Ngwarira Nguva Dzose Kudzidzisa Kwako
“Ramba uchizvingwarira umene nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvozvi uchazviponesa umene naavo vanokuteerera.”—1 Timotio 4:16, NW.
1. Neiko iyi isiri nguva yokuti tiderere mubasa redu rokuparidzira Umambo?
JEHOVHA zvino ari kukurumidzisa kuunganidzwa kwavakafanana namakwai. Zvirokwazvo, ipapo, iyi haisi nguva yokuti vanhu vake vaderere mubasa ravo rokuparidzira Umambo nokuita vadzidzi. (Isaya 60:8, 22; Mateo 24:14; 28:19, 20) Tinofanira kuita mutsinhirano nomudzimu weizvo Mwari ari kuita munguva yedu. Sezvo mugumo unoswedera pedyo zvikuru, tichave tichidzokera kuvavakidzani vedu kazhinji kazhinji zvikuru. Zvamazvirokwazvo, mubato wokupupurira wakawedzerwa unoitwa navaparidzi vakawanda zvikuru kwazvo namapiona zvino uri kunyandura munda wenyika. Uye simba rouku kuunganidza kunofadza richandokura.—Isaya 60:11; enzanisa nePisarema 126:5, 6.
2. (a) Mukuwirirana naIsaya 40:28-31, manyukoi esimba atinogona kushandisa nokuda kwesimba rinodikanwa kupedza basa rokuparidzira Umambo? (b) Ndechipi chiri chikonzero chakanaka chokungwarira zvakawedzerwa kunaka kwoushumiri hwedu panguva ino?
2 Panzvimbo pokutera kukunzwa kupi nokupi kwoku‘neta’ nemhaka yokuti ndima yakati iri kufukidzwa kazhinji kazhinji, tinofanira kuziva kuti iyi ndiyo nguva yokuti tinyengetere kuna Jehovha nokuda kwe“simba guru” rinodikanwa kupedza basa. (Isaya 40:28-31 NW; 1 Johane 5:14) Chokwadi, mamirioni e“boka guru” ra“mamwe makwai” akatounganidzwa. Asi chakambova chinobudirira mukubatsira vanhu vakati chingava chisati chichabudirira mukubetsera vamwezve mundima dzedu. (Zvakazarurwa 7:9, 10 NW; Johane 10:16) Nokudaro, kunaka kwoushumiri hwedu kunoda ngwariro yomuraudzo.
3. Mbavarira itsva inogona sei kupinzwa muushumiri hwedu hwomumunda?
3 Nokutsunga kwakamutsidzirwa, tinogona kupa ngwariro pakuvandudza kubudirira kwedu muushumiri. Ikoku kunogona kupinza mbavarira itsva mubasa redu romumunda. Asi kunogona sei kuitwa? Kupfurikidza no‘kuzvingwarira timene nguva dzose nokudzidzisa kwedu,’ kwete chete kuita ushumiri hwedu nomuitiro. (1 Timotio 4:16) Miromo yedu inofanira kupa chinopfuura “chibairo cherumbidzo” chokusangwarira. (VaHebheru 13:15, NW) Tinofanira kuva vane unyanzvi pabasa redu. (Zvirevo 22:29) Kunodikanwa, ipapoka, ndiko kushandwa kwounyanzvi kwendima yedu. Heano mativi oushumiri hwedu atinofanira ku“ramba tichingwarira.”
Maitirwe Endima “Itsva”
4. Tinogona kuita ndima “itsva” munzirai mumugove weungano yedu?
4 Ngatitarirei mugariro wacho nenzira inoshanda. Munzvimbo dzakawanda, hamuna ndima itsva kana kuti isingawanzoshandwi. Naizvozvo kuregerereiko kuita ndima “itsva” mukati momugove weungano? Seiko? Eya, patinoshanya kazhinji kazhinji, hatigoni kuita sokunge hatina kutongoshanyira musha iwoyo kare kupfurikidza nokutaura bedzi izvo takawanzotaura pamamwe masuo. Sezvingabvira, saimba achatiziva zvake kana takafukidza tafukidzazve ndima. Bhuku raReasoning From the Scriptures rinopa sumo dzinopfuura 40 dzatinogona kushandisa muushumiri hwedu. Tinofanira kudzigadzirira zvakanaka sechimwe chinhu chitsva nechinofadza kupfurikidza nokudzibatanidza nenhau dzefariro yomunzvimbomo kana kuti yazvino. Panzvimbo pokunzwa urombo pamusoro pokushanyira kazhinji kazhinji, tinofanira kuva nechimiro chakananga ndokuita kuti ndima yedu ive “itsva” nemharidzo dzakanaka. Asi ikoku kuchabetsera here kana vanasaimba vasina ushamwari?
