RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/15 pp. 6-7
  • Nguva Yemberi Yakajeka Yepasi muUmambo hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yemberi Yakajeka Yepasi muUmambo hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Paradhiso Yapasi
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Nyika Itsva Yakaisvonaka Inoitwa naMwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Mazuva Okupedzisira—Kwozouyei?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/15 pp. 6-7

Nguva Yemberi Yakajeka Yepasi muUmambo hwaMwari

BHAIBHERI rinotaura kuti “kutenda ikariro yechokwadi yezvinhu zvinokarirwa.” (VaHebheru 11:1, NW) Sezvatakaona munyaya yapfuura, anopfuura makore 500 Kristu asati aberekwa, Mwari akaparira kuti kunyorwe mubhuku raDhanieri chiono chapachine nguva mberi chouporofita chokumuka nokuwa kwamasimba enyika kuvambira muzuva raDhanieri kuburukira kusvikira kuredu timene. Ururami hwaaya mauporofita hunotikurudzira, hunotipa chikonzero chakasimba chokutenda, chokuti asara amauporofita aDhanieri achazadzikwawo, uye nokukurumidza zvikuru Umambo hwaMwari pasi paKristu Jesu huchatsiva hurumende dzavanhu.

Ikoko kuchareva chinjo yakadini nokuda kwavanhu! Achitarira mberi kunguva iyoyo, Mwari amene anoti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” (Zvakazarurwa 21:5, NW) Kurangarirwa kwamamwe amauporofita akafuridzirwa anotiratidzira nguva iyoyo inofadza kuchatibetsera kuona kuti zvinhu zvichava “zvitsva” sei chaizvo, zvichasiana chose chose sei neizvo tinoona nhasi muumambo hwavanhu. Zvamazvirokwazvo, izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro penguva yemberi yepasi redu neyoupenyu pariri zvinokatyamadza. Rangarira:

Utsotsi namasimba masimba zvichaguma. “Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; . . . wakaipa haachazovipo.” Avo vanorarama “uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Pisarema 37:9, 10; Mika 4:4.

Mapoka edzinza noorudzi, uye hondo izvo zvinonyandura, zvichava zvaparara. “Rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.

Perevedzo yedzimba, kusava nomusha, uye kushaya mabasa zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. Isaya akadeya kutaura, kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. . . . Vachafarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:21, 22.

Nzara dzinotyisa, dzakadai seidzo dzakatambudza misi ichangobva kupfuura iyi mumativi eAfrica, dzichatsiviwa nezvakawanda zvezvokudya nokuda kwavose. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” “Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, uchatiropafadza.”—Pisarema 72:16; 67:6, 7.

Mukuwedzera, kuchava noutano noupenyu zvokufarikanya nazvo izvi zvikomborero. Kunyange mukati moushumiri hwapasi hwaJesu, kwakataurwa zvechokwadi kuti “mapofu anoona, vanokamhina vanofamba, vana maperembudzi vanonatswa, vemhatsi vanonzwa.” Zvisinei, chipikirwa chikuru zvikuru chichashanda, chinoti: “Iye [Mwari] achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.”—Ruka 7:22; Zvakazarurwa 21:4, NW.

Ichinjo yakaisvonaka zvakadini! Inyaradzo yakadini iyo ikoku kwose kuchaunza kurudzi rwomunhu rwatambudzika! Tinokukurudzira kuzviisa umene pasi kunyange zvino poUmambo hwaMwari, kuti iwewo ugowana betsero dzichabva muiyi chinjo inokosha zvikuru muumambo hwenyika.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vanhu vari kurarama zvino vangatarira mberi kuzvikomborero zvinoshamisa—mugumo wehondo, utsotsi, nzara, chirwere, uye kunyange rufu. Iwe ungafarikanya nguva yemberi yakadaro here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe