Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kusatenda Kwechisimbwa kwavaFarise
VABEREKI vomupemhi aichimbova bofu vanotya apo vanodanwa kuuya pamberi pavaFarise. Ivo vanoziva kuti kwakasarudzwa kutandanisa musinagoge munhu upi noupi anoratidzira kutenda muna Jesu. Kugurwa kwakadaro kworuwadzano navamwe vari munzanga kunogona kuva nhamo huru, zvikurukuru pamhuri ine urombo. Naizvozvo vabereki vanongwarira.
“Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti wakaberekwa riri bofu here?” vaFarise vanobvunza kudaro. “Zvino unogoona seiko?”
“Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa riri bofu,” vabereki vanosimbisa kudaro. “Asi zvino hatizivi kuti zvino woona sei; nowakasvinudza meso ake, hatimuzivi.” Zvirokwazvo mwanakomana wavo akavaudza zvose zvaitika, asi nokuchenjera vabereki vanoti: “Mubvunzei henyu; wayaruka, uchazvirevera hake.”
Naizvozvo, vaFarise vanodanazve murume wacho. Nguva ino ivo vanoedza kumutyisidzira kupfurikidza nokuratidzira kuti ivo vakaunganidza ufakazi hunowanira Jesu mhaka. “Rumbidza Mwari,” vanoraira kudaro. “Isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.”
Munhu aichimbova bofu haarambi pomero yavo, achiti: “Kana ari mutadzi ini handizivi.” Asi anowedzera, kuti: “Ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.”
Vachiedza kuwana chikanganiso muchipupuriro chake, vaFarise vanobvunza zvakare kuti: “Wakakuiteiko? Wakasvinudza meso ako sei?”
“Ndatokuudzai,” murume wacho anonyunyuta achidaro, “mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko?” Nenzira yokukasharara, iye anobvunza kuti: “Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?”
Iyi mhinduro inoshatirisa vaFarise. “Iwe ndiwe mudzidzi wake,” ivo vanomupomera kudaro, “asi isu tiri vadzidzi vaMosesi. Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.”
Achiratidzira kushamiswa, mupemhi anozvininipisa anopindura, achiti: “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu.” Imhedzisoi inofanira kuitwa muna ikoku? Mupemhi anonongedzera kumurangariro unogamuchirwa: “Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishumira Mwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye. Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu wakaberekwa riri bofu.” Nokudaro, mhedziso inofanira kuva iri pachena: “Dai uyu asati ari waMwari, haazaigona kuita chinhu.”
VaFarise havana mhinduro yokurangarira kwakadaro kwakananga, kwakajeka. Ivo havagoni kutarisana nezvokwadi, naizvozvo vanonyomba munhu wacho, vachiti: “Iwe wakaberekerwa kwazvo muzvivi, zvino iwe wotidzidzisasu?” Pana ikoku, ivo vanobudisa munhu wacho kunze, sezviri pachena vachimutandanisa musinagoge.
Apo Jesu anoziva pamusoro pezvavaita, anowana munhu wacho ndokuti: “Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?”
“Iye ndianiko ishe,” mupemhi aichimbova bofu anopindura kudaro, “kuti nditende kwaari?”
“Ndiye unotaura newe,” Jesu anopindura kudaro.
Pakare pakarepo, munhu wacho anokotama pamberi paJesu uye anoti: “Ndinotenda, Ishe.”
Jesu ipapo anotsanangura, kuti: “Kutonga ndiko kwandakauyira panyika ino, kuti vasingaoni, vaone; navanoona vave mapofu.”
Pana ikoko, vaFarise vari kuteerera vanobvunza, vachiti: “Ko nesuwo tiri mapofu here?” Kudai ivo vaizobvuma kuti vakanga vari mapofu mundangariro, kwaizova nepembedzo yokushora kwavo Jesu. Jesu anovaudza, kuti: “Dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi.” Bva, ivo vanotaura nokuoma mwoyo kuti havasi mapofu uye havadi vhenekero yomudzimu. Naizvozvo Jesu anoti: “Zvino munoti: ‘Tinoona;’ zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.” Johane 9:19-41.
◆ Neiko vabereki vaaichimbova mupemhi vachitya apo vanodanwa pamberi pavaFarise, uye ivo vanopindura sei nokungwarira?
◆ VaFarise vanoedza sei kutyisidzira munhu aichimbova bofu?
◆ Chibvumikisoi chino mufungo chomunhu wacho chinoshatirisa vaFarise?
◆ Neiko vaFarise vasina pembedzo yokushora kwavo Jesu?