5. (a) Tinogona sei kuita kuti chimiro chekare chisiri choushamwari chishande kukubetserwa kwedu? (b) Chii chawakawana kuva chinoshanda zvakanaka munzvimbomo? (c) Neiko kuteerera nerumbidzo yokutendeseka zvichibetsera?
5 Kuziva chimiro chasaimba chomunguva yakapfuura kungagona kuguma nemirangariro yakashata pamusoro pokushanyira zvakare. Asi kuregerereiko kushandisa zivo iyoyo zvakakunakira? Seiko? Zvichida kupfurikidza nokunongedzera kwachiri pakutanga uye ipapo kuvakira pachakataurwa mukati meshanyo yekare. Ungati: “Mangwanani akanaka, VaHarris!” Kana kukaratidzika kuva kwakakodzera, ungagona kuwedzera, kuti: “Mave makadini?” Ipapo ungati: “Pandaiva pano vhiki rapfuura, makandiudza kuti chechi yenyu yaitarisira zvinodikanwa zvenyu zvose zvomudzimu uye kuti muri mutezo unoshingaira. Somuvakidzani anokoshesawo rudzidziso, ndingabvunza here icho chechi yenyu iri kutaura pamusoro petariro yepukunyuko munguva yenyukireya?” Ipapo, ngaakuudze. Onga saimba napaunogona napo nenzira yokutendeseka. Kumuteerera nokumuonga zvingachinja chimiro chake. Kazhinji kazhinji, vanhu vachabvumira imwe shanyo kana ivo vamene vachigona kuita kumwe kwokutaura kwacho. Chokwadika, uchada kuchinjira shoko rako kuicho saimba anotaura.
6. (a) Tinogona sei kurovedza vanasaimba kutikarira kushanya nguva dzose? (b) Kutaurai kukuru kunogona kutibetsera kubudirira? (c) Chii chinoshanda zvakanaka mundima yomunzvimbomo?
6 Kupfurikidza nezvaunotaura, unogona kurovedza vanasaimba kutikarira kushanya nguva dzose. Edza kuti: “Kaziwai, Mai Fredericks! Makadini nhasi? Paiyi shanyo kuvavakidzani vedu, tiri kukurukura . . . ” Kana kuti ungati: “Mangwanani akanaka! Tiri kuita shanyo dzedu dzenguva dzose dzevhiki nevhiki. Kwakanaka kudzokera. Vavakidzani venyu vafarikanya musoro mutsva watiri kukurukura pashanyo ino.” Ipapo pfuurira. Ikoku kunobatirawo kuita kuti ndima yacho ive “itsva” kwauri. Mashoko chaiwoiwo angati sianei munyika menyu, asi ikoku kunopa pfungwa huru. Kuregerereiko kuashandisa zvikurusa, kukubetserwa kwako?
7. (a) Pakuenda, zvimwe Zvapupu zvinogadzirira sei saimba nokuda kweimwe shanyo? (b) Muna ikoku, chii chinoshanda zvakanaka mundima yomunzvimbomo?
7 Kuti zvigogadzirira saimba nokuda kweshanyo inotevera, zvimwe Zvapupu zvine budiriro nemhedziso yakafanana neiyi: “Tinokarira kukushanyirai zvakare nokukurumidza.” Kuavo vaiti zengurirei kutaura kwauri pakutanga, ungati: “Ndafarikanya kurukurirano yedu. Zvirokwazvo mataura mapfundo akanaka. Ikoku kwatora maminiti mashomanene, asi hatina kutaura pamusoro pamashoko akashata, ayo tinogona kunzwa panguva ipi neipi. Anga akanaka zvirokwazvo.” Pasina panikiro, uchakudziridza dzimwe nzira dzakafanira dzokutaura navanasaimba. Zvisinei hazvo, kupfurikidza nokutaura kwakananga, mharidzo dzakanaka, uye ushamwari, edza kubetsera vanhu kusashatirirwa shanyo dzedu dzenguva dzose.
Sanopupurira
8, 9. Zvikarakadzoi zvinopiwa nokuda kwokusanotsvaka vakafanira?
8 Chimwe chinhu chatinogona kungwarira icho chichachengeta mbavarira yedu yakakwirira kusanoita mukutsvaka vakafanira. (Mabasa 8:25; 20:24) Somuenzaniso, hama ingakumbira murume wemba kana mukadzi kana kuti mwana akauya kusuo pakupera kwamavhiki kana kuti mumadekwana. Zvimwe, ndiye mukadzi watakataura kwaari nguva zhinjisa. Naizvozvo tinogona kuita mavambo matsva nasaimba kupfurikidza nokutaura nomusoro wemhuri. Tinogona panguva iyeyo kuchinjira shoko redu kwaari, tichitaura zvinhu zvakadai, “Chii chamunofunga kuti chichavimbisa mhuri yenyu nguva yemberi inofadza?” kana kuti, “Cherechedzai kukurudzira kunoita Bhaibheri chinzwano chemhuri.” Onga murume nokuda kwepfungwa dzakanaka dzaangataura.
9 Imwe nzira yamawanirwe endima “itsva” kutsvaka mimwe mitezo yemhuri inogara pasi pedenga rimwe chetero—ambuya, muzukuru kana kuti hama yokunyama inoenda kuchikoro, muramu anoshanda mukati mevhiki. Kwave kuchishandawo kucherechedza kuti mamita mangani emagetsi kana kuti mabhokisi etsamba ari pamba. Izvi zvingaratidzira apo vanhu vakavandudza kamuri rapasi, kamuri romudenga, kana kuti imwe nzvimbo yokurendesa. Edza kuonana naavo vanorenda—vadzidzi, vashandi, chirikadzi, uye vamwe. Ikokuwo kunobetsera kukudza ndima inowanika.
10. Ndeipi iri imwe nzira yokukudza nayo ndima yedu yapaimba neimba, uye chii chakaita vamwe kuonana navanoshanda usiku?
10 Imwezve nzira yokukudza nayo ndima yedu yapaimba neimba kuipa zororo padzimwe nguva sezvo tinotora rutivi mumamwe mativi oushumiri hwedu. Nokuda kwemhatsa, tingashanda ndima nechinogoverwa chakananga chefundo yeBhaibheri yapamusha yemhuri yapachena. Vamwe vanhu vasiri pamusha patinoshanya vanogona kuwanwa kunzvimbo yavo yebhizimisi kana kuti yebasa. Uye kupupurira munharaunda dzebhizimisi kunogona kuva kunobudirira zvikuru. Vamwe vaava vanhu vangawanwawo kana tikapupurira mumugwagwa pamaawa akafanira, anobudirira. MuCanada mapiona akava nemiuyo yakanaka inobva mushanyo dzamadekwana pavashandi pazviteshi zvepeturo zvinoshanda usiku hwose, zvitoro, uye hotera uko vanamabharani vasingawanzobatikana panguva iyoyo uye kazhinji kazhinji vanoonga kuva nechimwe chinhu chokurava. Chokwadika, hanzvadzi zvikurukuru dzingada kudzivisa nharaunda dzakati mukati mamaawa ousiku.
11. (a) Chii chiri kuita zvimwe Zvapupu uko vazhinji vasiri pamusha pashanyo yokutanga? (b) Kushingaira mukuita shanyo dzavaisava pamusha kunogona kuva nomuuyoi pandima yedu, nemiuyo muushumiri?
