Rwendo Rwedu Rwusingakanganwiki rwokuVanuatu
SEZVO ndege yedu yakasimuka ichibva panomhara ndege pePort-Vila kuti itidzose kuNouméa, New Caledonia, takavamba kuziva kuti zvakawanda zveizvo takawana parwendo rwedu zvakanga zvisina kukarirwa. Zvakanga zvakarovererwa zvakasimba muyeuko yedu zvaisava bedzi zviono namanzwi zvezvitsuwa zvakaisvonaka zveVanuatu navanhu vazvo vane mutsa asiwo chinoitika chinotyisa chokupukunyuka dutu rinoparadzanya pachitsuwa chiri munzvimbo dzinopisa dzapasi.
Vanuatu iboka rakaita saY rezvitsuwa zvinenge 80 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwePacific, anenge makiromita 400 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweNew Caledonia. Vakapararira pakati pezvitsuwa i 84 vezvapupu biyedu zvaJehovha vari muungano mbiri. Mudzimai wangu neni takafara zvikuru apo gadziriro dzakaitwa dzokuti tivashanyire. Nomuzvarirwo, mibvunzo yakawanda yakauya kundangariro yedu. Rudzii rwemigariro rwataizosangana narwo? Vagari vapazvitsuwa vakaita sei? Uye, zvinokosha zvikurusa, vaizogamuchira sei mashoko akanaka oUmambo?
Kokorodzano muPort-Vila
Takati netsekei patakaziva kuti kunyange zvazvo vazhinjisa vavagari vemo vari vorudzi rweMelanesia, kune mitauro inopfuura zana inotaurwa muzvitsuwa zvacho zvose. Asi takanyaradzwa nokuwana kuti rudzi rwechiNgezi chePidgin runonzi Bislama rurimi runozivikanwa navose. Naizvozvo hakusati kwaizova nechinetso chikuru mukukurukurirana navanhu.
Kumira kwedu kwokutanga kwaiva paPort-Vila, dzimbahwe reVanuatu. Pano, taifanira kupinda “Rugare Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa. Zvapupu zvomunzvimbomo zvakashanda zvakaoma kuigadzirira. Kwaifadza kusangana nenhume dzakabva kuzvitsuwa zviri kure idzo dzaifanira kuchengetedza mari kwemwedzi kuti dziite rwendo rwacho.
Horo yomusangano yakazadzwa kuvambira pazuva rokutanga rekokorodzano. Vanhu vanopfuura 300 vakauya kuzoona zvinoitika zveBhaibheri zvakaratidzirwa namatepi evhidhiyo. Uku kwakanga kwakatanhamara, tichirangarira kuti kunongova navaparidzi voUmambo 84 bedzi muzvitsuwa zvacho zvose. Zvamazvirokwazvo, Jehovha ari kugadzirira kucheka kwakanaka paidzi nyika duku dzapasi pakati pePacific Ocean.
Kusangana ne“Small Nambas”
Zuva rakatevera racho, hama yemo neni takatora ndege duku ndokunanga kuchitsuwa cheMalekula. Pashure pokubhururuka kwakashata nokwakaipa, takamhara paSouth West Bay. Shamwari yangu yakaenda kundotsvaka hama yayo yokunyama kuti ititorere igwa. Yakanga iriyo nzira bedzi yokusvika nayo musha weLetokas, mugumo wedu wokupedzisira.
Sezvatakatanga tiri mugwa redu ndokutevera mhenderekedzo yegungwa, ndakashamiswa norunako rwomusikirwo rwechitsuwa chacho. Mawere anopinda zvakananga mugungwa aishamisa. Miti yakasvibira yaiva munzvimbo iri yose, yakavhengana namaruva akajeka kana kuti yakafukidzwa namadasve mutasve, mimvuri yebwe, uye miorchid yakaisvonaka. Dzaimhanya nokukurumidza kubva pamuti kuenda pamuti dzakanga dziri shiri dzakaisvonaka, zvakadai sekokonati lories.
Tiri mugwa medu taigona kuonawo kupfuma kwegungwa—coral reef, dura ramagamuchidzanwa ravagari vapachitsuwa. Vanhu vanobva munyika yose vanouya kuzotupira ndokuyemura runako rwecoral nehove dzomunzvimbo dzinopisa dzapasi. Mashell namalobster zvakawandawo, uye vagari vemo vanozvibata namambure kana kuti kuzvibaya namapfumo nokuda kwezvokudya.
Nokukurumidza takacherechedza utsi huchikwira huchibva mumunda wekokonati kure. Hwakaratidza kusvika kwedu pamugumo pedu, panomira ngarava pakaisvonaka pedyo neBamboo Bay. Sezvo takasvika pedyo nemhenderekedzo yegungwa, maporpoise anoverengeka akasvika kuzotamba makatipoteredza. Ipapo takaona varume vane uta nemiseve vachiita majangariko akawanda amanyemwe. Pakati pavo, takaona hama dzedu, dzichifara pamusoro pokuuya kwedu.
Ivava vakanga vari Small Nambas vokuMalekula yokumaodzanyemba, rumwe rwamarudzi ari oga zvikurusa muSouth Pacific. Ivo vanogara mumisha miduku mumakomo rwendo rwokufamba rwamazuva anoverengeka kubva kumhenderekedzo yegungwa. Varume vaisipfeka “namba,” mutavara unoitwa namashizha anosungirwa pabhande retambo. Vakadzi vanopfeka marokwe mapfupi ouswa. Mumusha mumwe nomumwe, munowanzova nenzvimbo yezvinoitika apo kutamba kwezvibairo nemimwe miitiro zvinoitwa. Kunyange zvazvo vazhinji vavagari vomumusha vakagamuchira nzira yokuMadokero youpenyu, miitiro yokutenda mashura neyokutenda midzimu ichiri inozivikanwa navose.
Wakanga uri mufarwa kusangana ndokukwazisa hama. Varume vaiva vaduku asi vakasimba zvikuru. Kunyara kwavo kwomusikirwo nomutsa wavo zvakaorora mwoyo wangu. Vamwe vavana vainditya nemhaka yokuti vachena avo vaiziva vaiva vanachiremba zvikurusa, uye vana vaigona kusanoyeuka kupfura!
Musha wakakamuraniswa kuva miviri nomunda muduku wekokonati uri pakati. Hafu imwe yomusha inochengeterwa avo vakagamuchira zvokwadi, uye ndakakurumidza kuziva chikonzero chaikoku. Kuti vatsigire zvokwadi nokupfuuridzira fundo yavo yeBhaibheri, vamwe vanofanira kugara vakaparadzana navamwe vagari vomusha.
Dzimba dzinovakirwa pamusoro pemirwi yamasengere. Sezvatakapinda muimwe yadzo, ndakakurumidza kutapurwa noutsi hukobvu hwakabva pamwoto waiva pakati pekamuri. Utsi hwacho hwakaita kuti maziso angu aswinye, asi hwakadzivisawo umhutu nenhunzi. Pedyo, muimwe imba duku, mumwe mukadzi akanga achirindira chidimbu chebuluk, kana kuti nyama, yakaiswa pamashizha elaplap, yakasviba nenhunzi.
Takakokera vanhu kuzopinda kuratidzwa kwamasiraidhi madekwana eChitatu. Kwakanga kuri kuratidzwa kwenhau yeZvapupu zvaJehovha ine musoro unoti Kufambira Mberi Munyika Yose Pasinei Zvapo Nechitambudzo. Mumwe wavaparidzi akanga afanoenda parwendo rwezuva rimwe kuzokoka vagari vomusha mumakomo. Ndaidisa kuona kana vaizouya. Pakasvika madekwana, jaya rakasvika nouta hwaro nemiseve. Rakateverwa navamwe vanhu vanoverengeka. Ndakafadzwa nokuona kuti daro harina kuvaregedzesa kuuya kuuyu musangano.
Nokukurumidza, takanga takomberedzwa nouta nemiseve. Vanhu vanenge 80 vakanga vauya, uye takatanga purogiramu. Kwakanga kuchifadza kuteerera kurira kwavaiita norurimi rwavo pavaishamiswa nechimwe chinhu chavakaona mumasiraidhi.
Pashure pepurogiramu yamasiraidhi, kurukurirano yakananga patsika nemiitiro zvavanhu vemo. Vagari vomumusha vakasanoteerera uye vakagamuchira nomufaro nyevero yeBhaibheri pamusoro poudhemoni iri pana 1 VaKorinte 10:20, 21. Kwenguva yakati, ivo vakanga vadzivisa nhamburiko dzavafundisi vechechi dzechiKristudhomu dzokuvaita kuti vatevere inonzi nzira yechiKristu youpenyu. Ikoku murutivi yaiva mhaka yokuti havana kubvumirana nedzimwe dzedzidziso dzakadzidziswa navafundisi uye murutivi nemhaka yokuti vakakatyamadzwa nomufambiro wavamwe vaitaura kuva maKristu. Zvino, vagari vomumusha vakafara kudzidza pamusoro pechipikirwa chaMwari chokudzorera paradhiso yapasi nokumutsa vakafa. Hapana chandaigona kuita kunze kwokufunga nezvamashoko aJesu ari pana Johane 8:32 (NW) anoti: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
Kutenda kwaava vanhu norudo rwavo nokuda kweBhaibheri zvakanga zvarevawo chishoro nokuda kwavo. Mamwe madzishe orudzidziso akamanikidzira vagari vemo kuroverera mabhurocha edu pamasuo avo sechiratidzo chinoreva kuti ‘hatidi iwaya pano.’ Asi rudzi urwu rwedzvinyiriro rwakanga rwangoparira bedzi vamwe vavanasaimba kuda fundo yeBhaibheri kuti vawane zvokwadi. Kwakanga kwakandiomera zvikuru kusiya idzi shamwari dzakaisvonaka dzinoda zvokwadi. Ndakavimbisa kuti ndaizodzokera ndokushanyira musha wavo mumakomo.
Kupukunyuka Dutu Uma
Rwendo rwedu rwakabatanidza kumira paEspíritu Santo, chimwe chitsuwa chokuchamhembe muVanuatu. Ikoko takashanyira Ungano yeLuganville. Kunyange zvazvo kwaingova nomukuru mumwe chete muungano imomo, mune mudzimu wakaisvonaka pakati peshamwari. Pahurukuro yeBhaibheri paSvondo, tose takashamiswa zvinofadza nokuona vanhu 150, vakawanda nakatatu kupfuura chiverengero chavaparidzi voUmambo.
Taifanira kudzokera kuPort-Vila kundobata ndege yaizotiendesa kumusha kuNouméa, New Caledonia. Tiri muPort-Vila, takanzwa mashoko paChishanu masikati okuti dutu Uma rakanga richiuya. Vanhu havana kushamiswa zvikuru, sezvo rudzi urwu rwomugariro wokunze ruchizivikanwa navose chose panguva iyoyo yegore. Ipapo kwakashumwa kuti dutu raizosvika na 7:00 p.m. Takakurumidza kutumira shoko nenhepfutepfu yenhepfenyuro yomunzvimbomo rokuti misangano yedu yaizosundirwa mberi. Uye ndakati netsekei pamusoro pokubhururuka kwedu tichidzokera kuNouméa paSvondo.
Pakasvika 5:30 p.m., mhepo yakanga yava yakasimba kwazvo zvokuti yakavamba kupunza mawindo. Takaziva kuti taifanira kudzivirira mawindo namasuo kuitira kuti mhepo igorega kupinda ndokubvisa denga. Matiresi, mibhedha, madhesiki, uye matafura zvakaunganidzwa pamawindo namasuo. Taigona kunzwa simba remhepo yairovanya imba, asi nomufaro chinhu chiri chose chakaramba chakasimba. Gare gare takaziva kuti mhepo dzacho dzaisvika makiromita 240 paawa usiku ihwohwo.
Nokukurumidza kwakava nokunyarara. Takashandisa ikoku ndokumhanyira kunze kundoona kuti Zvapupu zvinogara pedyo zvaiita sei. Takashamiswa nokuwana kuti miti yaiva muruvazhe rwazvo yakanga yavhuvhutirwa pasi uye madziro eimwe kamuri akanga atsveyama. Hanzvadzi nhatu dzakanga dzakamira muimwe kamuri, dzakamirira betsero. Takavamba kushamisika kuti dzimwe hama dzedu dzakanga dzichiita sei. Tose takanyengetera kuna Jehovha kuti adzichengete.
Pakasvika pakati pousiku, pashure peanodokusvika maawa masere anonetesa, dutu rakanga ronanga kumaodzanyemba kweboka rezvitsuwa. Asi mheni nemvura zvakapfuurira. Kupfurikidza nokupenya kwenguva dzose, taigona kuona marata edenga achipepereka munzvimbo iri yose. Uye nokukurumidza kwakavamba kunaya mukati memba. Zvino yakanga yava 2:30 a.m., uye takasarudza kuti tinofanira kuenda ndokuona kuti hama dzedu dzakanga dzichiita sei.
Muuyo
Migwagwa yakanga yakazadzwa namashizha namatavi, zvidimbu zvefanicha, marata edenga nezvinhu zvomumba. Masimbi amagetsi akanga apetwa ndokukandirwa pasi. Taitofanira kufamba nomumarara acho ose. Chiono chinotyisa choruparadziko chakanga chiri pamberi pameso edu. Ipapo takawana mutariri anotungamirira womunzvimbomo nemhuri yake vachidedera vari mumotokari yavo duku. Denga romusha wavo rakanga rabviswa nedutu, uye imba yakanga yaparadzwa. Yakanga iri nyaradzo kuvawana vasina kukuvadzwa.
Dutu iroro rakava rinoparadzanya zvikurusa iro Vanuatu yakanga yawana mumakore 25. Makungwa akavinduka akanyudza ngarava dzose, uye takaziva kuti vanhu 46 vakanga vaurawa kana kuti vakanga vachishaika, zvikurusa pakati paavo vaiva mungarava. Vanhu vanodokusvika 4 000 vakarasikirwa nemisha yavo, uye kukuvadzwa kwezvirimwa nezvinhu kwakaiswa pamamirioni $200. Takafara kuziva kuti hapana nomumwe wehama dzedu akanga aurawa kana kuti kukuvadzwa.
Nokukurumidza, dare rebetsero rakaumbwa. Zvapupu zvaJehovha muNew Caledonia zvakatumira mapaundi anopfuura chiuru chimwe emigove, kubatanidza zvokudya, zvokupfeka, uye zvinhu zvokubetsera hama kuvakazve misha yadzo. Boka ravanhu vanofarira parumwe rutivi rwechitsuwa rakatimbundira pavakationa. Zvirimwa zvavo zvakanga zvaparadzwa, uye imba imwe bedzi yechinyakare yakakurira dutu. Takava nechokwadi chokuti ivo vaiva nezvokudya zvakakwana zvamazuva maviri, uye ipapo takadzokera kuPort-Vila.
Zviremera zvomunzvimbomo zvakanga zvichivambawo kugovera rubatsiro, uye betsero yakabva kunyika dziri pedyo yakavamba kupinda. Sezvo kunhuwa kwokuora kwakavamba kusimuka, hurumende yakapangira vanhu kuchenesa guta nokukurumidza sezvinobvira. Takapa zvikarakadzo pamusoro pokushandiswa kwemvura nokuda kwokudzivisa kupararira kwehosha dzakadai setaifodhi nekorera.
China chakatevera chacho, kumufaro womunhu ari wose, takakwanisa kupa purogiramu yamasiraidhi. Pashure pomusangano, taigona kunzwa mahonyera ekurukurirano pakati peshamwari. Dzakawanda dzadzo dzakanga dzichikunzwa katyamadzo yokuva dzakarasikirwa nezvinhu zvavo zvose. Asi munhu ari wose akaratidza mudzimu unoshamisa wokudisa kubetsera nokutarisira zvinodikanwa zvavamwe. Iratidzirwo yakadini yechinzwano chechiKristu!
Pakupedzisira, yakanga yava nguva yokuti tisiye hama dzedu dzinodiwa nehanzvadzi. Takakurudzirwa zvikuru kwazvo norudo rwadzo neshingairo. Nhamo yatakanga tawana yakangotikwevera bedzi pedyo nomumwe nomumwe. Sezvo ndege yedu yakatibudisa muPort-Vila, chishuvo chedu chomwoyo wose chaiva chokuti tingadzokera ndokuona vose zvakare.—Yakagoverwa.
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 26]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
VANUATU
ESPÍRITU SANTO
Luganville
MALEKULA
EFATE
Port-Vila
NEW CALEDONIA
Nouméa
[Mifananidzo]
Port-Vila, dzimbahwe reVanuatu
Kuparidzira kumugari womunzvimbomo
Musha chaiwoiwo
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kufara kunzwa mashoko akanaka