RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 4/1 p. 32
  • Kuapotserei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuapotserei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 4/1 p. 32

Kuapotserei?

Akamira mumutsetse mubhangi reguta reNew York zhezha rapfuura, mumwe mukadzi wezera rapakati akacherechedza kuti murume aiva pamberi pake akanga achirava magazini yeNharireyomurindi. Iye aidisa chose kurava nyaya yaiva mairi pamusoro pomunyengetero, naizvozvo akanyora musi wechinyorwa chacho.

Mazuva mashomanene gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvakashanya pamusha pake, uye iye akabvunza, kuti: “Ko mune zvinyorwa zvaJuly zveNharireyomurindi here? Pashure pokuziva chikonzero nei iye aifarira magazini yakati, mumwe weZvapupu akati: “Nzira yakanakisisa yokusapotsa zvinyorwa zvipi nezvipi zvinofadza kuzvinyoresa.”

“Handaiziva kuti waigona!” mukadzi akadaro. Apo akaudzwa kuti kuzvinyoresa kwegore kwakanga kuri $8,00, iye akapindura, kuti: “Mune chokwadi here? $8,00 bedzi nokuda kwegore rose?” Apo akapikirwa kuti kwakanga, iye akada kwete bedzi Nharireyomurindi asi magazini biyayo Awake! “Mune chokwadi chokuti ndinogona kuwana magazini ose ari maviri nokuda kwe$16,00 chete here?” iye akabvunza zvakare.

Mukadzi wacho akafadzwa nokuita kuti Chapupu chimunyorese. Iwewo unogona kuva namagazini eNharireyomurindi naMukai! (muchiNgezi) anounzwa pamusha pako. Ingotumira bedzi $16,00, uye uchagamuchira magazini iwawa ose ari maviri (makopi mana pamwedzi) kwegore rimwe.

Ndapota tumirai kuzvinyoresa kwegore nokuda kweNharireyomurindi naMukai! muchiNgezi. Ndinopfigira $16,00.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe