RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 3/15 pp. 22-23
  • Kuzivisa Zvokwadi MuAustrian Alps

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzivisa Zvokwadi MuAustrian Alps
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Kuvambira Pamavambo Maduku
  • “Kuvaka Bheteri Yedu”
  • Yakashongedzerwa Kumwe Kuwedzera
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 3/15 pp. 22-23

Kuzivisa Zvokwadi MuAustrian Alps

AUSTRIA yakakurumbira nenzira yakarurama nokuda kwamapani ayo amaalps, Vienna Woods, uye Danube webhuruu akaisvonaka. Izvozvi nezvimwe zviono zvinosanozivikanwa zvinokwezva vashanyi vanobva munyika yose vanouya kuiyi nyika duku iri pakati peEurope.

Pakakwirira pomwaka wavashanyi August apfuura, rimwe boka ravashanyi vanodokusvika zana rimwe vakabva kunyika dzokumwe 17 rakauya kuzoona chimwe chinhu chakasiana chose chose. Ivo vakauya kuVienna kuzopinda kutsaurirwa kwehofisi yebazu itsva yeWatch Tower Society, iyo inotungamirira basa rokuparidzira Umambo reZvapupu zvaJehovha muAustria.

Kuvambira Pamavambo Maduku

Hofisi yebazu yokutanga yeSosaiti muAustria yakatangwa muVienna muna 1923. Iwayo akanga ari makore asingasviki gumi pashure peshanyo yokutanga pavazvinyoresi vana veNharireyomurindi muguta iroro. Pakasvika nguva iyeyo, chiverengero chavazivisi voUmambo chakanga chakura kusvika pavanenge zana rimwe. Ipapo kwakauya Hondo yeNyika II nokutapa kweNazi, nhambo yemiedzo yakakomba nenhamo nokuda kwehama dzakatendeka. Asi idzo dzakatsungirira, uye pakasvika mugumo wehondo, mapoka adzo akanga akura kupfuura 700.

Kutarisira basa riri kukura, chivako paGallgasse 44 chakatengwa muna 1957. Mumakore ose apfuura, chinjo dzinoverengeka dzakaitwa kuchivako chacho kuwanira nzvimbo kukura kwakatsiga kwebasa roUmambo munyikamo. Pakasvika 1973 chiverengero chavaparidzi voUmambo chakapfuura 10 000. Nokudaro, mukuvamba kwama 1980, mapurani akaitwa nokuda kwokukura. Dziviso dzapamutemo dzakabviswa pakupedzisira, uye nzvimbo iri pedyo nebazu yakatengwa. Muna March 1983 femu yokunze yakatanga padandira. Pashure paikoko, hama dzakatora ndokupedza chivako chacho.

“Kuvaka Bheteri Yedu”

Zvapupu zvakabva mumativi ose eAustria zvakazvipira nokuda kwebasa. “Tiri kuvaka Bheteri yedu” ndiko kwaiva kutaura. Idzo dzakauya mumotokari namabhazi, kusvikira ku 190 pakupera kumwe kwevhiki. Kwakarangarirwa kuti mumwe muvaparidzi vashanu vari vose vomunyika akava negoverano mubasa. Vamwe vaiva nyanzvi—vanyori vamapurani edzimba, vagadziri vepombi, uye zvichingodaro. Vamwe vakagovera zvivakiso kana kuti vakapa nzvimbo dzavo dzokushandira kuti dzishandiswe. Vamwe vakatosiya mabasa avo ndokuuya kuzoshanda nokuda kwenhambo yose yokuvaka.

Imwe hama yakapedzera rutivi rwezororo rayo panzvimbo yokuvaka yakanyora, ichiti: “Ndingada kukutendai zvakare nokuda kwevhiki rinoshamisa rezororo. Kwakanga kwakafanana nokuva pachitsuwa chakanyarara chakapoteredzwa negungwa rakapirutswa ravanhu. Kwakanga kuchishamisa kufarikanya zorodzo yakadaro yomuviri neyomudzimu pasina ndyiko.” Kunyange vaduku vakava negoverano. Ane makore masere okukura akanyora, kuti: “Ndakanzwa kuti munoda mari yokuvaka Bheteri. Ndingada kukutumirai imwe yemari yandakachengeta. Ndinopfigira mashereni 200 [inenge $16, U.S.] netsamba ino.” Vamwe vakabika chingwa kana kuti vakanhonga mabheri uye vakagadzira zvinwiwa zvavazvipiri. Vaparidzi vomuungano 36 muVienna vakagovera donhodzo Chitanhatu chiri chose munhambo yose yokuvaka.

Yakashongedzerwa Kumwe Kuwedzera

Nokuvandudzwa kwechivako chapakuvamba uye wedzero yezvivako zvitsva zvakapoteredza, nzvimbo yebazu zvino yakura nakanopfuura katatu kupfuura kare, nenzvimbo youriri yamafiti akaenzana pamativi mana 58 000. Nzvimbo yacho inobatanidza kamuri 38, horo yokudyira yavanhu 80, kicheni itsva, uye randuri. Horo yoUmambo itsva iri seri zvakananga kwechivako chapakuvamba. Hofisi dzinotungamirira namamwe mapato akasiana-siana zvasara zvezvivako.

August 22, 1987, akanga ari zuva retsaurirwo yenzvimbo itsva yebazu. Pakati pavashanyi 282 pakanga pane vanenge vashanyi vane zana rimwe vakabva kumapazu eEurope 16 nomumwe akabva Korea. Vaivapowo vakanga vari vekare vanenge 100 veAustria avo vakanga vapukunyuka miedzo yeHondo yeNyika II. Mukurusa pakati pavo akanga ari Maria Hack ane makore 102 okukura akabva Graz. Vateereri vavanhu 6 810 mudzimwe nzvimbo nomwe vakanzwawo purogiramu yetsauriro kupfurikidza norunhare.

Vakurukuri vakuru papurogiramu yetsauriro vakabatanidza T. Jaracz naM. G. Henschel voMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Achitaura pamusoro pomusoro unoti “Mapazu Anobereka Zvibereko Kumbiri yaJehovha,” Hama Jaracz akashandisa Johane 15:2, 8 kuratidza kuti ‘mapazu’ anobatira kumbiri yaJehovha paanobereka zvakawanda. Nzvimbo itsva yebazu ichagovera zvakawanda kukubereka zvibereko kumbiri yaJehovha.

Muhurukuro yetsauriro, Hama Henschel akasimbisa kuti Jehovha ndiMwari wedonzo. Iye haana kungozivisa bedzi donzo rake pachine nguva mberi asi akaratidzirawo kuti iye ane simba rokuriita. Pasinei zvapo nechishoro chaSatani, isu tinogona kuva nechivimbo chokuti donzo raMwari richazadzikwa.

Sezvo purogiramu yakasvika kumugumo, vose vaivapo vakanzwa vakurudzirwa kupfuuridzira mberi basa rokuparidzira nesimba rakamutsidzirwa. Nenzira yakajeka, nzvimbo itsva yakaisvonaka ichashongedzera Zvapupu zveAustria kuti zvizivise mashoko akanaka oUmambo kuukuru hunotova hukuru zvikuru muiyi nyika yamaalps, kumbiri nerumbidzwo zvoMusiki Mukuru Jehovha.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Chivako chitsva, chichionwa uri mubindu

Horo yoUmambo

Suo guru

Chivako chitsva, nechivako chakavandudzwa kurudyi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe