RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 68 p. 162-p. 163 ndim. 7
  • Mwanakomana waMwari Ndiye “Chiedza Chenyika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwanakomana waMwari Ndiye “Chiedza Chenyika”
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidzisazve Pazuva Rechinomwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 43—Johane
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Jesu Nababa Vake Vamwe Chete, Asi Haasi Mwari
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Baba Vavo ndiAbrahamu Here Kana Kuti ndiDhiyabhorosi?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 68 p. 162-p. 163 ndim. 7
Jesu anodzidzisa patemberi usiku

CHITSAUKO 68

Mwanakomana waMwari Ndiye “Chiedza Chenyika”

JOHANI 8:12-36

  • JESU ANOTSANANGURA KUTI MWANAKOMANA NDIANI

  • VAJUDHA VARANDA PAKUDII?

Pazuva rechinomwe rinova zuva rekupedzisira reMutambo Wematebhenekeri, Jesu ari kudzidzisa ari ‘munzvimbo inoiswa pfuma’ mutemberi. (Johani 8:20; Ruka 21:1) Umu munofanira kuva muChivanze Chevakadzi, munoisirwa mari dzemipiro nevanhu.

Pamutambo uyu kana huri usiku nzvimbo iyi inenge yakavhenekwa zvakasiyana nedzimwe. Pane mazirambi mana ane pokuisira mafuta pakakura. Chiedza chinobva pamarambi aya chakanyatsojeka zvokuti chinosvika kure. Zvava kutaurwa naJesu zvinogona kuyeuchidza vateereri vake nezvechiedza ichi paanoti: “Ndini chiedza chenyika. Anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”—Johani 8:12.

VaFarisi vanoramba mashoko aJesu voti: “Unozvipupurira; kupupurira kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu anovapindura achiti: “Kunyange kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva nokwandiri kuenda. Asi imi hamuzivi kwandakabva nokwandiri kuenda.” Anowedzera kuti: “MuMutemo wenyu makanyorwa kuti, ‘Uchapupu hwevanhu vaviri ndohwechokwadi.’ Ndini ndinozvipupurira, uye Baba vakandituma vanondipupurira.”—Johani 8:13-18.

Vachiramba zvaari kutaura, vaFarisi vanobvunza kuti: “Baba vako vari kupi?” Jesu anobva avapindura asingatendereri kuti: “Hapana wamunoziva, ini kunyange Baba vangu. Kudai maindiziva, maizozivawo Baba vangu.” (Johani 8:19) Kunyange zvazvo vaFarisi vachiri kuda kusunga Jesu, hapana kana anombomubata.

Jesu anodzokorora mashoko aambotaura okuti: “Ndiri kuenda, muchanditsvaka, asi imi muchafira muchivi chenyu. Hamungauyi kwandiri kuenda.” Mashoko evaJudha anoratidza kuti havana kutombonzwisisa zvaari kureva pavanoti: “Asi achazviuraya? Nokuti ari kuti, ‘Hamungauyi kwandiri kuenda.’” Havanzwisisi zviri kurehwa naJesu nekuti havazivi kwaakabva. Anotsanangura kuti: “Imi munobva munzvimbo dziri pasi; ini ndinobva kunzvimbo dziri kumusoro. Imi munobva munyika ino; ini handibvi munyika ino.”—Johani 8:21-23.

Jesu ari kutaura kuti akamborarama kudenga asati auya pasi pano uye kuti ndiye Mesiya kana kuti Kristu, munhu anofanira kunge ari kutotarisirwa kuti achauya nevatungamiriri vechitendero ava. Asi vanomubvunza zvekumushora vachiti: “Ndiwe ani?”—Johani 8:25.

Vachimuramba uye vachimupikisa kudaro Jesu anovabvunza kuti: “Ndiri kumbotaurirei nemi?” Kunyange zvakadaro anoenderera mberi achitaura nezvaBaba vake otsanangura kuti sei vaJudha vachifanira kuteerera Mwanakomana achiti: “Uya akandituma ndowechokwadi, uye ndiri kutaura munyika zvinhu chaizvo zvandakanzwa kwaari.”—Johani 8:25, 26.

Jesu anobva aratidza kuti anovimba naBaba vake kusiyana nevaJudha ava achiti: “Pamunenge mangosimudza Mwanakomana womunhu, muchabva maziva kuti ndini iye, uye kuti handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba. Iye akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.”—Johani 8:28, 29.

Asi vamwe vaJudha vanotenda muna Jesu, uye anoti kwavari: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:31, 32.

Vamwe havatombonzwisise pfungwa yekusunungurwa iyi. Vanoramba pfungwa yacho vachiti: “Tiri vana vaAbrahamu uye hatina kumbova varanda chero vomunhu upi zvake. Sei uchiti, ‘Muchasunungurwa’?” VaJudha vanoziva kuti pane pavaimbotongwa nedzimwe nyika, asi havadi kunzi varanda. Asi Jesu anoratidza kuti vachiri varanda paanoti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose anoita chivi muranda wechivi.”—Johani 8:33, 34.

Kusabvuma kuri kuita vaJudha kuti varanda vechivi kuchavapinza pakaoma. Jesu anotsanangura kuti: “Muranda haarambi ari mumba nokusingaperi; asi mwanakomana anoramba aripo nokusingaperi.” (Johani 8:35) Muranda haana kodzero yekuwana nhaka uye anogona kungodzingwa chero nguva. Mwanakomana akaberekerwa mumba kana kuti akagamuchirwa kuti ave mwana wemumba imomo ndiye ega anoramba aripo “nokusingaperi,” kureva kuti chero bedzi achiri mupenyu.

Saka chokwadi nezveMwanakomana ndicho chokwadi chinosunungura vanhu zvachose pachivi chinouraya. Jesu anoti: “Kana Mwanakomana akakusunungurai, chokwadi muchava vakasununguka.”—Johani 8:36.

  • Munzvimbo inoiswa pfuma munenge makamira sei usiku mazuva emutambo, uye Jesu anozvishandisa sei pakudzidzisa kwake?

  • Jesu anotaura kuti kudii nezvekwaanobva, uye izvozvo zvinoratidza kuti ndiani?

  • VaJudha varanda pakudii, asi chokwadi chichavasunungura ndechipi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe