Chinetso Chokutevera Tsoka Dzake
“Nokuti Kristu akakutamburirai ndokukusiirai muenzaniso chaiwo, kuitira kuti mugotevera tsoka dzake.”—1 PETRO 2:21, Phillips.
1, 2. (a) Chii chinogona kuva muedzo chaiwoiwo, uye neiko ichochi chiri chefariro kumaKristu? (b) Mibvunzoi inomutswa pano?
KO iwe wakambofamba here mumhenderekedzo yegungwa ine jecha kana kuti uchigura nzvimbo ine sinou ndokuzviwana umene washamiswa nomutoo wetsoka dzakasiiwa nomumwe munhu akafambamo pamberi pako? Ko iwe zvichida wakatosarudza here tsoka dzakati ndokuedza kudzitevera, uchiwiriranisa nhanho dzako umene nadzo chaizvoizvo sezvinobvira? Kana kwakadaro, wakawana kuti kwakanga kusiri nyore. Kutaura idi, kusanotevera tsoka dzomumwe—kungava chaikoiko kana kuti zvimwe nokufananidzira—chinetso chaichoicho. Asika, kupfurikidza nokuzvidana timene kuti maKristu, takaratidzira chishuvo chedu chokuita izvozvo chaizvo, kusanotevera nhanho dzaKristu.
2 Ko iwe unodisa here kushandisa nhamburiko iri madikanwa kuti utarisane neichi chinetso nenzira inobudirira? Kupfuura izvozvo, ko iwe wakatsunga here kuita saizvozvo, chauya chauya? Kana kwakadaro, kunzwisisa zvizere zvitambudzo zvokutevera tsoka chaidzoidzo kuchakuita kuti ubudirire zvikuru mukutevera tsoka dzokufananidzira dzaKristu.
Dzidza Kuwirirana
3. Neiko kutevera tsoka dzomumwe munhuwo zvake kuchiratidzika pakutanga kuva kusiri kwomuzvarirwo?
3 Munhu ari wose ane nzira yakasiana yokufamba. Urefu hwenhanho, somuenzaniso, hunosiana pamunhu nomunhu, sezvinoita nzvimbo panoisa munhu tsoka dzake. Minwe yake ingananga mberi, kana kuti kupinda mukati kana kuti kubuda kunze sezvinobvira zvikuru tsoka imwe ichibuda kunze kana kuti kupinda mukati kupfuura imwe yacho. Ko iwe unoona chinetso chacho here? Kuti usanotevera tsoka dzomumwe, unofanira kuwiriranisa urefu hwako hwenhanho nenzvimbo yetsoka norwake. Pakutanga ikoku kucharatidzika kuva kusiri kwomuzvarirwo, asi kunofanira kuitwa. Hakuna imwe nzira.
4. Neiko kutevera tsoka dzaJesu kuri muedzo chaiwo?
4 Nzira yaKristu yokufamba, kutaura nenzira yokufananidzira, yakanga yakasiana, nokuti pakati pavararami vapanguva imwe cheteyo naye vake iye oga akanga ari munhu akakwana, “munhu asina kuziva chivi.” (2 VaKorinte 5:21, NW) Sezvo vanhu nomusikirwo vari vatadzi vasina kukwana, kufamba mutsoka dzaJesu hakusi nzira yavo yomuzvarirwo yokufamba. Pauro akayeuchidza maKristu aiva muKorinte nezvaikoku, achiti: “Nokuti muchiri wenyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here?” Kombamiro dzokugodo negakava, “mabasa enyama,” ndedzomuzvarirwo nokuda kwavanhu vasina kukwana, asi Jesu akafamba munzira yorudo, uye “rudo haruna godo, . . . harutsamwi.” Naizvozvo kufamba mutsoka dzaKristu kunopa chinetso chikuru kupfuura kudai tikakumbirwa kungotevera tsoka dzomumwe munhu asina kukwana.—1 VaKorinte 3:3; 13:4, 5; VaGaratia 5:19, 20; onawo VaEfeso 5:2, 8.
5, 6. (a) Neiko vanhu vazhinji vakakundikana kutevera tsoka dzaKristu, kuchitungamirira Pauro kupa zanoi? (b) Vanhu vari kukurudzirwa sei kufamba mutsoka dzaKristu nhasi, nomuuyoi nokuda kwavo?
