RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 7/1 pp. 14-15
  • Kurumbidza Zita raJehovha muZvitsuwa zveGungwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurumbidza Zita raJehovha muZvitsuwa zveGungwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Jehovha—Zita Rinosanozivikanwa Pakutanga
  • Kuedza Kudzvinyirira Zita Racho
  • Mudziviriri Wezita Racho
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 7/1 pp. 14-15

Kurumbidza Zita raJehovha muZvitsuwa zveGungwa

FUNGIDZIRA kushamiswa kwomupanguri uyo apo anotsika pachitsuwa “chisingazivikanwi” anowanapo mureza wenyika yake pachena chaipo. Pakuvamba muzana rokutanga ramakore rechi 19, John Williams, mumwe mutezo weLondon Missionary Society, akawana chishamiso chakafanana pakusvika kwake muRarotonga, chitsuwa chiduku chiri muCook Islands, kumaodzanyemba kwePacific. Paichi chitsuwa apo iye akazvifunga amene kuva mumiriri wokutanga wechiKristudhomu, iye akawana atari kurukudzo rwaJehovha naJesu Kristu. Nhauro yenzendo dzake dzoufundisi inopa tsananguro inotevera:

Makore akati Williams asati asvika, mumwe mukadzi akanga auya achibva Tahiti uye akanga ataura kuvagari vemo pamusoro pezvishamiso zvaakanga aona munyika yaakaberekerwa. Iye akataura nezvokuvapo kwavanhu vachena vanonzi maCook (pashure paCaptain Cook). Iye akarondedzera maturusi esimbi ayo ivo vakashandisa panzvimbo pamapfupa kuti vatemere miti pasi nokugadzira magwa norusununguko rukuru nokukurumidza. Asi iye akavaudzawo kuti vanhu vachena vainamata Mwari Jehovha naJesu Kristu. Akurudzirwa kudaro, sekuru wamambo wechitsuwa akasarudza kuvaka atari nemarae zvakatsaurirwa kwavari.a Neiyi nzira, zita chairo raMwari rakatangira vafundisi vechiKristudhomu kuZvitsuwa zvePolynesia.

Jehovha—Zita Rinosanozivikanwa Pakutanga

Apo ivo vakatanga kudzidzisa rudzidziso rwavo kuvanhu vePolynesia, vafundisi vechiKristudhomu vakawana kuti vamwari vazhinji vainamatwa muzvitsuwa izvozvo. Kuti vadzivise nyongano ipi neipi naava vamwari, ivo vakatanga kunongedzera kuna Mwari Mukurusa nezita rake panzvimbo pezita rokuremekedza zvakadai saIshe, Asingagumi, kana kuti kunyange Atua, shoko nokuda kwa“Mwari” mumitauro yakawanda zvikurusa yePolynesia. Nokudaro vagari veizvi zvitsuwa vakadzidza kunyengetera kuna Jehovha, vachishandisa zita rake chairo.

Gare gare, shanduro dzokutanga dzeBhaibheri dzakaoneka mumitauro yomunzvimbomo. Nenzira ine mufungo zvakakwana, ivo vakashandisa zita chairo raMwari: Iehova muchiHawaii, chiRarotonga, chiTahiti, uye chiNiue; Ieova muSamoa; uye Ihowa muMaori. Kunotoshamisa zvikuru, mushanduro dzakawanda zita racho rakatooneka muMagwaro echiKristu echiGiriki (Testamende Itsva).

Chizvarwa chakare cheMaori muNew Zealand chinogona kungoyeuka apo zita raJehovha raishandiswa navose—zvikurukuru pamarae. Panguva chaidzo, kunokorwa mashoko kwakadai so“kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri” kwaiva rutivi rwehurukuro yokutanga yokukwazisa zviremera zvinoshanyira. MuPolynesia mose, zita racho raishandisa norusununguko paminamato yechechi. Kusvikira kuzuva rino, vakuru vakarovedzwa nezita raMwari mumutauro wavo womunzvimbomo. Zvisinei, ikoku hakusi kwechokwadi nezvavazhinji vechizvarwa chiduku, avo vakabva munzira yamagamuchidzanwa youpenyu.

Kuedza Kudzvinyirira Zita Racho

Pashure penguva yakati, chiverengero chakati cheshanduro dzePolynesia chakavandudzwa. Kungofanana nezvakaitika nevandudzo dzakasiana-siana dzakaitwa muEurope neNorth America, imwe yechinjo huru yakanga iri kubviswa kwezita rokuti Jehovha (kana kuti zvakati kuti zvezvinoenzana naro zviri pedyo zvikuru). Nokudaro, rakatsiviwa naAlii (Ishe) muchinyorwa chakavandudzwa cheBhaibheri reSamoa iro rakaoneka muna 1969, uye vandudzo yakafanana yakarongwa muchiNiue.

Chokwadi, vagari vePolynesia havasati vachanamata vamwari vavo kana kuti zvidhori somunguva yakapfuura, kwete kunyange Io weChiso Chakavanzwa, mwari wekare mukurusa wavaMaori. Asi ikoko kunombobvumira vashanduri veBhaibheri kuderedza Mwari weBhaibheri kusvikira kukusazivikanwa kupfurikidza nokutsiva zita rake nezitawo zvaro rokuremekedza here? Ko iri zita rine ukoshi hushoma here nhasi? Zvamazvirokwazvo kwete, sezvo Jesu amene, mumunyengetero womuenzaniso, akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kutanga kwezvose nokuda kwetsveneswo yezita iroro.b

Mudziviriri Wezita Racho

Pasinei zvapo neizvi zvinoitika zvemisi ichangobva kupfuura iyi, zita rokuti Jehovha harisati rodokunyangarika muPolynesia. Zvokona nei? Nemhaka yokuti, kungofanana nomudzimwe nyika dzose, Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira nguva dzose vagari veizvi zvitsuwa nokuda kwokuita kuti zita iroro rizivikanwe kwavari. Iko zvino Zvapupu zvinopfuura 16 000 zviri murutivi urwu rwenyika zviri kutora rutivi muiri basa rinokosha, uye zviri kuratidzira kumunhu biyazvo ukoshi hwokuva nezivo yakarurama yeShoko raMwari nokushandisa zivo iyoyo. Ikoko ndiko kunoreva kunamata Mwari ndokutsvenesa zita rake.—Johane 4:21-24.

[Mashoko Omuzasi]

a Marae pakuvamba-vamba chakanga chiri chivako chitsvene chaishandisirwa madonzo orudzidziso neenzanga. Nhasi inowanzonongedzera kunzvimbo yemisangano yorudzi.

b Munyengetero womuenzaniso wakadzidziswa naJesu kuvadzidzi vake (kazhinji kazhinji unonzi Baba Vedu) unovamba naawa mashoko: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateo 6:9, NW.

[Mepu iri papeji 14]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Hawaii

Samoa

Niue

Tahiti

Rarotonga

New Zealand

[Mifananidzo iri papeji 15]

Tutuila, American Samoa

Lake Gunn, New Zealand

Savaii, Western Samoa

Mhenderekedzo yegungwa yeAvatele paNiue

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe