RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/1 pp. 30-31
  • Unokokwa ku“Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Dzoruwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokokwa ku“Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Dzoruwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Ruramisiro Yechokwadi Nokururama—Zvinobva Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Tevedzera Jehovha—Shandisa Ruramisiro Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Jehovha Anoda Kururama Neruramisiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/1 pp. 30-31

Unokokwa ku“Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Dzoruwa

MUSIKI wedu ane rudo, Jehovha Mwari, Mugoveri Mukuru akadini! Zvirokwazvo, “chipo chakanaka chiri chose nechipiwa chakakwana chiri chose” zvinobva kwaari. (Jakobho 1:17, NW) Nenzira yakakodzera, muPisarema 136 tinorava ka 26 kutaura kwokuti: “Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”

Pakati pegadziriro dzake dzomudzimu dzakawanda nokuda kwavanhu vake vakare pakanga pane mitambo mitatu yegore negore: Paseka noMutambo weZvingwa Zvisina Kuviriswa; Mutambo waMavhiki, kana kuti Pentekosta; uye Mutambo waMatumba, kana kuti Kuunganidza. Iyi mitambo mitatu yairangarirwa nekariro huru, nokuti yakanga iri zvose zviri zviviri inovaka mumudzimu nenhambo dzomufaro mukuru.—Revhitiko 23:40-43.

Munguva dzazvino uno, Jehovha Mwari akafungisa vabatiri vake kuvawo nemitambo mitatu yegore negore yomudzimu: zuva chairo regungano, gungano redunhu ramazuva maviri, uye kokorodzano yoruwa yamazuva matatu kana kuti mana. Iyoyi inobatirawo senguva dzokuvakwa mumudzimu nesonganiro yomufaro. Mukuwirirana nemishumo yakagamuchirwa panguva yokunyora kuno, vane 6 128 388 vakapinda “Vimba naJehovha” Kokorodzano Dzoruwa idzo dzakavamba muna June 1987, uye vane 85 091 vakabhapatidzwa. Gore rino Chapupu chiri chose chinotarira mberi kukupinda “Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Yoruwa.

Musoro wakaisvonaka nowakafanira zvakadini “Ruramisiro Youmwari”! Uye unokosha sei! Chokwadi, kunyange vanhu vasina kukwana vanongotaurawo ukoshi hweruramisiro. Ndokusaka varongi veUnited States Constitution makore 200 apfuura vakagovera kwete bedzi mapazu anotungamirira nemitemo ehurumende asiwo vatongi kuitira kuti donzo reruramisiro rigobatirwa. Zvisinei, mazana amakore pamberi paikoko, Jehovha Mwari amene akagovera zvikamu zvitatu zvehurumende, zvose zvinogara maari. Nokudaro, pana Isaya 33:22 tinorava, kuti: “Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirairo yedu, Jehovha ndiye mambo wedu.”

Kutaura idi, tinoudzwa kuti ruramisiro ndiwo mugumo, nharidzano, kana kuti donzo rehurumende. Asi nepo vachiziva iyi nheyo yakaisvonaka, pakunouya kukushandisa, vanhu vane udyire navasina kukwana vanokundikana zvikuru sei! Zvimiro zvose zvefungira mano yedzinza, yorudzi, yorudzidziso zvinongova mienzaniso yakawanda kwazvo yokupunzwa kweruramisiro. Ndozvakaitawo kushatiswa kwose kwesimba, kungava kuchiitwa nehurumende, masangano, masangano orudzidziso kana kuti vanhu vamwe navamwe.

Tinogona kuva vanotenda sei kuti Shoko raMwari rinotipikira rukundo rwokupedzisira rweruramisiro nokururama, nokuti Jehovha ndiye nenzira yakatanhamara Mwari weruramisiro! Ndokusaka Mosesi akaimba nezvake, achiti: “Iye ndiye dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Jehovha Mwari ane ruremekedzo rwakadaro rweruramisiro zvokuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi sechibairo kuitira kuti Iye agounza upenyu husingaperi kurudzi rwomunhu runoteerera. (VaRoma 3:25, 26) Nenzira yakarurama, Jehovha anoda avo vari vadi veruramisiro nokururama, kunyange sezvatinorava paPisarema 11:7, kuti: “Nokuti Jehovha wakarurama; unoda zvakarurama; wakarurama uchaona chiso chake.” Mukuwirirana neimwe shanduro, iye “akarurama uye anoda kubata kwakarurama.”—The New English Bible.a

“Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Yoruwa yedu ichasimbisa kutenda kwedu murukundo rwokupedzisira rwokururama. Ichasimbisawo kutsunga kwedu panguva dzose uye mumigariro yose kuteerera murairo uri pana Mika 6:8 woku“shandisa ruramisiro.” Iyi idenho chaiyoiyo nemhaka yekombamiro dzedu dzoudyire dzakagarwa nhaka nemiedzo yenyika ine udyire yakatipoteredza.