5 Kunze kwokusakwana, kusaziva kuda kwaMwari kunogonawo kudzivisa mumwe munhu mukufamba mutsoka dzaKristu. Pauro nokudaro akapangira maKristu eEfeso kuti, “musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo.”—VaEfeso 4:17, 18.
6 Kupfurikidza nebasa rokuparidzira Umambo, vanhu nhasi vari kukurudzirwa kurega kufamba munzira yavo yomuzvarirwo, vasingazivi madonzo aMwari, vari murima mundangariro, vachisundwa nomwoyo yakaoma inotsvaka nharidzano dzisina maturo. Ivo vari kukurudzirwa kuwirirana nomuenzaniso wakakwana waKristu, “kufamba muhumwe naye,” nokudaro “vachipinza mufungo uri wose muutapwa kuuita kuti uteerere Kristu.” (VaKorose 2:6, 7; 2 VaKorinte 10:5, NW) Vanhu vanodisa kutarisana neichi chinetso vakatsiga mukutenda kwavo. Sezvavanojaira kufamba munzira yakafamba nayo Kristu, kunova kuri nyore nenzira inofambira mberi nokuda kwavo.
7. Chipikirwai chatinacho chokuti, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji kuri chinetso, kutevera tsoka dzaJesu kunobvira?
7 Kazhinji kazhinji, zvisinei, chinetso. Musiano uri pakati pechisikwa chakakwana nechisina kukwana mukuru. Naizvozvo zvisikwa zvisina kukwana zvinofanira kuita chinjo huru kuti zviedze kutevera muenzaniso wakakwana. Vamwe vanhu, nemhaka zvichida yenhaka kana kuti mhoteredzo, vane chitambudzo chikuru chokuwirirana nenzira yaKristu youpenyu kupfuura zvinoita vamwe. Asi Jehovha anotipikira kuti munhu upi noupi anodisa chaizvoizvo kuzvishandisa amene anogona kukuita. “Ndingaita zvose naiye unondipa simba,” akadaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:13; onawo 2 VaKorinte 4:7; 12:9.) Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvamaKristu ose.
Ipa Ngwariro
8, 9. (a) Neiko ngwariro isina kukamuraniswa nokupa pfungwa yakakomba kuri madikanwa pakutevera tsoka dzomumwe munhu? (b) Kutevera zanoi reBhaibheri kuchatidzivisa kubva mutsoka dzaJesu?
8 Hatigoni kutevera tsoka chaidzoidzo pasina kungwarira patiri kutsika. Kana meso edu akadzungaira—achitarira pazvinhu zviri kuitika makatipoteredza kana kuti pazvimwe zvinhu—tinosungirwa kupotsa nhanho nokukurumidza. Kutoti tikapa ngwariro isina kukamuramiswa ndokufungisisa zvikuru, tichabva mutsoka dzatinofanira kuva tichitevera. Nokudaro, nguva dzose pane kudikanwa kwokungwarira, zvikurukuru apo mheremhere dzakamwe kamwe kana kuti zvimwe zvinotsausa zvisingakarirwi zvingabvisa ndangariro yedu pabasa riri kuitwa.—Enzanisa naJobho 18:10, 11.
9 Nenzira yokufananidzira, ikoku ndokwechokwadiwo nezvaavo vari kutevera tsoka dzaJesu. Jesu akanyevera vateveri vake kusanopa ngwariro kwavari vamene, kutyira kuti mwoyo yavo “ingaremedzwa nokudyisa nokunwisa nefunganyo dzoupenyu.” (Ruka 21:34, NW) Satani anoshandisa izvi zvinotsausa zuva nezuva kutiparira kubvisa meso edu patsoka dzaJesu. Iye anokurumidza kutibvurira kupfurikidza nokushandisa migariro isingakarirwi, zvakadai sechishoro, chirwere, kana kuti zvinetso zvemari. Kuti tive nechokwadi “chokuti tisatongokukurwe,” tinofanira “kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose kuzvinhu zvakanzwiwa,” namamwe mashoko, kuchengeta meso edu akasanonangidzirwa zvikuru panhanho dzaKristu kupfuura nakare kwose.—VaHebheru 2:1, NW; onawo 1 Johane 2:15-17.
Usatsauka
10. (a) Ingozii inovapo apo tsoka dzinogurana? (b) Mupfungwa yomudzimu, neiko miuyo yokutevera tsoka dzakaipa yakakomba?
10 Pamhenderekedzo yegungwa, pane vanhu vakawanda pangava netsoka dzinoverengeka mujecha nyoro, uye mamwe makwara etsoka angagura dzatiri kutevera. Tsoka dzakawanda, nechapamusoro, dzingafanana. Kunokosha sei kuva nechokwadi chokuti tiri kutevera dzakarurama! Kukasadaro tingatsauswa ndokutevera nzira yakaipa. Mupfungwa yomudzimu, ikoku kungagona kuva nemiuyo yakakomba. Ngozi iri mukutevera tsoka dzingatarisika kuva dzakarurama asi idzo chaizvoizvo dzisiri inoratidzwa muchirevo chinonyevera, kuti: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu.”—Zvirevo 16:25.
11. Inyeveroi yakapa Pauro maKristu apakuvamba, ichigadza muenzaniso nokuda kwavanaani nhasi?
11 Nemhaka yeiyi ngozi chaiyoiyo zvikuru, Pauro akanzwa agombedzerwa kunyevera hama dzake dzaiva muungano yechiKristu yapakuvamba, kuti: “Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe evhangeri. . . . Asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura evhangeri yaKristu. . . . Akakuparidzirai imwe evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.” (VaGaratia 1:6-9) Mukuwirirana nomuenzaniso waPauro, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha nhasi unotinyevera nezvavawi pakutenda nehama dzenhema idzo dzinoisa, sokunge zvakadaro, tsoka dzechipameso. MaKristu echokwadi haadi kubva munzira iyo Kristu akaisa pamberi pawo panhungamiro yaMwari.—Pisarema 44:18.
12. (a) Timotio Wechipiri 1:13 inogona sei kutibetsera kudzivisa kutsauswa ndokupinda mukutevera tsoka dzechipameso? (b) Chii chinoratidzira mamwe marudzi amashoko akanaka?
12 Kupfurikidza nokusanopa ngwariro kuzviratidzo zvinozivisa zvetsoka dzaKristu, tinodzivisa kutsauswa. Zivo yakarurama pamusoro paJesu, pamusoro pedzidziso dzake, uye pamusoro penzira inoshanda nayo ungano yechiKristu inotibetsera kuziva “mutoo wamashoko akanaka” uyo unotidzivirira paavo “vanoshatisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (2 Timotio 1:13, NW) Mamwe marudzi aanonzi mashoko akanaka—chaizvoizvo, tsoka dzechipameso—anokundikana kupinda mumutoo iwoyo wezvokwadi. Iwo anoushatisa, achibudisa pikicha mufokasi. Panzvimbo pokujekesa zvokwadi nenheyo dzehwaro dzeBhaibheri, ivo vanozvipikisa. Panzvimbo pokutikurudzira kumubato mukuru zvikuru mubasa raJehovha, ivo vanoita nharo vachida kuderera. Shoko ravo harina kunanga uye harirumbidzi zita raJehovha nesangano; rakashata, nderokuwanira mhaka, uye nderokutsoropodza. Zvamazvirokwazvo, idzi hadzisi tsoka dzatinoda kutevera.
Chengeta Nhanho Yakafanira
13. Nhanho inobatanidzwa sei patinenge tichitevera tsoka dzomumwe munhu?
13 Patinofamba, urefu hwenhanho yedu hunotapura murutivi nokukurumidza kufamba kwatinoita. Kazhinji kazhinji, tikafamba nokukurumidza zvikuru, nhanho yedu inovawo refu; tikafamba zvishoma zvikuru, inovawo pfupi zvikuru. Nokudaro, kuchava kuri nyore zvikuru nokuda kwedu kutevera tsoka chaidzoidzo dzomumwe munhu kana tikagadziridza nhanho yedu kuti iwirirane neyake. Nenzira yakafanana, kuti tifambe nenzira inobudirira munhanho dzokufananidzira dzoMutungamiriri wedu, Jesu Kristu, tinofanira kuchengeta nhanho yake.
14. (a) Tingasawirirana naJesu munzirai? (b) Neiko huri upenzi kuedza kukurumidza kufamba kupfuura “muranda akatendeka nowakachenjera”?
14 Kusawirirana naKristu kungagona kureva chimwe chezvinhu zviviri. Zvimwe tinoedza kukurumidza zvikuru, tichimhanyira mberi kwo“muranda akatendeka nowakachenjera” uyo Jesu ari kushandisa kuita donzo raJehovha, kana kuti tinononoka tiri shure mukutevera nhungamiro yo‘muranda’ iyeyo. (Mateo 24:45-47, NW) Somuenzaniso wechokutanga, mamwe maKristu munguva yakapfuura akava asingashiviriri pamusoro pechinjo dzorudzidziso kana kuti dzesangano kana kuti kunatsa izvo iwo akarangarira kuti zvakanga zviri madikanwa uye zvanonoka. Achiva anoodzwa mwoyo nemhaka yokuti akarangarira kuti zvinhu zvakanga zvisiri kufamba nokukurumidza zvakakwana, iwo akabva muvanhu vaJehovha. Hupenzi hwakadini uye kuona zviri pedyo sei! Kazhinji kazhinji chinhu chimene icho chakaakangaidza gare gare chakachinjwa—munguva yakafanira yaJehovha.—Zvirevo 19:2; Muparidzi 7:8, 9.
15. Mambo Dhavhidhi naJesu vakanga vari sei mienzaniso yakanaka yokuchengeta nhanho yakafanira?
15 Nzira youchenjeri kumirira Jehovha kuti aite chiito panzvimbo pokuedza kuraira nhanho inofanira kuitika nayo zvinhu. Mambo wakare Dhavhidhi akagadza muenzaniso wakafanira. Iye akaramba kurangana kurwisana naMambo Sauro mukuedza kuda umambo nguva yakafanira yaJehovha yokuhupa kwaari isati yasvika. (1 Samueri 24:1-15) Nenzira yakafanana, “Mwanakomana waDhavhidhi,” Jesu, akaziva kuti aizofanira kumira kuti apinde zvizere muumambo hwake hwokudenga. Iye aiziva kutaura kwouporofita uko kwakashanda kwaari: “Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” Naizvozvo apo boka ravaJudha rakada “kumubata kumuita mambo,” Jesu akakurumidza kuenda. (Mateo 21:9; Pisarema 110:1; Johane 6:15, NW) Makore 30 gare gare, mukuwirirana naVaHebheru 10:12, 13, Jesu akanga achiri kumirira umambo hwake. Kutaura idi, iye akamirira anodokusvika makore ane mazana 19 asati agadzwa saMambo ane maruramiro woUmambo hwaMwari pakugadzwa kwahwo muna 1914.
16. (a) Enzanisira kuti tinganonoka zvikuru sei kufamba kupfuura zvatinofanira. (b) Chii chiri donzo reshiviriro yaJehovha, uye tinofanira kudzivisa sei kushatisa shiviriro iyoyo?
16 Kukundikana kuchengeta nhanho yakafanira, zvisinei, kungagona kurevawo kuderera, kunonoka uri shure. Nokudaro, apo Shoko raMwari rinoratidzira kuti chinjo dzinofanira kuitwa muupenyu hwedu, tinoita pasina kunonoka here? Kana kuti tinoita nharo here kuti sezvo Mwari achishivirira, tinogona kunonotsa kuita chinjo dzakadaro kutosvikira gare gare, tichikarira kuti kungava kuri nyore panguva iyoyo? Chokwadi, Jehovha anoshivirira. Asi uku hakusati kuri kuti tiregeredze pamusoro pokuita gadziridzo dzinodikanwa. Panzvimbo pezvo, “iye anokushivirirai nemhaka yokuti haasati achishuva kuti upi noupi aparadzwe asi anoshuva kuti vose vasvike parupfidzo.” (2 Petro 3:9, 15, NW) Kuri nani zviri sei, ipapoka, kutevedzera wezvamapisarema uyo akati: “Ndakakurumidza, handina kunonoka kuchengeta mirairo yenyu.”—Pisarema 119:60.
17. Kuchengeta nhanho yakafanira kunei chokuita nokuparidzira Umambo, kuchititungamirira kukuzvibvunza mubvunzoi?
17 Kunonoka uri shure kungagonawo kubatanidza kuparidzira Umambo. Mukuwirirana naMateo 25, Jesu panguva ino ari kutonga rudzi rwomunhu, achibvisa “makwai” mu“mbudzi.” Ikoku kuri kuitwa zvikurukuru kupfurikidza nokuparidzirwa kwa“aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 24:14, NW; 25:31-33; Zvakazarurwa 14:6, 7) Nguva yakagoverwa kuita iri basa rokuparadzanisa yakaganhurirwa nenzira iri madikanwa. (Mateo 24:34) Sezvo nguva inowanika ichiswedera kumugumo, tinogona kukarira Jesu kukurumidzisa basa. Mukuita saizvozvo, iye ari kushanda sechombo chaMwari, uyo, achitaura nezvebasa rokuunganidza, anopikira, kuti: “Ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Savashandi biyake vaMwari, vanosanotevera tsoka dzoMwanakomana wake, tiri kukurumidzisa here nhanho yedu yokuparidzira Umambo kusvikira patambanuko inobvumira mugariro wedu womuviri nemitoro yapaMagwaro? Mishumo yebasa romumunda inoratidzira kuti mamirioni eZvapupu zvaJehovha ari kudaro!