11 Zvakadiniko nezvaavo vasiri pamusha patinoshanya? Pano zvakare, tinofanira kuva vanosanoita. Zvimwe Zvapupu zvinoshandisa zvinyorwa zvazvo zvinosanochengetwa zvapaimba neimba pashure chaipo pebasa razvo rapasuo nesuo ndokudzokera kunzvimbo uko vanhu vanga vasiri pamusha pakuvamba zuva iroro. Kazhinji kazhinji, vanasaimba vadzokera pamusha, kana kuti vashandi vousiku vanenge vamuka panosvika nguva iyoyo. Munharaunda dzakawanda, 50 muzana kana kuti kupfuura havasi pamusha mukati mezuva. Naizvozvo tinogona, chaizvoizvo, kupeta ndima iyoyo kupfurikidza nokuita shanyo dzavasiri pamusha pamaawa akasiana kutozosvikira tawana mumwe munhu pamusha. Mapiona navaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira vanobvuma kuti shingairo mukushanda pavasiri pamusha kazhinji kazhinji inoita miuyo iri nani kupfuura zvinoita kufukidza kwedu kwokutanga ndima yacho. Kupfurikidza nokungwarira rutivi urwu rwoushumiri hwedu, sezvingabvira tichawana zvikomborero zvakawanda.—Zvirevo 10:22.
Avo Vanonyunyuta
12. Tinofanira kuita sei apo vanhu vanonyunyuta kuti tiri kunyanyoshanya? Neiko?
12 Chii chinogona kutaurwa kuvanhu vanonyunyuta kuti tiri kunyanyoshanyira kazhinji kazhinji? Kupfuura zvose, tinofanira kuratidzira nzwisiso. (Mateo 7:12) Kwavari, kunoratidzika kuti tanyanyokurumidza kudzoka. Asi kwakanaka kuyeuka kuti kunyange makore apfuura vanhu vaiti, ‘Makanga muri pano vhiki rapfuura,’ apo isu taiziva zvikuru kwazvo kuti yakanga yave iri mwedzi mitanhatu kana kuti kupfuura chibviro chaapo takanga tashanya. Kunze kwezvo, shanyo zhinji dzinogona kunyandura fariro. MuGuadeloupe mumwe murume akamhanya mushure meChapupu kuzoti: “Ndakucherechedzai zvino kwamavhiki akawanda. Kazhinji kazhinji, handiteereri kuZvapupu, asi ndinofanira kuziva chikonzero nei muchishanyira vanhu kazhinji kazhinji kwazvo!” Fundo yeBhaibheri itsva yakavapo.
13, 14. Vamwe vatendi biyedu vari kubata sei zvinhu apo vanasaimba vanonyunyuta?
13 Dzimwe hama dzakaudza nomutsa vanyunyuti musi chaiwoiwo weshanyo yakapfuura uye dzakagovera magazini azvino uno, dzichijekesa kuti nyaya dzakasiana neidzo dziri mumagazini ataiva nawo nguva yapfuura yatakashanyira. Kurangarira navanasaimba vakadaro, tingataura kuti zvichida ivo vakagamuchira mapepanhau akawanda namagazini chibviro cheshanyo yedu yokupedzisira, asi aya nguva dzose haana mashoko akanaka. Tingagona kutsanangura kuti tiri kuunza mashoko akanaka uye kuti shanyo dzedu hadzisi refu. Asi kana saimba akanyanyobatikana, tingagona kuti: “Kana iyi iri nguva isakanakisisa yokutaura nemi, ndinogona kukuonai pashanyo yedu inotevera muvhiki kana kuti kupfuura.”
14 Chiizve chingagona kutaurwa? Ikoku kunotsamira pachimiro chasaimba nomutsa wenguva dzose unokarirwa matinogara. Imwe hanzvadzi muJapan inotsanangura shanyo dzedu zhinji neiyi nzira: ‘Nhau dzomuterevhizheni dzichashuma dzashumazve pamusoro penzira yedutu, dzichidzokorora mashoko acho kazhinji kazhinji nokuda kwokubetserwa kwaavo vangave vakapotsa kutepfenyura kwekare. Ikoku kunoitwa nemhaka yokuti upenyu hunobatanidzwa. Huzhinji hwemishumo yacho hunowedzera sezvo dutu rinoswedera pedyo zvikuru. Naizvozvo, sezvo dutu reArmagedhoni rinoswedera pedyo, shoko renyevero rinofanira kuziviswa kazhinji sekanobvira kuponesa upenyu.’ Chokwadika, tingataura zvakadaro nomutsa uye nouchokwadi, tichikarira kusvika mwoyo womuteereri.
Kugonana Nedenho Yokusakendenga
15. (a) Chii chinogona kuva denho inokura patinoshanda ndima yedu kazhinji kazhinji? (b) Neiko vamwe vanhu vasingakendengi?