Munzvimbo dzakawanda zvikurusa, kokorodzano yacho ichatanga paChina masikati, uye zuva rimwe nerimwe richasimbisa musoro wakafanira, musoro wezuva rokutanga uchiva “Vanofara Ndaavo Vanochengeta Ruramisiro,” wakavakirwa paPisarema 106:3. Hurukuro chaiyo ichasimbisa kuti ruramisiro inoratidzira nzira dzose dzaMwari, uye ichateverwa nemishumo inobva kuvachengeti venguva yakazara veruramisiro, zvakadai savafundisi vanobva kunyika dzokumwe.

“Gamuchira Chirango Chinopa Uchenjeri” (wakavakirwa pana Zvirevo 1:3) ndiwo musoro weChishanu. Pairi zuva, hurukuro mbiri dzinokurukurwa navatatu dzichasimbisa ukoshi hwokuranga nohwokugamuchira chirango. Chinoitika chomuzuva razvino uno, “Vakaiswa Chiratidzo Nokuda Kwokupukunyuka,” chichasimbisa kudikanwa kwokuziviswa somumwe wavabatiri vaJehovha. Purogiramu yezuva ichaguma nezano rakaisvonaka zvikuru rokuti “Tarira Kuna Jehovha Nokuda Kwouchenjeri.”

Unokurudzira ndiwo musoro wezuva rechitatu, Chitanhatu: “Kutonga Kwake Ndokwechokwadi Uye Kwakarurama,” wakatorwa muna Zvakazarurwa 19:2. Inosimbiswa mumangwanani ndiyo hurukuro inoti “Rubhapatidzo Runotungamirira Kurutongeso Rwakanaka.” Purogiramu yamasikati ichavamba nehurukuro yavatatu ichapa zano vakuru rokuti “Batirai Nokuda Kweruramisiro Imene.” Iyoyi ichateverwa neimwe hurukuro yavatatu, ino musoro unoti “Nguva Yakagadzwa Yava Pedyo,” inobata namauporofita ari muMagwaro echiGiriki echiKristu anodeya kutaura rukundo rweruramisiro.

Svondo, zuva rechina nerokupedzisira rekokorodzano, rine somusoro waro “Ruramisiro—Unofanira Kutevera Ruramisiro.” (Dheuteronomio 16:20) Chakatanhamara mupurogiramu yamangwanani ndicho chinoitika chakaisvonaka nechakakodzera nguva “Kutonga kwaJehovha Pavanhu Vanozvidza Mutemo.” Shoko rinonyaradza zvirokwazvo nokuda kwavadi vose veruramisiro riri muhurukuro yavose yamasikati, “Ruramisiro Nokuda Kwavose Inoitwa Nomutongi Akagadzwa waMwari.” Vose vachawana betsero yakawanda muiyi hurukuro kana vakatanga kuzvirovedzanisa vamene naMabasa ganhuro 17. Nenzira yakakodzera, muhurukuro yokupedzisira, vose varipo vachapangirwa, “Pfuurirai Kutevera Ruramisiro Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo.”

Zvirokwazvo, madyo akapfuma omudzimu akamirira vose vanopinda rimwe re“Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Dzoruwa. Naizvozvo uya une chido chakanaka chomudzimu, uchiziva zvizere nezvechinodikanwa chako chomudzimu. Ratidza kuonga kumwe cheteko tafura yaJehovha kwaunoratidza pakupinda misangano yeungano yenyu yomunzvimbomo—kupfurikidza nenzira yaunotsvinda nayo, kupfurikidza nokusvika purogiramu isati yambotanga, uye kupfurikidza nokumirira munyengetero wokugumisa wezuva rimwe nerimwe. Ipa ngwariro chaiyo kurutivi rumwe norumwe rwapapurogiramu. Nyora zvinonyorwa; izvozvi hazvisati zvichizongokupa bedzi chimwe chinhu chokuyeuka kokorodzano nacho asi kuchakubetsera kupa ngwariro pamashoko sezvaanenge achipiwa.

Uye tisafuratira nheyo yakataurwa naJesu ndokunyorwa pana Mabasa 20:35: “Mukupa mune mufarwa mukuru kupfuura uri mukugamuchira.” Naizvozvo ita rutivi rwako kubetsera kokorodzano kushanda zvakanaka nezvinobudirira. Uye ngwarira nguva dzose mabanza okupupurira kwamasanga. Ziva ikoku zvikuru, nokuti hakuna nguva yakatsaurirwa yokupupurira paimba neimba mukati mekokorodzano. Munzira dzose dzakadaro, unogona kuratidzira kuti iwe zvamazvirokwazvo uri muchengeti anofara weruramisiro.

Ungaonana neZvapupu zvaJehovha zvomunzvimbomo nokuda kwenzvimbo yekokorodzano iri pedyosa newe

[Mashoko Omuzasi]

a Zvikurukuru, hapana musiano pakati peruramisiro nokururama, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji ruramisiro ane batano dzomutemo.—Enzanisa na 2 Timotio 2:22; Jakobho 1:20, New World Translation uye The New English Bible.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe