Apo Vana Vanova Navana
“IYE AKARATIDZIKA sechimwe chinhu chomurungano,” mumwe mukadzi muduku watichadana kuti Sharon anoyeuka kudaro nenzira inorwadza. “Iye aisindiudza nguva yose kuti aindida uye kuti kana musikana wake akaita pamuviri, haasati aizotongomusiya.”
Rimwe zuva Sharon akashanyira chiremba wake kundonzvererwa yaakanga achifunga kuti yakanga iri apendekisi; kwakaitika kuti iye akanga ane pamuviri pemwedzi mitatu. “Ndakadana mukomana wangu nokukurumidza,” Sharon anoyeuka kudaro. Kuita kwake? “Unofanira kubvisa pamuviri! Ingopabvisa!” Rungano rwakanga rwava chinhu chinotyisa.
Vasikana vechiduku vanodokusvika mirioni imwe muUnited States moga vanova napamuviri gore rimwe nerimwe. United States ine musiano unopanikirika wokuva nomwero wakakwirira zvikurusa wapamuviri pavechiduku pakati penyika dzakabudirira—nyika bedzi umo mwero wacho wakawedzera mumakore achangobva kupfuura. Zvisinei, fundo yenyika 37 yakaitwa neThe Alan Guttmacher Institute inozivisa kuti pamuviri pakati pevechiduku vasina kuroorwa chinetso chenyika yose.
Vaongorori Black naDeBlassie vakanyora mumagazini inonzi Adolescence, kuti: “Vasikana vezera rechikoro vanova napamuviri vanobva mumapoka ose enzanga nomugariro wemari uye muzvikoro zvose zviri zviviri zvehurumende nezvavanhu. Marudzi ose, marudzidziso ose, uye mativi ose enyika, omuruwa noomudhorobha, anomirirwa.” Nokuda kwechikonzero nei mwero yokubereka yakakwirira zvikuru pakati pavasikana vanobva mumhuri dzine urombo kana kuti dzavashoma, Journal of Marriage and the Family inoti: “Vasikana vachena nevoM[ugariro] wakakwirira zvikuru weN[zanga] noweM[ari] vanobvisa pamuviri kazhinji kazhinji zvikuru.”
MuUnited States, vakadzi vari pasi pamakore 20 ezera vanosvika chikamu chimwe chezvitatu chokubvisa pamuviri kwose kwapamutemo. Takafuratira kurangarira tsika, chisarudzo chokubvisa pamuviri kazhinji kazhinji chinobvumikisa kuva chakaoma kurarama nacho. “Ndidavirei,” anoyeuka kudaro mumwe mukadzi uyo akabvisa pamuviri achiri wechiduku, “kunokuvadza kuziva kuti ndakanga ndiri musakisi wokuponda, kuponda uko nyajambwa asati achizotongoziva kuti ndino urombo sei.”
Kutsvaka Mhinduro
Kuzvidzwa kwenzanga, roorano dzisina kugadzikana, urombo—izvozvi miuyo inozivikanwa navose yapamuviri pevechiduku. Hakushamisi, ipapoka, kuti iyi nhau yazova chinhu chikuru chengwariro chavadzidzisi, vanachiremba, vezvamatongerwe enyika, uye vabereki. Vamwe vanoda gadziriro dzedzidzo yevatano, kunyange kuraira kuti zvinodzivisa kunamba pamuviri neyamuro dzokubvisa pamuviri zviitwe kuti zviwanike nyore nyore kupwere.
Kunyanguvezvo, dzimwe pwere dzine zvinodikanwa zvemirangariro zvokuti dzidzo yevatano haigoni kugutsa. Vamwe vasikana, somuenzaniso, vakada zvomenemene kuva napamuviri! Mumwe musikana muduku akati: “Ndakaedza kupinda muchinetso kuti ndiwane ngwariro yavabereki vangu. Ndakarangarira kuti uyu [mwana] aizova chimwe chinhu chaigona kuva changu—hakuna munhu aigona kumutora uye ndaizova norutivi ruduku rwangu runosara rwaizondipa chikonzero chokurarama.”
Kupfuurirazve, gadziriro dzedzidzo yevatano hadzipi pwere nhungamiro yetsika. Nyika dzakadai seSweden neNetherlands, umo gadziriro dzakadaro dzinozivikanwa navose, dzingava napamuviri pashomanene pevechiduku asi utere hwakapararira. Kungagona kuva here kuti, mukuwedzera kukuva napamuviri, utere hunowana kuvadziko dzakakomba dzendangariro, tsika, uye dzomuviri? Kana zvakadaro, pane chikonzero chakasimba here chokukurudzira, kwete kudzivisa kunamba pamuviri, asi rucheno? Mumhinduro, ngatirangarirei izvo bhuku rekaresa riripo—Bhaibheri—rinotaura paiyi nhau.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
“Vasikana vezera rechikoro avo vanova napamuviri vanobva mumapoka ose efambidzano neomugariro wemari uye muzvikoro zvose zviri zviviri zvehurumende nezvavanhu. Marudzi ose, marudzidziso ose, uye mativi ose enyika, oruwa neomudhorobha, anomirirwa.”—The journal Adolescence.