RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/1 pp. 4-7
  • Chikonzero Nei Vamwe Vakachinja Rudzidziso Rwavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Vamwe Vakachinja Rudzidziso Rwavo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ukama Hunopa Rusununguko Netariro
  • Kuwana Zvokwadi Neshamwari Dzechokwadi
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chitendero
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kuziva Kwaungaita Chitendero Chechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mutoro Unofamba Nokuziva Rudzidziso Rwakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/1 pp. 4-7

Chikonzero Nei Vamwe Vakachinja Rudzidziso Rwavo

KUTI munhu aite nhanho huru yakadai sokuchinja rudzidziso rwake, iye zvamazvirokwazvo anofanira kuva nezvikonzero zvakanaka. Betsero dzingafanira kukurira zvinetso zvipi nezvipi.

Ko iwe ungarangarira kuziva Musiki wako nokukudziridza ukama naye kuva chikonzero chakanaka here? Chave chiri nokuda kwavazhinji. Kukudziridza ukama nomumwe munhu, tinofanira kuziva munhu wacho zvakanaka. Somuenzaniso, mwana muduku angatya kubata ruoko rwomuenzi kusvikira asvika pakumuziva. Kwakadaro isu, tinofanira kuziva Mwari tisati tatanga kumuvimba. Chokwadi, marudzidziso mazhinjisa ane munhu mukuru ayo anonamata saMwari. Asi hakusi kwechokwadiwo here kuti nokuda kwavanhu vazhinjisa Mwari haanzwisiswi zvakafanira uye ari kure asina hunhu hunorondedzerwa zvakajeka? Naizvozvo tinosvika sei pakumuziva?

Patinotarira zvinhu zvakatipoteredza, tinoshamiswa neizvo tinoona. Tinocherechedza runako, ungwaru, uye simba. Mviromviro yaichochi chose inokatyamadza vazhinji, asi kune bhuku rinochitsanangura zvakajeka. IBhaibheri. Kupfurikidza namapeji aro, tinogona kudzidza kuti izvi zvishamiso zvakavambwa noMusiki uyo ane zita nohunhu. Sezvatinosanofunda Bhaibheri, hunhu hwaMwari hunova hwakajeka kwatiri. Tinomuona saMwari worudo noweitiro hanya. “Mwari rudo,” rinodaro Bhaibheri. (1 Johane 4:8) Tinokweverwa kuuhu hunhu hwakaisvonaka, hwakadzikama zvakakwana murudo, uchenjeri, ruramisiro, uye simba. Ukama hwapedyo hunotevera.

Misae akapfuura nomuchinoitika chakadaro chaizvo chokuswededzwa pedyo naJehovha. Iye akatsanangura, kuti: ‘Somwana, ndakadzidziswa kuti vamwari vazhinji vaivapo. Kwakanga kuna mwari wemvura, mwari wemiti, uye mumwe weimba. Kunyange zvazvo ndakapanikira kuvapo kwavo, ndaidavira kuti kunofanira kuva naMwari mumwe wechokwadi. Kurerwa kwangu kworumano kwechiBuddha nechiShinto kwakandiparira kufunga nezvaMwari somumwe munhu wokutya, mumwe munhu uyo aiita chirango nokuda kwemisikanzwa. Kunyange zvazvo ndaiva nechishuvo chokuenda kuchechi nokudzidza pamusoro paMwari wechiKristu, mugariro wangu wechiBuddha waindidzivisa. Ipapo mumwe mukadzi akauya kumba kwangu ndokukarakadza kufunda Bhaibheri neni. Kupfurikidza nefundo iyoyo, ndakadzidza kuti Mwari ane zita, Jehovha. Ndakafadzwa nokuziva kuti iye haasati ari Mwari anotyisa asi ane rudo, nguva dzose anotirinda, kwete kuranga, asi kubetsera. Ndakada kubatira Mwari iyeyo, naizvozvo ndakachinja rudzidziso rwangu.’ Iye ave achifarikanya ukama hunogutsa naMwari kwamakore 29.

Ukama Hunopa Rusununguko Netariro

Kune imwe betsero iyo vazhinji vakagamuchira kupfurikidza nokukudziridza ukama naMwari. Sezvo humwe ukama hunovamba kuva noukoshi hwakaderera muupenyu hwavo, vazhinji vakawana rusununguko mukutya munhu kunopinza muuranda netsika dzinorema dzisina revo chaiyoiyo noukoshi. Nokudaro, ivo vakasunungurwa mundyiko dzinorema dzokuchengeta zvitarisiko namagamuchidzanwa, izvo zvinochengeta mhuri dzakawanda dzine chikwereti chenguva dzose. “Kutya munhu kunouyisa musungo,” Bhaibheri rinonyevera kudaro, richiwedzera chipikirwa chinoti, “asi ani naani unovimba naJehovha, uchachengetwa.”—Zvirevo 29:25.

Rumwe rusununguko runowanwa rusununguko murutyo rworufu. Misae anokorwa mashoko pamusoro apa anoti: “Apo ndakanga ndava namakore 22, ndakabata taifodhi. Sezvandakanga ndakarara ndichiziva zvishoma, ndaigona kunzwa shamwari nemitezo yemhuri vachitaura pamusoro pangu sokunge vaindikarira kufa. Asi ndakatya rufu. Mufungo wangu bedzi waiva wokuti ndaida kurarama, uye sezvineiwo ndakanzwa zviri nani. Kupfurikidza nefundo yangu yapashure yeBhaibheri, ndakasunungurwa murutyo irworwo rworufu. Ndakadzidza kuti rufu runongova zvarwo kusavapo.” Bhaibheri rinoti: “Vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, 10) Kana mumwe munhu akafa, kune tariro inoshamisa yorumuko nemhaka yokuti Mwari anochengeta vakafa vari vapenyu muyeuko yake.—Johane 5:28, 29.

Vamwe vazhinji vanofunda Bhaibheri vakawana zvakafanana kuti zvinhu izvo ivo vakadzidza zvakapa upenyu hwavo revo chaiyoiyo netariro. Ichi ndichimwe chikonzero nei Bhaibheri rakanyorwa, ndiko kuti, kuti “tigova netariro.” (VaRoma 15:4, NW) ChiBuddha hachidzidzisi chinhu pamusoro poMusiki kana kuti Mwari. Kunotaurwa kuti zvakaipa nokutambura zvakavapo nguva dzose uye zvichapfuurira nokusingaperi nomumadenderedzwa asingagumi okuberekwazve. Marudzidziso mazhinjisa okuMadokero anodzidzisa kuti vakanaka vachaenda kudenga, nzvimbo isina kujeka, asi kana chiri chavachaitako, ivo havana chokwadi zvikuru. Mukupesana nouhwu uzivi hworudzidziso hunopa tariro duku zvikuru kana kuti revo kuupenyu hwavo, Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu akaitwa kuti afarikanye upenyu nokusingaperi pasi pano somutarisiri wapo. (Genesi 2:15-17; Isaya 45:18) Nokudaro tingasvika pakuziva kuti upenyu hunofanira kushandiswa kwete kungounganidza pfuma nokuzvibatira asi kubatira Mwari navamwe nenzira isiri youdyire.—Muparidzi 12:13; Mateo 22:37-39.

Kuwana Zvokwadi Neshamwari Dzechokwadi

Vamwe vanosundwa kuchinja rudzidziso rwavo nokuda kwezvimwe zvikonzero. Pakati pazvo paiva nechishuvo chokutsvaka zvokwadi yorudzidziso. Chokwadika, vanhu vazhinji vanorangarira kuti hakuna chinhu chakadai sezvokwadi yakakwana uye, sezvinotaura Bhaibheri, ivo ‘havatsvaki.’—Pisarema 10:4.

Asi kune avo vanotsvaka. Sakae, uyo anogara pakati peJapan, akabva pasekete imwe yechiBuddha achienda kuimwe kwamakore 25 kuti awane zvokwadi. Iye haana kutongogutswa. Sezvo iye aisvika panzvimbo dzomutoro musangano rimwe nerimwe, nguva dzose aiona zvinhu zvaimugumbura, zvakadai sokutengeserana, utere, uye kushandisa zvisakafanira. Iye akatoenda kuIndia kundotsvaka mavambo echiBuddha munzvimbo dzenhau umo Buddha aigara ndokudzidzisa. Iye akaodzwa mwoyo zvikuru nokuwana fariro shomanene zvikuru muchiBuddha munyika iyoyo yechiHindu. Ipapo mukurukurirano dzake neZvapupu zvaJehovha, iye akaudzwa kuti haasi marudzidziso ose akabva kuna Mwari asi akabva kumuvengi wake, Satani Dhiabhorosi.—1 VaKorinte 10:20.

Ikoku kwakakatyamadza Sakae, asi kwakamuparira kufunga ndokuongorora. Iye akarava bhuku rinonzi What Has Religion Done for Mankind?a uye zvimwe zvinyorwa zveBhaibheri. Iye akavamba kuona kuti nepo chiBuddha, chinoshandiswa muJapan, chakaita chinjo dzakawanda mumakore, Bhaibheri rakaramba risina kuchinja kwezviuru zvamakore. Pakupedzisira kunzvera kwake kwakabhadhara. Iye akawana zvokwadi yaakanga ave achitsvaka. Mufaro wake wakanga wakafanana nomufaro womurume womumufananidzo waJesu uyo akawana pfuma yakavanzwa mumunda: “Zvino nokufara kwake unoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo.”—Mateo 13:44.

Avo vakawana zvokwadi yorudzidziso vanoratidza “kunzwira ngoni” kuvamwe vari kuitsvaka. (1 Petro 3:8, NW) Kutaura idi, ushamwari hwavo norudo rwechokwadi pakuvamba zvinokwevera vazhinji kufundo yeBhaibheri. “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene,” akadaro Jesu. (Johane 13:35, NW) Ndokupi kwatinogona kuwana mugariro worudo wakadaro nhasi? Kazuhiko Nagoya, achinyora muchikamu chake cheThe Daily Yomiuri, yeTokyo, akatsinhira pamusoro penzira youshamwari yaakabatwa nayo paakashanyira nzvimbo yemisangano yeZvapupu zvaJehovha. “Nzira yavakanyemwerera nayo,” akadaro Nagoya, “kwakaita sokunge vakanga vandicherechedza kubva pamusangano wakapfuura uye vaifara kundiona zvakare.” Asi kwakanga kusina kudaro. “Ndakatarisisa zviso zvavo ndokuwana kuti ivo vaiva vaenzi chaivoivo.” Apo vamwe vanhu vaviri vakanyemwererawo, “Ndakanzwa ndichifara zvikuru,” anoyeuka kudaro Nagoya. “Ndiyo nzira vanhu ivavo vanonyemwerera nayo kumuenzi, apo vanomuona pane ipi neipi yemisangano yavo.”

Ushamwari norudo hausati uchingova zvawo muuyo wavanhu vanozivana zvakanaka nemhaka yokuti vanoungana munzvimbomo pahwaro hwenguva dzose. Muuyo wenyika yose wefundo yeBhaibheri nokushandiswa kwenheyo dzaro muupenyu hwavo. Vanhu vazhinji vakakokwa kupinda “Vachengeti Veperero” Kokorodzano Dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha dza 1985-86 munyika dzokumwe vakaororwa zvikuru norudo nomutsa zvakavaratidzwa navagamuchiri vavo. Varoorani vaduku vakabva Japan avo vakapinda kokorodzano muPhilippines vakatsinhira, kuti: “Apo isu tose takakumbanira pamwe chete nokuda kworwiyo rwokupedzisira, mumwe nomumwe achiimba mumutauro wake amene, takaororwa zvikuru. Takanzwa kwenguva yokutanga zvakunoreva kuva zvirokwazvo wouhama hwamarudzi ose.”

Pakupedzisira, vazhinji vachakuudza nezvechinjo huru dzakaitwa muupenyu hwavo somuuyo wokufunda Bhaibheri nokurishandisa. Vanhu vaiva nohunhu hwaichimbova hwakasiana samakwai namapere zvino vari kufambidzana norugare mugungano rechiKristu. (Isaya 11:6) Vamwe vakanga vakanyarara uye vasina ushamwari, vasingatani kushatirwa uye kunyange kutyisa. Vamwe vaiva nechinetso nokuora mwoyo. Vamwezve vaiva vanasinyerere navanozvifunga. Vazhinji vaiva netsika dzakashata dzokukurira. Asi kupfurikidza nenhamburiko yokushingaira, pamwe chete nechishuvo chokufadza Mwari, ivo vakakwanisa kuita chinjo huru.

Zvakadiniko newe? Ko chipi nechipi chezvikonzero zviri pamusoro apa zvokuita chinjo chinofadza kwauri here? Kana zvakadaro, tinokukurudzira kuita fundo yakakomba yeBhaibheri. Bhaibheri rinoratidza kuti marudzidziso ose enhema achabonderana naMwari weBhaibheri. Kufanana nomuchairi wendege adudzwa munyaya yapfuura, iwe ungafanira kuita chiito chikuru kuti uponese upenyu hwako noupenyu hwavadiwa vako. “Nzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa,” Jesu akadaro, “vanopinda nayo vazhinji; nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu.” (Mateo 7:13, 14) Hungu, kana iwe uri kufamba munzira “yakapamhama” iyoyo, pane chikonzero chakanaka chokuti uchinje rudzidziso rwako!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kurerwa kwangu kworumano kwechiBuddha nechiShinto kwakandiparira kufunga nezvaMwari somumwe munhu wokutya

[Mufananidzo uri papeji 7]

‘Nzira nhete inotungamirira kuupenyu’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe