Chatanuro Inofanira Kubvumirwa Here?
MUNA June 1986 vavhoti muIrish Republic vakavhota ne 3 kwa 2 kutsigira rambidzo yavo pachatanuro. Ikoku kwakaita kuti Republic yacho ive nyika bedzi muWestern Europe umo chatanuro ichiri isiri yapamutemo.
Sezviri pachena, pasinei zvapo nokukura kwemirangariro yamadiro nokufunga, murangariro wavanhu vazhinjisa pamusoro penhau yakazadzwa nemirangariro yakanyanduka yechatanuro uchiri unopesvedzerwa zvikuru kwazvo nomugariro wavo wekare. Dzinza, dzidzo, uye zvinhu zvomunzanga zvose zvinoita rutivi. Asi pazvinhu zvose, rudzidziso, kana kuti kushaikwa kwarwo, runoramba rwuri pesvedzero imwe inokosha zvikurusa.
Ndoupi uri murangariro wako wechatanuro? Kana vanyakuroorana vachinzwa kurarama pamwe chete kuchisuruvarisa uye vasingawirirane nenzira yakajeka, ko ivo vanofanira kubvumirwa kugumisa nhamo yavo kupfurikidza nokuwana chatanuro here? Iwe waizopindura sei uyu mubvunzo? Zvinokosha zvikuru, waizovakira mhinduro yako pachii?
Mirangariro Yakasiana-siana Neinorwisana
Nokuda kwamamirioni anobatirira kumipimo yeRoma Katurike, hakusati kuchimbova nechatanuro. “Muroorano yechiKristu,” inotsanangura kudaro The Catholic Encyclopedia, “hamusati muchitongogona kuva nechatanuro yakakwana [ine maruramiro okuroorazve], pashure pokunge roorano yangoitwa.” Zvisinei, Chechi yeRoma Katurike inobvuma kuparadza pamigariro yakati, uye uyu muitiro unoshandiswa zvikuru. Somuenzaniso, muna April 1986 The Denver Post yakashuma, kuti: “VaKaturike vomuno vari kukumbira kuparadzwa kwakawanda kwazvo kweroorano zvokuti Denver Archdiocese iri kupedzera $250 000 pavashandi vakawedzerwa nekomupiyuta kuti iwirirane nebasa.” Mushumo wacho wakataurazve kuti “muDenver Archdiocese, mune basa risati raitwa ramakore matatu renhau dzokuparadza 700.”
MaPurotesitendi mumazana amasangano kupota nyika akatarisana neboka guru remitemo yechechi nemirau pamusoro pechatanuro. Kazhinji kazhinji, zvisinei, zviremera zvePurotesitendi zvinobvumira chatanuro bedzi pazvikonzero zvakakomba. Asi chinorangarirwa kuva chakakomba chinogona kusiana zvikuru pachechi imwe neimwe. Mhaka dzakadai soupombwe, utsinye, uye kutiza dzinowanzogamuchirwa, asi hadzisati dzichitongova idzo bedzi. Mamwe masangano zvino ane mitambo yechatanuro neminamato pamwe nenziyo neminyengetero somumichato. Mumutambo mumwe wakadaro, “mhiko dzeroorano dzinoparadzwa. Vanyakuroorana vanopa mhete dzavo dzomuchato kumufundisi. Munamato unoguma neziviso inobva kumufundisi yokuti roorano yaparadzwa, uye vanyakuroorana vanobatana maoko,” inoshuma kudaro The New York Times.
VaJudha vane gamuchidzanwa rinoitwa kuti rishande namatare orudzidziso. Mitemo yavanarabhi inobvumira chatanuro pachibvumirano chavaviri chinoitwa navakwanyina kana kuti zvimwe pazvikonzero zvourema hwomuviri kana kuti mufambiro usingashivirirwi. Chatanuro inorangarirwa kuva yapamutemo, zvisinei, bedzi apo murume anopa “get,” kana kuti rugwaro rwechatanuro, uye ikoku kunogona kuva manyuko egakava. Nemhaka yepfundepfunde vamwe varume vanoramba kupa rugwaro, kana kuti vanorushandisa sechokuhwina nacho. “Ichi chinetso chakasiya zviuru zvavakadzi vechiJudha vanoshingaira vari mumugariro weroorano unorwadza,” akadaro Purezidhendi weNew York City Council Andrew Stein muhurukuro kuboka ravanarabhi, magweta, uye vamwe. Pasina get, rooranozve yomukadzi inorangarirwa kuva isiri yapamutemo, uye mwana upi noupi anoratidzirwa saasiri wapamutemo, kana kuti woupombwe, muNyika yazvino yeIsraeri.
Kana vari vasiri vorudzidziso navasingatendi kuvapo kwaMwari, avo sezvinofungwa vanotevera mutemo wenyika, nhau yacho ichiri isina kupfava. Ikoku imhaka yokuti mutemo wechatanuro unosiana munyika nenyika uye kunyange munharaunda nenharaunda mukati menyika imwe cheteyo. Chimwe chiremera chinoranga zvikonzero 50 izvo pazviri chatanuro yapamutemo ingawanwa mumativi akasiana-siana eUnited States. Izvozvi zvinobatanidza “mufambiro usakafanira wakakomba nouipi,” “pasina bviro ine mufungo yokuchengetwa kweroorano,” uye “kuramba kwomudzimai kutamira kuiyi nyika nomurume.” Munguva ichangobva kupfuura iyi, kunyange ufakazi hwokupedzisira hwepfungwa yechakarurama nechakaipa hwakabviswa neinowanzonzi chatanuro isina mhaka.
Uchiri Mugariro Unokangaidza
Kunyange zvazvo yakawanda yeiyi mitemo yakasiana-siana neinorwisana nemirau pachatanuro ichitaurwa kuva yakavakirwa paBhaibheri, yave ichibudirira here mukusimbisa gadziriro yeroorano kana kuti kutsigira mufarwa wavanhu? Mwero unowedzera wechatanuro—chatanuro imwe nokuda kweroorano mbiri dziri dzose mudzimwe nyika—inogovera mhinduro yakajeka. Mitemo iyoyi yave isati bedzi iri isingabudiriri mukusimbisa chisungo cheroorano asi iyo yakawedzerawo kunhamo nokutambura muupenyu hwamamirioni.
Nemhaka yaikoku, kunokosha kuti avo vanoitira hanya zvechokwadi kuita chiri chakarurama vawane chinotaura Bhaibheri chaizvoizvo paiyi nhau.