15 Sezvo uzhinji hweshanyo dzedu hunowedzera, denho inokura ndiko kusakendenga kwatinowanzosangana nako. Asi kunzverwa kwezvimwe zvezvisakiso zvokusakendenga kunogona kutikurudzira kucherekedza kuti kungava kuchangobvira kusvika mwoyo yavamwe vaava vanhu. Kusakendenga kwavo kungaratidzira kangaidziko yavo nokusava netariro. Ivo vangarangarira kuti hakuna nzira yokubuda nayo mumugariro wenyika wazvino, vachirangarira kuti ivo vachangorarama zvavo upenyu hwavo nenzira yakanakisisa yavanogona. Vamwe vanosemeswa nemhaka yokuti vamwe vatungamiriri vorudzidziso vanobatanidzwa mumatongerwe enyika, vane mhosva dzomufambiro woutere, kana kuti vanokundikana kumira zvakasimba mukurwisana noutere hwevatano. Naizvozvo ava vanasaimba vanoodzwa mwoyo uye vanongoraramira zvavo nhasi.
16. Mwoyo womunhu asingakendengi unogona sei kusvikwa?
16 Tinoziva kuti vashumiri vechiKristu vapakuvamba vakagonana zvinobudirira nechimiro chimwe chetecho, nokuti vamwe vanhu panguva iyeyo vaiti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” (1 VaKorinte 15:32) Nokudaro, tinoziva kuti tine chaizvo icho vanhu vakadaro vanoda kunzwa. Zvisinei, tinogona sei kusvika mwoyo wavo? Imwe nzira ndeyokuchengeta mabhuku edu eBhaibheri kwechinguvana, tichivaita kuti vatione tichiita saizvoizvo. Ipapo tingavabvunza mibvunzo yakasanofungwa seiyi: “Munofunga here kuti kune mushonga wezvinetso zvomuzuva razvino uno? Kuti here vanhu vazhinjisa havasati zvavo vawana mhinduro? Munofunga here kuti tinofanira kuva vakananga ndokuramba tichinzvera?” Kuvamwe, tingagona kuti: “Zvirokwazvo imi munobvuma kuti kuri nani kurarama netariro kupfuura kusava nekariro ipi neipi yezvinhu zviri nani. Chii chamunokarira kuona?” Tingabvunza, kuti: “Chii icho imi mumene munorangarira kuva mhingaidzo hurusa kuchinzwano chenyika norugare?” Vamwezve vangagona kubvunzwa, kuti: “Munofunga here kuti marudzidziso ose akafanana neizvo marondedzera?” Kazhinji mibvunzo yakadaro ichaparira vanasaimba kutaura mirangariro yavo. Ipapo, pavanopindura, iva nechokwadi chokuteerera. Hungu, vaite kuti vataure zviri pamwoyo pavo kwauri. Vazhinji vavo vari ‘kugomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvinosemesa zviri kuitwa zvino.’—Ezekieri 9:4.
17. Zvinyorwa zvedu zvingashandiswa sei kusvika vamwe kunyange ivo pakutanga vachitaura kuti havafariri?
17 Kumwe kusvika kukusakendenga kunyora pfundo kana kuti chirambidzo chinoitwa nasaimba ndokudzokera namagazini kana kuti chimwe chinyorwa cheWatch Tower chinobata nenhau yacho. Pakutanga, ingatova nhau isiri yorudzidziso, zvakadai senyaya pamusoro pokufa kamwe kamwe kwomucheche kana kuti kupera kwamasango. Tsanangura kuti wakanga uchifunga nezvechakafadza saimba ndokubva wayeuka iyi nyaya. Ipapo onesa pfungwa huru dziri mumashoko acho. Mumwe mukadzi uyo akanga achangobva kuramba mabhuku edu akagamuchira magazini masekondi bedzi gare gare. Neiko? Nemhaka yokuti Chapupu chakabvunza kana mukadzi wacho aiziva kuti kwaiva nokubvisa pamuviri kune mamirioni 55 gore negore. Akatyamadzwa nokuziva ikoku, iye akakumbira magazini ane mashoko iwayo.
Kuripedza
18, 19. (a) Kumapfundoi okuwedzera kwatinofanira ‘kungwarira’ sezvatinoita ushumiri hwedu? (b) Ipfungwai dzefungira mano akaipa dzina vamwe pamusoro pedu nezvitendero zvedu, uye tinogona sei kuvapindura?
18 Kupfuura zvose, tinofanira kuva vanoshivirira vanhu. Taura zvishoma nezvishoma uye noushamwari. Ratidzira rudo nomutsa. (VaGaratia 5:22, 23) Usati waenda pasuo rinotevera, funga pamusoro pechaitika perapfuura kuti uone apo vandudziko inobvira. Iva anonzwisisa, nokuti vanhu vazhinji vane pfungwa dzakaipa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Ivo vangati: ‘Imi munodzivisa matongerwe enyika namabasa avagari vemo,’ ‘Imi munoramba basa rehondo,’ kana kuti, ‘Imi munopunza mhuri.’ Asi ichi chimiro chakafanana neicho chenyika kuvatendi biyedu vomuzana rokutanga ramakore. Ratidzira vanasaimba ikoku, zvichida uchishandisa mashoko ari pasi pomusoro unoti “Kusatora Rutivi” mubhuku raReasoning.
19 Pamusoro pamaKristu apakuvamba, wezvenhau Will Durant akanyora, achiti: “KumuKristu rudzidziso rwake rwaiva chimwe chinhu chakaparadzana uye chikuru kuchaunga chezvamatongerwe enyika; ruvimbiko rwake rukurusa rwaiva kwete kuna Kesari asi kuna Kristu. . . . Kuparadzana kwomuKristu nezvinhu zvapasi kwakaratidzika kumuhedheni sokutiza basa ravagari vemo, kuneteswa kwechimiro chorudzi nechido. Tertullian akapangira maKristu kuramba basa rehondo; . . . MaKristu airairwa navatungamiriri vawo kudzivisa vaisava maKristu, kudzivisa mitambo yavo seyakashata, uye horo dzavo senzvimbo dzoutere. . . . ChiKristu [pakuita vatendeuki] chakapomerwa kupunza musha.”—Caesar and Christ, peji 647.
20, 21. (a) Chii chatinoda kuva nechokwadi nacho apo vanhu vasingagamuchiri? (b) Neiko tisingafaniri “kurega” asi kupfuuridzira basa redu rakaisvonaka rokuparidzira Umambo?
20 Vamwe vanhu havasati vachizoteerera, pasinei zvapo nechatinotaura. Asi ikoko kunofanira kuva nemhaka yokuramba kwavo shoko roUmambo, kwete nemhaka yokukundikana kwedu kuita mharidzo dzakanaka muushumiri hwedu. (Ruka 10:8-11; Mabasa 17:32; Ezekieri 3:17-19) Tinofanira kuita unani hwedu nebetsero yaMwari, uye Jehovha achaita kuti basa racho risvike pamugumo.—Enzanisa naVaFiripi 1:6.
21 Nechivimbo chakazara, ipapoka, kupfuurira kuva ne“zvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi risina maturo.” (1 VaKorinte 15:58, NW) “Ramba uchizvingwarira umene nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvozvi, nokuti nokuita izvozvi uchazviponesa iwe umene naavo vanokuteerera.” (1 Timotio 4:16, NW) Kupfuura zvose, “ngatirege kuneta mukuita zvakaisvonaka, nokuti munguva yakafanira tichacheka kana tisinganeti.”—VaGaratia 6:9, NW.
Unogona Kuyeuka Here?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuchengeta nadzo chimiro chakananga mundima inoshandwa kazhinji kazhinji?
◻ Tinogona sei kusanonzvera vakafanira?
◻ Tinogona sei kuedza kubata naavo vanonyunyuta kuti tinoshanyira kazhinji kazhinji zvikuru?
◻ Tinogona kugonana nedenho yokusakendenga munzirai?
◻ Chii chichavandudza kunaka kwoushumiri hwedu?
[Bhokisi riri papeji 20]
SEZVO KUFUKIDZWA KWENDIMA KUNOWEDZERA,
“Ramba uchingwarira”:
◻ Kusvika kwakananga nemharidzo
◻ Kusanotsvakwa zvikuru kwavakafanira
◻ Kubata nenzira yokushivirira navanonyunyuta
◻ Kugonana nedenho dzokusakendenga nokusanzwisisa