Akaongwa Nachiremba
Mumwe chiremba muFrankfurt, West Germany, uyo akanga akumbirwa kumutsidzira kuzvinyoresa kwake kwamagazini yeNharireyomurindi naMukai!, haana kungotumira bedzi mari yokumutsidzira asi akatsanangura, kuti:
“Ndinoshamiswa nguva dzose nokuwana kupiwa kukuru kwakadaro kwenyaya dzakanaka chaizvoizvo nedzinofadza zvikuru—zhinji dzadzo dzisiri dzorudzidziso—pamutengo wakaderera wakadaro. Kunyange zvazvo ndine nguva shomanene nokuda kwangu ndimene, madekwana angu aiwanzopedzwa ndakagonya mukamuri rangu rokutandara ndichirava magazini enyu nomwenje. Zvakare, ndinokutendai anodziya nokuda kwenhamburiko dzenyu.”
Kuregerereiko kufarikanya iwe umene aya mashoko okurava akaisvonaka? Unogona kuita kuti aya magazini anokosha aunzwe kumusha kwako kupfurikidza nokuzadza ndokuposita kopani inotevera.
Ndapota tumirai kuzvinyoresa kwegore kweNharireyomurindi naMukai! muchiNgezi. Ndinopfigira $16,00.