Dzivisa Kunyanyova Nechivimbo, Rwisa Kuora Mwoyo
18. Neiko mumwe munhu angava anonyanyova nechivimbo, uye Bhaibheri rinonyevera sei nezveiyi ngozi?
18 Kana tikapfuurira kwenguva refu tichitevera tsoka dzomumwe munhuwo zvake, nzira yake yokufamba inova yomuitiro zvikuru nokuda kwedu. Kana, kunyanguvezvo, tikava vasingakendengi, nokukurumidza tichapotsa nhanho. Nokudaro, pakutevera nhanho dzokufananidzira dzaJesu, tinofanira kuziva ngozi yokunyanyova nechivimbo, kuvimba nokusangwarira nesimba redu timene nemano, tichirangarira kuti takabata nzira yake yakakwana yokufamba. Chinoitika chaPetro chakanyorwa pana Ruka 22:54-62 chinobatira senyevero yakakodzera nguva. Icho chinosimbisawo uzvokwadi hwa 1 VaKorinte 10:12, iyo inoti: “Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.”
19. (a) Chii chinoitika kumuKristu ari wose panguva nenguva? (Jakobho 3:2) (b) Tinofanira kurangarira sei mashoko aPauro ari pana VaRoma 7:19, 24?
19 Nemhaka yokusakwana, muKristu ari wose achaita mhosho panguva nenguva. Musiano wacho ungava muduku, usinganyatsooneka kuvamwe. Kana kuti kungava kupotswa kunooneka kwakadaro kwechiratidzo zvokuti kuchaonwa navose. Muchinoitika chimwe nechimwe, kunonyaradza sei kuyeuka kubvuma kwokutendeseka kwaPauro: “Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi ndizvo zvandinoita. Ndiri munhu uri pakutambudzika!” (VaRoma 7:19, 24) Chokwadika, aya mashoko haasati achifanira kurangarirwa sepembedzo yokuita zvakaipa. Panzvimbo pezvo, iwo ikurudziro kumaKristu akazvipira anorwisana nokusakwana, inoabetsera kupfuurira mukuedza kwawo kusangana nechinetso chokufamba mutsoka dzakakwana dzaJesu.
20. (a) Zvirevo 24:16 inotibetsera sei munhangemutange yedu youpenyu? (b) Tinofanira kuva vakatsunga kuitei?
20 “Nokuti munhu wakarurama ungawa kanomwe, achisimukazve,” inodaro Zvirevo 24:16. Munhangemutange yedu youpenyu, hakuna munhu anofanira kunzwa achisundwa kurega. Iyi nhangemutange yakafanana nenhangemutange refu, nhangemutange yetsungiriro, kwete kumhanya mayadhi ane zana. Mhosho dukusa yomumhanyi sezvingabvira zvikurusa ichamuparira kurasikira nenhangemutange yacho. Asi mumhanyi wenhangemutange refu zvikuru, kunyange kana akagumbuka, ane nguva yokunaya ndokupedza kumhanya. Naizvozvo apo chikanganiso chomunhu oga chakati chinokuita kuti udanidzire kuti, “Ndiri munhu uri pakutambudzika!” yeuka kuti uchine nguva yokunaya. Uchine banza rokuwirirana noMutungamiriri wako, Jesu Kristu. Hapana chikonzero chokusava netariro! Hapana chikonzero chokurega! Tsunga, nebetsero youmwari, kusangana nenzira inobudirira nechinetso cho‘kusanotevera tsoka dzaJesu.’—1 Petro 2:21.
Neiko maKristu achifanira
◻ kudzidza kuwirirana?
◻ kupa ngwariro isina kukamuraniswa?
◻ kurangarira mutoo wezvokwadi?
◻ kuchengeta nhanho yakafanira?
◻ kudzivisa kunyanyova nechivimbo?
◻ kurwisa kuora mwoyo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kupfurikidza nokungwarira nharidzano yake, akarurama achasimuka zvamazvirokwazvo