Ndinofanira Kuchinja Rudzidziso Rwangu Here?
MUCHAIRI wendege akanga achangobva kusimuka paNaha Airport yeOkinawa akatakura vanhu 101. Kamwe kamwe iye akacherechedza ndege nhatu dzinoongorora mugariro wokunze dzakananga kwaari zvokubonderana. Achiita nokukurumidza, muchairi wendege akakurumidza kuenda kuruboshwe, nomutoo iwoyo achidzivisa bonderano yomumhepo, achiponesa upenyu hwake amene navanhu vake. Nhauro iyoyo yokupona nepaburi retsono, yakashumwa mupepanhau rokuchamhembe kweJapan, rinosanoratidzira kuti kuponesa upenyu chinjo huru munzira pane dzimwe nguva iri madikanwa.
Zvisinei, vanhu vazhinji vanorangarira kuti kuchinja rudzidziso rwomunhu inhau yakasiana. Rutyo rwakasimba runotanga. Kune rutyo rwokutanga kufamba munzira isina kurovedzeka. Mai Tachi, avo vakanga vafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, vakataura ivo vamene neiyi nzira: “Vanhu vazhinji vandinoziva vane panikiro pamusoro porudzidziso nokusimbisa kwarwo mari. Asi zvose zvatakaziva uye zvatakaona kubvira paupwere zvichienda mberi mitambo yorudzidziso netsika. Hatifungi zvikuru pamusoro perevo yomudzimu yehoji [munamato wechirangaridzo wapanhambo nenhambo wechiBuddha nokuda kwanyakuenda]. Tinofunga zvikuru nezvehoji senguva inofadza yokuva nehama dzokunyama navavakidzani. Mufungo wokurega zvose izvozvo, kana kuti zvakatoipa, kudzingwa nemhuri wakandityisa.” Uku kunzwa pamusoro porudzidziso zvimwe kunogoveranwa navanhu vari munzvimbo mako.
Kune rumwe rutyowo. Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanotya chimiro chakati chamatsive oumwari kana vakachinja rudzidziso rwavo. Mumwe mukadzi uyo akavamba kufunda Bhaibheri muJapan akaudzwa nehama dzake dzokunyama kuti iye akanga achiwana zvinetso zvoutano nemhuri nemhaka yokuti akanga “aregeredza vakare vake” ndokuwana kutsamwa kwavo kupfurikidza nokufunda “rudzidziso rwokumwe.”
Rumwe rutyo runodzivisa vanhu kuchinja rudzidziso rwavo ndirwo rutyo rwokutsamwisa mukwanyina kana kuti vabereki. Munyika dzakawanda dzokuMabvazuva, umo ruvimbiko kuvabereki nemhuri runorangarirwa sorunokosha zvikuru, mudzimai mutsva anowanzokarirwa kutsigira murangariro worudzidziso wemhuri maari kuroorwa. Kunyange kana vanyakuroorana vasiri vorudzidziso zvikuru, kuchengeta ukama hwakanaka nemhuri nokuchengeta mugariro worudzidziso zvinorangarirwa kuva zvinokosha zvikuru kwazvo. Vanyakuroorana vaduku vakarega fundo yavo yeBhaibheri pashure pokupinzwa mudzvinyiriro yakakomba pa“musangano wemhuri.” “Zvikurukuru, taiva norutyo rwomunhu,” anotsanangura murume, uyo gare gare akavambazve fundo. “Takanzwa kuti tinofanira kuteerera zvishuvo zvavabereki vedu, uye hatina kuda kuvakuvadza kupfurikidza nokuchinja rudzidziso rwedu.”
Uku kunoyeuchidza chimwe chikonzero nei vazhinji vachitya kuchinja rudzidziso rwavo: kusada kwakapararira kwokusarangarirwa savakasiana. Mumhuri yadudzwa pamusoro apa, chimwe chezvikonzero zvakapiwa navabereki zvokuti vanyakuroorana vaduku varege fundo yavo yeBhaibheri chaiva chokuti ivo vakanga vasingadi kuti vana vavo varangarirwe sevechienzi kana kuti vabviswe mumibato yenzanga.
Rutyo rwakasimba, naizvozvo, runobatanidzwa mumubvunzo unoti, Ndinofanira kuchinja rudzidziso rwangu here? Somuuyo, vazhinji vanova nomurangariro wouchenjeri, wokuti: ‘Hakukoshi chaizvoizvo kuti rudzidzisoi rwaunarwo, kunokosha here? Ko marudzidziso ose haasati achingova zvawo nzira dzakasiana-siana dzinotungamirira pamusoro pegomo rimwe chetero here?’ Pakunouya kurudzidziso, ivo, kufanana netsoko nhatu dzechirevo, havaoni chakaipa, havatauri chakaipa.
Asi vamwe vakachinja rudzidziso rwavo. Neiko? Nokuda kwechiverengero chakati chaivava, yaingovawo zvayo nhau yokukumbanira rumwe rudzidziso urwo rwakapikira utano hwokukurumidza kana kuti betsero dzemari, nepo panguva imwe cheteyo vachichengeta pfungwa dzavo dzorudzidziso dzamagamuchidzanwa nemiitiro. Asi nokuda kwavamwe, kwave kune chinjo chaiyoiyo neyakakwana. Iwe ungave uchishamisika kuti, kunyanguvezvo, ‘Pane zvikonzero chaizvoizvo zvakakwana here zvokuti ndichinje rudzidziso rwangu? Neiko vamwe vave vachidisa kuchinja? Chinjo ingagona kuva nomuuyo chaiwoiwo paupenyu hwangu here?’ Tinokukumbira kunzvera nyaya inotevera nokuda kwemhinduro.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Chii chinosunda vanhu kunamatira kutsika dzavo dzamagamuchidzanwa dzorudzidziso?