (Mako 4:19) Izvi zvinoreva kuti pfuma inovimbisa kuti munhu achafara, asi ari manyepo. Inongoita kuti munhu ade imwe yakawanda. Muparidzi 5:10 inoti, “Kana uchidisa mari, haugutswi nemari yaunayo.”—Bhaibheri Rinoera.
Tisingawanzi mashoko, kuda mari kunokuvadza uye kunoita kuti munhu aore mwoyo, avhiringidzike, kana kuti atyore mutemo. (Zvirevo 28:20) Zvinhu zvinonyanya kuita kuti munhu afare uye abudirire kuva norupo, kukanganwira, kuva netsika dzakanaka, kuda vamwe, uye ukama hwakanaka naMwari.
2 Vavarira Kuva Norupo Nguva Dzose
“Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kunyange zvazvo kupa vamwe pano neapo kungaita kuti ufare panguva iyoyo, kugara uchipa vamwe kungaita kuti ugare uchifara. Chokwadi, rupo runoratidzwa nenzira dzakawanda. Imwe yakanyanya kunaka, uye inoongwa zvakanyanya ndeyokuva pamwe nevamwe uye kuvabatsira.
Pashure pokunge aongorora kutsvakurudza kwakawanda kune chokuita nokusava noudyire, kufara, uye utano, mutsvakurudzi anonzi Stephen G. Post akagumisa kuti kusava noudyire uye kubatsira vamwe zvinoita kuti munhu ararame kwenguva refu, zvinowedzera kufara, uye utano hwakanaka hwomuviri nepfungwa, uye zvinoderedza kuora mwoyo.
Uyezve, vaya vanopa maererano nezvavanazvo havazoshayi zvokurarama nazvo nokuti vane rupo. Zvirevo 11:25 inoti: “Munhu ane rupo achabudirira; uya anozorodza vamwe achazorodzwawo.” (New International Version) Maererano nemashoko iwayo, vanhu vane mwoyo ine rupo zvechokwadi, vaya vanopa vasingatarisiri kuzopiwawo, vanoongwa uye vanodiwa, kunyanya naMwari.—VaHebheru 13:16.
3 Kanganwira Nomwoyo Wose
“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.” (VaKorose 3:13) Mazuva ano, vanhu havadi kukanganwira; vanowanzoda kutsiva pane kunzwira vamwe ngoni. Zvinoguma nei? Vanhu vanoti vakadenhwa, vodzorera, vakaitirwa zvechisimba, voitawo zvechisimba.
Zvinhu hazvigumiri ipapo. Mumwe mushumo waiva muThe Gazette yokuMontreal, kuCanada unoti ‘Pavanhu vaiva nemakore 18 kusvika ku30 vanopfuura 4 600 vakaongororwa, vatsvakurudzi vakaona kuti kana munhu aiva noruvengo zvakanyanya, achingogumbuka uye asina mutsa’ izvi zvaiwedzerawo kusava noutano hwakanaka kwemapapu ake. Mune zvimwe zviitiko migumisiro yacho yakanga yakaipa kupfuura yomunhu aisvuta! Chokwadi, kukanganwira hakungobatsiri kuti pave noukama hwakanaka asi kunobatsirawo kuti munhu ave noutano hwakanaka!
Unganyanya kukanganwira sei? Tanga nokuzviongorora. Iwe haumbogumburi vamwe here? Haufari here pavanokukanganwira? Saka unoregererei kugara uchiratidzira vamwe ngoni? (Mateu 18:21-35) Zvinokoshawo kuti uzvidzore. “Verenga kusvika kugumi” kana kuti zvipe nguva yokuti udzikame. Ona kuzvidzora sokuva murume. Zvirevo 16:32 inoti, “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba.” ‘Kuva nani pane murume ane simba’ hakuratidzi kubudirira here?
4 Ita Zvinodiwa naMwari
“Murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye.” (Pisarema 19:8) Tisingawanzi mashoko, zvinodiwa naMwari zvakatinakira. Zvinobatsira muviri, pfungwa uye manzwiro atinoita. Zvinotibatsirawo kusaita zvinhu zvinokuvadza zvakadai sokushandisa madhiragi zvisina kukodzera, udhakwa, unzenza, uye kuona zvinonyadzisira. (2 VaKorinde 7:1; VaKorose 3:5) Zvinhu izvi zvingaita kuti vanhu vapare mhosva, vave varombo, vasavimbana, vaparadze mhuri, vanetseke mupfungwa, varware, kunyange kukurumidza kufa.
Zvakanakira kuita zvinodiwa naMwari ndezvokuti vaya vanoteerera vanova noukama hwakanaka nevamwe, uye vanonzwa vakagadzikana uye vachizviremekedza. Pana Isaya 48:17, 18, Mwari anoti ndiye “anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.” Uye anotizve: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.” Chokwadi, Musiki wedu anoda kuti zvinyanye kutinakira. Anoda kuti ‘tifambe munzira’ inoita kuti tibudirire.
5 Ida Vamwe Zvisina Udyire
“Rudo runovaka.” (1 VaKorinde 8:1) Ungafunga here kurarama pasina rudo? Kwaizova kurarama kusina zvakunobatsira uye kusingambofadzi! Afuridzirwa, muapostora Pauro akanyora kuti “Kana . . . ndisina rudo, handisi chinhu. . . . Handimbobatsirwi.”—1 VaKorinde 13:2, 3.
Rudo ruri kutaurwa harusi ruya rwokunzwa kuda kuita zvepabonde. Irworwo rune nzvimbo yarwowo. Asi nderuya runonyanya kukosha, runogara kwenguva refu. Rudo urwu runobva pamitemo yaMwari.a (Mateu 22:37-39) Uyewo, harusi rwokungoitirwa zvinhu nevamwe, asi rwokuitira vamwe zvinhu. Pauro akatiwo rudo urwu runoshivirira uye rune mutsa. Haruna godo, haruzvitutumadzi, kana kuti kuzvikudza. Runoita kuti tide kuitira vamwe zvakanaka pasina udyire, uye harungogumbuki-gumbuki asi runokanganwira. Rudo rwakadaro runovaka. Uyezve, runotibatsira kuti tibudirire paukama hwedu nevamwe, kunyanya vomumhuri.—1 VaKorinde 13:4-8.
Kuvabereki, rudo runoreva kunyatsoda vana vavo, kuvaudza zvakajeka tsika dzinotaurwa neBhaibheri uye pokugumira pane zvavanoita. Vana vanorerwa saizvozvo vanonzwa vakachengeteka vari mumhuri yakadzikama, uye vanonzwa vachinyatsodiwa uye vachifarirwa.—VaEfeso 5:33–6:4; VaKorose 3:20.
Rimwe jaya rinonzi Jack rokuUnited States, rakarererwa mumhuri yaishandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Abva pamba, Jack akanyorera vabereki vake tsamba. Zvimwe zvaakataura ndeizvi: “Chimwe chinhu chandave ndichiedza kuita nguva dzose kuita zvinorayirwa [neBhaibheri] zvokuti: ‘Kudza baba vako naamai vako, . . . kuti zvikufambire zvakanaka.’ (Dheuteronomio 5:16) Zvinhu zvave zvichindifambira zvakanaka. Uye iye zvino, ndava kunyatsonzwisisa kuti izvi imhaka yokundirera kwenyu norudo uye nomwoyo wose. Makaita henyu nokushanda zvakaoma uye kunditsigira pamaindirera.” Kana uri mubereki, waizonzwa sei ukagamuchira tsamba yakaita seiyi? Waisazonzwa manyukunyuku here?
Rudo runobva pamitemo “runofara nechokwadi”—chokwadi chiri muBhaibheri chine chokuita naMwari. (1 VaKorinde 13:6; Johani 17:17) Ngatimboti: Murume nomukadzi vane matambudziko mumba mavo vanosarudza kuverenga pamwe chete mashoko aJesu ari pana Mako 10:9 anoti: “[Pane vakaroorana] ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” Iye zvino vanofanira kuongorora mwoyo yavo. Zvechokwadi ‘vanofara nechokwadi chiri muBhaibheri’ here? Vachaona kuroorana kwavo sokunoyera, sezvinoita Mwari here? Vanoda here kuedza kupedza matambudziko avo vachishandisa rudo? Kana zvakadaro, vangaita kuti imba yavo ibudirire, uye vachafara nezvichaitika.
6 Ziva Chido Chako Chokunamata
“Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Kusiyana nemhuka, vanhu vanokwanisa kunzwisisa zvine chokuita nokunamata. Saka, tinobvunza mibvunzo yakadai sokuti, Chinangwa choupenyu ndechei? Kune Musiki here? Chii chinoitika patinofa? Ramangwana rinei?
Munyika yose, vanhu vane mwoyo yakatendeseka vane mamiriyoni vakaziva kuti Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyoyo. Somuenzaniso, mubvunzo wokupedzisira une chokuita nechinangwa chaMwari nokuda kwevanhu. Chinangwa ichocho ndechei? Ndechokuti nyika ive paradhiso inogarwa nokusingaperi nevanhu vanoda Mwari uye zvaanoda. Pisarema 37:29 inoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”
Zviri pachena kuti Musiki wedu anoda kuti tiwane zvakawanda kungopfuura kubudirira kwenguva pfupi kwemakore 70 kana kuti 80 chete. Anoda kuti tibudirire nokusingaperi! Saka iye zvino ndiyo nguva yokuti udzidze nezvoMusiki wako. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Sezvaunowana zivo iyoyo woishandisa muupenyu hwako, uchaona kuti “chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvirevo 10:22.
[Mashoko Omuzasi]
a Panenge pose panowanika shoko rokuti “rudo” muMagwaro echiKristu echiGiriki, kana kuti “Testamende Itsva,” shoko iroro rinoshandurwa kubva pashoko rechiGiriki rokuti a·gaʹpe. A·gaʹpe rudo runoratidza kuva netsika kunobva pakusarudza kuda vamwe maererano nomutemo, maererano nezvinofanira kuitwa, uye zvakakodzera. Kunyange zvakadaro, a·gaʹpe harusi rudo rwakatonhora asi runogona kuva rune ushamwari uye rwakasimba.—1 Petro 1:22.
[Bhokisi riri papeji 25]
ZVIMWE ZVINOITA KUTI MUNHU ABUDIRIRE
◼ Itya Mwari zvakakodzera. “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.”—Zvirevo 9:10.
◼ Chenjerera pakusarudza shamwari. “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.
◼ Usanyanyisa. “Chidhakwa nomunhu anokara vachava varombo.”—Zvirevo 23:21.
◼ Usatsiva. “Usadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.”—VaRoma 12:17.
◼ Shanda nesimba. “Kana paine munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”—2 VaTesaronika 3:10.
◼ Itira vamwe zvawaizoda kuitirwa. “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 7:12.
◼ Dzora rurimi rwako. “Iye anoda upenyu nokuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa.”—1 Petro 3:10.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]
RUDO MUSHONGA WAKANAKA
Mumwe chiremba uye munyori wemabhuku anonzi Dean Ornish anonyora kuti: “Rudo noushamwari ndizvo zvingaita kuti tirware kana kuti tinzwe zvakanaka, zvingakonzera kusuruvara kana kufara, zvingaita kuti titambure kana kuti tipore. Kudai piritsi idzva raishanda saizvozvo, vanachiremba vose vari munyika vaizokurudzira varwere vavo kurishandisa. Kwaizova kutadza basa kuita kuti risashandiswa.”
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 27]
KUBVA PAKUORA MWOYO KUENDA PAKUBUDIRIRA
Pakagundika hondo munyika yake, Milanko anogara kuBalkans akapinda muchiuto. Vanhu vakasvika pakumuti Rambo, pamusana pougamba hwake. Zita iri ndererimwe gamba rine chisimba romufirimu. Zvisinei, pava paye, Milanko akaora mwoyo nokushanda kuhondo nemhaka youori nounyengeri zvaakaona. Anonyora kuti, “Izvozvo zvakaita kuti ndiite zvinhu zvakaipa, zvakadai sokudhakwa, kusvuta, kushandisa madhiragi, kubhejera, uye unzenza. Upenyu hwangu hwakanga hwaipa, ndisisazivi zvokuita.”
Panguva iyoyo upenyu hwake pahwaiva parumananzombe, Milanko akatanga kuverenga Bhaibheri. Pava paye, ashanyira hama yake akaona magazini yeNharireyomurindi inobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Akafarira zvaakaverenga uye pasina nguva akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Chokwadi cheBhaibheri chakamubatsira kuti awane mufaro uye kubudirira chaiko. Iye anoti, “Chakandipa simba idzva. Ndakasiya zvakaipa zvose zvandaiita, uye ndakachinja upenyu hwangu. Ndakabhabhatidzwa ndikava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vanhu vaindiziva kare havachanditi Rambo, nokuti ndava munyoro.”