RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 3/15 p. 21
  • Pamberi, Imi Zvapupu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pamberi, Imi Zvapupu!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Mufaro Wakadini Kugara Patafura yaJehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Nziyo Itsva Dzekushandisa Pakunamata!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Uyai Tiimbe Rwiyo rweUmambo!
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 3/15 p. 21

Pamberi, Imi Zvapupu!

“Vakasimba nokutsunga munguva ino yomugumo,/Vakagadzirira ndivo vabatiri vaMwari kudzivirira mashoko akanaka./Kunyange zvazvo Satani akavadzivisa,/Musimba raMwari ivo vanopfuurira vasingadziviswi.”

Iyi mitsetse yokutanga yorwiyo nhamba 29 mubhuku renziyo reZvapupu zvaJehovha, Sing Praises to Jehovah. Kunzwisisa kwako rwiyo urwu kungakudzwa nokuziva kuti rwiyo rwacho rwakarongwa mumusasa wechibharo muNazi Germany. Misi ichangobva kupfuura iyi, vashandi 500 vemhuri yeBheteri yeGermany muSelters vakateerera kurukurirano yakatepwa nomurongi worwiyo, Erich Frost, uyo akashuma zvinotevera:

“‘Pamberi, Imi Zvapupu!’—ichi ndicho chakanga chiri chishuvo chomwoyo wedu kunyange panguva iyeyo, kunyange zvazvo takanga tichiita basa rakaoma mumusasa wechibharo. Ndangariro yomurongi inoimba nguva dzose nziyo dzakasiana-siana, naizvozvo rwiyo rwacho rwakanga rwave rwuri mumusoro mangu nguva refu. Boka rebasa randaiva waro, rakanga rakaumbwa neZvapupu 40, raiva nokufora kwehafu yeawa zuva riri rose richienda kunorasirwa tsvina kunze kwomusasa. Tichienda mamwe mangwanani, mufungo wakauya kwandiri: ‘Yava nguva yokunyora rwiyo rwangu, kuitira kuti rugogona kuimbwa,’ uye nokukurumidza ndima yokutanga yakatanga kuva nechimiro mundangariro mangu.

“Basa rangu rakanga riri rokutakura gomo revhu nebhara kwedaro ramamita 30. Kutaura mukati mebasa kwairambidzwa chose. Zvisinei, ndichisarudza nguva yakarurama, ndakakumbira pachivande imwe hama yaishanda pedyo kana iyo yaiva neyeuko yakanaka. Iyo yakati hungu, naizvozvo ndakaronzesa ndima yokutanga kwairi. Pashure peawa, ndakabvunza imwe hama, gare gare yechitatu, uye ipapo yechina. Imwe neimwe yakakumbirwa kudzidza ndima imwe nomusoro.

“Tadzokera mumusasa madekwana iwayo, vana vakadzokorora ndima kwandiri, mumwe pashure pomumwe. Nokudaro, ndakagona kuwedzera mashoko kumanotsi. SS ingadai isina kusvika kure kudai bedzi manotsi akanga awanikwa nayo. Asi zvino mugariro wacho wakanga wava une ngozi zvikuru. Kudai ivo vakandibata ndine nziyo dzacho, vangadai vakanditurika. Ndaigona sei kuvanza rwiyo rwacho?

“Hama yakwegura yaifanira kutarisira chitevere kunze kwomusasa uko vamwe veSS vaichengeta mbira dzavo. Muichi chitevere, iyo yakawana nzvimbo yokuvanza zvinokosha chaizvoizvo zvomudzimu—zvinyorwa zvakakwana zveNharireyomurindi uye rimwe kana kuti maviri amabhuku eSosaiti. Iyi hama yakapinza upenyu hwayo mungozi kupfurikidza nokuverevedzera zvinhu zvakadaro mumusasa, nokudaro ichitigovera mashoko efundo. Muno iyo yakavanza rwiyo rwangu. Rimwe zuva yakati: ‘Erich, rwiyo rwako rwava munzira. Ndakawana mumwe munhu akarwutumira kuSwitzerland.’ Ndakatura mafemo.

“Hama dzeSwitzerland dzakarwutumira kuBrooklyn, umo rwakapinda mumaoko oMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Mitsetse yangu isina kuitwa zvakanaka yakashandurwa kuva ndima nhatu dzinoshamisa. Ndakafara zvikuru apo gare gare ndakawana rwiyo urwu rwuri mubhuku idzva renziyo reZvapupu zvaJehovha.a Nhasi, zvino sorwiyo nhamba 29, rwunongonyandura Zvapupu zvose kumira zvakasimba nokuda kwaJehovha nezvokwadi!”

[Mashoko Omuzasi]

a Rwakaimbwa kwenguva yokutanga muUnited States neboka ravaimbi ravadzidzi vekirasi yechi 11 yeWatchtower Bible School of Gilead sorutivi rwepurogiramu yavo yokupedza kufunda, August 1, 1948.

[Bhokisi riri papeji 21]

Erich Frost akapedza nzira yake yapasi pana October 30, 1987, pazera re 86. Akaberekwa pana December 22, 1900, iye akabhapatidzwa pana March 4, 1923, uye akapinda muushumiri hwenguva yakazara muna 1928. Muna 1936 akaitwa kuti atarisire basa repasi pevhu rezvapupu zvaitambudzwa zvaJehovha muGermany, achisanotarisira mugove iwoyo kwemwedzi misere kutozosvikira iye apinzwa mumusasa wechibharo. Pashure pehondo, kuvambira muna 1945 kusvikira kuna 1955, iye akabatira somutariri wehofisi yebazu yeWatch Tower Society muGermany. (Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, April 15, 1961, mapeji 244-9.) Pashure paikoko, iye akapfuurira kubatira Jehovha nokutendeka. Mwari haasati achikanganwa basa ramaKristu akazodzwa akadaro kana kuti rudo rwaanoratidza nokuda kwezita rake.—VaHebheru 6:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe