Haasati Achatyazve
Tsamba yakagamuchirwa misi ichangobva kupfuura iyi nehofisi yebazu yeGermany yeWatch Tower Society inorava, murutivi, kuti:
“Diana ane makore manomwe okukura uye akatambura nokufa mitezo kwakaparirwa nokukuvara kwouropi kuvambira pakuberekwa. Sezvo iye achifanira kupinda chikoro chaicho mamaira akawanda kubva kumusha, iye anofanira kurara madekwana panguva yechinomwe kuti agogona kumuka panosvika nguva yechitanhatu mangwanani anotevera. Iye aitya nguva dzose kuva oga mukamuri rake. Naizvozvo takaisamo rekodha yekaseti uye pakutanga tairidza makaseti enziyo, asi ikoku hakuna kubetsera. Kunze kwezvo, ndaida kuti ateerere chimwe chinhu chinodzidzisa chaaigona kunzwisisa.
“Ipapo mushonga unoshamisa wakasvika—makaseti akarekodhwa eBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Ndakamuwanira iwo, uye kamwe kamwe Diana akanga asati achatya. Iye akadzidza gumi dzenhau nomusoro—shoko neshoko—uye anoziva dzimwe zvakakwana zvakanaka zvokuziva chikanganiso chipi nechipi chaungaita mukudzirava kwaari, kunyange zvazvo iye amene achigere kugona kurava. Chibviro chokudzidza nhau 69, ‘Musikana Anobetsera Gamba,’ iye ave achitaura kuvadzidzisi vake nokuvana kuchikoro pamusoro penhau dzaanoziva.”
Ko idzi kaseti, pamwe chete nechinyorwa chine mifananidzo yakaisvonaka Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, zvingava wedzero yakanaka kumupakwa wamabhuku emwana wako here? Mwana akadini asati aizofadzwa nokuva nomutauri wenhau akadaro, akagadzirira kumuravira masikati kana kuti usiku? Idzi kaseti, pamwe chete nebhuku racho, zvinogona kuodhwa nokuzadza nokuposita kopani iri pasi apa.
Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, album yebrown vinyl namatepi ekaseti mana muchiNgezi eBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Ndinopfigira $18. [ ] Tumirai chinyorwa chine mifananidzo chine mapeji 256 Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, chandinopfigirira $4,00. [ ] Nyora murimwe kana kuti ose ari maviri uye tumira mupiro wakarurama.